RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g91 4/8 pp. 7-11
  • “Nguva Yokuporesa”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Nguva Yokuporesa”
  • Mukai!—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzvinyiriro—Parapatiko Mundangariro
  • Ukoshi Hwokubvuma
  • Kuwana Tsigiro
  • Kubvisa Kuva Nemhaka Nenyadzi
  • Kugamuchira Vabereki Vako
  • Kunaya Kwomudzimu
  • Kuvadziko Dzakavanzika Dzendangariro Dzokubatwa Zvisina Kufanira Kwavana
    Mukai!—1991
  • Dziviriro Mumusha
    Mukai!—1993
  • Mifungo Isina Kururama Inozivikanwa Navose
    Mukai!—1993
  • Rudo Nekubata Vamwe Zvakanaka Munyika Ine Uipi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Mukai!—1991
g91 4/8 pp. 7-11

“Nguva Yokuporesa”

Ann akanga ari mubetseri womunhu wose; mununuri womunhu upi noupi ane chinetso. Akaterama uye asina chaangapomerwa muchitarisiko, aisatongoratidzira kuva nekuvadziko dzakavanzika dzendangariro, kutozosvikira rimwe zuva raakavamba kuyeuka. “Ndakanga ndiri kubasa,” anoyeuka kudaro Ann, “uye ndakatanga kunzwa marwadzo nokunzwa kukuru kwenyadzi. Ndaisatongogona kumira! Ndakatambura kwamazuva. Ipapo ndakayeuka baba vangu nokuna mai vachindibata zvisina kururama—zvomenemene, kwakanga kuri kubata chibharo. Uye yakanga isati ichingova nguva imwe bedzi.”

PANE “nguva yokuporesa.” (Muparidzi 3:3) Uye nokuda kwavananyajambwa vazhinji vokubatwa zvisina kufanira muuhwana—kufanana naAnn—kuyeukwa kweyeuko dzakavanzwa kwenguva refu rutivi runokosha rwomuitiro unoporesa.

Kunyange zvakadaro, munhu upi noupi angagona sei kukanganwa chimwe chinhu chinokuvadza chakadai sedenho yevatano? Rangarira kuti mwana anova asina maturo sei mukurwisana nezvikarakadziro zvevatano zvababa kana kuti zvomumwe mukuru ane simba. Haangagoni kutiza. Haangatsungi kuzhamba. Uye haangatsungi kuzivisa—munhu upi noupi! Bva, angatofanira kuona mubati zvisina kufanira wake zuva riri rose uye kuita sokunge kuti hapana chinhu chakaitika. Kuchengeta nyepedzero yakadaro kungava kunoomera mukuru; hakutongobviriri mwana. Naizvozvo anoshandisa fungidziro hombe iyo vana vanoberekwa nayo ndokupukunyuka mundangariro! Anonyepedzera kuti kubatwa zvisina kufanira hakuna kuitika, achidzima kana kuti achigomadza pfungwa dzake kwakuri.

Zvamazvirokwazvo, panguva nenguva, isu tose tinodzivisa zvinhu zvatisingadi kuona kana kuti kunzwa. (Enzanisa naJeremia 5:21.) Asi vananyajambwa vokubatwa zvisina kufanira vanoshandisa aya mano somutoo wokupukunyuka nawo. Vamwe vananyajambwa vanoshuma, kuti: “Ndainyepedzera kuti kwakanga kuchiitika kune mumwe munhuwo zvake uye ini ndaingova bedzi muoni.” “Ndainyepedzera kuti ndakanga ndirere.” “Ndaiita zvinetso zvangu zvamasvomu mundangariro mangu.”—Strong at the Broken Places, rakanyorwa naLinda T. Sanford.

Ipapoka, nomutoo usingashamisi, bhuku rinonzi Surviving Child Sexual Abuse rinoti: “Kunokarakadzwa kuti kusvikira ku 50 muzana yavapukunyuki vokubatwa zvisina kufanira kwavana muvatano haizivi nezveizvi zvinoitika.” Kunyange zvakadaro, vamwe vangayeuka kubatwa zvisina kufanira kumene asi vachidzivisa kunzwa kwakabatana nakwo—kurwadziwa, kutsamwa, kunyara.

Dzvinyiriro—Parapatiko Mundangariro

Ipapoka, hakusati kwakanakisisa here kuti izvi zvinhu zvirambe zvakavanzika—kuti vanyajambwa vangozvikanganwa bedzi? Vamwe vangasanosarudza kuita kudaro. Vamwe havatongogoni. Kuri sokureva kunoita Jobho 9:27, 28, kuti: “Kana ndikanyemwerera ndokuedza kukanganwa marwadzo angu, kutambura kwangu kwose kunodzokera kuzondinetsa.” (Today’s English Version) Dzvinyiriro yeyeuko dzinotyisa inhamburiko inonetesa yendangariro, mutambo mukuru wokuparapatika ungatova nemiuyo yakakomba yougwinyi.

Nyajambwa zvaanokura, dzvinyiriro dzoupenyu dzinowanzonetesa mano ake okudzvinyirira zvomunguva yakapfuura. Kunhuwira kwechizoro, chiso chinotarira chakarovedzeka, mutsindo unotyisa, kana kuti kunyange kunzverwa nachiremba kana kuti chiremba wamazino kunganyandura denho yokutya yeyeuko uye kunzwa.a Haafaniri kungoita bedzi nhamburiko dzokushingaira dzokukanganwa here? Papfundo rino vanyajambwa vazhinji vanowana nyaradzo mukuedza kuyeuka! Anodaro mukadzi anonzi Jill: ‘Kana yeuko dzangobudiswa bedzi, dzinoshaiwa simba radzo. Kudziita kuti dzirambe dzirimo kunorwadza zvikuru uye kune ngozi kupinda kudzibvisa.’

Ukoshi Hwokubvuma

Neiko kuchidaro? Chimwe chikonzero ndechokuti, kuyeuka kunobvumira nyajambwa kusuruvara. Kusuruvara ndiko kuita kwomuzvarirwo kukuvadziko; kunotibetsera kunaya ndokupfuurira kurarama. (Muparidzi 3:4; 7:1-3) Nyajambwa wokubatwa zvisina kufanira, kunyange zvakadaro, akanyimwa kusuruvara kwake, akagombedzerwa kuramba chinoitika chake chinotyisa, kwakaitwa kuti kudzvinyirire marwadzo ake. Dzvinyiriro yakadaro ingaparira icho vanachiremba vanoidza kuti vhiringidziko yedzvinyiriro yapashure pekuvadziko—mugariro wakagomara usina chose chose kunzwa.—Enzanisa nePisarema 143:3, 4.

Yeuko zvadzinotanga kudzokera, nyajambwa angabvisa chose chose mubati zvisina kufanira. Vamwe vanyajambwa vanotodzokera kumugariro wakafanana nowomwana kwechinguvana. “Apo chiono chechinoitika chakapfuura chinooneka,” anoyeuka kudaro Jill, “ndinowanzova nezviratidzo chaizvo. Padzimwe nguva yeuko dzinodzvinyirira zvikuru, ndinonzwa kuti ndiri kusundirwa kuupengo.” Hasha dzomuuhwana dzakadzvinyirirwa kwenguva refu zvino dzingabuda kamwe kamwe. “Kuyeuka kunondipinza mukupera mwoyo uye kutsamwa,” anodaro Sheila. Asi muiyi migariro yechienzi, kutsamwa kwakakodzera. Uri kusuruvara, uchiratidzira hasha dzakarurama dzakapfigirwa! Une maruramiro okuvenga zviito zvakaipa zvakaitwa kurwisana newe.—VaRoma 12:9.

Mumwe nyajambwa wokubatwa zvisina kufanira, anoti: “Apo ini ndakanga ndichikwanisa kuyeuka chaizvoizvo, ndakanga ndine kunzwa kwenyaradzo . . . Zvisinei zvino ndinoziva kuti chii chandakanga ndichibata nacho. Sezvakwakanga kwakandiomera kuyeuka, kwakandidzorera kurutivi rwoupenyu hwangu rwakanga rwava rwakakatyamadzwa nokuti rwakanga rwusingazivikanwi zvikuru uye rwakavanzika.”—The Right to Innocence.

Kuyeuka kungabetserawo nyajambwa kusvika pachisakiso chezvimwe zvezvinetso zvake. “Ndaigaroziva kuti ndakanga ndichizvivenga zvikuru uye ndine hasha asi ndakanga ndisingazivi chikonzero nei,” anodaro mumwe nyajambwa wevatano yehama yokunyama. Kuyeuka kunobetsera vazhinji kuziva kuti chakaitika chakanga chisiri mhaka yavo, kuti ivo vakaitwa vanyajambwa.

Chokwadika, handi vose vanoyeuka kubatwa kwavo zvisina kufanira nomutoo unobudirira kana kuti wakajeka savamwe. Uye vapi zano vazhinjisa vanobvuma kuti hakusi madikanwa kuyeuka udzame huri hwose hwokubatwa kwako zvisina kufanira kuti upore pamiuyo yakwo. Kungobvuma bedzi kuti kubatwa zvisina kufanira kwakaitika kunogona kuva nhau huru yokunaya.—Ona bhokisi riri papeji 9.

Kuwana Tsigiro

Kana uri nyajambwa wokubatwa zvisina kufanira muvatano muuhwana, tsungirira pachako yeuko dzinodzokera. Kukurukura kunzwa kwako kunobetsera. (Enzanisa naJobho 10:1; 32:20.) Vamwe vanonyanyotambudzika vangasarudza havo kutsvaka betsero yachiremba anokwaniriswa, mupi zano, kana kuti chiremba woutano hwendangariro. Muchinoitika chipi kana chipi, shamwari inovimbwa nayo, mukwanyina weroorano, mitezo yemhuri, kana kuti vatariri vechiKristu avo vachateerera nokunzwira tsitsi noruremekedzo vanogonawo kuva vatsigiri vanokosha.b “Betsero yangu hurusa yave iri shamwari yangu yakanakisisa, Julie,” anodaro Janet. “Akandibvumidza kutaura ndataurazve pamusoro peyeuko. Anondibvumidza kunzwa mirangariro yakava muuyo. Anoteerera uye anodavidza nenzwisiso.”

Kuvimba ibasa rine ngozi, uye unganzwa usina kufanira kugamuchira betsero yomumwe munhu—kana kuti kuva anonyanyonyara zvokusagona kutaura pamusoro pokubatwa kwako zvisina kufanira. Asi shamwari yechokwadi ino“berekerwa kuti ibatsire pakutambudzika” uye ingasanopa betsero inokosha panhambo yacho kana ukaipa banza. (Zvirevo 17:17) Kunyange zvakadaro, iva anosarudza pane waunovimba naye. Dzidza kuzivisa zvinetso zvako pashoma napashoma. Kana shamwari ikabvumikisa kuva inonzwira tsitsi neyakachenjera, ipapo ungaedza kuzivisa mashoko akawanda.

Kunobetserawo kuzvitarisira iwe umene munyama. Wana zororo rakanaka. Rovedza muviri nomutoo une mwero. Chengeta zvokudya zvine utano. Kana kuchibvira, pfavisa upenyu hwako. Inzwa wakasununguka kuchema. Marwadzo angaratidzika kuva asingagumi, asi pashure penguva yakati achaderera. Yeuka: Wakararama nomukubatwa zvisina kufanira somwana asina maturo—ndokupfuurira kurarama! Somunhu akura, une mano nesimba zvawakanga usina shure pawaiveri mwana. (Enzanisa na 1 VaKorinte 13:11.) Naizvozvo nangana neyeuko dzako dzinorwadza ndokudzidzivisa pakukutapura. Tsamira pana Mwari nokuda kwesimba. Wezvamapisarema akati: “Pasinei hapo noukuru hwokufunganya kwomwoyo wangu, nyaradzo dzenyu dzinondiporesa.”—Pisarema 94:19, The New Jerusalem Bible.

Kubvisa Kuva Nemhaka Nenyadzi

Kugumisa kuzvipa mhaka nderimwe basa rinokosha rokunaya. “Kunyange zvino kwakandiomera kufunga kuti ndakanga ndisina mhaka,” anodaro nyajambwa anonzi Reba. “Ndinobvunza kuti, neiko ndisina kumudzivisa?”

Kunyange zvakadaro, rangarira kuti vabati zvisina kufanira vanoshandisa nzira dzakashata zvikurusa dzemanikidziro: chiremera (‘Ndini baba vako!’), tyisidziro (‘Ndinokuuraya kana ukataura!’), simba rokunyama routsinye uye kunyange kuva nemhaka (‘Kana ukataura, Baba vachaenda kujeri.’). Nomutoo wakasiana, vamwe vanoshandisa nyengetedzo yakapfava kana kuti zvipo nepfumbamuromo. Vamwe vanokwenengera vatano somutambo kana kuti chidakadaka chomubereki. “Iye akataura kuti izvi ndizvo zvinoita vanhu apo ivo vanodanana,” anoyeuka kudaro mumwe nyajambwa. Ko mwana muduku angadzivisa sei ugororo hwakadaro hwenyengedzo yorudo nechengedzo? (Enzanisa naVaEfeso 4:14.) Hungu, mubati zvisina kufanira nomutoo wokusaitira hanya anoshandisa idi rokuti vana havana maturo, vanotapurika, “vana pamusoro paushati.”—1 VaKorinte 14:20, NW.

Zvimwe, ipapoka, unoda kuzviyeuchidza umene kuti waiva chaizvoizvo anotapurika naasina maturo sei somwana. Ungaedza kupedza nguva uina vana vaduku kana kuti kutarira mifananidzo youhwana yako umene. Shamwari dzinotsigira dzinogonawo kubetsera kupfurikidza nokukuyeuchidza nguva dzose kuti kubatwa zvisina kufanira kwakanga kusiri mhaka yako.

Kunyanguvezvo, mumwe mukadzi, akati: “Ndinosemburwa pandinoyeuka kunzwa uko baba vangu vakanyandura mandiri.” Vamwe vanyajambwa (58 muzana munzvero imwe) vanoyeuka vachinzwa nyanduko yevatano mukati mokubatwa zvisina kururama. Nomutoo unonzwisisika, ikoku kunovaparira nyadzi huru. Zvisinei, bhuku rinonzi Surviving Child Sexual Abuse rinotiyeuchidza, kuti “nyanduko yokunyama [i]nongova bedzi [kuita] kunongoerekana kwaitika kwomuviri pakubatwa kana kuti kunyandurwa mudzimwe nzira” uye kuti mwana “haana udzori pane iyi nyanduko.” Mubati zvisina kufanira iye oga nenzira iyeyo anova nomutoro uzere nokuda kweicho chinoitika. YAKANGA ISATI IRI MHAKA YAKO!

Nyaradzwawo, nokuziva kuti Mwari anokurangarira se“asina chaangapomerwa uye asina mhaka” munhauyo. (VaFiripi 2:15, NW) Pashure penguva yakati kuchidziro ipi neipi yokupinda mumuitiro wokuzviparadza ingaderera, uye unogona kudzidza kuchengeta nyama yako umene.—Enzanisa naVaEfeso 5:29.

Kugamuchira Vabereki Vako

Ikoku kungabvumikisa kuva rimwe ramabasa akaoma zvikurusa okunaya. Vamwe vanopfuurira kufufutirwa nehasha, fungidziro dzokutsiva—kana kuti kuva nemhaka. Mumwe nyajambwa wokubatwa zvisina kufanira akati: “Ndinopera mwoyo nokuti Jehovha anondikarira kukanganwira mubati zvisina kururama wangu, uye handigoni.” Kune rumwe rutivi, ungararama mukutya kukuru mubati zvisina kufanira wako. Kana kuti ungava nemifungo youtsinye kuna amai vako kana ivo vakafuratira kubatwa zvisina kufanira kana kuti vakaramba kana kuti vakashatirwa apo kubatwa zvisina kufanira kwakaziviswa. “Amai vangu vakandiudza kuti ndaitofanira kushivirira [baba vangu],” anoyeuka kudaro mumwe mukadzi nomutoo wakakasharara.

Kunongova bedzi kwomuzvariro kunzwa hasha apo mumwe munhu anenge atambura kubatwa zvisina kufanira. Kunyanguvezvo, zvisungo zvinosunga mhuri zvinogona kuva zvakasimba, uye ungave usingadi kugura onano yose navabereki vako. Ungatove uchidisa kurangarira yananisiro. Kunyange zvakadaro, zvizhinji zvingatsamira pamigariro. Vanyajambwa padzimwe nguva vanokombamira kuregerera vabereki vavo chose chose—vasati vachipembedza kubatwa zvisina kufanira, asi vachiramba kupedzwa nepfundepfunde kana kuti kudzorwa nokutya. Vachisarudza kudzivisa nangano yehasha, vamwe vanogutsikana no‘kutaura kwavo mumwoyo mavo’ ndokukukanganwa.—Pisarema 4:4.

Zvisinei, unganzwa kuti nhau dzinogona kupedzwa bedzi kupfurikidza nokunangana navabereki vako nomubati zvisina kufanira—iwe pachako, kupfurikidza norunhare, kana kuti kupfurikidza netsamba. (Enzanisa naMateo 18:15.) Kana zvakadaro, iva nechokwadi chokuva anonaya zvakakwana—kana kuti zvimwe kuva netsigiro yakakwana—kudzivisa kuva nehasha kungabuda. Sezvo zvishoma zvichaitwa kupfurikidza nokupopotedzana, edza kuva akatsiga asi akaterama. (Zvirevo 29:11) Ungapfuurira kupfurikidza nokutaura (1) chakaitika, (2) matapurire achakakuita, uye (3) chaunokarira kwavari zvino (zvakadai sokukumbira ruregerero, kuripira sitatimendi dzachiremba, kana kuti chinjo mumufambiro). Pakutanga pamene, kuzivisa chinetso chacho kungabetsera kubvisa mirangariro ipi neipi inosaririra yausina simba pairi. Uye kungangokubvirisira ukama hutsva navabereki vako.

Somuenzaniso, baba vako vangabvuma kubata zvisina kufanira, vachiratidzira kunzwa urombo zvikuru. Vangave vakaitawo nhamburiko dzapachokwadi dzokuchinja, zvimwe kupfurikidza nokurapwa nokuda kwokupindwa muropa nezvinwiwa zvinodhakisa kana kuti kupfurikidza nokuronda fundo yeBhaibheri. Amai vako nenzira imwe cheteyo vangakumbira ruregerero rwako nokuda kwokuve kwavo vakakundikana kukutaviridzira. Padzimwe nguva yananisiro izere ingavapo. Zvisinei, usashamisika kana uchiri kupanikira pamusoro pavabereki vako uye sarudza kusachimbidzikira kupinda muukama hwapedyo navo. Kunyange zvakadaro, pakutanga pamene ungakwanisa kutangazve kubata kune mufungo nemhuri.

Mune kumwe kurangarira, kunangana kunganyandura kuramba kukuru uye kutuka kunoparirwa nomubati zvisina kururama nemimwe mitezo yemhuri. Zvakatoipisisa, ungawana kuti achiri tyisidziro kwauri. Kanganwiro ipapo ingava isina kukodzera, ukama hwapedyo hungava husingabviri.—Enzanisa nePisarema 139:21.

Muchinoitika chipi kana chipi, kungada nguva yakati kunzwa kwako kwokukuvadzika kusati kwaderera. Ungada kuzviyeuchidza umene wazviyeuchidzazve kuti ruramisiro yokupedzisira ndeyaMwari. (VaRoma 12:19) Kutaurazve zvinhu nomuteereri anotsigira kana kuti kunyange kuratidzira kunzwa kwako mukunyora nenzira yakafanana kungakubetsera kukunzwisisa. Kupfurikidza nebetsero yaMwari unogona kukurira hasha dzako. Nguva zvainopfuura, kunzwa kwokukuvadzika hakusati kuchizodzorazve kufunga kwako.—Enzanisa nePisarema 119:133.

Kunaya Kwomudzimu

Nzvimbo haitibvumiri kuti tikurukure nhau dzose dzomurangariro, uye dzomuitiro, nedzomudzimu dzinobatanidzwa. Munhu anongodikanirwa bedzi kutaura kuti unogona kuita zvakawanda kupfavisa kunaya kwako kupfurikidza no“kushandura ndangariro yako” kupfurikidza nebetsero yeShoko raMwari. (VaRoma 12:2, NW) ‘Svasvavirira zvinhu zviri mberi,’ uchizadza upenyu hwako nemirangariro yomudzimu nemibato.—VaFiripi 3:13; 4:8, 9.

Somuenzaniso, vanyajambwa vokubatwa zvisina kufanira vazhinji vanowana nyaradzo huru nokungorava bedzi Mapisarema ose. Kunyange zvakadaro, kunyange betsero huru zvikuru dzinouya kupfurikidza nokushandisa nomutoo wokushingaira nheyo dzeBhaibheri. Mukufambira mberi kwenguva nhamo yeroorano inogona kupera. (VaEfeso 5:21-33) Muitiro unoparadza unogona kuguma. (1 VaKorinte 6:9-11) Kunzwa kwevatano kusina kunaka kunogona kupora. (Zvirevo 5:15-20; 1 VaKorinte 7:1-5) Unogonawo kudzidza dzikamo muukama hwako chaihwo ndokuvaka miganhu yetsika yakasimba.—VaFiripi 2:4; 1 VaTesaronika 4:11.

Unogona kuva nechokwadi: Kunaya kunoda tsungiriro chaiyo nenhamburiko hurusa! Kunyange zvakadaro Pisarema 126:5, (NW) rinotiita kuti tive nechokwadi, chokuti: “Avo vanodyara mbeu nemisodzi vachacheka kunyange nokudanidzira kwomufaro.” Yeukawo, kuti Mwari wechokwadi, Jehovha, anofarira garikano yako. Iye ari “pedyo naavo vakaputsika mwoyo; uye iye anoponesa avo vakapwanyika mumudzimu.” (Pisarema 34:18, NW) Mumwe nyajambwa wokubatwa zvisina kufanira anotaura, kuti: “Apo ini pakupedzisira ndakaziva kuti Jehovha akanga achiziva kunzwa kwangu kuri kwose uye kuti iye aiitira hanya—aiitira hanya chaizvoizvo—ipapo pakupedzisira ndakanzwa rugare mukati mangu.”

Mwari wedu worudo, Jehovha, anogovera runopfuura rugare rwendangariro. Iye anopikira nyika itsva yokururama, umo iye achabvisa yeuko iri yose yamarwadzo omuuhwana. (Zvakazarurwa 21:3, 4; onawo Isaya 65:17.) Iyi tariro inogona kukutsigira nokukusimbisa sezvaunoenderera mberi kukunaya zvikuru.

[Mashoko Omuzasi]

a Dzimwe yeuko dzinovamba kubuda kwadzo muchimiro chamarwadzo endangariro; dzimwe dziri muchimiro chokuona zviono zvingarangarirwa somubato wamadhemoni—kunzwika kwokuvhozhokera, kwakadai sokuzaruka kwamasuo; mimvuri inofamba nomumikova nomumafafitera; kunzwika kwokuvapo kwechinhu chisingaoneki muhuvato. Dambudziko rakadaro rinowanzoterama apo yeuko dzinobuda zvizere.

b Mashoko anokosha pamusoro pokubetsera vanyajambwa vokubatwa zvisina kufanira anowanwa pamapeji 25-29 muchinyorwa chamagazini yedu biyayo chaApril 1, 1984 cheNharireyomurindi. Tinorumbidza kuti vakuru vose veungano vanongedzere shure kuchinyorwa ichocho ndokusanopa ngwariro kumhaka dzipi nedzipi dzinounzwa kwavari.

[Bhokisi riri papeji 9]

Nzira Dzokunaya Nadzo

◻ Kuyeuka uye kubvuma kubatwa zvisina kufanira

◻ Kusuruvarira kubatwa zvisina kufanira

◻ Kutaura kunzwa kwako kumuteereri anotsigira

◻ Kukurira kunzwa kwokuva nemhaka nenyadzi

◻ Kuyanana navabereki vako

◻ Kushandisa nheyo dzeBhaibheri kuti uchinje muitiro unoparadza

◻ Kuporesa kunzwa kusina kunaka kwevatano

◻ Kukudziridza miganhu yomunhu oga neyetsika

◻ Kukudziridza ukama hwapedyo naMwari namaKristu biyako

[Bhokisi riri papeji 10]

Kuwanazve Yeuko

Yeuko dzinowanzobudiswa kwenhambo yamavhiki, mwedzi, kana kuti makore, imwe neimwe ichibudisa njodzi yechinguvana. The Right to Innocence rinoreva kuti padzimwe nguva “unganzwa sokunge kuti uri kupinganidzwa. Hausiri. Uri kuita zviri nani. Zvamazvirokwazvo, wawana simba riri madikanwa kuti unangane nokunzwa kukuru zvikuru, kunyange kunorwadza zvikuru uye kuziva.” Nechikonzero chakanaka, kunyange zvakadaro, kunaya kungava itiro hanya yechinguvana inomomotera zvikuru.—Zvirevo 18:14.

Vamwe vanyajambwa vokubatwa zvisina kufanira vanokuwana kuchibetsera kurava kana kuti kunzwa kutaura kwavamwe vanyajambwa. Kutarira mifananidzo yemhuri uye chinyorwa chomuuhwana, kushanyira nzvimbo dzavana, uye kutaura neshamwari dzinotsigira nemitezo yemhuri kunganyandurawo yeuko. Anobudirira zvikurukuru ndiwo mabasa okunyora. Vamwe vananyajambwa vanonyora zvose zvavanoyeuka zvenjodzi yavo mumagazini. Vamwe vanotaura kwose muudzame mutsamba inonyorerwa mubati zvisina kufanira wavo—iyo isati ichitumirwa—iyo inowanzonyandura dzimwe yeuko. Munyengeterowo mudziyo une simba wokunaya nawo. Sowezvamapisarema unogona kunyengetera, kuti: “Ndinzverei, Mwari, muzive mwoyo wangu; ndiidzei, muzive ndangariro dzangu; mutarire kana pane nzira yakaipa mandiri, mundifambise munzira isingaperi.”—Pisarema 139:23, 24.

[Mufananidzo uri papeji 8]

Kunangana nezvomunguva yakapfuura uye kuzviunganidza pamwe chete zvakare kunogona kuva nhano imwe inoparira kupora

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe