RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 7/8 pp. 28-32
  • Nzira Yakagutswa Nayo Nyota Yangu Yokunamata

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Yakagutswa Nayo Nyota Yangu Yokunamata
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Upenyu Hwangu Ndiri Sisita
  • Zvinhu Zvakatanga Kundinetsa
  • Kuda Kuziva Bhaibheri
  • Kudzidza Zvakawanda nezveBhaibheri
  • Kusonganira neZvapupu
  • Chisarudzo Chinokosha
  • Kushandira Mumunda Wokunze Kwenyika
  • Zvokwadi yeBhaibheri Inosunungura muNun muBolivia
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Jehovha Haana Kutongotisiya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Jehovha Ave Achindipa “Simba Rinopfuura Romuzvarirwo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 7/8 pp. 28-32

Nzira Yakagutswa Nayo Nyota Yangu Yokunamata

YAKATAURWA NALUCIA MOUSSANETT

RIRI mumakomo omupata uri kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweItaly, pedyo neSwiss Alps uye Mont Blanc yeFrance ine mukurumbira, idunhu reValle d’Aosta. Ndakaberekerwa ikoko muna 1941 munzanga duku yeChallant St. Anselme.

Ndini ndaiva dangwe pavana vashanu; vainditevera vana vaiva vakomana. Amai vaiva mushandi ane simba uye muKaturike akazvipira. Baba vaibvawo mumhuri yechitendero. Vaviri pahanzvadzi dzababa vaiva masisita akapikira. Vabereki vangu vakazvinyima zvimwe zvinhu vachiitira ini, kusanganisira kuti ndiwane dzidzo. Munzanga yedu duku makanga musina zvikoro, saka pandakanga ndava nemakore 11, vabereki vangu vakandiendesa kuchikoro chebhodhingi chaiva chemasisita.

Ikoko ndakadzidza chiLatin nechiFrench, nezvimwewo zvidzidzo. Zvadaro, pandakasvitsa makore 15, ndakatanga kufungisisa kuti ndingashumira Mwari sei. Ndakafunga kuti kushandira chechi yaizova nzira yakanakisisa yokuita izvi. Zvisinei, vabereki vangu havana kufarira pfungwa iyi, sezvo Amai vaizosara vachitarisirwa nehanzvadzi dzangu. Vabereki vangu vakanga vachitarisira kuti dzidzo yangu yaizondiwanisa basa rakanaka ndobatsira mhuri mune zvemari.

Kunyange zvazvo vabereki vangu vakandigumbura, ndaida chinangwa chaicho muupenyu uye ndakafunga kuti Mwari anofanira kuva pakutanga. Saka, muna 1961, ndakashandira chechi yeRoma Katurike.

Upenyu Hwangu Ndiri Sisita

Mwedzi yokutanga, ndakadzidza mirau yechechi nezvinotarisirwa uye kuita basa remaoko pachivako chechechi yacho. Muna August 1961, ndakatanga kudzidzira zvousisita, uye ndakatanga kupfeka zvipfeko zvinowanzopfekwa nemasisita. Ndakasarudzawo kushandisa zita idzva, Ines, zita raamai vangu. Parakabvumwa, ndakatanga kuzivikanwa saSisita Ines.

Kunyange zvazvo vaidzidzira usisita vakawanda vaishandira panze pechivako chechechi, ndaiva nedzidzo yakakwana kushanda somudzidzisi wevana vaduku. Makore maviri pava paya, muna August 1963, ndakaita mhiko, ndichiva sisita pamamwe Masisita eSan Giuseppe muAosta, kuItaly. Gare gare, chechi yakatsigira dzidzo yangu yokuwedzera nokunditumira kuYunivhesiti yeMaria Santissima Assunta muRome.

Pandaidzokera kuAosta muna 1967 pashure pokupedza dzidzo yangu muRoma, ndakatanga kudzidzisa pachikoro chesekondari. Muna 1976, ndakapiwa chinzvimbo chokuva mutungamiriri wechikoro chacho. Kunyange zvazvo ndakanga ndichiri kudzidzisa mamwe makirasi, ndakava mumwe wevanotarisira chikoro chacho ndokuva nhengo yedare rezvikoro zvomudunhu reValle d’Aosta.

Chido changu chomwoyo wose chaiva chokubatsira varombo. Ndaivanzwira tsitsi chaizvo. Saka ndakaronga mapurogiramu akasiyana-siyana, kusanganisira imwe yaibatsira vainge varwarisa vasina mhuri. Ndakaitawo chirongwa chokubatsira kudzidzisa vana vevanhu vainge vatamira munyika yedu. Uyezve, ndaitsvakira varombo basa nemba uye ndaibatanidzwawo mukupa ruyamuro rwokurapa vaya vaishaya. Ndaiedza kurarama upenyu hwangu maererano nenhungamiro dzechitendero dzechechi.

Panguva iyoyo, ndakagamuchira dzidziso dzeKaturike, dzaisanganisira dzidziso dzechechi dzakadai soUtatu, yokuti mweya haufi, uye maonero anoita vaKaturike upenyu hwevanhu hweramangwana husingagumi. Panguva iyoyo, dzidziso dzeKaturike dzaibvumira pfungwa dzakadai sokuti kune zvinotendwa zvakawanda, izvo zvaireva kubvuma uye kubatana nezvimwe zvitendero.

Zvinhu Zvakatanga Kundinetsa

Asi zvimwe zvinhu zvaiitwa neChechi yeKaturike zvaindinetsa. Somuenzaniso, vasati vabhabhatidzwa uye vagamuchirwa, vabereki nevana vaifanira kudzidza zvairehwa nematanho aya. Zvisinei, vakawanda vakanga vasingambouyi kumakirasi, uye vamwe vakanga vasingaedzi kudzidza. Uyezve, vamwe vainge vatadza kubhabhatidzwa nokugamuchirwa mune rumwe ruwa vaingoenda kune rumwe kuti vabhabhatidzwe vogamuchirwa ikoko. Kwandiri izvozvo kwaiva kubata kumeso uye unyengeri.

Dzimwe nguva ndaibvunza vamwe vangu vechisisita kuti, “Hatifaniri kuparidza Evhangeri pane kuzvipa kuita mamwe mabasa ose akasiyana-siyana here?” “Tinoparidza nokuita mabasa akanaka,” vaindipindura saizvozvi.

Uyezve, zvaindiomera chaizvo kudavira kuti ndaifanira kuenda kune mupristi kunoreurura zvivi zvangu. Ndaifunga kuti ndaifanira kunge ndichigona kutaura naMwari nokuda kwezvinhu zvakadaro zvomunhu oga. Zvakare, pfungwa yokuyeuka nomusoro uye kudzokorora minyengetero yakanga yakandiomera kugamuchira. Zvaindinetsawo zvekare kudavira kuti papa haatadzi. Nokufamba kwenguva, ndakafunga kuchengeta zvandaidavira pachangu pazvinhu zvakadaro ndokungoenderera mberi noupenyu hwangu hwechitendero.

Kuda Kuziva Bhaibheri

Nguva yose ndairemekedza kwazvo Bhaibheri uye ndaida kuriziva. Pose pandaifanira kuita chisarudzo kana kunzwa ndichida kutsigirwa naMwari, ndaiverenga Bhaibheri. Kunyange zvazvo takanga tisingaridzidzi muchechi, ndairiverenga ndoga. Nhoroondo iri pana Isaya 43:10-12, apo Jehovha Mwari akati, “Ndimi zvapupu zvangu,” yaigarondiorora. Zvisinei, panguva iyoyo, ndakanga ndisinganzwisisi zvainyatsorehwa nemashoko iwayo.

Pandakaenda kuyunivhesiti yaiva muRome pakati pema1960, ndakanga ndatora kosi yedzidziso dzechechi yemakore mana ndichibhadharirwa mari neVatican. Asi Bhaibheri harina kubatanidzwa pamabhuku aishandiswa. Ndadzokera kuAosta, ndakapinda misangano yakawanda yezvitendero, kunyange yaitsigirwa nemari nemamwe masangano ezvitendero nemamwe aisava esangano reKaturike. Izvozvo zvakaita kuti ndinzwe nzara zvikuru yokuda kuziva dzidziso dzeBhaibheri. Paiva nokupokana kwazvo pakati pemasangano iwayo aitaura kuti aidzidzisa bhuku rimwe chete iri!

Kudzidza Zvakawanda nezveBhaibheri

Muna 1982, mumwe weZvapupu zvaJehovha akasvika kune imwe nzvimbo yandaishandira nzanga, ndokuedza kundikwezva kuti tikurukurirane zveBhaibheri. Kunyange zvazvo ndaiva ndakabatikana chaizvo, pfungwa yokuda kudzidza Bhaibheri yakandifadza. Saka ndakati, “Ndapota huya kuchikoro kwangu, uye pandinenge ndine awa yakasununguka, tingataura.”

Kunyange zvazvo mukadzi wacho aindishanyira zvechokwadi, handina kuwana “awa yakasununguka” mupurogiramu yangu. Panguva iyoyo amai vangu vakaziva kuti vaiva nekenza, saka ndakabva ndaenda kuzororo kunovabatsira. Pashure porufu rwavo muna April 1983, ndakadzokera kubasa rangu, asi panguva iyoyo Zvapupu zvakanga zvisingachazivi kwandaiva. Zvisinei, nguva pfupi pashure pacho, chimwe Chapupu, chaiva nemakore okuma20, chakandishanyira kuti chitaure neni nezveBhaibheri. Ndakanga ndichiverenga ndoga bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa. Saka ndakamubvunza kuti, “Vanhu 144 000 vari kutaurwa pano pana Zvakazarurwa chitsauko 14 ndivanaani?”

Ndakanga ndadzidziswa kuti vanhu vose vakanaka vachaenda kudenga, uye ndakanga ndisiri kuona chikonzero chokuparadzaniswa kwe144 000 nevamwe mudenga. Ndaishamisika kuti, ‘Ava 144 000 ndivanaani? Basa ravo nderei?’ Mibvunzo iyi yakaramba iri mupfungwa dzangu. Chapupu chacho chakaramba chichiedza kunditsvaka, asi kazhinji ndakanga ndisingawaniki pamba zvokuti hachina kumbobudirira.

Nokufamba kwenguva, Chapupu chacho chakapa Marco kero yangu, mumwe mukuru aiva muungano macho. Pakupedzisira, muna February 1985, akandiwana. Takangotaura maminitsi mashomanana, sezvo ndaiva ndakabatikana, asi takaronga nguva yokuzokurukura. Gare gare iye nomudzimai wake, Lina, vaindishanyira nguva dzose, vachindibatsira kunzwisisa Bhaibheri. Munguva pfupi, ndakagona kuona kuti dzidziso huru dzeKaturike dzakadai soUtatu, kusafa kwomweya, uye moto wehero dzakanga dzisingabvi muBhaibheri.

Kusonganira neZvapupu

Pandakaenda kumusangano weZvapupu zvaJehovha paImba yazvo yoUmambo, zvaiva pachena kuti zvinhu zvaiva zvakanyatsosiyana nezvokuChechi yeKaturike. Vanhu vose, kwete kwaya chete, vaiimba. Uye vaibatanidzwawo mumusangano wacho. Ndakatanga kuonawo kuti sangano racho rose rakanga rakaumbwa ne“hama” ne“hanzvadzi.” Vose vaiva nehanya zvepachokwadi nomumwe nomumwe. Zvinhu izvi zvakandifadza.

Panguva iyoyo, ndaipinda misangano ndakapfeka mbatya dzangu dzechisisita. Vamwe vaishamiswa nokufara zvaitooneka nokuona sisita paImba yoUmambo. Ndakanzwa mufaro uye kugutsikana kunobva nokukomberedzwa nemhuri huru ine rudo. Uyewo, pandaidzidza, ndakatanga kuona kuti nhungamiro dzakawanda dzandakaita kuti upenyu hwangu hutsamire padziri dzakanga dzisingaenderani neShoko raMwari. Somuenzaniso, Bhaibheri haritauri chinhu pazvipfeko zvinoratidza kuti ava vashumiri vaMwari. Zvinzvimbo muChechi nemhemberero dzemaoresa zvaiva zvakanyatsosiyana nezvinodzidziswa neBhaibheri nezvevakuru vanozvininipisa vanotungamirira ungano.

Ndakanzwa sokunge ndainge ndakamira mujecha rinonyudza, ndisina kumira pakasimba. Zvaiita sezvisingabviri kuti ndakanga ndararama upenyu hwangu munzira isiriyo kwemakore 24. Asi, ndakaona zvakajeka chokwadi cheBhaibheri. Ndakatya kufunga kuti pazera remakore 44, ndaifanira kutangisazve upenyu hwangu. Asi ndaigona sei kuenderera mberi maziso angu akavharwa pari zvino ndawana zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri?

Chisarudzo Chinokosha

Ndaiziva kuti kusiya chechi kwaizoreva kuti ndaizosara ndisina mari. Zvisinei, ndakayeuka mashoko aDhavhidhi anotaura nezvewakarurama ‘asina kumbosiyiwa uye kuti vana vake havana kumbopemha zvokudya.’ (Pisarema 37:25) Ndaiziva kuti ndaizorasikirwa nokuchengeteka kwakati mune zvokunyama, asi ndakavimba naMwari ndokuti, ‘Chaizvoizvo ndinofanira kutyirei?’

Mhuri yangu yakafunga kuti ndakanga ndava kupenga. Kunyange izvozvo zvakandinetsa, ndakayeuka mashoko aJesu anoti: ‘Avo vanoda baba kana amai kwazvo kupfuura ini havana kufanira ini.’ (Mateu 10:37) Panguva imwe chete iyi, zviito zviduku zveZvapupu zvakandikurudzira uye zvakandisimbisa. Sezvandaifamba mumugwagwa ndakapfeka zvipfeko zvangu zvousisita, zvaitouya kuzondikwazisa. Izvi zvakaita kuti ndinzwe ndiri pedyo chaizvo nehama uye ndiri nhengo yemhuri yadzo.

Pakupedzisira ndakaenda kuna Amai Mukuru ndokutsanangura chandakanga ndasarudzira kusiya chechi. Kunyange zvazvo ndakanga ndichida kuvaratidza muBhaibheri nei ndakanga ndasarudza izvi, vakaramba kuteerera vachiti: “Kana ndichida kunzwisisa chinhu chipi nechipi chiri muBhaibheri, ndinodana nyanzvi yeBhaibheri!”

VeChechi yeKaturike vakavhundutswa nechisarudzo changu. Vakandipomera unzenza uye kuti pfungwa dzangu hadzichatori zvakanaka. Asi, vaya vaindiziva vakaziva kuti kupomera kwacho dzaiva nhema. Vanhu vandakanga ndashandira vakaitawo nenzira dzakasiyana-siyana. Vamwe vakaona zvandakanga ndaita sechiito choushingi. Vamwe vakarwadziwa, vachifunga kuti ndakanga ndopinda munzira isiriyo. Vamwe vakatondinzwira tsitsi.

Musi waJuly 4, 1985, ndakasiya Chechi yeKaturike. Zvichiziva mabatirwo akanga aitwa vamwe vakanga vatora nzira yakadaro, Zvapupu zvakatyira chengeteko yangu uye zvakandivanza kwounenge mwedzi. Zvainditora pakuenda kumisangano uye zvodzoka neni kwandaigara. Ndakagara ndisingaoneki kusvikira zvinhu zvagadzikana. Zvadaro, musi waAugust 1, 1985, ndakatanga kubuda muushumiri neZvapupu zvaJehovha.

Pandakazopinda imwe Kokorodzano yoRuwa yeZvapupu zvaJehovha muna August, vanobudisa nhau vakanga vava kuziva kuti ndakanga ndasiya chechi uye vakabudisa nyaya yacho. Pandakazobhabhatidzwa musi waDecember 14, 1985, chiteshi cheterevhizheni yomunharaunda iyoyo nevepepanhau remo vakafunga kuti zvaisagamuchirika kwazvo zvokuti vakabudisa nyaya yacho zvakare, kuti vabate chokwadi kuti munhu wose anzwa zvandakanga ndaita.

Pandakasiya chechi, ndakanga ndisina chinhu zvachose kunyama. Ndakanga ndisina basa, musha, uye ndisina mari yomudyandigere. Saka kwerinenge gore, ndakashanda kutarisira mumwe munhu akanga akaremara. Muna July 1986, ndakava piyona, sokudanwa kunoitwa vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha. Ndakatamira kunzvimbo yaiva neungano duku, yakanga ichangobva kuumbwa. Ikoko ndakadzidzisa zvimwe zvidzidzo zvechikoro nezvimwe, nokudaro ndichishandisa zvakanaka dzidzo yangu. Izvi zvakaita kuti ndive nepurogiramu yakasununguka.

Kushandira Mumunda Wokunze Kwenyika

Zvandakanga ndadzidza chokwadi cheBhaibheri, ndaida kuchiudza vanhu vakawanda nepandaikwanisa. Sezvo ndaitaura chiFrench, ndakafunga kushandira mune imwe nyika yomuAfrica inotaurwa chiFrench. Asi zvadaro muna 1992, Zvapupu zvaJehovha zvakazivikanwa zviri pamutemo muAlbania. Pakupera kwegore iroro, boka duku remapiyona aibva kuItaly rakatumirwa ikoko. Pakati paro paiva naMario naCristina Fazio vomuungano yangu. Vakandikumbira kuti ndivashanyire uye kuti ndifunge nezvokushandira muAlbania. Saka ndafungisisa uye ndanyengetera, pazera remakore 52, ndakasiya kumwezve kuchengeteka ndokuenda kune imwe nzvimbo yakatosiyana zvachose.

Izvozvo zvakaitika muna March 1993. Ndasvika ikoko ndakaona nokukurumidza kuti kunyange zvazvo ndakanga ndisiri kure nenyika yokumusha kwangu, ndakanga ndatova mune imwe nyika. Vanhu vaifamba netsoka kwose kwavaienda, uye vaitaura chiAlbania, mutauro wandakanga ndisingatombonzwisisi zvachose. Nyika yacho yakanga ichichinja chaizvo, ichibva mune imwe gadziriro yezvematongerwe enyika kuenda mune imwe. Asi, vanhu vakanga vane nyota yechokwadi cheBhaibheri, uye vaida kuverenga nokudzidza. Vadzidzi veBhaibheri vaikurumidza kufambira mberi mune zvokunamata, uye izvi zvakafadza mwoyo wangu, zvichindibatsira kuchinja munzvimbo itsva iyi.

Pandakasvika muTiranë, guta guru, muna 1993, maingova neungano imwe chete muAlbania uye maingova neZvapupu zvaingoti darikei 100 zvakapararira munyika yacho. Mwedzi iwoyo, pagungano rezuva chairo rakaitirwa muTiranë, 585 vaivapo uye 42 vakabhabhatidzwa. Kunyange zvazvo ndakanga ndisina chandainzwisisa, zvakandibaya mwoyo kunzwa Zvapupu zvichiimba uye kuona kuti zvainge zvakateerera kwazvo. Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu chakasvika muna April, uye 1 318 vaivapo! Kubvira ipapo zvichienda mberi, kuwedzera kwebasa rechiKristu kwakabudirira muAlbania.

Ndaiwanzotarisa panze ndiri pavheranda reimba yangu yaiva panhurikidzwa yechina muTiranë ndozvibvunza kuti, ‘Tichazombokwanisa kutaura nevanhu vose ava here?’ Jehovha Mwari akatarisira izvozvo. Iye zvino mava neungano 23 dzeZvapupu zvaJehovha muTiranë. Munyika yose, mune ungano 68 uye mapoka 22, neZvapupu 2 846. Kuwedzera kwose uku kwaitika mumakore mashomanana! Uye takava ne12 795 vaivapo paChirangaridzo muna 2002!

Mumakore aya gumi ndiri muAlbania, yave iri ropafadzo yangu huru kubatsira vanhu vanenge 40 kusvika pakubhabhatidzwa. Vanoverengeka vavo pari zvino vanoshandawo semapiyona uye mumamwe mabasa enguva yakazara. Mumakore aya, mapoka matanhatu emapiyona okuItaly akatumirwa kuAlbania kuzobatsira basa. Boka rimwe nerimwe rakaitiswa kosi yemwedzi mitatu yomutauro, uye ndakatambira tsamba yaindikumbira kudzidzisa makirasi mana okupedzisira.

Shamwari dzangu padzakatanga kuziva nezvechisarudzo changu chokubuda muchechi, dzakaita zvakasiyana-siyana nenzira yokunyanyisa. Zvisinei, pashure pemakore ose aya, mafungiro avo adzikama, sezvo vanoona kuti ndakanyarara uye ndine rugare. Zvinofadza kuti mhuri yangu, kusanganisira tete vangu vane makore 93, avo vachiri sisita, vanotsigira kwazvo.

Kubvira pandakatanga kuziva Jehovha, ave achinditarisira mumamiriro ezvinhu akawanda kwazvo akasiyana-siyana! Akatungamirira tsoka dzangu kusangano rake. Sezvandinotarira shure, ndinoyeuka chido changu chokubatsira varombo, vanoshayiwa, uye chido changu chokunyura zvizere mubasa raMwari. Ndosaka ndichitenda Jehovha, nokuti akava nechokwadi chokuti nyota yangu yokunamata yagutswa.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Imwe mhuri yokuAlbania yandakadzidza nayo Bhaibheri. Gumi nomumwe chete vakabhabhatidzwa

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vakawanda pane vakadzi ava vandakadzidza navo Bhaibheri muAlbania iye zvino vari muushumiri hwenguva yakazara

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe