RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 9/1 pp. 8-9
  • Gireadhi—Nharaunda Yavanhu Vane Ushingi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Gireadhi—Nharaunda Yavanhu Vane Ushingi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mashoko Akafanana
  • Jefta Anoita Sezvaakapika Kuna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • VaAmoni Vanhu Vakatsiva Mutsa Noutsinye
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kubvuma Kutungamirirwa naJehovha Nomufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Sauro—Mambo Wokutanga waIsraeri
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 9/1 pp. 8-9

Zviono zvomuNyika Yakapikirwa

Gireadhi—Nharaunda Yavanhu Vane Ushingi

CHINGUVANA Israeri asati ayambuka Rwizi rwaJoridhani achipinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akavakurudzira, kuti: “Simbai, mutsunge mwoyo, . . . Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe.”—Dheuteronomio 31:6.

Marudzi aRubheni naGadhi nehafu yorudzi rwaManase akabatanidzwa muzano raMosesi. Ivo vakanga vaona ‘kuti nyika yeGireadhi yakanga iri nzvimbo yezvipfuwo,’ naizvozvo vakanga vakumbira kugoverwa kuti vagare munharaunda yeGireadhi.—Numeri 32:1-40.

Gireadhi yakanga iri pano rumwe rutivi, rutivi rwokumabvazuva, rwaJoridhani. Zvikurukuru rwakanga rwuri rutivi rwose rwokumabvazuva, kuvambira kumugumo wokuchamhembe weGungwa Rakafa kusvikira kuGungwa reGarirea. Iyi nharaunda yaibva muMupata waJoridhani zvichienda kurwenze rwaiva nemvura yakawanda namakomo akaurungana. Naizvozvo Gireadhi yakanga iri nharaunda yakaisvonaka yokurima uye yokupfuya zvipfuyo. Mufananidzo uri pamusoro apa unokupa pfungwa yeicho rutivi rweGireadhi rwakanga rwakaita. Asi kubatanidzirei ushingi nenharaunda inofadza zvikuru yakadaro?

Marudzi aisarudza kugara muGireadhi sezvinooneka haana kuita saizvozvo norutyo. Yeuka kuti akabvuma kuyambuka Joridhani kundorwisana navavengi muNyika Yakapikirwa. Uye pakudzokera kuGireadhi, iwo aida ushingi hukuru. Neiko? Eya, akanga ari pamberi, akaratidzirwa kudenho yakabva kuvaAmoni vaiva kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva uye vaAsiria kuchamhembe. Uye vakadenhwa.—Joshua 22:9; Vatongi 10:7, 8; 1 Samueri 11:1; 2 Madzimambo 8:28; 9:14; 10:32, 33.

Denho idzodzo dzaiva nhambo chaidzo apo ushingi hwaidikanwa. Somuenzaniso, pashure pokunge Jehovha arega vaAmoni vachidzvinyirira Gireadhi, vanhu vaMwari vakapfidza ndokudzokera nokuda kwoutungamiriri ku“munhu une simba noumhare,” anababa vakanziwo Gireadhi. Uyu murume aiva noumhare, kana kuti aiva noushingi, akanga ari Jefta. Iye anosanozivikanwa nokuda kwemhiko iyo yakaratidzira kuti, kunyange zvazvo akanga ane ushingi, akatsvaka nhungamiro netsigiro zvaMwari. Jefta akapika kuti kana Mwari akamugonesa kukurira vaAmoni vanodzvinyirira, wokutanga kubuda muimba yake kuzosangana naye aizo‘piwa sechipiriso chinopiswa,’ kana kuti kubairwa, kuna Mwari.a Iyeyo akava mwana bedzi waJefta, mwanasikana wake, uyo gare gare akaenda kundobatira panzvimbo tsvene yaMwari. Hungu, Jefta uye, nenzira yakasiana, mwanasikana wake, akaratidza ushingi.—Vatongi 11:1, 4-40.

Kuratidzirwa kwoushingi uko zvichida kusati kuchisanozivikanwa kwakaitika mukati menguva yaSauro. Kuwana mugariro wacho, yeuka kuti apo Sauro akava mambo, vaAmoni vakatyisidzira kutumbura ziso rokurudyi ravarume veJabheshi-gireadhi, riri taundi ringave raiva pagova raidzika nomumakomo kusvikira kuna Joridhani. Sauro nokukurumidza akaunganidza hondo kuti asimbise Jabheshi. (1 Samueri 11:1-11) Nomugariro iwoyo mundangariro, ngatiendei kumugumo wokutonga kwaSauro ndokuona kuti ushingi hwakaratidzwa sei.

Ungayeuka kuti Sauro navatatu vavanakomana vake vakafa mukati mehondo navaFiristia. Vavengi vavo vakagura musoro waSauro ndokuturika norukundo zvitunha zvaSauro navanakomana vake pamadziro eBheti-shani. (1 Samueri 31:1-10; kurudyi, unoona gomo rakacherwa reBheti-shani.) Shoko raikoku rakasvika Jabheshi, mumakomo eGireadhi mhiri kwaJoridhani. Chii chaigona kuita vaGireadhi mukutarisana nomuvengi ane simba kwazvo zvokuti aigona kuparadza mambo waIsraeri?

Tevera pamepu. “Mhare dzose dzikasimuka, dzikafamba usiku hwose, dzikatora chitunha chaSauro nezvitunha zvavanakomana vake pamadziro eBheti-shani, vakaenda Jabheshi vakazvipisapo.” (1 Samueri 31:12) Hungu, vakaita vhozhokero yousiku vachipinda munhare yomuvengi. Unogona kunzwisisa chikonzero nei Bhaibheri richivadana kuti vane umhare, kana kuti vane ushingi.

Pashure penguva yakati, marudzi gumi akabva kuti aumbe umambo hwokuchamhembe hwaIsraeri, uye ihwohwu hwakabatanidza Gireadhi. Marudzi akapoteredza, kutanga vaSiria uye ipapo vaAsiria, akavamba kutora mativi endima iyoyo parutivi rwokumabvazuva kwaJoridhani. Naizvozvo pasinei zvapo nezvinoitika zvomunguva yakapfuura zvoushingi, vanhu veGireadhi vakabhadhara mubairo nokuda kwokuva munzvimbo yemberi.—1 Madzimambo 22:1-3; 2 Madzimambo 15:29.

[Mashoko Omuzasi]

a Kunzverwa kwokungwarira kwezvinyorwa kunoramba pomero yokuti Jefta akaita chibairo chomunhu chomwana wake. Ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, mapeji 27-8, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mepu iri papeji 8]

GUNGWA REGARIREA

GUNGWA RAKAFA

Rwizi rwaJoridhani

Bheti-shani

Ramoti-gireadhi

Jabheshi

GIREADHI

[Kwazvakatorwa]

Based on a map copyrighted by Pictorial Archive(Near Eastern History) Est. and Survey of Israel.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe