RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 12/15 pp. 4-7
  • Une Mudzimu Wokupa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Une Mudzimu Wokupa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Pane Munhu Waunotsvaka Nyasha Dzake Here?
  • Chipo Chacho Chinobva Mumwoyo Unoda Here?
  • Itiro Hanya Yako Huru—Nhambo Yacho? Kana Kuti Kuratidzirwa Kworudo?
  • Chimiro Chendangariro Chokupa Gore Rose
  • Kutsvaga Chipo Chakanakisisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • “Ndicho Chipo Chandakanyanya Kufarira Kupfuura Zvese”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Chimwe Chinhu Chiri Nani Kupfuura Kupa kwapaKrisimisi
    Mukai!—1993
  • Chipo Chikuru chaMwari​—Nei Chichikosha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 12/15 pp. 4-7

Une Mudzimu Wokupa Here?

WATI wambocherechedza here kuti kune chinopfuura chimiro chendangariro chimwe chinosunda vanhu kupa? Chipo chingava kuratidzirwa kwerudo, kwemutsa, kwekuonga. Bva hauna kucherechedzawo here kuti chipo chingabvawo mukushuva kwomunhu kurangarirwa nenyasha? Kana kuti chingapiwa bedzi nemhaka yokunzwa musengwa kana kuti nemhaka yokuti mupi anoda chimwe chinhu somuripo.

Chipo chacho chingava mupasuru yakasungwa neribhoni yakaisvonaka. Asi handi chokwadi here kuti chipo chakaisvonaka chingavawo musumbu wamaruva, zvokudya, kana kuti chiito chomutsa? Kutaura idi, zvipo zvinoongwa zvikurusa zvinowanzobatanidza kuzvipa umene.

Pane Munhu Waunotsvaka Nyasha Dzake Here?

Hakusati kuri kwechienzi kuti munhu ape chipo kumunhu uyo nyasha dzake dzinotsvakwa. Mune dzimwe nyika jaya riri kutsvaka kudiwa nomwenga unokarirwa ringamuvigira maruva. Mukadzi akangwara anoona zvinopfuura chipo zvisinei. Anorangarira kana chimiro chendangariro chasunda chipo chejaya chiri chorudo icho chichamuitawo murume akanaka. Chipo chakadaro, kana chichiratidzira chimiro chendangariro choumwari, chinogona kutungamirira kumufaro mukurusa nokuda kwavose vari vaviri mupi nomugamuchiri.

Bhaibheri rinotiudza nezvenhambo apo Abhigairi, mudzimai waNabhari, akakurumidza kugadzirira Dhavhidhi chipo chomutsa, uyo akaziva kuva uyo akasarudzwa naMwari kuti ave mambo womunguva yemberi waIsraeri. Iyewo akatsvaka nyasha. Murume wake akanga azvidza Dhavhidhi uye akanga azhambatata mukutuka varume vaDhavhidhi. Achitungamirira boka ravarume 400 vaiva nezvombo, Dhavhidhi akanga atanga rwendo rwokundoparadza Nabhari nemhuri yake. Abhigairi akapindira, achikurumidza kutumira kuna Dhavhidhi chipo chomutsa chemigove yezvokudya nokuda kwavarume vake. Iye amene akasvika mushure mechipo chake, uye mushure mokukumbira ruregerero nenzira yokuzvininipisa nokuda kweizvo murume wake akanga aita, akapa ufakazi hwokunzwisisa kukuru sezvo akarangarira naDhavhidhi.

Vavariro yake yakanga yakanaka, uye mugumisiro wacho wakanga wakanaka. Dhavhidhi akagamuchira chipo chake ndokuti kwaari: “Kwira hako norugare kumba kwako; tarira, ndateerera inzwi rako, ndakunzwira tsitsi.” Gare gare, mushure mokunge Nabhari afa, Dhavhidhi akatokarakadza roorano kuna Abhigairi, uye akabvuma nomufaro.—1 Samueri 25:13-42.

Mune zvimwe zvinoitika, zvisinei, nyasha idzo mumwe munhu anotsvaka dzingabatanidza kuratidzwa kworusaruro, kunyange kushandiswa zvisina kufanira kweruramisiro. Muchinoitika chakadaro, chipo chacho ipfumbamuromo. Mupi anofunga kuti achabetserwa, asi anozvibira amene rugare rwendangariro. Nguva dzose pane ngozi yokuti vamwe vachazviziva, kuti achazvidavirira. Kunyange kana nyasha dzinoshuviwa dzichipiwa, munhu akadzitsvaka angawana kuti zvino ava nemukurumbira weuyo ane vavariro dzinopanikirika. Richiratidzira uchenjeri hwoumwari, Bhaibheri rinonyevera mukurwisana nezvipo zvakadaro.—Dheuteronomio 16:19; Muparidzi 7:7.

Chipo Chacho Chinobva Mumwoyo Unoda Here?

Hapana panikiro pamusoro pakwo—kupa kumumwe munhu waunoda nemhaka yokuti unoda kukuita kunounza mufaro mukuru zvikuru kupfuura kupa nemhaka yokuti vamwe vanokuita kuti unzwe kuti unofanira.

Pamusoro pokuunganidzwa kwemigove yokuyamura vaKristu biyake avo vakanga vachishayiwa munyama, muapostora Pauro akaronga mipimo yakaisvonaka yokupa kwoumwari. “Kana mwoyo wokupa uripo, chipo chinofadza paanapo, kusati kuri paanoshayiwa napo.” Akawedzera, kuti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamwoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.” (2 VaKorinte 8:12; 9:7) Nokudaro, zvakawanda zvikurusa zvinotsamira pauri. Panzvimbo pokupinda muchikwereti mukupa zvipo kusingadzorwi, unoshandisa maererano nezvawakaronga here? Panzvimbo pokunzwa uchigombedzerwa kupa zvikurukuru nemhaka yedzvinyiriro yenzanga kana kuti yezvokutengeserana, unoita izvo wakatsunga mumwoyo mako here? NezvevaKristu vapakuvamba avo vakashandisa mipimo youmwari yakadaro, Pauro akanyora, kuti: “Vakakumbira nokunyengetera kukuru kwatiri kuti tivatendere kuita basa iri renyasha nokusongana pakushumira vatsvene.”—2 VaKorinte 8:4.

Mukupesana naikoko, Royal Bank Letter yaNovember/December 1994 yakati pamusoro pevhiki dzinotungamirira kuKirisimasi: “Mwaka wacho ungaonekwa sechimiro chokufara kusiri kwokuzviitikira kunonyandurwa nefariro dzebhizimisi dzokukurudzira vatengi kutenga zvinhu izvo nezvisizvo vaisazotenga.” Kana kutenga kuchiitwa nechikwereti, gutsikano ipi neipi inobva mukupa zvipo zvacho ingasanokurumidza kufukidzwa apo mabhiri anofanira kubhadharwa.

Itiro Hanya Yako Huru—Nhambo Yacho? Kana Kuti Kuratidzirwa Kworudo?

Unowana kuti kupa kwako zvipo kunoitwa zvikurukuru panhambo idzo ikoko kunoda kudaro here? Kana zvakadaro, ungave uchirasikirwa nekwakawanda kwokufara uko kupa kunongozviitikira kunogona kuunza.

Kune vanhu vakawanda vasingafadzwi nemigumisiro yokupa zvipo pamazuva chaiwo. Vamwe amai avo variwo munyori vakabvuma kuti udyire hwakaonekwa muvana vavo sezvo zuva racho raiswedera apo zvipo zvakanga zvichikarirwa. Vakabvuma kuti kufarikanya kwavo vamene chipo chakaisvonaka kwakadzongonyedzwa nemhaka yokuti vakanga vakarira chimwe chinhuwo zvacho. Mishumo yakawanda inotaura kuti mazororo ayo anosimbisa mitambo nokutsinhaniswa kwezvipo inguvawo apo kune kuora mwoyo kwemirangariro kukurusa uye kushandiswa zvisina kufanira kwezvinwiwa zvinodhaka.

Acherechedza kuti simbiso pakupa zvipo panguva yezororo pane dzimwe nguva inotapura vana nenzira isina kunaka, mumwe purofesa wepsychology akanokorwa mashoko muThe New York Times anorumbidza, kuti: “Rangarira kupa zvipo pane mamwe mazuva senzira yokuderedza dzvinyiriro yacho.” Unofunga kuti ikoko kwaizova netapuro yakanaka here?

Tammy, musikana ane makore 12 okukura womumhuri isingachengeti Kirisimasi nemazuva okuberekwa, akanyora, kuti: “Kunofadza zvikuru kuwana chipo apo unenge usingachikariri zvikuru.” Akataura kuti panzvimbo pokupa zvipo kamwe chete kana kuti kaviri pagore, vabereki vake vanopa izvozvo kwaari nehanzvadzi yake gore rose. Asi kune chimwe chinhu chinokosha zvikuru kwaari kupfuura zvipo izvozvo. Sokutaura kwaanozviita, “Ndine upenyu hwemhuri hunofadza zvikuru.”

Bhuku rinonzi Secrets of Strong Families rinodudza nenzira yakajeka, kuti: “Vakawanda vedu tinopedza nguva nemari nguva dzinoverengeka pagore tichisarudza zvipo zvakakwana nokuda kwamazuva okuberekwa, kuchengeta kwomusi kwegore negore, kana kuti mazororo nokuda kwavanhu vanotida. Chipo chakanakisisa kupfuura zvose hachaizoda mari. Uye waisazofanira kuchiputira. Kana uchidavira, kufanana navanhu vakawanda zvikurusa, kuti upenyu hwako ndicho chinhu chinokosha zvikurusa chauinacho, ipapo rutivi rwoupenyu hwako chipo chinokosha zvikurusa chaunofanira kupa. Tinopa chipo chinokosha ichocho muzvitsama zvenguva yedu iyo tinopa kuvadiwa vedu.”

Unogona kuita kuti kupa ikoko kusvike kuinopfuura mhuri yako umene. Kupa kunongozviitikira kwokugutsa chinodikanwa chakajeka icho vamwe vanacho kunogona kuunza gutsikano chaiyo. Jesu Kristu akatikurudzira kuratidza itiro hanya yorudo yakadaro kuvarombo, vakaremara, uye mapofu, achiwedzera, kuti: “Ipapo ucharopafadzwa, zvavasina zvavangakuripira nazvo.”—Ruka 14:12-14.

Rockland Journal-News (U.S.A.) nguva pfupi yapfuura yakashuma muenzaniso wokupa kwakadaro. Apo musha womumwe mukadzi akwegura ari bofu wakaputsika, shamwari dzakamuvakira imba itsva. Mipiro yakaitwa nemabhizimisi omunzvimbomo anoverengeka, uye mvumiro yemari yakaitwa nesangano rehurumende romunzvimbomo. “Chinokosha zvikurusa, zvisinei,” rakadaro pepanhau racho, “vanhu vanenge 150, vakawanda zvikurusa vavo vanopinda neungano yeZvapupu zvaJehovha yeHaverstraw, vakapa nguva kuti vavake imba yacho.”

Nyaya yacho yakapfuurira, kuti: “Panzvimbo yokuvaka pakanga pane mirwi yezvinhu pedyo netafura dzakazadzwa nezvokudya. Mumazuva maviri vashandi vacho vakamisa musha wemhuri mbiri, wakareba nhurikidzwa nhatu. . . . Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nokuda kwemano azvo okuvaka zvivako nokukurumidza. . . . Kukurumidza kwakadaro, zvisinei, kunopesana nokuva kwechigarire kwebasa razvo: kugovera kugarisa mubasa rorudo. Ms. Blakely vangasakwanisa kuona musha wavo mutsva, asi maoko avo anogona kuunzwa, uye mwoyo wavo unoziva kukura uko wakasundwa nako neichi chiito chisina udyire.”

Chimiro Chendangariro Chokupa Gore Rose

Avo vane chimiro chendangariro chokupa zvirokwazvo havamiriri mazuva chaiwo. Upenyu hwavo hauna kuvakirwa bedzi pavari vamene. Apo vanogamuchira chimwe chinhu chakanaka, vanofarikanya kuchigoverana navamwe. Ikoku hakusati kuchireva kuti vapi vezvipo vanogombedzerwa. Hakurevi kuti vanopa kusvika kutambanuko yokuti mhuri dzavo dzinoshayiwa. Hakurevi kuti vanopa pasina kufunga pamusoro petapuro yacho pamugamuchiri. Bva, vanhu vano“pa,” seizvo Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuita.—Ruka 6:38.

Vanoziva nezvemamiriro ezvinhu eshamwari navavakidzani avo vakwegura, vari kurwara, kana kuti zvichida vari kuda kurudziro. “Chipo” chavo chingava kuenda kuchitoro kana kuti nekubetsera basa rapamba. Chingava kutemwa kwehuni kana kuti kufoshorwa kwesinou. Chingava zvokudya zvakabikwa kana kuti awa yenguva yokushanya nokurava pamwe chete. Upenyu hwavo vamene hungava hwakabatikana asi kwete kunyanyobatikana zvokusabetsera. Vakadzidza kubva muruzivo rwokuzviwanira kuti zvirokwazvo “kupa kune mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

Mupi mukurusa wavose, chokwadika, Musiki wedu, Jehovha Mwari. U“nopa vose upenyu, nokufema, nezvose.” (Mabasa 17:25) MuBhaibheri, anotigoverawo nzwisiso yechinangwa chake chokugumisa uipi, chirwere, uye rufu, uye kuita kuti pasi rino rive paradhiso. (Mapisarema 37:10, 11; Zvakazarurwa 21:4, 5) Pavanodzidza ikoku, avo vane chimiro chendangariro chokupa havachengeti mashoko akanaka iwayo kwavari vamene. Mumwe wemifaro yavo mikurusa kuagoverana navamwe. Chavo zvirokwazvo chimiro chendangariro chokupa. Ichocho ndicho chimiro chendangariro chauri kusakurira here?

[Mifananidzo iri papeji 7]

Zvimwe zvezvipo zvinokosha zvikurusa hazvidi mari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe