Chimwe Chinhu Chiri Nani Kupfuura Kupa kwapaKrisimisi
“CHRISTOPHER wamakore matanhatu akandiudza, sokunge kuti chakanga chiri chinhu chomuzvarirwo zvikurusa munyika, kuti paKrisimisi haatongowani ‘chinhu.’ Asi akataura asina ratidziro yokuora mwoyo. Alexander (8) akataura amene nenzira yakafanana, achiti: ‘Tiri Zvapupu zvaJehovha.’”
Nokudaro pepanhau reGermany Kölner Stadt-Anzeiger rakavamba nyaya pamusoro pemhuri iyo pepa racho rinoti “inofuratira Krisimisi nemhaka yokuti haisati iri musi wokuzvarwa kwaJesu uye nemhaka yokuti ine mavambo echihedheni.” Asi Christopher naAlexander havafaniri kunzwirwa tsitsi here? Nyangwe, sezvo, sokutaura kwakaita nyaya yacho, sherefu yezvokutambisa yomukomana wacho hairatidziri ufakazi hwokuregeredza kwavabereki.
Zvisinei, vamwe vabereki vakapinda kurukurirano yavabereki navadzidzisi mumaodzanyemba eGermany vakapomera kuti kukundikana kweZvapupu zvaJehovha kupa zvipo zveKrisimisi kuvana vavo kunovaita kuti vanzwe vasina kuchengeteka. Bva, ikoku hakusati kuri kwechokwadi, sokucherekedza kwakaita mudzidzisi wavo. Iye akataura kuti “vana veZvapupu zvaJehovha vanotaura vamene vakasununguka, vakadzikama zvikuru, uye vanokwanisa zvizere kutsanangura kutenda kwavo, chimwe chinhu icho vamwe vana vasingagoni kuita.”
Zvamazvirokwazvo, makumi ezviuru zvemhuri munyika yose zvakatsiva kupa kwapaKrisimisi nechimwe chinhu chiri nani, kutsunga kuita nhamburiko kuunzira vana vavo zvipo mukati megore rose. Ikoku kwakabvumikisa kuva manyuko omufaro nokuda kwavose.
Imwe betsero ndeyokuti kunoguma nenhambo dzakawanda dzinofadza mugore, uye vana vacho vanogona kuonga chipo chimwe nechimwe zvikuru. Imwe betsero ndeyokuti vana vacho vanoziva kuti vabereki vavo vari kupa zvipo nokuda kworudo, uye kuonga kwavo kunoenda kwavari. Vabereki havasiri kupambadza mari nenhamburiko kuti bedzi kuonga kwavana vavo kuende kuna Santa Claus wokufungidzira kana kuti kuvaita kuti vave vasingaoni, vachirangarira kuti mutoro waSanta kuunza zvipo uye kuti hapana kutenda kunofanira kupiwa.
Chipo Chine Ukoshi Hukurusa
Kazhinji kazhinji Dominik, wezera ramakore gumi, uye Tina, wezera ramakore matanhatu, vanowana kukatyamadza kuduku kubva kuvabereki vavo—chidimbu chechocolate pamutsamiro wohuvato hwavo, penzura kana kuti bhuku rokunyorera ravanogona kushandisa kuchikoro, kana kuti chokutambisa chakakodzera chokuvaita kuti varambe vakabatikana mukati memwedzi yechando. Asi chii chavanoonga zvikuru? Vabereki vavo vanopindura, kuti: “Apo tinopedza nguva tinavo—somuenzaniso, tichitamba musinou.”
Vamwe vabereki vakawanda vari Zvapupu zvaJehovha vanobvuma kudaro. “Munyika ino yechimbichimbi,” anotsanangura kudaro Edelgard, “nguva ndicho chinhu chinokosha zvikurusa chandinogona kupa vana vangu.” Uye vaduku vanobvumirana nako! Ursula anotaura kuti vana vake vanorangarira nguva inopedzerwa pamwe chete mukufurwa nemhepo kwemhuri seiri “chipo chakanakisisa kupfuura zvose.” Kunyange sachigaro womubatanidzwa wavadzidzisi muGermany misi ichangobva kupfuura iyi akataura kuti zvipo zvakanaka zvikurusa zveKrisimisi izvo vabereki vanogona kupa vana vavo inguva neshiviriro.
Hapana panikiro pamusoro pako, kuzvipa kwako umene—nguva yako, itiro hanya, uye ngwariro—kungava kumhuri yako kana kuti kushamwari dzako, chipo chinokosha zvikurusa. Kuti zvipo zvakadaro hazvifaniri kuganhurirwa kumazuva akati egore kunofanira kuva pachena.
Kupa Kune Mufaro Kunogutsa
Rangarira mienzaniso yeZvapupu zvaJehovha zvinogoverana mune chimwe chinhu chiri nani kupfuura kupa kwapaKrisimisi. Wilfried naInge vomuGermany vakataura, kuti: “Tinowanzopa zvipo nguva ipi neipi yatinosundwa kudaro, kunyange zvazvo tichironga zvimwe zvikuru.” Nenzira yakafanana, Dieter naDebora vanoita nhamburiko yokungwarira kugovera mwanakomana wavo muduku mugore rose. Ivo vanotsanangura kuti “ukuru kana kuti ukoshi hwechipo ndezvechipiri, uye zvipo zvikuru kana kuti zvinodhura hazviwanzovapo.”
Vana vakawanda vanokarira zvipo panguva yeKrisimisi, naizvozvo ukoshi hwokushamisika hunorasika. Helga anotaura kuti “vana [vake] vanofara zvikuru apo vanowana zvipo zvisingakarirwi kupfuura zvavanoita apo vanowana zvinhu panhambo apo zvipo zvinokarirwa.” Natascha, wezera ramakore 15, anobvuma kuti “kwakaisvonaka zvikuru kugamuchira chipo chinoshamisa chinobva pamwoyo kupfuura icho chinopiwa panguva yakagadzwa nemhaka yokuti tsika inoraira kudaro.”
Nenzira yakafanana, kunokosha kuva anosvinurira rudzi rwezvipo izvo vana vanofarikanya. Pamusoro paikoku, Fortunato, uyo anogarawo muGermany, anoshuma, kuti: “Zvipo zvatinopa zvikurukuru zvinhu izvo vana vakaratidzira kuti vangada kuva nazvo. Asi tinoedza kuvagovera panhambo isingakarirwi. Unofanira kuona mufaro wavo!”
Vabereki vanowanawo kuti kupa zvipo kuvana apo vanenge vari pamusha vachirwara kunovasimbaradza. Vamwe vanopa zvipo pamberi pezororo rechikoro kuti zvibetsere kuita kuti vana varambe vakabatikana. Somuenzaniso, pamberi pezororo, Stefan akapiwa bheko. “Rakava chishamiso chikuru,” vanoshuma kudaro baba vake, “uye iye akakwakuka zvikuru nokuda kwomufaro.” Zvamazvirokwazvo, kupa kwokuzvidira, kusiri kwokugombedzerwa kunounza mufarwa mukuru kuvose vari vaviri mupi nomugamuchiri.
Zvirokwazvo, vana vane zvishuvo zvavo vamene. Jörg naUrsula vanotsanangura, kuti: “Apo mwanasikana wedu anotiudza chaangada, tinotaura naye pamusoro pacho. Chishuvo chake chine mufungo here? Chinhu chacho chakakodzera zera rake here? Tine nzvimbo yacho mumba here? Kana tisingagoni kugutsa chishuvo chake nokukurumidza, tinongochichengeta zvedu mundangariro ndokuedza kubvuma panhambo yakakodzera gare gare.” Chokwadika, kuchenjera kusashatsa vana kupfurikidza nokugutsa chido chavo chiri chose chapanguvayo, uko kungavanyima mufaro uyo kugamuchira zvipo kunogona kuunza.
Vabereki vanopa zvipo vanopfuuridzira kuvana vavo mudzimu ucharatidzirwa nomufaro. Sebastian wamakore gumi okukura anoti: “Handifaniri kumirira mazororo kuti ndiite kuti vabereki vangu kana kuti hanzvadzi vafare. Ndinongofanira bedzi kuva muchimiro chakanaka chendangariro ndokuva nemari shomanene muhomwe yangu.”
Mhuri dzeZvapupu zvaJehovha dzinowana kuti zvipo zvorumwewo rudzi zviri nani zvikuru kupfuura kupa kwapaKrisimisi. Izvozvi inzendo dzakarongwa kana kuti dzisingakarirwi, zvakadai sokuenda kunzvimbo yemhuka, muyuziyemu, shoo, kana kuti imwe nzvimbo kumaruwa. Izvi zvipo zviri zvose zviri zviviri zvinodzidzisa nezvinofarikanywa zvapachokwadi navanhu vaduku.
Zvikomborero Zvokupa Kwomufaro
Kupfurikidza nokushandisa nheyo dzeBhaibheri mukupa, tichadzivisa dzvinyiriro nekangaidziko zvinokonzerwa nokupa kwapaKrisimisi. Uye yeuka, kupiwa kwenguva yedu namano kukudziridza nokuvaka vamwe mundangariro nomumudzimu chipo chinokosha zvikuru kupfuura zvipo zvokunyama. Uku kupa kukuru kunosimbaradza zvisungo zvemhuri, kunosimbisa ushamwaridzani, uye kunounza mufaro wechokwadi gore rose kwete bedzi kumugamuchiri asi zvikurukuru kumupi.—Mabasa 20:35.
Naizvozvo panzvimbo pokupa kwetsika kwokugombedzerwa panguva yeKrisimisi gore rino, kuregererei kuedza kuita kwakasiana? Kuregererei kuedza nzira iri nani?
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 12]
Asi Vana Havazorasikirwa Nayo Here?
Rebecca, wamakore 16: “Handirasikirwi neKrisimisi, sezvo ndinowana zvipo gore rose. Ndinofarikanya chipo chinoshamisa zvikuru kupfuura zvandinoita kune chokugombedzerwa.”
Tina, wamakore 12: “Ndinofarikanya zvomenemene kuwana zvipo zvakakodzera, kwete panguva yakagadzwa, asi panguva ipi neipi mukati megore—uye kwete zvipo zvandinofanira kutaura kuti mazviita nokuda kwazvo uye nepo zvomenemene ndisingambozvidi.”
Birgit, wamakore 15: “Zvipo zvose zvaungagamuchira hazvina maturo kana pane zvinetso mumhuri. Ndicho chikonzero nei tichiita zvinhu zvakawanda pamwe chete semhuri.”
Janosch, wamakore 12: “Isu vana tinoda vabereki vedu kunyange apo vasingatipi zvipo zvipi nezvipi. Rudo rwavo chipo chikuru machiri chimene.”
[Mufananidzo uri papeji 10]
Chipo chakaisvonaka—nguva yako!