RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 12/1 pp. 24-27
  • Watchtower Educational Center Inotumira Vafundisi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Watchtower Educational Center Inotumira Vafundisi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zano Kukirasi Yaipedza Kufunda
  • Kusvika Pakuziva Kirasi Yacho Zviri Nani
  • Musha Mutsva Wechikoro Chavafundisi cheGilead
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Chikoro cheGilead Chava Namakore 50 uye Chiri Kupfuurira Chakasimba!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Chikoro Chegilead Chinotumira Kirasi Yacho Yechi100
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Nyanzvi Dzinopedza Kufunda dzeShoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 12/1 pp. 24-27

Watchtower Educational Center Inotumira Vafundisi

WATCHTOWER Bible School of Gilead yakava namakirasi munzvimbo dzakasiyana-siyana. Pakati pa1943 na1960, muzvivako zviri kuSouth Lansing, New York, U.S.A., makirasi 35, aiumbwa navadzidzi vaibva munyika 95, vakagamuchira rovedzo chaiyo. Ipapo chikoro chacho chakatamira kudzimbahwe renyika muBrooklyn, New York, uko chakashanda kwamakore anodokusvika 28. Kubvira muna 1988 kusvikira kumavambo kwa1995, Gilead School yakava nemakirasi kuWallkill, New York.

Mukati memakore aya chikoro chacho chakawedzera ukuru hwacho hwokushanda. Munhungamiro yacho kosi yamavhiki gumi yomurayiridzo yakagoverwa kumakirasi matatu muMexico; mashanu amakirasi akadaro akaitirwa muGermany; maviri muIndia. Kubvira muna 1987 chikoro chokuwedzera chinozivikanwa seChikoro Chokurovedza Vashumiri chakava namakirasi munyika 34, chichigovera kosi chaiyo yamavhiki masere yokurovedza varume vaduku avo vanokwanirisa. Murayiridzo wakapiwa kukirasi yechi99 yeGilead, paWatchtower Educational Center ichangobva kuvakwa kuPatterson, New York, zvisinei, yakanga iri kosi yamavhiki 20, iyo yaibatanidza fundo yakakomba yeBhaibheri rose, kurukurirano yenhau yomuzuva razvino uno nesangano reZvapupu zvaJehovha, pamwe chete nezano guru pamusoro pebasa rokumwe roufundisi.

Pana September 2, kirasi iyoyo yechi99 yakapedza kufunda. Purogiramu yamaawa matatu yokupedza kufunda yakaitirwa muhoro itsva paWatchtower Educational Center. Yakanga yakazara zvikuru. Vateereri vokuwedzera pazvivako zveBheteri muPatterson, Wallkill, uye Brooklyn vakanga vakabatanidzwa nezvinoshandisa magetsi. Iri rakanga riri zuva rinofadza kwete bedzi nokuda kwekirasi yaipedza kufunda pamwe chete nehama dzavo dzokunyama neshamwari dzapedyo asiwo nokuda kwemazana akanga agoverana savazvipiri mukuvaka zvivako zvitsva zvakaisvonaka zvechikoro.

Mutsinhiro dzake dzokutanga, Carey Barber woMutumbi Unodzora akanangidzira ngwariro paukoshi hwezvakanga zvichiitika. Akati: “Iyi ndiyo ichava nzvimbo huru yemubato mukurusa wedzidzo youmwari yati yamboitwa papasi rino.” Akatsanangura kuti tiri kusvika mugumo wehondo pakati pembeu yomukadzi nembeu yenyoka. (Genesi 3:15) Avo bedzi vachapukunyuka kurwisana kwacho kunotyisa mukati medambudziko guru riri kuuya, akaratidza kuti, vachava avo vane zivo yakarurama yeShoko raMwari uye vanoriteerera.

“Gadziriro yedu yedzidzo iripo zvino,” akazivisa kudaro, “yakagadzirirwa kupinza vanhu vose vaJehovha kwose kwose muchimiro chakaisvonaka chokukura mumudzimu chinorondedzerwa pana Zvirevo 1:1-4—icho chokuziva uchenjeri nokurayirwa, kukwanisa kuwana kunzwisisa, kugamuchira kurayirwa kunopa nzwisiso, kururama, uchenjeri, ururami, uye mano okufunga.” Idziviriro yakadini kuva nepfuma yakadaro yomudzimu!

Zano Kukirasi Yaipedza Kufunda

Tsinhiro idzodzo dzokusuma dzakateverwa nenhevedzano yehurukuro pfupi shanu dzakanangidzirwa kukirasi yaipedza kufunda. Harold Jackson, aichimbova murayiridzi weGilead uye zvino ari mutezo wevashandi vapadzimbahwe muBrooklyn, akakurudzira kirasi yacho kuti, “Batisisai Gutsikano Yenyu Youmwari.” Lloyd Barry, mufundisi wenguva refu uye zvino ari mutezo weMutumbi Unodzora, akataura nezve“Kubatira Jehovha Nokuzvininipisa.” Akatsanangura kuti vara iri raizova rakakosha kuvakapedza kufunda mukuchinjika kwavo kumamiriro ezvinhu matsva pamwe chete nomuukama hwavo nevafundisi biyavo, neungano idzo vaizobatira madziri, uye nevanhu vomunzvimbomo.

Karl Adams, parizvino ari kubatira muboka ravarayiridzi veGilead, akarangarira nekirasi pamubvunzo waiti “Kutenda Kuchakutungamirira Kukuitei?” Akavakurudzira kusava savaIsraeri vaya vakanyunyuta pamusoro pemamiriro ezvinhu murenje ndokushuva kudzoka muEgipita asi, panzvimbo pezvo, kuva saAbrahama, uyo akatarira kuUmambo hwaMwari panzvimbo pokudzokera kuUri yavaKadhea semhinduro kuzvinetso. (Eksodho 16:2, 3; VaHebheru 11:10, 15, 16) Ulysses Glass, munyori wechikoro chacho, akashandisa chakaitika chaAsafi chakanyorwa muPisarema 73 kukurudzira kirasi yaipedza kufunda, “Rondedzerai Zvikomborero Zvenyu.” Uye Albert Schroeder, mumwe mutezo weDare Rokudzidzisa reMutumbi Unodzora, akataura nezvemusoro waiti “Jehovha Anogovera.” Soufakazi hwegadziriro yakadaro, akanongedzera kuGilead School imene nebasa rayo mukuita basa guru rokuparidza nokuita vadzidzi.

Gare gare vateereri vakateerera nefariro huru apo Milton Henschel, purezidhendi weWatch Tower Society, akataura nezve“Mitezo Yomumwe Nomumwe.” Akarava ndokutsinhira zvikuru pana VaRoma ganhuro 12. Pakati pezvimwe zvinhu, akati: “Tinofanira kurangarira kuti tine ukama hwapedyo zvikuru navabatiri biyedu muungano.” Akawedzera kuti: “Kwakatinakira kugarofunga nezvemumwe nomumwe sechinhu chaJehovha, uye panzvimbo pokuva anotsoropodza, panzvimbo pokuwanira mhaka, ngatigarobetsera. Tiri kuzvibetsera timene apo tinochengeta chinzwano chomudzimu cheUngano yechiKristu.” Akaratidza kuti kubetsera kwakadaro kungagona sei kuratidzirwa mukugadzira zvokudya mumisha yavafundisi, kurangarira idi rokuti munhu ari wose angasakwanisa kudya chinhu chimwe chetecho. Akakurudzirawo kubetsera panzvimbo pokutsoropodza pakugoverana mubasa romumunda nevaKristu biyavo avo vane zvishoma zvikuru zvokunyama. Kana tiri zvirokwazvo vanobetsera, vanovaka, uye vanokurudzirana, Hama Henschel vakatsanangura kudaro, “Jehovha achatida nokuda kwaikoku.” Ikurudziro yakaisvonaka zvakadini nokuda kwavafundisi avo vaizova vachibatira munyika dzakasiyana zvikuru neidzo vakanga vachisiya!

Kusvika Pakuziva Kirasi Yacho Zviri Nani

Vadzidzi 48 vekirasi yechi99 vakanga vari, paavhareji, vane makore 32 ezera uye vakanga vakatopa makore anopfuura 11 kuushumiri hwenguva yakazara.

Bvunzurudzo idzo dzakanga dziri rutivi rwepurogiramu yokupedza kufunda dzakapa vateereri mukana wokusvika pakuziva vashoma vavo. Nikki Liebl, anobva kuUnited States, uye Simon Bolton, anobva kuEngland, vakarondedzera zviitiko zvakanga zvaedza kutenda kwavo kuti Jehovha aizogovera zvinodikanwa zvavo zvokunyama. Vakawana kuitira hanya kwaJehovha sezvavakachengeta ushumiri hwenguva yakazara huri munzvimbo yokutanga.

Isabelle Kazan, ane rurimi rwokumusha kwake rwuri chiFrench, akataura kuti akanga adzidza chiArabhu kuti agopupura kuvanhu vanotaura chiArabhu munyika yokumusha kwake. Apo akavamba muna 1987, boka duku rimwe raiva muParis raingova chete nehama ina dzaitaura chiArabhu, mukuwedzera kwaari amene uye imwe hanzvadzi vakanga vachidzidza mutauro wacho. (Kwakanga kusiri nyore. Vaipedza maawa masere mukugadzirira chidzidzo chavo cheNharireyomurindi vhiki imwe neimwe kuitira kuti vagokwanisa kutsinhira.) Nhamburiko yacho yakanga yakafanira here? Eya, nhasi kune Zvapupu zvinotaura chiArabhu zvakarongwa kuva matunhu mashanu muFrance mose. Mumwe mudzidzi, Miko Puro, akataura kuti chiFrench chaakanga adzidza muchikoro chakamugonesa sei kuparidza kuvapoteri veAfrica munyika yokumusha kwake Finland, uye chichavawo choukoshi mumugove wake woufundisi muBenin. Bonny Bowes akarondedzera kurwisa kwake kutaura chiFrench zvakajeka kuitira kuti agone kubatira zvinobudirira muQuebec, Canada. Uye Bjarki Rasmussen, anobva kuDenmark, akarondedzera zvakaitika izvo iye nomudzimai wake vakanga vatova nazvo mukati memakore ebasa muFaeroe Islands. Hungu, ava vafundisi vatsva vashumiri venguva yakazara vane ruzivo rwokuzviwanira.

Vakapedza kufunda vakagoverwa kunyika 19—muAfrica, Central uye South America, Eastern Europe, uye kuMabvazuva. Vakapedza kufunda vemakirasi apakuvamba vakatobatira munyika dzinopfuura 200. Vazhinji vavakapedza kufunda ivavo vachiri vakabatikana mumigove yavo. Ava vafundisi vatsva zvino vavakuvakumbanira kukudzazve kupupura Umambo kusvikira kumigumo yepasi.—Mabasa 1:8.

[Mifananidzo iri papeji 25]

Zvikamu zvekirasi paWatchtower Educational Center

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kirasi Inopedza Kufunda Yechi99 yeWatchtower Bible School of Gilead

Mundaza iri pasi apa, mitsetse inoiswa nhamba kuvambira mberi kudzokera shure, uye mazita akarongwa kuvambira kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe.

(1) Heffey, S.; Riley, E.; Mortensen, D.; Honable, A.; Bolton, J.; Poole, J.; Siimes, G.; Sousa, L. (2) Pashnitski, B.; Shepherd, D.; Pashnitski, W.; Järvinen, J.; Paulsen, K.; Rasmussen, E.; Schewe, C.; Olsson, L. (3) Paulsen, E.; Samsel, T.; Bowes, B.; Harris, E.; Kazan, I.; Liebl, N.; Sousa, P.; Puro, J. (4) Lager, K.; Lager, V.; Golden, K.; Bolton, S.; Johnson, M.; Johnson, S.; Liebl, A.; Rasmussen, B. (5) Harris, D.; Samsel, W.; Schewe, O.; Heffey, R.; Kazan, L.; Riley, T.; Järvinen, O.; Puro, M. (6) Mortensen, D.; Golden, R.; Honable, L.; Shepherd, M.; Bowes, R.; Siimes, T.; Poole, E.; Olsson, J.

[Mifananidzo iri papeji 27]

Vachiri mumigove yavo: (Kuruboshwe) Charles Leathco nomudzimai wake, Fern, muBrazil, vakapedza kufunda vemakirasi yokutanga neyechitanhatu eGilead; (Pasi) Martha Hess, muJapan, akapedza kufunda wekirasi yechinomwe yeGilead

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe