Upenyu Huri Nani—Nokukurumidza!
FUNGIDZIRA anofanozivisa mamiriro ekunze ane kufanozivisa kunodokugarova kwechokwadi. Kana akafanozivisa munhau dzamanheru kuti kuchanaya zuva rinotevera, hausati uchizengurira kutakura samburera rako apo unobva mumba mangwanani anotevera. Chinyorwa chake chomunguva yakapfuura chakaita kuti uve nechivimbo. Unoita chimwe chinhu nemhaka yezvaanotaura.
Zvino, chakavimbika sei chipikirwa chaJehovha choupenyu huri nani papasi reparadhiso? Eya, chinyorwa chake chekare chinoratidzirei? Kuzadzika kwouporofita hweBhaibheri kunosimbisa chinyorwa chaJehovha. Iye ndiMwari woururami nouchokwadi zvisingakundikani. (Joshua 23:14; Isaya 55:11) Zvipikirwa zvaJehovha Mwari zvakavimbika kwazvo zvokuti padzimwe nguva anotaura chaizvoizvo nezvezviitiko zvomunguva yemberi zvakapikirwa sokunge kuti zvakanga zvatoitika. Somuenzaniso, zvichitevera chipikirwa chake chenyika itsva mairi rufu nokuchema zvisingazovipozve, tinorava kuti: “Zvaitwa [zvikomborero zvakapikirwa].” Namamwe mashoko, “Ichokwadi!”—Zvakazarurwa 21:5, 6 (NW), mashoko omuzasi.
Hungu, kuzadzika kwezviporofita zvakapfuura zvaJehovha kunotipa chivimbo mukuzadzikwa kwechipikirwa chake choupenyu huri nani nokuda kworudzi rwomunhu. Asi upenyu uhwu huri nani huchauya rini?
Upenyu Huri Nani—Rini?
Upenyu huri nani zvikurusa huchauya nokukurumidza! Tinogona kuva nechokwadi chaikoko nemhaka yokuti Bhaibheri rinotaura kuti zvinhu zvakaipa zvakawanda zvaizoitika papasi nokukurumidza Paradhiso isati yaunza upenyu huri nani. Zvinhu zvakaipa izvozvo zviri kuitika zvino.
Somuenzaniso, Jesu Kristu akafanotaura kuti kwaizova nehondo huru. Akati: “Rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe.” (Mateo 24:7) Uporofita uhwu hwakava hwechokwadi. Mukati memakore a1914 kusvika ku1945, kwakanga kune hondo mbiri, uye idzodzi dzakateverwa nehondo dzakawanda madziri marudzi akarwisana. “Pahwaro hweavhareji yegore negore, nhamba yenzufu dzehondo munhambo iyoyi [chibviro cheHondo yeNyika II] yakapfuura nekanopeta kaviri nzufu dzomuzana ramakore rechi19 uye yakakura zvikuru nekanomwe kupfuura dzomuzana ramakore rechi18.”—World Military and Social Expenditures 1993.
Kupararira kwehosha ndihumwe ufakazi hwokuva pedyo kwoupenyu huri nani muParadhiso. Jesu akafanotaura kuti kwaizova ne‘nhenda munzvimbo dzakawanda.’ (Ruka 21:11) Uporofita ihwohwo hwakaitika here? Hungu. Mushure mehondo yenyika yokutanga, furuwenza yeSpain yakauraya vanhu vanopfuura mamiriyoni 20. Chibviro chenguva iyoyo, kenza, hosha yemwoyo, marariya, AIDS, uye kumwe kurwara kwakauraya mamiriyoni avanhu. Munyika dziri kubudirira, hosha dzinoparirwa nemvura yakasvibiswa (kubatanidza manyoka nokutapurwa namakonye muura) dzinouraya mamiriyoni avanhu gore riri rose.
Jesu akatiwo: “Nenzara dzichavapo.” (Mateo 24:7) Sezvacherechedzwa munyaya yatangireyi, varombo venyika havana zvokudya zvakakwana. Irworwu ndirumwe rutivi rwoufakazi hwokuti upenyu huri nani zvikurusa muParadhiso huchakurumidza kuuya.
“Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo,” akadaro Jesu. (Ruka 21:11) Ikokuwo kwazova kwechokwadi munguva yedu. Chibviro cha1914 kuparadza kwokudengenyeka kwapasi kunoparadza kwakauraya mazana ezviuru zvoupenyu.
Bhaibheri rinopfuurira kutaura kuti “mazuva okupedzisira” aizoratidzirwa nokuchinja kwavanhu. Vaizova “vanozvida” uye “vanoda mari,” uye vana vaizova “vasingateereri vabereki.” Vanhu vakawanda vaizova “vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari.” (2 Timotio 3:1-5) Haubvumi here kuti vakawanda vanokodzera iyi rondedzero?
Sezvo vanhu vakawanda zvikuru vanoita zvinhu zvakaipa, kune kuwedzera kwokusateerera mutemo. Ikokuwo kwakafanotaurwa. Maererano naMateo 24:12 (NW), Jesu akataura nezve“kuwedzera kwokusateerera mutemo.” Sezvingabvira uchabvuma kuti utsotsi hwazoipa zvikuru zvino kupfuura zvahwakanga huri makore akapfuura. Vanhu kwose kwose vanotya kuti vachabirwa, vachabiridzirwa, kana kuti vachakuvadzwa munzira yakati.
Hondo, hosha dzakapararira, kuperevedza kwezvokudya, kudengenyeka kwapasi, utsotsi hunowedzera, uye kuipisisa kwoukama hwavanhu—zvose izvozvi zvakajeka nhasi, kungofanana neizvo Bhaibheri rakafanotaura. ‘Asi zvinhu izvozvi hazvina kuitika here munhau yose yomunhu?’ ungabvunza kudaro. ‘Ndoupi uri musiyano pamusoro pezuva redu?’
Kune mativi anokosha zvikuru echiri kuitika nhasi. Bhaibheri haritauri kuti rutivi rwumwe rupi norupi, rwakadai sokuperevedza kwezvokudya, rwaizova rwuri rwoga chibvumikiso chokuti tiri munguva yomugumo uye kuti upenyu huri nani hwava pedyo. Uporofita hweBhaibheri pamusoro penguva yomugumo hwaizozadzika pamusoro pechizvarwa chisina umwari.—Mateo 24:34-39; Ruka 17:26, 27.
Zvakare, kunoshamisa zvikuru kuti mamwe mativi ouporofita hwaJesu—zvikurukuru ayo pamusoro peperevedzo dzezvokudya nehosha dzakapararira—ari kuva echokwadi nhasi. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti zviitwa zvesayenzi hazvina kutongova zvakakura zvikuru. Ruzivo rwezvokurapa nezvimiro zvokurapa hazvina kumbova zvakakwirira kana kuti zvakapararira zvikuru. Mwari bedzi ndiye aigona kuve akafanotaura muShoko rake, Bhaibheri, kuti panguva yakadaro, hosha nenzara zvaizoipa zvikuru, kwete kuva nani.
Sezvo uporofita hwose hweBhaibheri pamusoro penguva yomugumo, kana kuti “mazuva okupedzisira,” huri kuva hwechokwadi, tinogona kugumisei? Kuti upenyu huri nani hwava pedyo! Asi huchaitika sei?
Upenyu Huri Nani—Sei?
Unofunga here kuti vanhu vanogona kuparira Paradhiso? Munhau yose kusvikira kuzuva rino chairo, kwave kune marudzi akawanda ehurumende. Dzimwe dzakaedza zvakaoma zvikuru kugutsa zvinodikanwa zvavanhu. Bva, zvinetso zvakawanda zviri kuipa zvikuru. Mose muri muviri munyika dzakapfuma nedzine urombo, hurumende dzinotambura nokushandiswa kusina kufanira kwemirimo, dzimba dzisina kutsarukana, urombo, utsotsi, kushayika kwamabasa, uye hondo.
Kunyange kudai hurumende dzaigona kupedza zvimwe zvezvinetso, hadzaigona kupa rusununguko rwakakwana paugwinyi husina kutsarukana; uye hadzaigona kugumisa ukweguru norufu. Nenzira yakajeka, vanhu havasati vachizotongounzira pasi rino Paradhiso.
Bhaibheri rinoti nenzira yokuchenjera: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira.” Ipapoka, tinofanira kuvimba naani? Bhaibheri rinopindura, kuti: “Une mufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, unotarira kuna Jehovha Mwari wake.” (Pisarema 146:3, 5) Kana tikaisa tariro yedu muna Jehovha Mwari, hatisati tichizotongoodzwa mwoyo.
Zvirokwazvo Uyo ane uchenjeri nesimba zvokusika pasi, zuva, uye nyeredzi anogonawo kuita pasi paradhiso. Anogona kuita kuti vanhu vagone kufarikanya upenyu huri nani. Chinhu chipi kana chipi icho Jehovha Mwari anoda kuita, anogona uye anochipedza. Shoko rake rinoti: “Hakuna shoko raMwari richashayiwa simba.” (Ruka 1:37) Asi Mwari achaunza sei upenyu huri nani?
Jehovha achaunzira rudzi rwomunhu upenyu huri nani zvikurusa kupfurikidza noUmambo hwake. Uye Umambo hwaMwari chii? Ihurumende chaiyo ine Mutongi akagadzwa naMwari, Jesu Kristu. Umambo hwaMwari huri kudenga, asi huchakurumidza kuunza zvikomborero zvinoshamisa uye upenyu huri nani zvikuru kuvagari vepasi riri Paradhiso.—Isaya 9:6, 7.
Ungatove wakarovedzana nomunyengetero womuenzaniso waJesu, unowanika muBhaibheri pana Mateo 6:9-13. Rutivi rwomunyengetero iwoyo kuna Mwari runoti: “Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” Mutsinhirano nomunyengetero iwoyo, Umambo hwaMwari “hu[chauya]” kuzoita chinangwa chaJehovha Mwari nokuda kwapasi. Uye chinangwa chake kuti pasi rive paradhiso.
Mubvunzo mumwe wokupedzisira unomuka: Unofanira kuitei kuti ufarikanye upenyu huri nani muParadhiso iri kuuya?
Zvaunofanira Kuita
Jehovha Mwari anopa nenzira yorudo kariro youpenyu huri nani muParadhiso kuvose vanoita kuda kwake. Bhaibheri rinotiudza, kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Asi chii chinoita kuti munhu ave akarurama mumeso aMwari?
Kuti tifadze Jehovha tinofanira kudzidza zvakawanda pamusoro pezvaanoda kuti tiite. Kana tikapinza zivo yaMwari ndokuishandisa muupenyu hwedu, tinogona kurarama nokusingaperi. Mune mumwe munyengetero kuna Mwari, Jesu akati: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.”—Johane 17:3.
Bhuku rinotiudza pamusoro paJehovha Mwari naJesu Kristu iShoko raMwari, Bhaibheri. Ndichimwe chezvipo zvinokosha zvikurusa zvaJehovha. Bhaibheri rakafanana netsamba inobva kuna baba ane rudo ichienda kuvana vavo. Rinotiudza nezvechipikirwa chaMwari chokuunzira rudzi rwomunhu upenyu huri nani uye rinotiratidza nzira yatingahuwana nayo. Bhaibheri rinoita kuti tizive izvo Mwari akaita munguva yakapfuura uye zvaachaita munguva yemberi. Rinotipawo zano rinoshanda pamusoro pokuti tinogona sei kubata nezvinetso zvedu zvino nenzira inobudirira. Zvirokwazvo, Shoko raMwari rinotidzidzisa nzira yokuwana nayo mwero wakati womufaro kunyange muiyi nyika yatambudzwa.—2 Timotio 3:16, 17.
Zvapupu zvaJehovha zvichakurongera nomufaro fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena. Dzidza nzira yaunogona kuva nayo noupenyu hunofadza zvikuru zvino, nekariro youpenyu huri nani zvikuru munguva yemberi iri pedyo.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Uporofita hweBhaibheri hunoratidza kuti upenyu huri nani hwava pedyo
[Mufananidzo uri papeji 7]
Umambo hwaMwari huchaunzira rudzi rwomunhu upenyu huri nani