Mwenje Wavo Hauna Kudzima
MUNGUVA dzeBhaibheri kwakanga kune Zvapupu zvaJehovha zvakatendeka izvo zvakava nemhinganidzo nezvinetso. Zvakatarisana nechishoro nokukundikana kwaiva pachena. Zvisinei, havana kurega nemhaka yekuodzwa mwoyo. Chaizvoizvo, mwenje wavo hauna kudzima.
Somuenzaniso, muporofita Jeremia akapiwa basa rokuva muporofita waMwari kurudzi rwakaramba kutenda rwaJudha. Akazivisa nyevero pamusoro poruparadziko rwaiuya rweJerusarema. (Jeremia 1:11-19) Somugumisiro, Jeremia akava nokubonderana kwakawanda navanhu vomunyika biyake, avo vaimurangarira somuzivisi wengwavaira.
Muprista Pashuri, mutariri mukuru muimba yaMwari, pane imwe nguva akarova Jeremia nemhaka yeizvo akanga aporofita ndokumuisa mumatanda. Neiyi yairatidzika kuva mhinganidzo, Jeremia akati: “Ndakaitwa chinhu chinosekwa zuva rose, mumwe nomumwe unondiseka. Nokuti ndinoti kana ndotaura, ndodanidzira; ndinodanidzira, ndichiti: Zvinoitwa nesimba nokuparadza! nokuti shoko raJehovha rakaitwa kwandiri chinhu chinoshorwa, nechinhu chinosekwa zuva rose.” Muporofita wacho akaodzwa mwoyo kunyange kusvika kupfundo rokuti: “Handichamurangariri [Jehovha], kana kutaura nezita rake.”—Jeremia 20:1, 2, 7-9.
Zvisinei, Jeremia haana kutera kukuodzwa mwoyo. Achitaura nezve“shoko raJehovha,” akazivisa, kuti: “Mumwoyo mangu mava somwoto unopfuta, wakapfigirwa mumafupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni.” (Jeremia 20:8, 9) Asundwa zvakasimba kutaura zvirevo zvaMwari, Jeremia akatsigirwa nomudzimu mutsvene ndokuita basa rake.
Muapostora Paurowo akanga aine zvikonzero zvakawanda zvokuva anoodzwa mwoyo, kudai akanga akatera kwazviri. Akatsungirira ngwavaira dzomusikirwo, kuputsikirwa nechikepe, chitambudzo, uye kurohwa. Mukuwedzera, ‘chaimugombedzera zuva nezuva chaiva kufunganya ungano dzose.’ (2 VaKorinte 11:23-28) Hungu, Pauro zuva nezuva aifanira kubata nezvinetso, kunetseka pamusoro peungano itsva idzo akanga abetsera kutanga. Uyezve, akanga asina kukwana uye aifanira kurwisana ne“munzwa munyama,” sezvinobvira kusaona zvakanaka. (2 VaKorinte 12:7; VaRoma 7:15; VaGaratia 4:15) Vamwe vakatonyeya Pauro, uye ikoku akakunzwa.—2 VaKorinte 10:10.
Kunyange zvazvo zvakadaro, Pauro haana kubvumira kuora mwoyo kumukurira. Aiwa, akanga asiri munhu anopfuura wohunhu. (2 VaKorinte 11:29, 30) Chii chakachengeta ‘mwoto womukati’ wake uchibvira? Kutanga, akanga aine vasonganiri vaitsigira, vamwe vachitomukumbanira kupinda muRoma umo akachengetwa ari mumba. (Mabasa 28:14-16) Chechipiri, muapostora wacho airangarira mugariro wake nenzira yakadzikama. Vatambudzi vake navashori vakanga vaine mhaka, kwete Pauro. Nechokumugumo kwoupenyu hwake hwapasi, akarangarira ushumiri hwake nenzira yakanaka ndokuti: “Kubva zvino ndakachengeterwa korona yokururama, yandichapiwa naShe, Mutongi wakarurama.”—2 Timotio 4:8.
Kupfuura zvose, Pauro nguva dzose aisvika Jehovha Mwari mumunyengetero, uye ‘Ishe akamira pedyo naye ndokupinza simba maari.’ (2 Timotio 4:17) “Ndingaita zvose,” akadaro Pauro, “naiye unondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Kurukurirano naMwari navaKristu biyake, pamwe chete nekurangarira kwakanaka ushumiri hwake, zvakabetsera Pauro kupfuurira mubasa raJehovha.
Mwari akafuridzira Pauro kunyora, kuti: “Ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti tichazocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo.” (VaGaratia 6:7-9) Kucheka chii? Upenyu husingaperi. Naizvozvo, ipapo, iva saJeremia, Pauro, uye zvimwe zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakatendeka zvinodudzwa muMagwaro. Hungu, iva saizvo, uye usatera kukuodzwa mwoyo. Usarega mwenje wako uchidzima.—Enzanisa naMateo 5:14-16.
[Mifananidzo iri papeji 25]
Pauro naJeremia havana kurega mwenje yavo ichidzima