RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 3/15 pp. 24-27
  • Kukubatira Kunoita Vafudzi vechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukubatira Kunoita Vafudzi vechiKristu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dziviriro Pachii?
  • Chii Chiri Shanyo Yokufudza?
  • Nei Mufudzi Achikushanyira?
  • Makwai Akasimba Anoda Tarisirwo
  • Kuronga Nguva Yeshanyo Dzokufudza
  • Zvikomborero Zveshanyo Dzokufudza
  • Vafudzi vechiKristu, ‘Zarurai Mwoyo Wenyu Wose’!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Vafudzi, Tevedzerai Vafudzi Vakuru Vanopfuura Vose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Fudzai Boka raMwari Nokudisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kushanya Kunogona Kuva Chikomborero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 3/15 pp. 24-27

Kukubatira Kunoita Vafudzi vechiKristu

MUNZVIMBO dzakawanda kunobvira kucherekedza kutarisira boka kunoita vafudzi. Vanotungamira, vanodzivirira, uye vanogovera nokuda kwemakwai. Ikoku ndekwefariro kuvakuru vechiKristu, sezvo basa ravo richibatanidza mibato yekufudza. Zvirokwazvo, mutoro wavo kuti va“fudze kereke yaMwari” uye no‘kungwarira neboka rose.’—Mabasa 20:28.

Kana uri mutezo weungano yechiKristu, vafudzi vomudzimu vanogona sei kukubatira? Uye unofanira kuita sei kunhamburiko dzavo nokuda kwako? Nei ungano ichida betsero yavo?

Dziviriro Pachii?

Munguva dzakare shumba nezvimwe zvikara zvaipinza mapoka munjodzi uye zvaidya makwai mamwe namamwe. Vafudzi vaifanira kugovera dziviriro. (1 Samueri 17:34, 35) Eya, Satani Dhiyabhorosi “unofamba-famba seshumba, inorira ichitsvaga waingaparadza.” (1 Petro 5:8) Iye anorwa hondo akatsamwa kwete bedzi mukurwisana nesangano rapasi raJehovha rose zvaro asiwo mukurwisana nomubatiri mumwe nomumwe waMwari. Chinangwa chaSatani ndecheyi? Anoda kuodza mwoyo vanhu vaJehovha uye kunyange kuvadzivisa ‘kuchengeta mirayiro yaMwari’ uye kuita “kupupura kwaJesu.”—Zvakazarurwa 12:17.

Jehovha akapomera vafudzi vehurumende vaIsraeri wakare kuvaregeredza nemhaka yokuti makwai ake akanga ava “zvokudya zvezvikara zvose zvokusango.” (Ezekieri 34:8) Zvisinei, vakuru vechiKristu vane chishuvo chechokwadi chokudzivirira avo vari muungano kuti parege kuva nomumwe anorasika kupfurikidza neregeredzo kana kuti nepesvedzero yaSatani, yenyika, kana kuti “mapere” akaramba kutenda. (Mabasa 20:29, 30) Vafudzi vanobetsera sei mitezo yose yeboka kuchengeta mifungo yayo ndokuva vakangwarira? Imwe nzira iri kupfurikidza nokupa hurukuro dzapaMagwaro dzakasanogadzirirwa dzinobva pachikuva cheHoro yoUmambo. Imwe iri kupfurikidza nekurukurirano dzakanaka, dzinokurudzira misangano isati yatanga uye pashure pemisangano. Mumwezve mutoo unobudirira uri kupfurikidza nokushanyira “makwai” somunhu oga pamusha. (Enzanisa nePisarema 95:7.) Asi chii chiri shanyo yekufudza? Shanyo yakadaro inofanira kuitwa sei? Uye ndivanaani vanofanira kushanyirwa?

Chii Chiri Shanyo Yokufudza?

Shanyo yokufudza haisati ichingovawo zvayo shanyo youshamwari ine kurukurirano pamusoro pezvinhu zvisingakoshi. Mumwe mukuru akati: “Vaparidzi vazhinjisa vanofarikanya chose chose kurava rugwaro kana kuti kukurukura munhu wakati weBhaibheri. Chokwadika, mukuru haaiti kutaura kwacho kwose. Muparidzi woUmambo ari kushanyirwa kazhinji kazhinji anofarikanya kutaura mifungo yake paBhaibheri, uye kuita ikoku kunosimbisa kutenda kwake amene. Mukuru angaenda nemagazini yeNharireyomurindi kana kuti Mukai! naizvozvo kuti vagokurukura nyaya inobetsera. Zvichida kurukurirano iyi yomudzimu ndiyo inosiyanisa shanyo yokufudza neshanyo yokutandara.”

Mumwe mukuru ane ruzivo rwokuzviwanira akatsinhira, kuti: “Shanyo isati yasvika, mukuru anopedza nguva achifunga pamusoro pemuparidzi uyo achashanyira. Chii chingavaka muparidzi? Rumbidzo yapachokwadi rutivi runokosha rweshanyo dzokufudza, nokuti inosimbisa munhu kutsungirira.” Hungu, shanyo yokufudza inopfuura shanyowo zvayo youshamwari iyo upi kana upi zvake ari muungano angaita.

Nei Mufudzi Achikushanyira?

Apo mukuru anoshanyira musha, iye akagadzirira kukurudzira vatendi biyake uye kuvabetsera kuva vakatsiga mukutenda. (VaRoma 1:11) Naizvozvo apo mukuru mumwe kana kuti vaviri vanoda kukushanyira, unoita sei? Mumwe mutariri anofambira akati: “Kana shanyo dzokufudza dzikaitwa bedzi apo chimwe chinhu chinenge chisina kururama zvikuru, kuita kwokutanga kushanyo inokarakadzwa kungava, ‘Chii chandaita chakaipa?’” Vafudzi vomudzimu vane rudo vanotevedzera Jehovha, uyo akatarisira wezvamapisarema uye nguva dzose ‘akazorodza mweya wake,’ zvikurukuru munguva dzenhamo nedzokushayiwa chaiko.—Pisarema 23:1-4.

Chinangwa cheshanyo yokufudza ndecho‘kuvaka, kwete kuparadza.’ (2 VaKorinte 13:10) Anokurudzira, zvirokwazvo, mashoko ekuonga tsungiriro, shingairo, uye basa rokutendeka reuyo ashanyirwa. Mumwe mukuru akati: “Pashanyo yokufudza, hakuna kunaka kupa murangariro wokuti munhu auya ane vavariro yokuwana nokukurukura zvinetso. Chokwadika, muparidzi amene angada kutaura pamusoro pechinetso chakati. Uye kana gwai richikamhina kana kuti richizviparadzanisa nemamwe eboka, mukuru anofanira kuita chimwe chinhu chokubetsera.”

Vafudzi vechiKristu nenzira isingapanikirwi vachatarisira chaizvo vapi navapi vakafanana neavo varondedzerwa mumashoko aya: “[Jehovha] ndichatsvaka akarashika, ndichadzosa akadzingwa, ndichapombera akavhunika, ndichasimbisa anorwara.” (Ezekieri 34:16) Hungu, makwai angafanira kutsvagwa, kudzoserwa, kusungwa, kana kuti kusimbiswa. Vafudzi vaIsraeri vakaregeredza mitoro iyoyi. Kuita basa rakadaro kunoda kuti mufudzi asvike pedyo negwai rakati ndokuita zvinodikanwa zvaro. Zvikurukuru, urwu runofanira kuva rutivi runosiyanisa shanyo imwe neimwe yokufudza nhasi.

Makwai Akasimba Anoda Tarisirwo

Tinofanira kugumisa here kuti vafudzi vomuzuva razvino vomudzimu havafaniri kuratidza ngwariro yakati kumakwai akasimba? Eya, apo gwai chairoiro rinopinda muchinetso, kuribetsera kuri nyore zvikuru kana richinge rine chivimbo mumufudzi. Rimwe bhuku rinopa maidi rinotaura kuti “makwai anonyara vanhu nenzira yemuzvarirwo, uye kuwana chivimbo chawo hakusi nyore nguva dzose.” Pakati pezvimwe zvinhu, bhuku rimwe chetero rinokarakadza iyi nhungamiro yokuwana chivimbo chamakwai: “Taura kumhuka dzacho nguva dzose. Anojaira inzwi, iro rinoavimbisa. Shanyira makwai mumafuro kakawanda.”—Alles für das Schaf. Handbuch für die artgerechte Haltung (Chinhu Chiri Chose Chamakwai. Bhuku Ramaidi Pamusoro Pokuachengeta Zvakafanira).

Kuonana kwomunhu oga naizvozvo kuri madikanwa kana ukama hwokuvimba huchizovapo pakati pemufudzi negwai. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi muungano yechiKristu. Mumwe mukuru akati: “Kuva anozivikanwa muungano somukuru anogaroshanyira makwai kunokuita nyore zvikuru kushanyira uyo anenge ane zvinetso.” Nokudaro, vafudzi vomudzimu havafaniri kuedza kudyisa nokutarisira makwai vari paHoro yoUmambo bedzi. Kusvikira panobvumira mamirire ezvinhu, vakuru vanofanira kusvika pakuziva makwai kupfurikidza nokuita shanyo dzokufudza kumisha yavo. Mumwe muKristu anoyeuka kuti apo akanga ari mukuru achangobva kugadzwa, mutariri anotungamira akaridza runhare ndokumukumbira kushanyira ndokunyaradza hama yakanga ichangobva kurasikirwa nomwanasikana wayo mutsaona inotyisa yomumugwagwa. Mukuru anobvuma kuti: “Ndakasiririswa sei, sezvo ndakanga ndisina kutongoshanyira hama yacho uye ndisingambozivi uko yaigara! Rakanga riri zorodzo apo mumwe mukuru akura akazvipira kuenda neni.” Hungu, vakuru vanobetserana pashanyo dzokufudza.

Mukugadzirira nokuita shanyo dzokufudza dzakati, mukuru angakumbanirwa nomubatiri anoshumira uyo ari kusvasvavirira “basa rakanaka” romutariri. (1 Timotio 3:1, 13) Mubatiri anoshumira anoonga sei kuona mabatire anoita mukuru makwai pashanyo dzokufudza! Vakuru navabatiri vanoshumira nokudaro vanova pedyo nevose vari muungano, vachisimbisa zvisungo zverudo rwechiKristu nechinzwano.—VaKorose 3:14.

Kuronga Nguva Yeshanyo Dzokufudza

Apo mutumbi mumwe wevakuru wakasiyira shanyo yokufudza kuvaitisi veFundo Dzebhuku Dzeungano, vaparidzi vose vaiva mumamwe mapoka vakashanyirwa mukati memwedzi mitanhatu, nepo kusina nomumwe akashanyirwa mune mamwe mapoka. Ikoku kwakasunda mumwe mukuru kuti: “Kunoratidzika kuti vamwe vakuru vanotanga ndokuita basa rokufudza rakawanda, asi vamwe vanoda kurudziro yavakuru biyavo kuita kudaro.” Naizvozvo mimwe mitumbi yevakuru inoita gadziriro dzokuti vaparidzi vose vashanyirwe navafudzi mukati menhambo chaidzoidzo dzenguva.

Chokwadika, mukuru kana kuti mumwe muparidzi upi noupi angagona kushanyira mumwe munhu ari muungano pasina kumirira gadziriro chaidzo kuti kuitwe. Asati aita shanyo yokufudza, mumwe mukuru anoridza runhare ndokuti, “Ndinoshanyira mhuri imwe mwedzi mumwe nomumwe. Ndinogona here kukushanyirai kweinenge awa kana kuti pane imwe nguva mwedzi unouya? Ndapapi apo iyoyi inokukodzerai?”

Zvikomborero Zveshanyo Dzokufudza

Sezvo dzvinyiriro dzinobva mutsika ino yakaipa dzinopfuurira kuwedzera, shanyo dzinokurudzira dzinoitwa navafudzi vanonzwisisa dzinova dzinobetsera zvikuru nguva dzose. Apo vose vari muboka vanopiwa kurudziro uye betsero kupfurikidza neshanyo dzokufudza, gwai rimwe nerimwe rinonzwa rakakotsekana uye rakachengeteka.

Pamusoro peungano umo vaparidzi vose voUmambo vakashanyirwa nguva dzose, kwakashumwa, kuti: “Vaparidzi vakava vakananga zvikuru pamusoro peshanyo dzokufudza. Kwakanga kuchizivikanwa navose zvikuru kuti muparidzi asvike mumwe wevakuru kuzobvunza apo aizoita imwe shanyo, sezvo mubvunzi akafarikanya kurukurirano inovaka mukati meshanyo yakapfuura. Shanyo dzokufudza dzakanga dziri chimwe chinhu chakabetsera kuvandudza mudzimu weungano.” Mimwe mishumo inoratidzira kuti apo vafudzi vanoshumira norudo munzira yakadaro, ungano inogona kukura murudo, muchinzwano, uye ushamwari. Chikomborero chakadini!

Vafudzi vechiKristu vanoshanya kuti vasimudzire garikano yomudzimu yamakwai. Vakuru vanoda kukurudzira uye kusimbisa vatendi biyavo. Kana chinetso chakakomba chinoda zano chikamuka mukati meshanyo, kungave kwakanakisisa kuita gadziriro nokuda kwekurukurirano pane imwe nguva, zvikurukuru kana mukuru achiperekedzwa nomubatiri anoshumira. Chipi kana chipi chingaitika, munyengetero wokupfiga shanyo yokufudza wakafanira.

Ko mufudzi wemudzimu anoda kukushanyira kumba kwako here munguva yemberi iri pedyo? Kana ikoku kwakadaro, karira nomufaro kurudziro yakakumirira. Ari kuuya kuzokubatira uye kukusimbisa muchisarudzo chokurambira kwako munzira inotungamirira kuupenyu husingaperi.—Mateo 7:13, 14.

[Bhokisi riri papeji 26]

Zvikarakadzo Zveshanyo Dzokufudza

◻ Itai rangano: Kwakanaka kuita rangano nguva dzose. Kana mukuru achironga kubata chinetso chakakomba, kungave kwakafanira kufanozivisa muparidzi wacho nezvaikoku.

◻ Gadziriro: Rangarira unhu hwemunhu wacho nemamirire ezvinhu. Ipa rumbidzo yomwoyo wose. Kuite chinangwa chako kupa “chipo chomweya” chinokurudzira, chinosimbisa kutenda.—VaRoma 1:11, 12.

◻ Wokuenda naye: Mumwe mukuru kana kuti mubatiri anoshumira akakwaniriswa.

◻ Mukati meshanyo: Mukuru anofanira kuva akasununguka, ane rudo, akananga, uye anochinjika. Bvunza pamusoro pemhuri, garikano yayo, uye zvimwe zvakadaro. Sanoteerera. Kana zvinetso zvakakomba zvikaoneka, kungave kwakanakisisa kuronga shanyo chaiyo yokufudza.

◻ Urefu hweshanyo: Chengeta nguva yakabvumiranwa, uye siya mushanyirwi wako achiri kufarikanya shanyo yacho.

◻ Kupedzisa shanyo yacho: Munyengetero wakakodzera uye unoongwa zvirokwazvo.—VaFiripi 4:6, 7.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Vafudzi vechiKristu vanogoverawo dziviriro yomudzimu

[Mifananidzo iri papeji 26]

Shanyo dzokufudza dzinogovera mikana yekurudziro yomudzimu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe