VaAmoni Vanhu Vakatsiva Mutsa Noutsinye
GUTA razvino uno rinonzi Amman, dzimbahwe reumambo hwavaHashemite veJordan, rinochengeta yeuko yavanhu avo vakanyangarika papasi. Vainzi vaAmoni. Vaiva vanaani, uye zvidzidzoi zvatinogona kudzidza kubva mukuwa kwavo?
VaAmoni vakanga vari vazukuru vomurume akarurama Roti. (Genesi 19:35-38) Sezvo Roti akanga ari mwana womunun’una waAbrahama, ungataura kuti vaAmoni vakanga vane ukama navaIsraeri. Vana vaRoti, zvisinei, vakatendeukira kukunamata vamwari venhema. Zvisinei, Jehovha Mwari akachengeta fariro mavari. Sezvo rudzi rwaIsraeri rwakaswedera Nyika Yakapikirwa, Mwari akavanyevera, kuti: “Usarwa navo [vaAmoni], kana kuvavamba; nokuti handingakupi nyika yavana vaAmoni, ive yako; nokuti ndakaipa vana vaRoti, ive yavo.”—Dheuteronomio 2:19.
VaAmoni vakaonga here mutsa wakadaro? Mukupesana, vakaramba kubvuma kuti Jehovha akanga avapa chinhu chipi nechipi. Vakadzorera fariro yaMwari yomutsa mavari noutsinye hwakakomba kuvanhu vaMwari, vaIsraeri. Kunyange zvazvo vaIsraeri vakaremekedza murayiro waJehovha ndokusaita zviito zvoukono mukurwisana navo, vaAmoni nehama dzavo dzavaMoabhi vakanzwa vatyisidzirwa. Chokwadi, vaAmoni havana kuita kudenha kwehondo, asi vakashandisa muporofita ainzi Bharami ndokukumbira kuti atuke vaIsraeri!—Numeri 22:1-6; Dheuteronomio 23:3-6.
Chimwe chinhu chechienzi ipapo chakaitika. Bhaibheri rinoshuma kuti Bharami haana kukwanisa kutaura kutuka kwake. Aigona kuzivisa bedzi ropafadzo pavari, achiti: “Mumwe nomumwe unokuropafadza, ngaaropafadzwe, mumwe nomumwe unokutuka, ngaatukwe.” (Numeri 24:9) Avo vaibatanidzwa, kubatanidza vaAmoni, vaifanira kuve vakadzidza chidzidzo chakasimba kubva muna ikoku: Apo vanhu vaMwari vaibatanidzwa, akanga akasanogadzirira kupindira nokuda kwavo!
VaAmoni, zvisinei, vakaramba vachitsvaka nzira dzokushora nadzo vaIsraeri. Mukati menhambo yaVatongi, vaAmoni vakatsigirana navaMoabhi navaAmereki ndokuvhozhokera Nyika Yakapikirwa, vachipfuurira kusvika Jeriko. Rukundo rwakanga rwuri rwenguva pfupi, zvisinei, sezvo Mutongi waIsraeri Ehudhi akadzosera vavhozhokeri. (Vatongi 3:12-15, 27-30) Kubvumirana kusarwisana kusina kugadzikana kwakapfuurira kutozosvikira mazuva oMutongi Jefta. Pakasvika nguva iyoyo rudzi rwaIsraeri rwakanga rwapinda mukunamata zvifananidzo, naizvozvo Jehovha akabvisa dziviriro yake. Kwamakore 18, Mwari nokudaro akanga “avatengesa . . . mumaoko avana vaAmoni.” (Vatongi 10:6-9) Zvakare vaAmoni vakatambura rukundo runorwadza sezvo vaIsraeri vakaramba kunamata zvidhori ndokuwanazve simba muutungamiriri hwaJefta.—Vatongi 10:16–11:33.
Nhambo yokutongwa kwaIsraeri navatongi yakaguma nokuiswa korona kwamambo wayo wokutanga, Sauro. Nokukurumidza mushure mokunge Sauro avamba kutonga utsinye hwavaAmoni hwakamuka zvakare. Mambo Nahashi akaita kudenha kusingakarirwi paguta raIsraeri reJabheshi-gireadhi. Apo varume veguta iroro vakatsvaka rugare, Nahashi muAmoni akaita uku kurayira kwokunyanyisa: “Ndichatenda kuita sungano nemi kana meso enyu ose orudyi achitumburwa.” Wezvenhau Flavius Josephus anotaura kuti ikoku kwakaitwa murutivi sechiito chokuzvidzivirira, kuitira kuti “apo meso avo oruboshwe akanga akavharidzirwa nezvidzitiro zvavo, vaizova vasingabetseri zvakakwana muhondo.” Bva, chinangwa chaicho chouku kurayira kusina tsitsi chakanga chiri chokuita muenzaniso unozvidza waava vaIsraeri.—1 Samueri 11:1, 2.
Zvakare vaAmoni vakanga varipira mutsa waJehovha noutsinye. Jehovha haana kufuratira iyi tyisidziro yakashata. “Mweya waMwari wakauya pamusoro paSauro nesimba, achinzwa mashoko iwayo [aNahashi], kutsamwa kwake kukamutswa kwazvo.” Munhungamiro yomudzimu waMwari, Sauro akaunganidza hondo yavarume vanorwa 330 000 iyo yakakunda vaAmoni zvakakwana zvokuti “hakuna kusara vaviri pamwe chete.”—1 Samueri 11:6, 11.
Kunyanyobatikana kwavaAmoni kwoudyire nefariro dzavo vamene, utsinye hwavo, uye udyire hwavo pakupedzisira zvakatungamirira kukuparadzwa kwavo kwakakwana. Seizvo muporofita waJehovha Zefania akanga afanotaura, vakava “seGomora . . . namatongo nokusingaperi . . . nokuti vakazvidza vanhu vaJehovha wehondo nokuzvikudza kwavari.”—Zefania 2:9, 10.
Vatungamiriri venyika nhasi vanofanira kucherechedza zvakaitika kuna Amoni. Mwari akaratidzira marudzi nenzira yakafanana mwero wakati wemutsa mukuabvumira kurarama pasi petsoka dzake, pasi. Asi panzvimbo pokutarisira pasi, marudzi ane udyire ari kuriparadza, akatombotyisidzira pasi nokuparadza kwenyukireya. Panzvimbo pokuratidzira mutsa kuvanamati vaJehovha pasi pano, kazhinji kazhinji marudzi anoratidza utsinye, achivatambudza nehasha. Chidzidzo chavaAmoni naizvozvo ndechokuti Jehovha haarerutsi kutsiva mutsa wake noutsinye. Uye munguva yake yakafanira, achaita chiito, kungofanana nezvaakaita munguva dzekare. Enzanisa nePisarema 2:6-12.
[Mufananidzo uri papeji 9]
Matongo eRoma muAmman, nzvimbo yeRabha, dzimbahwe ravaAmoni
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Pedyo neEastern History) Est.
[Mufananidzo uri papeji 10]
VaAmoni vaigara munharaunda iyi
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Pedyo neEastern History) Est.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]
Pictorial Archive (Pedyo neEastern History) Est.