Marudzidziso Ose Anofadza Mwari Here?
Unorangarira kuti marudzidziso ose anofadza Mwari here? Zvimwe chimiro chipi nechipi chokunamata chaunoziva chinokurudzira kuzvibata kwakanaka, kumwero wakati. Asi ikoko kwakakwana kuti kufadze Mwari here?
VAMWE vanoti, ‘Ingova wapachokwadi chete mukunamata kwako, uye Mwari achafadzwa. Pane chinhu chakanaka mumarudzidziso ose.’ Somuenzaniso, Bahai Faith yakagamuchira uyu murangariro kusvikira kupfundo rokupinza muzvitendero zvayo marudzidziso makuru mapfumbamwe enyika. Iri boka rorudzidziso rinodavira kuti ose iwaya ndeemavambo oumwari uye mativi ezvokwadi imwe. Ikoku kungagona kudaro sei?
Uyezve, une chikonzero chokushamisika nzira iyo rudzidziso rungagona nayo kufadza Mwari apo runorayira mitezo yarwo kudira gasi rinouraya munzvimbo dzavose, nebviro yokuuraya vanhu vakawanda. Pomero iyoyo yakanangidzirwa pane rimwe boka rorudzidziso muJapan. Kana kuti Mwari anofadzwa here norudzidziso rwunoparira mitezo yarwo kuzviuraya? Makore mashomanene akapfuura, ikoko kwakaitika kuvateveri vomutungamiriri worudzidziso Jim Jones.
Tichitarira shure kunguva dzapakuvamba, tingasanobvunza kuti, Marudzidziso anogona kufadza Mwari apo anonyandura hondo, somuchiitiko cheThirty Years’ War, yakarwiwa kubva muna 1618 kusvikira kuna 1648 here? Maererano neThe Universal History of the World, rwisano iyoyo yorudzidziso pakati pavaKaturike navaPurotesitendi yakanga iri “imwe yehondo dzakaipa zvikurusa dzenhau yeEurope.”
Hondo dzorudzidziso kubva muzana ramakore rechi11 kusvikira kune rechi13 dzakagumawo nokuteurwa kweropa kunotyisa. MuHondo yorudzidziso yokutanga, somuenzaniso, vainzi varwi vehondo dzorudzidziso vechiKristu vakauraya nenzira youtsinye vagari vechiMuslim nevechiJudha veJerusarema.
Rangarirawo zvakaitika mukati meBvunzurudzo, iyo yakavamba muzana ramakore rechi13 ndokugara makore anenge 600. Zviuru zvakatambudzwa ndokupiswa kusvikira zvafa pakurayira kwavatungamiriri vorudzidziso. Mubhuku rake Vicars of Christ—The Dark Side of the Papacy, Peter De Rosa anoti: “Muzita rapapa, [vabvunzurudzi] vakaparira kudenha kunotyisa nokunopfuuridzirwa zvikurusa uye kwakaipa patsika dzavanhu munhau yorudzi rwa[vanhu].” Pamusoro pomubvunzurudzi weDominican Torquemada weSpain, De Rosa anoti: “Agadzwa muna 1483, iye akatonga noudzvinyiriri kwamakore gumi namashanu. Vananyajambwa vake vakapfuura 114 000 vane 10 220 vavo vakapiswa.”
Chokwadika, marudzidziso echiKristudhomu haasi iwo bedzi ane mhaka yeropa. Mubhuku rake Pensées, muzivi wechiFrench Blaise Pascal akatsinhira, kuti: “Vanhu havatongoiti zvakaipa zvakakwana kwazvo uye vachifara seapo vanozviita vachisundwa nechitendero chorudzidziso.”
Vanozivikanwa Nezvibereko Zvavo
Mumurangariro waMwari, kugamuchirika kworudzidziso hakuna kungovakirwa pachinhu chimwe chete. Kuti rudzidziso ruve runogamuchirika kwaari, dzidziso dzarwo nemibato zvinofanira kuwirirana neShoko rake rakanyorwa rezvokwadi, Bhaibheri. (Pisarema 119:160; Johane 17:17) Zvibereko zvokunamata kunotenderwa naMwari zvinofanira kuwirirana nemipimo yaJehovha Mwari.
MuMharidzo yake yapaGomo, Jesu Kristu akaratidzira kuti paizova navaporofita vanotaura zvenhema kuva vanomirira Mwari. Jesu akati: “Chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri vane nguo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza. Muchavaziva nezvibereko zvavo. Mazambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana maonde parukato? Saizvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa. Muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa, nomuti wakaipa haungabereki zvibereko zvakanaka. Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumwoto. Saka muchavaziva nezvibereko zvavo.” (Mateo 7:15-20) Aya mashoko anoratidza kuti tinofanira kuva takarinda mumudzimu. Tingafunga kuti mutungamiriri worudzidziso kana kuti boka rinogamuchirwa naMwari naKristu, asi tingagona kuva tiri kukanganisa.
Dikanwo Yokungwarira
Kunyange zvazvo rudzidziso ruchitaura kuva rune tendero yaMwari uye vafundisi varwo vachirava zvikamu zvomuBhaibheri, ikoko hakusati kuchireva kuti irwo chimiro chokunamata chinofadza Mwari. Vatungamiriri varwo vangatoita zvinhu zvinoorora zvinokuita kuti kuratidzike sokunge Mwari ari kushanda kupfurikidza navo. Kunyange zvakadaro, rudzidziso rwacho rwungagona kungova ruchiri rwenhema, rusingabereki zvibereko zvinogamuchirika kuna Mwari. Vaprista veEgipita vaiita mashiripiti vezuva raMosesi vakanga vachikwanisa kuita zvinhu zvinoorora, asi zvirokwazvo havana kuva netendero yaMwari.—Eksodho 7:8-22.
Nhasi somunguva yakapfuura, marudzidziso akawanda anokurudzira pfungwa dzavanhu nouzivi panzvimbo pokunamatira kuizvo Mwari anozivisa kuva zvokwadi. Yakafanira zvikuru, ipapoka, inyevero yeBhaibheri: “Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu.”—VaKorose 2:8.
Pashure pokutaura pamusoro pezvibereko zvakanaka nezvakaipa, Jesu akati: “Havazi vose vanoti kwandiri, Ishe, Ishe, vachapinda muushe hwokudenga; asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? Zvino ndichavaudza pachena: Handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri, imi vaiti vokusarurama.”—Mateo 7:21-23.
Nzvera Zvibereko Zvacho
Nenzira yakajeka, ipapoka, kunokosha kutarira zvibereko zvorudzidziso usati wagumisa kuti runogamuchirika kuna Mwari. Somuenzaniso, rudzidziso rwacho rwunobatanidzwa nezvematongerwe enyika here? Ipapo cherekedza mashoko aya, akanyorwa pana Jakobho 4:4: “Mumwe nomumwe, unoda kuva shamwari yenyika, unozviita muvengi waMwari.” Uyezve, Jesu akati nezvavateveri vake vechokwadi: “Havazi venyika, seni ndisi wenyika.” (Johane 17:16) Rudzidziso rwakanaka mumeso aMwari harubatanidzwi nezvamatongerwe enyika zvenyika ino, iyo “igere muna iye wakaipa,” chisikwa chomudzimu chisingaoneki Satani Dhiyabhorosi. (1 Johane 5:19) Panzvimbo pezvo, rudzidziso urwo Mwari anotendera runoreverera nokuvimbika Umambo hwake hunodzorwa naJesu Kristu uye runozivisa mashoko akanaka pamusoro pehurumende iyoyo yokudenga.—Marko 13:10.
Rudzidziso runogamuchirika kuna Mwari kana ruchitsigira kusateerera hurumende here? Mhinduro iri pachena kana tikateerera zano romuapostora Pauro: “Uvayeudzire kuti vazviise pasi pavabati navane simba, kuti vateerere, kuti vave vanhu vakazvigadzira kubata mabasa ose akanaka.” (Tito 3:1) Chokwadika, Jesu akaratidza kuti vateveri vake vakanga vachifanira ku“pa Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.”—Marko 12:17.
Ngatitii rudzidziso runokurudzira kutora rutivi muhondo dzamarudzi. Petro Wokutanga 3:11 inotikurudzira ku“it[a] zvakanaka” uye ku“tsvak[a] rugare, [ti]rutevere.” Rudzidziso runogona sei kufadza Mwari kana mitezo yarwo ichidisa kuuraya vanamati biyavo veimwe nyika muhondo? Mitezo yorudzidziso runotenderwa naMwari inoratidzira vara rake guru—rudo. Uye Jesu akati: “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.” (Johane 13:35) Rudo irworwo haruna chokuita noruvengo rwamasimba masimba runokurudzirwa muhondo dzamarudzi.
Rudzidziso rwechokwadi runochinja vanhu vehondo kuva vadi vorugare. Ikoku kwakafanotaurwa mumashoko aya: “Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” (Isaya 2:4) Panzvimbo pokutumira mashoko oruvengo, avo vanoshandisa kunamata kwechokwadi vanowirirana nomurayiro unoti: “Ida wokwako, sezvaunozvida iwe.”—Mateo 22:39.
Avo vanoshandisa rudzidziso rwechokwadi vanovavarira kurarama mukuwirirana nemipimo yakakwirira yaJehovha Mwari, vachiramba kugamuchira mararamiro ounzenza. Shoko raMwari rinoti: “Ko hamuzivi kuti vasakarurama havangagari nhaka youshe hwaMwari here? Musarashika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume, kana mbavha, kana vane ruchiva, kana vanosinwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka youshe hwaMwari. Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMweya waMwari wedu.”—1 VaKorinte 6:9-11.
Nguva Yechiito Chakasimba
Kunokosha kuziva musiyano pakati pokunamata kwenhema norudzidziso rwechokwadi. Mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema hunoziviswa se“Bhabhironi . . . Guru,” mhombwe yokufananidzira iyo “madzimambo enyika akaita upombwe nayo.” Iro rine mhaka yeropa uye rinobata mukombe wendarama “uzere nezvinonyangadza netsvina youpombwe hwake.” (Zvakazarurwa 17:1-6) Hapana chinogamuchirika kuna Mwari pamusoro paro.
Ino inguva yechiito chakasimba. Kuvanhu vapachokwadi vachiri muBhabhironi Guru, Musiki wedu ane rudo anotumira uku kudana: “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro.”—Zvakazarurwa 18:4.
Kana uchishuva kushandisa rudzidziso rwunofadza Mwari, kuregererei kurovedzana zviri nani neZvapupu zvaJehovha? Chati yabatanidzwa inoronga zvimwe zvezvitendero zvazvo, pamwe chete nezvikonzero zvapaMagwaro nokuda kwaizvozvi. Nzvera Bhaibheri rako kuti uone kana zvitendero zveZvapupu zvichitsinhirana neShoko raMwari. Nzvera kuti uwane kana rudzidziso rwazvo rwuchibereka rudzi rwezvibereko rwaungakarira mukunamata kwechokwadi. Kana ukawana kuti rwunodaro, uchava wawana rudzidziso runofadza Mwari.
[Bhokisi riri papeji 5]
IZVO ZVAPUPU ZVAJEHOVHA ZVINODAVIRA
CHITENDERO HWARO HWEBHAIBHERI
Zita raMwari ndiJehovha Eksodho 6:3; Pisarema 83:18
Bhaibheri iShoko raMwari Johane 17:17; 2 Timotio 3:16, 17
Jesu Kristu Mwanakomana waMwari Mateo 3:16, 17; Johane 14:28
Rudzi rwomunhu haruna kushanduka-shanduka Genesi 1:27; 2:7
asi rwakasikwa
Kufa kwavanhu imhaka yechivi VaRoma 5:12
chomunhu wokutanga
Mweya unorega Muparidzi 9:5, 10;
kuvapo parufu Ezekieri 18:4
Hero iguva ravose rorudzi rwomunhu Jobho 14:13; Zvakazarurwa 20:13,
King James Version
Rumuko itariro yavakafa Johane 5:28, 29; 11:25;
Kristu akapa upenyu hwake Mateo 20:28; 1 Petro 2:24;
hwapasi sorudzikinuro 1 Johane 2:1, 2
rwavanhu vanoteerera
Minyengetero inofanira kunangidzirwa bedzi Mateo 6:9;
kuna Jehovha kupfurikidza naKristu Johane 14:6, 13, 14
Mitemo yeBhaibheri pamusoro petsika 1 VaKorinte 6:9, 10
inofanira kuteererwa
Zvifananidzo hazvifaniri kushandiswa Eksodho 20:4-6;
mukunamata 1 VaKorinte 10:14
Kudavira midzimu kunofanira kudziviswa Dheuteronomio 18:10-12;
Ropa harifaniri kupinzwa mumuviri Genesi 9:3, 4;
womunhu Mabasa 15:28, 29
Vateveri vechokwadi vaJesu vanoramba Johane 15:19; 17:16;
vakaparadzana nenyika Jakobho 1:27; 4:4
VaKristu vanopupura, vachizivisa Isaya 43:10-12;
mashoko akanaka Mateo 24:14; 28:19, 20
Kubhapatidzwa kupfurikidza Marko 1:9, 10;
nokunyudzwa zvakakwana mumvura Johane 3:22;
kunoratidzira tsauriro kuna Mwari Mabasa 19:4, 5
Mazita okuremekedza orudzidziso Jobho 32:21, 22;
haasi apamagwaro Mateo 23:8-12
Tiri kurarama Dhanieri 12:4; Mateo 24:3-14;
mu“nguva yokupedzisira” 2 Timotio 3:1-5
Kuvapo kwaKristu hakuoneki Mateo 24:3; Johane 14:19;
Satani ndiye mutongi Johane 12:31;
asingaoneki wenyika ino 1 Johane 5:19
Mwari achaparadza tsika yakaipa Dhanieri 2:44;
yazvino yezvinhu Zvakazarurwa 16:14, 16; 18:1-8
Umambo hwaMwari hunodzorwa Isaya 9:6, 7; Dhanieri 7:13, 14;
naKristu huchatonga Mateo 6:10
pasi mukururama
“Kapoka kaduku” kachatonga mudenga Ruka 12:32;
naKristu Zvakazarurwa 14:1-4; 20:4
Vamwe avo Mwari anotendera Ruka 23:43; Johane 3:16;
vachagamuchira upenyu Zvakazarurwa 21:1-4
husingagumi muparadhiso yapasi
[Mufananidzo uri papeji 4]
Zviuru zvakapondwa mukati meBvunzurudzo
[Mufananidzo uri papeji 6]
Hondo dzorudzidziso dzakaguma nokuteurwa kweropa kunotyisa
[Mufananidzo uri papeji 7]
Rudzidziso rwechokwadi runozivikanwa nezvibereko zvarwo zvakanaka
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
Butiro: Garo Nalbandian