Jehovha Haana Kutongotisiya
YAKATAURWA NANASHO DORI
Mbreshtan musha muduku uri mugomo kumaodzanyemba kweAlbania, kusati kuri kure neGreece. Ndakaberekerwa imomo muna 1907. Apo ndakanga ndine makore mashanu, ndakavamba kupinda chikoro cheGiriki, asi kudzidza kwangu kwakadzongonyedzwa apo mauto eItaly akavhozhokera Albania mukati meHondo Yenyika I. Pashure pehondo, ndakapfuurira nokudzidza kwangu asi mumutauro wechiAlbania.
KUNYANGE zvazvo vabereki vangu vakanga vasiri vorudzidziso zvikuru, vaichengeta magamuchidzanwa eOrthodox Chechi yeAlbania. Babamukuru vangu vakanga vari muprista muMbreshtan, naizvozvo ndakashanda muchechi ndokuzvionera zvaiitika imomo. Tsika dzacho dzairatidzika sedzisina revo kwazvo, uye unyengeri hwaindinetsa.
Vachiita mutsinhirano netsika dzomunzvimbomo, vabereki vangu vakandisarudzira mudzimai muduku kuti ndiroore. Argjiro akanga achibva mumusha wakanga uri pedyo weGrabova, uye takaroorana muna 1928, apo akanga ane makore 18.
Kudzidza Zvokwadi dzeBhaibheri
Panenge panguva iyoyo ndakanyunyuta pamusoro peChechi yeOrthodox kune imwe hama yangu yakanga ichishanya kubva kuUnited States. “KuAmerica, pedyo nomusha wangu,” akapindura kudaro, “pane boka ravanhu vasina chechi, asi vanofunda Bhaibheri.” Pfungwa yokufunda Bhaibheri pasina chechi yakandifadza. Naizvozvo ndakakumbira kana aizonditumira mamwe mabhuku eBhaibheri.
Ndakakanganwa chose chose pamusoro pekurukurirano yedu kutozosvikira rinenge gore gare gare apo ndakagamuchira pasuru kubva kuMilwaukee, Wisconsin. Mukati makanga mune bhuku rinonzi The Harp of God muchiAlbania uye Nharireyomurindi muchiGiriki. Ndakarava mifungo mikuru mubhuku racho ndokucherekedza nongedzero kuchechi yechokwadi. Izvozvo zvakandikanganisa. ‘Handidi chinhu chipi nechipi chine chokuita nechechi,’ ndakadaro kwandiri ndimene. Naizvozvo handina kunyatsorava bhuku racho.
Muna 1929, ndakapinda muuto uye ndakatumirwa kuguta reTiranë, dzimbahwe reAlbania. Ikoko ndakasangana naStathi Muçi, akanga achirava Bhaibheri rechiGiriki. “Unoenda kuchechi here?” Ndakabvunza. “Aiwa,” akapindura kudaro. “Ndakasiya chechi. Ndiri mumwe weInternational Bible Students.” Mumwe wavarwi neni takaenda kune mumwe musangano naStathi paSvondo. Ikoko ndakadzidza kuti chechi yechokwadi haisati iri chivako kana kuti rudzidziso, asi inoumbwa navabatiri vaKristu vakazodzwa. Zvino ndakanzwisisa zvakanga zvichitaurwa neThe Harp of God.
Nasho Idrizi naSpiro Vruho vakanga vadzokera kuAlbania kubva kuUnited States pakati pama1920 uye vakanga vachiparadzira zvokwadi dzeBhaibheri idzo vakanga vadzidza ikoko. Ndakavamba kupinda misangano muTiranë, pamwe chete naVadzidzi veBhaibheri vanoverengeka. Nokukurumidza kwakava kwakajeka kwandiri kuti ndakanga ndawana sangano raJehovha. Naizvozvo pana August 4, 1930, ndakabhapatidzwa murwizi rwaiva pedyo naipapo.
Pashure pacho ndakadzokera kuMbreshtan kuti ndipfuurire nebasa rangu rokugadzira shangu. Asi chinokosha zvikuru, ndakavambawo kugoverana navamwe zvokwadi dzeBhaibheri dzandakanga ndadzidza. Ndaivaudza, kuti: “Jesu Kristu haana kufanana nezvifananidzo zviri muchechi. Mupenyu!”
Kuparidza Pasinei Zvapo Nokushorwa
Ahmed Bey Zogu akabvuta simba muna 1925, akazviita amene King Zog I muna 1928, uye akatonga kusvikira muna 1939. Gurukota rake rekodzero dzavanhu rakapa mvumo yebasa redu rechiKristu. Kunyange zvakadaro, takava nezvinetso. Ikoku kwakanga kuri nemhaka yokuti Musa Juka, gurukota rezvomukati, akanga akasanobatana napapa aiva muRome. Juka akarayira kuti marudzidziso matatu bedzi ave apamutemo—Muslim, Orthodox, uye Roma Katurike. Mapurisa akaedza kutora mabhuku edu ndokumisa kuparidza kwedu, asi haana kubudirira.
Mukati mema1930, ndaiwanzoshanyira Berat, rimwe guta guru riri muAlbania uko Mihal Sveci aitungamirira basa redu rokuparidza. Takaronga shanyo dzokunoparidza munyika yose. Kamwe chete ndakatumirwa kutaundi reShkodër kwamavhiki maviri, uye ndakakwanisa kusiya mabhuku akawanda. Muna 1935 boka redu rakahaya bhazi kuti rindoparidza kutaundi reKëlcyrë. Ipapo shanyo huru yeAlbania yakanga yakarongerwa mataundi ePërmet, Leskovik, Ersekë, Korçë, Pogradec, uye Elbasan. Takapedzera shanyo yacho muTiranë nguva chaiyo yokuti tichengete Chirangaridzo chorufu rwaKristu.
Mugove wezvokudya zvomudzimu wakatigonesa kuramba takasimba mumudzimu, naizvozvo hatina kutongonzwa tasiyiwa. Kubva muna 1930 kusvikira muna 1939, ndakagamuchira Nharireyomurindi yechiGiriki nguva dzose. Nharidzano yangu yakanga iri yokuravawo Bhaibheri inenge awa imwe zuva rimwe nerimwe, izvo ndakaita kwemakore 60 kuona kwangu kusati kwakundikana. Nguva pfupi yapfuura bedzi ndipo apo Bhaibheri rose rakava rinowanika mumutauro weAlbania, naizvozvo ndinofara kuti ndakadzidza chiGiriki ndiri mwana. Zvimwe Zvapupu zveAlbania mumazuva iwayo apakuvamba zvakadzidzawo kurava chiGiriki kuitira kuti izvowo zvigone kurava Bhaibheri rose.
Muna 1938, Argjiro akabhapatidzwa. Pakazosvika 1939 vanomwe vavana vedu gumi vakanga vaberekwa. Nenzira inosuruvarisa, vatatu vavana vedu vanomwe vokutanga vakafa apo vakanga vachiri vaduku.
Kutambura Mukati meHondo Yenyika II
Muna April 1939, nguva pfupi Hondo Yenyika II isati yavamba, mauto echiFascist eItaly akadenha Albania. Nokukurumidza pashure paikoko basa reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa, asi boka redu duku ravaparidzi voUmambo vanenge 50 rakapfuurira kuparidza. Anenge 15 000 amabhuku namabhukwana edu zvakabvutwa ndokuparadzwa mukati meHondo Yenyika II.
Jani Komino akanga ane kamuri huru yokuchengetera mabhuku yakabatanidzwa nomusha wake. Apo mauto eItaly akaziva kuti mabhuku akanga adhindwa muUnited States, vakashatirwa. “Muri vaparadziri vemashoko anokuvadza! United States inorwisana neItaly!” vakadaro. Hama duku dzaishingaira Thomai naVasili Cama dzakasungwa, uye apo kwakazivikanwa kuti mabhuku avakanga vachiparadzira akanga abva kuna Komino, naiyewo akasungwa. Nokukurumidza ndakadanwa namapurisa kuti ndibvunzurudzwe.
“Ava varume unovaziva here?” vakabvunza kudaro.
“Hungu,” ndakapindura kudaro.
“Unoshanda navo here?”
“Hungu,” ndakapindura kudaro. “Tiri Zvapupu zvaJehovha. Hatirwisani nehurumende. Hatitori rutivi.”
“Wave uchiparadzira aya mabhuku here?”
Apo ndakapindura nenzira yokubvuma, vakandiisa simbi, uye ndakaiswa mutorongo pana July 6, 1940. Imomo ndakakumbanira vamwe vashanu vaibva mumusha wangu—Josef Kaci, Llukan Barko, Jani Komino, uye vanaCama. Apo takanga tiri mutorongo takasangana nezvimwe Zvapupu zvitatu—Gori Naçi, Nikodhim Shyti, uye Leonidas Pope. Tose zvedu takanga takatsvikinyidzana muchitokisi chamamita 1.8 ne3.7!
Pashure pamazuva mashomanene, takasungwa necheni pamwe chete ndokuendeswa kuguta rePërmet. Mwedzi mitatu gare gare takatamisirwa kutorongo riri muTiranë ndokuchengetwa kwemwedzi misere yokuwedzera pasina kutongwa.
Pakupedzisira, takaenda pamberi pedare ramauto rinotonga. Hama Shyti neni takatongerwa mwedzi 27, Hama Komino mwedzi 24, uye vamwe vakasunungurwa pashure pemwedzi 10. Takatamisirwa kutorongo reGjirokastër, uko Hama Gole Flloko vakabetsera kuti tiwane kusunungurwa kwedu muna 1943. Pashure paikoko mhuri yedu yakagara muguta rePërmet, umo ndakava mutariri weungano yacho duku.
Kunyange zvazvo basa redu rakanga rarambidzwa uye Hondo Yenyika II yakanga ichipisa munyika dzakatipota, takapfuurira kuita zvataigona kuti tiite basa redu rokuparidza shoko roUmambo. (Mateo 24:14) Muna 1944 hwerengedzo yeZvapupu 15 zvakanga zviri mutorongo. Bva, mukati meidzi nguva dzinotambudza, hatina kutongonzwa tasiyiwa naJehovha.
Kuedzwa Panhau Yokusatora Rutivi
Kunyange zvazvo hondo yakapera muna 1945, kutambudzika kwedu kwakapfuurira uye kunyange kutova kwakaipa zvikuru. Kuvhota kwokumanikidza kwakamanikidzirwa mukati mesarudzo yaDecember 2, 1946. Munhu upi noupi aishinga kurega airangarirwa somuvengi weHurumende. Avo vaiva muungano yedu muPërmet vakavamba kubvunza, kuti: “Tinofanira kuitei?”
“Kana muchivimba naJehovha,” ndakapindura kudaro, “hamufaniri kundibvunza chokuita. Munotoziva kuti vanhu vaJehovha havatori rutivi. Havasi rutivi rwenyika.”—Johane 17:16.
Zuva resarudzo rakasvika, uye vamiririri vehurumende vakauya kumba kwedu. Vakavamba zvinyoronyoro nokuti, “Haiwa, ngatinwei kofi uye titaure. Munoziva kuti nhasi chii?”
“Hungu, nhasi sarudzo iri kuitwa,” ndakapindura kudaro.
“Zviri nani kuti mukurumidze, kana kuti zvimwe munganonoka,” mumwe mukuru mukuru akadaro.
“Aiwa, handisati ndiri kuronga kuenda. Vhoti yedu ndeyaJehovha,” ndakapindura kudaro.
“Zvakanaka, ipapo uyai muvhotere muvengi.”
Ndakatsanangura kuti Zvapupu zvaJehovha hazvitori rutivi chose chose. Apo chimiro chedu chakasanozivikanwa, dzvinyiriro huru zvikuru yakaiswa patiri. Takarayirwa kurega kuita misangano yedu, naizvozvo takavamba kusangana muchivande.
Kudzokera Kumusha Kwedu Kwatakabva
Muna 1947 mhuri yangu neni takadzokera kuMbreshtan. Nokukurumidza pashure paikoko, pamasikati aitonhora zvikuru aDecember, ndakadanwa kuhofisi yeSigurimi (mapurisa omuchivande). “Unoziva chikonzero nei ndakudana here?” mukuru mukuru akabvunza.
“Ndinofungidzira kuti imhaka yokuti makanzwa pomero inorwisana neni,” ndakapindura kudaro. “Asi Bhaibheri rinotaura kuti nyika yaizotivenga, naizvozvo pomero hadzindishamisi.”—Johane 15:18, 19.
“Usataure nezveBhaibheri kwandiri,” akandijinyura kudaro. “Ndinokurova zvakakomba.”
Mukuru mukuru wacho navarume vake vakabuda asi vakandirayira kumira kunze muchando. Pashure penguva yakati akandidana kudzokera muhofisi yake ndokundirayira kurega kuita misangano mumusha wedu. “Vangani vanogara mumusha wako?” akabvunza kudaro.
“Zana namakumi maviri,” ndakadaro.
“Ndeverudzidziso rwupi?”
“Orthodox yeAlbania.”
“Uye iwe?”
“Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.”
“Vanhu zana namakumi maviri vanoenda nzira imwe uye iwe unoenda imwe?” Ipapo akandirayira kupisa makenduru muchechi. Apo ndakataura kuti handisati ndaizozviita, akavamba kundirova netsvimbo. Pakupedzisira ndakazosunungurwa nedzinenge 1 kiroko mangwanani.
Kutumirwa Kwamabhuku Kunogumiswa
Pashure pokunge Hondo Yenyika II yapera, takavambazve kugamuchira Nharireyomurindi kupfurikidza nepositi, asi pakupedzisira magazini akanga asisasviki. Ipapo, humwe usiku na10 kiroko, ndakadanwa namapurisa omuchivande. “Magazini iri muchiGiriki yasvika,” ndakaudzwa kudaro, “uye tinoda kuti iwe utsanangure kuti iyo yose iri pamusoro pei.”
“Handinyatsozivi chiGiriki,” ndakadaro. “Muvakidzani wangu anochiziva zviri nani. Zvichida angakubetserei.”
“Aiwa, tinoda kuti iwe utsanangure iyi,” mumwe mukuru mukuru akadaro sezvaaibudisa makopi echiGiriki eNharireyomurindi.
“Haiwa, iwaya ndeangu!” Ndakadaro. “Chokwadika, ndinogona kutsanangura ikoku. Munoonaka, aya magazini anobva kuBrooklyn, New York. Ikoko ndiko kunowanika dzimbahwe reZvapupu zvaJehovha. Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Asi kunoratidzika kuti vakaita mhosho nekero yacho. Magazini aya aifanira kunge akatumirwa kwandiri, kwete kwamuri.”
Havana kundipa magazini acho, uye kubvira panguva iyeyo kusvikira muna 1991, anosanopfuura makore 40 gare gare, hatina kugamuchira mabhuku api neapi eBhaibheri muAlbania. Mukati memakore ose iwayo, takapfuurira kuparidza, tichishandisa maBhaibheri edu bedzi. Zvinenge Zvapupu 20 zvakanga zviri mutorongo muna 1949; zvimwe zvaiva nomutongo wamakore mashanu.
Zvitambudzo Zvinowedzera
Muma1950, vanhu vakarayirwa kutakura magwaro airatidza kuti vaitsigira mauto. Asi Zvapupu zvaJehovha zvakaramba kutakura magwaro akadaro. Nemhaka yaikoku, Hama Komino neni takapedza mwedzi miviri tiri mujeri.
Mukati menguva iyo Hurumende yakabvumira kuvapo kwamarudzidziso akati, takanga tine mwero wakati worusununguko. Zvisinei, muna 1967 rudzidziso rwuri rwose rwakarambidzwa, kuchiita Albania nenzira yapamutemo nyika isingadaviri kuvapo kwaMwari chose chose. Zvapupu zvakapfuurira kuedza kuita misangano, asi kwakava kwakaoma zvikuru. Vamwe vedu takasonera homwe chaiyo mukati meforoma yebhachi kuitira kuti tigogona kuviga Bhaibheri duku. Ipapo taibuda kuenda kumunda kuti tirirave.
Zvapupu zvaiva muTiranë zvakabatwa, uye zvitatu zvakatongerwa makore mashanu mumusasa wechibharo waiva kure. Somugumisiro, mhuri dzazvo dzakatambura. Avo vedu, vaibva mumisha miduku yaiva kure hatina kutumirwa kure nokuti hatina kurangarirwa setyisidziro yakakomba. Asi kusatora rutivi kwedu kwakatungamirira kukubviswa kwamazita edu pandaza yezvokudya. Nokudaro, upenyu hwakanga hwakaoma zvikuru. Uyewo, vamwe vana vedu vaviri vakafa. Bva hatina kutongonzwa tasiyiwa naJehovha.
Rutyo rwakanga rwakatekeshera muAlbania. Munhu ari wose aicherekedzwa, uye mapurisa apachivande, ainyora mishumo pane munhu upi noupi aishinga kutaura murangariro wakasiyana nouyo webato rakanga richitonga. Naizvozvo taingwarira zvikuru pamusoro pokuita mishumo yakanyorwa pamusoro pebasa redu. Taisagona kusangana nokuda kwekukurudzirana mumudzimu mumapoka akakura kupfuura vaviri kana kuti vatatu. Zvisinei, hatina kutongorega kuparidza.
Munhamburiko dzokuedza kuparira vhiringidziko pakati pehama, mapurisa omuchivande akaparadzira guhwa rokuti chimwe Chapupu chakatanhamara muTiranë chakanga chiri musori. Ikoku kwakaparira vamwe kurasikirwa nechivimbo uye kwakati vhiringidzei chinzwano chedu. Nemhaka yokusava namabhuku eBhaibheri azvino uno uye nokusava nekurukurirano nesangano raJehovha rinooneka, vashomanene vakatera kurutyo.
Mukuwedzera, zviremera zvakaparadzira guhwa rokuti Spiro Vruho, mukuru wechiKristu anoremekedzwa zvikuru muAlbania, akanga azviuraya. “Maonaka,” vakadaro, “kunyange Vruho atera.” Gare gare kwakava pachena kuti Hama Vruho chaizvoizvo vakanga vapondwa.
Muna 1975, Argjiro neni takagara nomwanakomana wedu muTiranë kwemwedzi mishomanene. Mukati menguva yesarudzo, zviremera zvaiva muguta zvakatidzvinyirira kupfurikidza nokutityisidzira, kuti: “Kana musingavhoti, tichatorera mwanakomana wenyu basa rake.”
“Mwanakomana wangu ave ari pabasa rake kwamakore 25,” ndakapindura kudaro. “Mune zvinyorwa zvake zvomunhu oga muudzame pamusoro pake nemhuri yake. Handina kuvhota kweanopfuura makore 40. Aya mashoko anowanzova muzvinyorwa zvavashandi. Kana asati arimo, ipapo zvinyorwa zvenyu hazvina kurongeka. Kana arimo muzvinyorwa zvenyu, ipapo mave musina kuvimbika kubato kupfurikidza nokumubvumira kushanda kwamakore akawanda kwazvo.” Pakunzwa izvozvi, zviremera zvakataura kuti kudai taizodzokera kuMbreshtan, havasati vaizomutsazve nhau yacho.
Chinjo Dzinoshamisa
Muna 1983 takatama kubva muMbreshtan kuenda kuguta reLaç. Nokukurumidza pashure paikoko, muna 1985, mutongi anodzvinyirira akafa. Akanga atonga kuvambira pasarudzo dziya dzokutanga dzokumanikidzira muna 1946. Pashure penguva yakati, chifananidzo chake, icho chakanga chakatanhamara munzvimbo huru panoungana vanhu muTiranë, neicho chaStalin zvakabviswa.
Mukati memakumi amakore erambidzo pamubato wedu, Zvapupu zvakawanda zvakabatwa noutsinye, uye zvimwe zvakaurawa. Mumwe murume akaudza Zvapupu zvakanga zviri mumugwagwa, kuti: “Mukati menguva yavaKomonisiti, tose zvedu takanga tasiya Mwari. Zvapupu zvaJehovha bedzi ndizvo zvakaramba zvakatendeka kwaari pasinei zvapo nemiedzo uye nhamo.”
Sezvo rusununguko rwakawanda rwakapiwa, vapfumbamwe vakashuma mubato muushumiri hwechiKristu muna June 1991. Muna June 1992, mwedzi mumwe pashure pokunge rambidzo yabviswa, 56 vakagoverana mubasa rokuparidza. Pakuvamba zvikuru gore iroro takafadzwa zvikuru kuva navane 325 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Kubvira panguva iyeyo nhamba iri kuparidza yakakura kusvikira kuvanopfuura 600, uye hwerengedzo yavane 3 491 yakapinda Chirangaridzo pana April 14, 1995! Mumakore mashomanene apfuura wave uri mufaro usingarondedzereki kwandiri kuona vaduku vakawanda kwazvo vachiwedzerwa kuungano dzedu.
Argjiro akaramba akatendeka kuna Jehovha uye ave akavimbika kwandiri mukati memakore ose iwaya akawanda. Apo ndakanga ndiri mutorongo kana kuti ndichifamba mubasa rokuparidza, nenzira yokushivirira akatarisira zvinodikanwa zvemhuri yedu pasina kunyunyuta. Mumwe wavana vedu nomudzimai wake vakabhapatidzwa muna 1993. Ikoko kwakatifadza kwazvo.
Nokuda kwoUmambo hwaMwari Bedzi
Ndinofadzwa kuona sangano raJehovha muAlbania rakasanobatanidzwa uye richifarikanya budiriro yomudzimu. Ndinonzwa sezvakaita Simeoni akakwegura muJerusarema uyo asati afa akapiwa ropafadzo inokosha yokuona Mesiya akapikirwa kare kare. (Ruka 2:30, 31) Zvino apo ndinobvunzwa rudzi rwehurumende yandinofarira, ndinoti: “Handifariri chiKomonizimu kana kuti gadziriro umo varidzi vanobvumirwa kudzora pfuma yavo. Kuti vanhu kana kuti Hurumende ndivo vanova varidzi venyika hazvikoshi. Hurumende dzinogadzira migwagwa, dzinounza magetsi kumisha iri kure, uye dzinogovera mwero wakati wenhevedzano. Zvisinei, hurumende yaJehovha, Umambo hwake hwokudenga, ndihwo bedzi mhinduro kuzvinetso zvakaoma zvinotarisana neAlbania pamwe chete neyose yasara yenyika.”
Izvo vabatiri vaMwari vari kuita mupasi rose mukuparidza pamusoro poUmambo hwaMwari harisi basa romunhu upi noupi. Iri ibasa raMwari. Isu tiri vabatiri vake. Kunyange zvazvo takava nokutambura kwakawanda muAlbania uye takanga tisina kurukurirano kwenguva refu nesangano raJehovha rinooneka, hatina kutongosiyiwa naye. Mudzimu wake wave uri muno nguva dzose. Akatitungamirira nhano iri yose yenzira. Ndakazviona izvozvi muupenyu hwangu hwose.