Chikonzero Nei Kunamata Kwechokwadi Kuchiwana Chikomborero Chamwari
“Hareruya! Ruponeso, nokubwinya, nesimba ndezvaMwari wedu; nokuti kutonga kwake ndokwazvokwadi kwakarurama.”—ZVAKAZARURWA 19:1, 2.
1. Bhabhironi Guru richaguma sei?
“BHABHIRONI GURU” rawa mukuona kwaMwari uye zvino rinotarisana nokutsakatika. Uporofita hweBhaibheri hunoratidzira kuti iri hure renyika yose rorudzidziso richakurumidza kuparadzwa nesimba ravadiwa varo vezvematongerwe enyika; mugumo waro uchava wekamwe kamwe uye wokukurumidza. Zvakazarurwa zvaJesu kuna Johane zvaiva nemashoko aya ouporofita: “Mumwe mutumwa ane simba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti: Saizvozvo guta guru, Bhabhironi [Guru, NW], richaputsirwa pasi nesimba, rikasatongowanikwazve.”—Zvakazarurwa 18:2, 21.
2. Vabatiri vaJehovha vachaita sei kukuparadzwa kweBhabhironi?
2 Kuparadzwa kweBhabhironi Guru kuchachemwa nemamwe masangano enyika yaSatani asi zvirokwazvo kwete navabatiri vaMwari, vokudenga kana kuti vepasi. Kudanidzira kwavo kwomufaro kuna Mwari kuchava kwokuti: “Hareruya! Ruponeso, nokubwinya, nesimba ndezvaMwari wedu; nokuti kutonga kwake ndokwazvokwadi kwakarurama; nokuti wakatonga mhombwe huru yakaodza nyika noupombwe hwayo, akatsiva ropa ravaranda vake paruoko rwayo.”—Zvakazarurwa 18:9, 10; 19:1, 2.
Rudzidziso Rwechokwadi Runofanira Kubereka Chibereko Chorudzii?
3. Mibvunzoi inoda mhinduro?
3 Sezvo pasi richabvisirwa rudzidziso rwenhema, rudzii rwokunamata ruchasara? Tinogona sei kuziva nhasi kuti ibokai rorudzidziso richapukunyuka ruparadziko rweumambo hwenyika hwaSatani hworudzidziso rwenhema? Chiberekoi chakarurama icho boka iri rinofanira kubereka? Kune zvinenge zviratidzo gumi zvokusiyanisa nazvo kunamatwa kwaJehovha kwechokwadi.—Maraki 3:18; Mateo 13:43.
4. Ndechipi chiri chinodikanwa chokutanga chekunamata kwechokwadi, uye Jesu akagadza sei muenzaniso muna ichochi?
4 Chokutanga uye chikurusa, vaKristu vechokwadi vanofanira kutsigira uchangamire uhwo Jesu akafira—uchangamire hwaBaba vake. Jesu haana kupa upenyu hwake nokuda kwechikonzero chipi nechipi chezvematongerwe enyika, cherudzi, chedzinza, kana kuti chenzanga. Akaisa Umambo hwaBaba vake pamberi pegwinyiro dzose dzechiJudha dzezvematongerwe enyika kana kuti dzekumukira. Akapindura kupa kwaSatani simba renyika nemashoko, okuti: “Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.” Aiziva kubva muMagwaro echiHebheru kuti Jehovha ndiye Changamire wechokwadi pamusoro papasi rose. Iboka ripi rorudzidziso rinotsigira pasina panikiro kutonga kwaJehovha panzvimbo pamasangano ezvematongerwe enyika enyika ino?—Mateo 4:10; Pisarema 83:18.
5. (a) Vanamati vechokwadi vanofanira kurangarira sei zita raMwari? (b) Chii chinoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvinokudza zita iroro?
5 Chinodikanwa chechipiri ndechekuti kunamata kwechokwadi kunofanira kukudza ndokutsvenesa zita raMwari. Wamasimba Ose akazivisa zita rake, Jehovha (rinoshandurwa kuti Yave mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri) kuvanhu vake Israeri, uye rinoshandiswa kane zviuru muMagwaro echiHebheru. Kunyange ikoko kusati kwaitika, Adhama, Evha, uye vamwe vaiziva zita racho, kunyange zvazvo vakanga vasingariremekedzi nguva dzose. (Genesi 4:1; 9:26; 22:14; Eksodho 6:2) Nepo vashanduri vechiKristudhomu nevechiJudha vakawanzobvisa zita raMwari mumaBhaibheri avo, Zvapupu zvaJehovha zvakapa zita iroro nzvimbo yaro yakafanira neruremekedzo muNew World Translation of the Holy Scriptures. Zvinokudza zita iroro, kunyange sezvaiita vaKristu vapakuvamba. Jakobho akapupurira, kuti: “Simeoni wakarondedzera mutangire waMwari kumutsa vahedheni, kuti atore kwavari vanhu vezita rake. Namashoko avaporofita anobvumira izvozvi; . . . Kuti vakasara kuvanhu vatsvake Ishe, navahedheni vose vakadanwa nezita rangu, ndizvo zvinotaura Ishe, unozivisa izvozvi zvose.”—Mabasa 15:14-17; Amosi 9:11, 12.
6. (a) Ndechipi chiri chinodikanwa chechitatu chekunamata kwechokwadi? (b) Jesu naDhanieri vakasimbisa sei kutonga kwoUmambo? (Ruka 17:20, 21)
6 Chinodikanwa chechitatu nokuda kwokunamata kwechokwadi ndechekuti kunofanira kukudza Umambo hwaMwari semhinduro bedzi yapamutemo neinoshanda kuzvinetso zvorudzi rwomunhu zvokutonga. Jesu nenzira yakajeka akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera Umambo ihwohwo kuti huuye, kuti utongi hwaMwari hutore udzori hwapasi. Dhanieri akafuridzirwa kuporofita pamusoro pamazuva okupedzisira, kuti: “Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, . . . huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [hwenyika, hwezvematongerwe enyika], ihwo huchamira nokusingaperi.” Ndivanaani vakaratidza nechiito chavo muzana rino ramakore rechi20 kuti vanotsigira zvisina kukamukana Umambo ihwohwo—marudzidziso eBhabhironi Guru kana kuti Zvapupu zvaJehovha here?—Dhanieri 2:44; Mateo 6:10; 24:14.
7. Vanamati vechokwadi vanorangarira sei Bhaibheri?
7 Chinodikanwa chechina nokuda kwokutenderwa naMwari ndechekuti vabatiri vechokwadi vaMwari vanofanira kutsigira Bhaibheri seShoko rakafuridzirwa raMwari. Vaisazova naizvozvo vanyajambwa vekutsoropodzwa kweBhaibheri, uko kunoedza kuderedza Bhaibheri kuva bhukuwo zvaro rakanyorwa nomunhu nekundikano dzose idzo ikoku kungabatanidza. Zvapupu zvaJehovha zvinodavira Bhaibheri kuva Shoko rakafuridzirwa raMwari, kunyange sezvakanyora Pauro kuna Timotio, kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.”a Naizvozvo, Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira Bhaibheri senhungamiro yazvo, bhuku razvo remirayiridzo nokuda kwokurarama kwezuva nezuva, uye tsime razvo retariro renguva yemberi.—2 Timotio 3:16, 17.
Rudzidziso Rwerudo, Kwete Ruvengo
8. Ndechipi chiri chinodikanwa chechishanu chekunamata kwechokwadi?
8 Jesu akasiyanisa sei vateveri vake vechokwadi? Mhinduro yake inotisvitsa kuchiratidzo chinozivisa chechishanu chinokosha chokunamata kwechokwadi. Jesu akati: “Ndinokupai murayiro mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo. Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.” (Johane 13:34, 35) Jesu akaratidza sei rudo rwake? Kupfurikidza nokupa upenyu hwake sechibayiro chorudzikinuro. (Mateo 20:28; Johane 3:16) Nei rudo rwechokwadi rwuri vara rinokosha nokuda kwavaKristu vechokwadi? Johane akatsanangura, kuti: “Vadikanwa, ngatidane; nokuti rudo runobva kuna Mwari . . . Usingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.”—1 Johane 4:7, 8.
9. Ndivanaani vakaratidza rudo rwechokwadi, uye sei?
9 Ndivanaani munguva dzedu vakaratidzira rudzi urwu rworudo, kunyange mukutarisana neruvengo rwerudzi, rwenyika, kana kuti rwedzinza? Ndivanaani vakakunda muedzo mukurusa, kunyange kusvikira kurufu, kuitira kuti rudo rwavo rutekeshere? Tinogona kuti vaprista veKaturike namanani avo sezvinobvumwa vanogoverana mhaka yakati nokuda kwokuparadza rudzi kwakaitika muRwanda muna 1994? ChiOrthodox cheSerbia kana kuti vaKaturike veCroatia avo vakabatanidzwa mu“kuparadza dzinza” uye mamwe mabasa asiri echiKristu muhondo iyoyo yavagari vemo munyika dzeBalkan here? Kana kuti vafundisi veKaturike kana kuti vePurotesitendi avo vakasimbisa fungira mano yakaipa noruvengo muNorthern Ireland mukati memakumi amakore mashomanene apfuura here? Zvirokwazvo Zvapupu zvaJehovha hazvigoni kupomerwa kuva zvakatora rutivi murwisano dzipi nedzipi dzakadaro. Zvakatambura mumatorongo uye mumisasa yechibharo, kunyange kusvikira kurufu, panzvimbo pokurega rudo rwazvo rwechiKristu.—Johane 15:17.
10. Nei vaKristu vechokwadi vachiramba vasingatori rutivi?
10 Chinodikanwa chechitanhatu chokunamata kunogamuchirwa naMwari ndechiya chokusatora rutivi pamusoro pezvinhu zvematongerwe enyika zvenyika ino. Nei vaKristu vachifanira kuramba vasingatori rutivi mune zvematongerwe enyika? Pauro, Jakobho, uye Johane vanotipa chikonzero chakasimba chechimiro ichocho. Muapostora Pauro akanyora kuti Satani ndiye “mwari wenyika ino,” uyo ari kupofumadza ndangariro dzavasingatendi kupfurikidza nemutoo uri wose unobvira, kubatanidza zvematongerwe enyika zvinokamura. Mudzidzi Jakobho akataura kuti “ushamwari hwenyika hunovengana naMwari,” uye muapostora Johane akataura kuti “nyika yose igere muna iye wakaipa.” MuKristu wechokwadi, naizvozvo, haagoni kubvumiranisa pane zvisina kufanira kuzvipira kwake kuna Mwari kupfurikidza nokubatanidzwa munyika yaSatani yakashata yezvematongerwe enyika uye yesimba.—2 VaKorinte 4:4; Jakobho 4:4; 1 Johane 5:19.
11. (a) VaKristu vanorangarira sei hondo? (b) Hwaroi hwapaMagwaro huripo hweichi chimiro? (2 VaKorinte 10:3-5)
11 Mukurangarira zvinodikanwa zviviri zvatangirezvi, chechinomwe chinova chiri pachena, ndiko kuti, chinoti vanamati vechiKristu chechokwadi havafaniri kutora ruviti muhondo. Sezvo rudzidziso rwechokwadi rwuri uhama hwemunyika yose hwakavakirwa parudo, ipapo hapana chinhu chinogona kukamura kana kuti kuparadza “hama dzose dziri panyika” idzodzo. Jesu akadzidzisa rudo, kwete ruvengo; rugare, kwete hondo. (1 Petro 5:9; Mateo 26:51, 52) “Wakaipa” mumwe cheteye, Satani, uyo akanyengera Kaini kuponda Abheri anopfuurira kudyara ruvengo pakati porudzi rwomunhu uye kunyandura rwisano uye kuteurwa kweropa pahwaro hwemapoka ezvematongerwe enyika, ezverudzidziso, uye ezvedzinza. VaKristu vechokwadi ‘havasati vachadzidzazve hondo,’ pasinei zvapo nemubhadharo unofanira kubhadharwa. Nenzira yokufananidzira, vakato‘pfura minondo yavo kuva miromo yamapadza uye mapfumo avo kuva zvisanzauriso.’ Vanobereka chibereko chorugare chomudzimu waMwari.—1 Johane 3:10-12; Isaya 2:2-4; VaGaratia 5:22, 23.
Mwari Anokomborera Mufambiro Wakachena Nedzidziso
12. (a) Ndechipi chiri chinodikanwa chechisere, asi mapokai orudzidziso aunogona kududza? (b) Pauro akasimbisa sei chinodikanwa ichi chechinomwe?
12 Chinzwano chechiKristu ndicho chinodikanwa chechisere chekunamata kwechokwadi. Zvisinei, marudzidziso echiKristudhomu anokamura haana kubetsera nechinangwa ichi. Anonzi masangano makuru mazhinji akakamuka kuva mhatsa yamasekete, uye nyongano ndiwo mugumisiro wacho. Rangarira, somuenzaniso, rudzidziso rweBaptist muUnited States, urwo rwakakamuka pakati pavaNorthern Baptists (American Baptist Churches muU.S.A.) uye Southern Baptists (Southern Baptist Convention), pamwe chete namamwe mapoka eBaptist akawanda ayo akabva mumapoka. (World Christian Encyclopedia, peji 714) Mapoka mazhinji akavamba mumisiyano yedzidziso kana kuti hurumende yechechi (somuenzaniso, Presbyterian, Episcopalian, Congregational). Mapoka echiKristudhomu akawirirana neayo emarudzidziso ari kunze kwechiKristudhomu—angava chiBuddha, chiIslam, kana kuti chiHindu. Chii icho muapostora Pauro akapa zano vaKristu vapakuvamba? “Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raShe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.”—1 VaKorinte 1:10; 2 VaKorinte 13:11.
13, 14. (a) Chii chinorehwa no‘kuva mutsvene’? (b) Kunamata kwechokwadi kunochengetwa sei kwakachena?
13 Ndechipi chiri chinodikanwa chechipfumbamwe chorudzidziso runotenderwa naMwari? Imwe nheyo yeBhaibheri inotaurwa pana Revhitiko 11:45, kuti: “Muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” Muapostora Petro akadzokorora chinodikanwa ichi apo akanyora, kuti: “Saiye mutsvene wakakudanai, nemiwo mumene muve vatsvene pamufambire wenyu wose.”—1 Petro 1:15.
14 Chii chinorehwa mukudikanwa uku kwokuva vatsvene? Kuti vanamati vaJehovha vanofanira kuva vakachena mumudzimu nomutsika. (2 Petro 3:14) Hakuna nzvimbo yavatadzi vasingapfidzi, voune, avo kupfurikidza nomufambiro wavo vanoratidza kuzvidza chibayiro chorudzikinuro chaKristu. (VaHebheru 6:4-6) Jehovha anoda kuti ungano yechiKristu ichengetwe yakachena uye iri tsvene. Ikoko kunoitwa sei? Murutivi kupfurikidza nechiito chokutonga chokudzinga avo vangasvibisa ungano.—1 VaKorinte 5:9-13.
15, 16. VaKristu vazhinji vakaita chinjoi muupenyu hwavo?
15 Vasati vaziva zvokwadi yechiKristu, vazhinji vairarama upenyu husingadzoreki, hwemifarwa, hweudyire. Asi shoko pamusoro paKristu rakavachinja, uye vakakanganwirwa zvivi zvavo. Pauro akakutaura zvakasimba apo akanyora, kuti: “Ko hamuzivi kuti vasakarurama havangagari nhaka youshe hwaMwari here? Musarashika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume, kana mbavha, kana vanoruchiva, kana vanosinwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka youshe hwaMwari. Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa.”—1 VaKorinte 6:9-11.
16 Kuri pachena kuti Jehovha anotendera avo vanopfidza mufambiro wavo usiri wapaMagwaro, vanotendeuka, uye kuva vateveri vechokwadi vaKristu nedzidziso dzake. Vanoda zvirokwazvo vavakidzani vavo saivo vamene uye vanokuratidza munzira zhinji, dzakadai sokupfuurira muushumiri hunopa shoko roupenyu kuna vose vanganzwa.—2 Timotio 4:5.
“Zvokwadi Ichakusunungurai”
17. Ndechipi chiri chinodikanwa chechigumi chokunamata kwechokwadi? Ipa mienzaniso.
17 Kune chinodikanwa chechigumi icho Jehovha anacho nokuda kwaavo vanomunamata mumudzimu uye muzvokwadi—dzidziso yakachena. (Johane 4:23, 24) Jesu akati kuvateveri vake: “Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.” (Johane 8:32) Zvokwadi yeBhaibheri inotisunungura padzidziso dzinozvidza Mwari, dzakadai semweya usingafi, hero yomwoto, uye purigatori. (Muparidzi 9:5, 6, 10; Ezekieri 18:4, 20) Inotisunungura pachakavanzika cheBhabhironi che“Utatu Hutsvene Zvikurusa” hwechiKristudhomu. (Dheuteronomio 4:35; 6:4; 1 VaKorinte 15:27, 28) Kuteerera zvokwadi yeBhaibheri kunoguma nevanhu vane rudo, vanoitira hanya, vane mutsa, vane ngoni. ChiKristu chechokwadi hachina kutongochengeta vabvunzurudzi vanotsiva, vasingashiviriri, vakadai saTomás de Torquemada, kana kuti vanokuchidzira hondo vane ruvengo, vakadai savasimudziri vegadziriro yavanapapa veHondo Tsvene. Bva, Bhabhironi Guru rakabereka rudzi urwu rwechibereko munhau yose, kubva painenge nguva yaNimirodhi kusvikira zvino.—Genesi 10:8, 9.
Zita Rinosiyanisa
18. (a) Ndivanaani vanosvitsa zvinodikanwa gumi zvokunamata kwechokwadi uye sei? (b) Isu semunhu mumwe nomumwe tinofanira kuitei kuti tigare nhaka chikomborero chiri pamberi pedu?
18 Ndivanaani nhasi vanosvitsa chaizvoizvo zvinodikanwa izvi gumi zvekunamata kwechokwadi? Ndivanaani vanozivikanwa ndokubvumwa navamwe nokuda kwechinyorwa chavo cheperero nekuva norugare? Kupota pasi Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nokuda kwokuva kwazvo “[zvi]sati [zvi]ri [zve]nyika.” (Johane 15:19; 17:14, 16; 18:36) Vanhu vaJehovha vanokudzwa kutakura zita rake uye kuva Zvapupu zvake, kunyange sezvo Jesu Kristu akanga ari chapupu chakatendeka kuna Baba vake. Tinotakura zita iroro dzvene, tichiziva mutoro wedu wokurarama maererano nezvarinomirira. Uye, seZvapupu zvake, ikariro ine mbiri zvakadini iri pamberi pedu! Ndiko kuva rutivi rwemhuri yomunhu inoteerera, yakabatana, tichinamata Changamire weChisiko Chose muparadhiso ichadzorerwa pano pasi. Kuti tiwane chikomborero chakadaro, ngatipfuurire kuzvizivisa timene zvakajeka nokunamata kwechokwadi uye kutakura zita rokuti Zvapupu zvaJehovha nokudada “nokuti kutonga kwake ndokwazvokwadi kwakarurama”!—Zvakazarurwa 19:2; Isaya 43:10-12; Ezekieri 3:11.
[Mashoko Omuzasi]
a Shanduro dzeBhaibheri dzimene hadzina kufuridzirwa naMwari. Shanduro, kupfurikidza norudzi rwadzo rumene, dzingaratidzira misiyano yokunzwisisa ndimi dzapakuvamba umo Bhaibheri rakanyorerwa.
Ungapindura Sei?
◻ Vabatiri vaJehovha vanorangarira sei kuparadzwa kweBhabhironi Guru?
◻ Ndizvinodikanwai zvikuru zvokunamata kwechokwadi?
◻ Zvokwadi inokusunungura sei?
◻ Rukudzoi chairwo rwatinarwo seZvapupu zvaJehovha?
[Mifananidzo iri papeji 17]
Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidza nokudzidzisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari
[Mufananidzo uri papeji 18]
VaKristu vechokwadi nguva dzose vakaramba vasingatori rutivi mune zvematongerwe enyika zvenyika nehondo
[Kwazvakatorwa]
Ndege: Courtesy of the Ministry of Defense, London