Kushanya Kunogona Kuva Chikomborero
1 Zakeo akagamuchira Jesu somueni mumusha make nomufaro. Uye kushanya ikoko kwakava chikomborero chakadini!—Ruka 19:2-9.
2 Nhasi, soMusoro weungano, Jesu Kristu anorayira vakuru kuti “fudzai boka raMwari.” (1 Pet. 5:2, 3; Joh. 21:15-17) Mukuwedzera kukudzidzisa pamisangano nokutungamirira mubasa romumunda, vatariri veungano vanogovera betsero yorudo, yomunhu oga kumitezo yeungano. Naizvozvo, nguva nenguva, ungakarira kugamuchira ngwariro yomunhu oga inobva kuvakuru, zvimwe pamusha pako, paHoro yoUmambo, pamunenge muri pamwe chete mubasa romumunda, kana kuti panedzimwe nhambo. Unofanira kunzwa uchitya kushanya kwavakuru here? Kwete. Kukushanyira kwavo hakurevi kuti uri kuderera munzira yakati. Ipapoka, chinangwa cheshanyo yokufudza ndechipi?
3 Pauro akati aida kushanyira hama ‘kuti aone kuti vakanga vakadini.’ (Mabasa 15:36) Hungu, savafudzi vane rudo, vakuru vanofarira zvauri zvikuru. Vanoda kupa betsero yomudzimu ingava inokubetsera neinokuvaka. Kuitira hanya kwomunhu oga kwakadaro ndiko uko Mufudzi wedu ane rudo Jehovha anoshuva kuti mumwe nomumwe wedu ave nako.—Ezek. 34:11.
4 Gamuchira Kushanya Kwavakuru: Chinangwa chaPauro mukushanyira hama dzake chakanga chiri chokuti ‘avape chimwe chipo chomudzimu kuti vasimbiswe, uye kuti pave nokukurudzirana.’ (VaR. 1:11, 12) Tose zvedu tinoda kukurudzirwa mumudzimu mumazuva ano okupedzisira akaoma, uye tinoda kubetserwa kuti tipfuurire takasimba mukutenda. Kudavidza kwako kwakanaka kushanyo yokufudza pasina mubvunzo kuchaguma nokukurudzirana kwakaisvonaka.
5 Koshesa betsero dzakawanda dzinowanika mubasa rokufudza ravakuru. Kana pane nhau kana kuti mubvunzo uri kukunetsa, yeuka kuti vakuru vari muungano kuti vabetsere. Usazengurira kukurukura navo nhau dzipi nedzipi dzingava dziri kutapura kubudirira kwako mumudzimu zvakanaka. Koshesa gadziriro iyi yorudo inoitwa naJehovha, uye farira zvikomborero zvinogona kuunzwa nokushanya kwakadaro.