Kubatira Pasi Poruoko rwaJehovha Rune Rudo
YAKATAURWA NALAMBROS ZOUMBOS
Ndakatarisana nechisarudzo chinokosha: kubvuma chikarakadzo chababamudiki vangu vakapfuma chokuva maneja wepfuma yavo huru yezvivako nenzvimbo—nenzira iyoyo ndichipedza zvinetso zvemari zvemhuri yangu—kana kuti kuva mushumiri wenguva yakazara waJehovha Mwari. Regai nditsanangure zvinhu zvakapesvedzera chisarudzo chandakaita pakupedzisira.
NDAKABEREKERWA mutaundi reVolos, Greece, muna 1919. Baba vangu vaitengesa zvipfeko zvavanhurume, uye taifarikanya rubudiriro rwokunyama. Asi somugumisiro wemugariro wakaipa wemari wekupera kwama1920, Baba vakamanikidzirwa mukubhuroka ndokurasikirwa nechitoro chavo. Ndaisuruvara nguva iri yose pandaiona chitarisiko chokupererwa nezano pahuso hwababa vangu.
Kwenguva yakati mhuri yangu yaigara muurombo hwakakomba. Zuva riri rose ndaitora awa rokusava kuchikoro kuti ndimire mumutsetse wekugoverwa kwezvokudya. Zvisinei, pasinei zvapo neurombo hwedu taifarikanya upenyu hwemhuri hwakaterama. Yakanga iri nharidzano yangu yokuva chiremba, asi pakati pemakore angu ouduku ndaifanira kurega chikoro ndokutanga kushanda kuitira kuti ndibetsere mhuri yangu kurarama.
Ipapo, mukati meHondo Yenyika II, vaGerman nevaItaly vakatapa Greece, uye makava nenzara yakakomba. Kazhinji kazhinji ndaiona shamwari nevazivikanwi vachifa nenzara mumigwagwa—chiono chinotyisa chandisati ndichizotongokanganwa! Pane imwe nguva, mhuri yedu yakapedza mazuva 40 isina chingwa, chokudya chinokosha muGreece. Kuti tirarame, mukoma wangu neni taienda kumisha yaiva pedyo ndokuwana mbatatisi kushamwari nehama dzokunyama.
Chirwere Chinova Chikomborero
Pakuvamba muna 1944, ndakarwara zvikuru nechimwe chimiro chepleurisy. Mukati mokugara kwangu kwemwedzi mitatu muchipatara, imwe hama yokunyama yababa yakandiunzira mabhukwana maviri ndokuti: “Rava aya; ndine chokwadi chokuti uchaada.” Mabhukwana acho, Who is God? uye Protection, akabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society. Pashure pokuarava, ndakagoverana zvaiva mukati mawo nevarwere biyangu.
Pakubuda muchipatara, ndakatanga kusonganirana neVolos Ungano yeZvapupu zvaJehovha. Kwemwedzi, kunyange zvazvo zvakadaro, ndakanga ndakaganhurirwa mumba mangu somurwere asiri muchipatara, uye kubva pamaawa matanhatu kusvikira kumasere pazuva, ndairava zvinyorwa zvekare zveNharireyomurindi, pamwe chete nezvimwe zvinyorwa zvinobudiswa neWatch Tower Society. Somugumisiro, kukura kwangu mumudzimu kwaikurumidza zvikuru.
Kupona Nepaburi Retsono
Rimwe zuva pakati pa1944, ndakanga ndakagara pane rimwe bhenji romupaki muVolos. Kamwe kamwe rimwe boka rechiuto iro raitsigira hondo yakatapa yeGermany rakakomberedza nzvimbo yacho ndokusunga munhu ari wose aivamo. Vanenge 24 vedu vakaendeswa nomumigwagwa kudzimbahwe reGestapo, raiva mune imwe imba yaichengeterwa fodya.
Pashure pemaminiti mashomanene, ndakanzwa mumwe munhu achidana zita rangu nezita romunhu wandakanga ndave ndichitaura naye mupaki. Mumwe murwi weGreece akatidana ndokutiudza kuti apo mumwe wehama dzangu dzokunyama akationa tichiendeswa nevarwi, akamuudza kuti takanga tiri Zvapupu zvaJehovha. Murwi weGreece ipapo akataura kuti takanga takasununguka kuenda kumusha, uye akatipa kadhi rake rehurumende kuti tishandise kutyira kuti taizosungwa zvekare.
Zuva rakatevera racho takaziva kuti vaGerman vakanga vauraya vazhinjisa vaavo vakasungwa sokutsiva kuurawa kwavarwi vaviri veGermany nevarwi vanopikisa veGreece. Panzvimbo pokununurwa sezvinobvira murufu, ndakaziva panguva iyoyo ukoshi hwokusatora rutivi kwechiKristu.
Mumatsutso a1944, ndakaratidzira tsauriro yangu kuna Jehovha kupfurikidza nerubhapatidzo rwomumvura. Mukati mezhizha rakatevera, Zvapupu zvakaita gadziriro dzokuti ndisonganire neSklithro Ungano mumakomo, uko ndaigona kunaya zvizere. Hondo yavagari vemo yakatevera kuguma kwokutapa kweGermany panguva iyoyo yakanga ichipisa muGreece. Kwakaitika kuti musha wandakanga ndichigara wakabatira serudzi rwemusasa wamagandanga. Muprista womunzvimbomo nemumwe murume aiva neutsinye vakandipomera kusorera mauto ehurumende uye vakandiita kuti ndibvunzurudzwe nedare revarwi rokuzvigadzirira ramagandanga.
Mutungamiriri wemagandanga enharaunda yacho akanga aripo padare rokunyepedzera. Apo ndakapedza kutsanangura chikonzero nei ndakanga ndiri kugara mumusha uye kuratidza kuti somuKristu, ndakanga ndisingatori rutivi chose chose muhondo yavagari vemo, mutungamiriri wacho akaudza vamwe, kuti: “Kana munhu upi neupi akakuvadza munhu uyu, achandiona!”
Gare gare ndakadzokera kutaundi rokumusha kwangu reVolos ndatosimba zvikuru mukutenda kwangu kupfuura muutano hwangu hwomuviri.
Fambiro Mberi Yomudzimu
Nokukurumidza pashure pezvo ndakagadzwa kuva mubatiri weakaunzi muungano yemunzvimbomo. Pasinei zvapo nenhamo dzakaparirwa nehondo yevagari vemo—kubatanidza kusungwa kuzhinji nemhaka yepomero dzaiparirwa navafundisi dzokutendeutsa—kugoverana muushumiri hwechiKristu kwakandiunzira neyasara yeungano yedu mufaro mukuru.
Ipapo, pakuvamba muna 1947, takashanyirwa nomutariri anofambira weZvapupu zvaJehovha. Iyi yakanga iri shanyo yokutanga yakadaro pashure peHondo Yenyika II. Panguva iyoyo ungano yedu yaibudirira muVolos yakakamurwa kuva mbiri, uye ndakagadzwa kuva mutariri anotungamirira weimwe yeungano dzacho. Masangano emauto neeurudzi panguva iyoyo akanga achiparadzira rutyo pakati pavanhu. Vafundisi vakashandisa mamiriro acho ezvinhu. Vakaita kuti zviremera zvipandukire Zvapupu zvaJehovha kupfurikidza nokuparadzira runyerekupe rwenhema rwokuti takanga tiri vaKomonisiti kana kuti vatsigiri vamapoka anopandukira.
Kusungwa Nokuiswa Mutorongo
Mukati ma1947, ndakasungwa kanenge kagumi uye ndakatongwa mudare katatu. Nguva imwe neimwe ndaiwanwa ndisina mhaka. Muchirimo cha1948, ndakatongerwa mwedzi mina yokuiswa mutorongo nokuda kwokutendeutsa. Ndakashandira nguva yacho mutorongo reVolos. Munguvayo nhamba yavazivisi voUmambo muungano yedu yakapetwa kaviri, uye mufaro wakazadza mwoyo yehama.
Muna October 1948, apo ndakanga ndichiva nemusangano nevamwe vatanhatu vakanga vachitungamirira muungano yedu, mapurisa mashanu akavhozhokera imba ndokutisunga akatinongedzera pfuti. Akatiendesa kukamba yamapurisa pasina kutsanangura chikonzero chokusunga kwacho, uye ikoko takarohwa. Ndakarohwa muchiso nemumwe mupurisa akanga ave ari mutambi wetsiva. Ipapo takakandirwa muchitokisi.
Pashure pezvo mukuru wemapurisa akandidana kuti ndipinde muhofisi yake. Apo ndakavhura suo, akandikandira bhodhoro reingi, iro rakapotsa ndokupwanyikira pamadziro. Akaita ikoku kuti aedze kundityisidzira. Ipapo akandipa pepa nechinyoreso ndokurayira, kuti: “Nyora mazita eZvapupu zvaJehovha zvose zviri muVolos, uye ndiunzire ndaza yacho mumangwanani. Kana ukasadaro, unoziva chichaitika!”
Handina kupindura, asi pakudzokera kwangu kuchitokisi, dzasara dzehama neni takanyengetera kuna Jehovha. Ndakanyora zita rangu ndimene bedzi papepa racho ndokumirira kuti ndidanwe. Asi handina kunzwa chimwe chinhuzve chakabva kumukuru wacho. Mukati meusiku hwacho, mauto anopikisa akanga auya, uye akanga atungamirira vanhu vake mukurwisana nawo. Murwisano yakatevera, akakuvadzwa zvakakomba, uye rimwe ramakumbo ake raifanira kudimurwa. Pakupedzisira, nhau yedu yakatongwa, uye takapomerwa kuita musangano usiri pamutemo. Vanomwe vedu vose vakatongerwa makore mashanu mutorongo.
Sezvo ndairamba kupinda Misa yeSvondo mutorongo, ndakaendeswa mandinogara ndoga. Pazuva rechitatu, ndakakumbira kutaura nemukuru wetorongo. “Neruremekedzo rwose rwakafanira,” ndakadaro kwaari, “kunoratidzika sokusina mufungo kuranga mumwe munhu ari kudisa kupedzera makore mashanu mutorongo nokuda kwokutenda kwake.” Akafungisisa pamusoro paikoko, uye pakupedzisira akati: “Kubva mangwana, uchave uchishanda pano pedyo neni muhofisi yangu.”
Pakupedzisira, ndakawana basa somubetseri wachiremba mutorongo. Somugumisiro, ndakadzidza zvizhinji pamusoro pekutarisirwa kweutano, chimwe chinhu chakabvumikisa kuva chinobetsera zvikuru mumakore apashure. Ndiri mutorongo, ndakava nemikana mizhinji yokuparidza, uye vanhu vatatu vakagamuchira ndokuva Zvapupu zvaJehovha.
Pashure pokubatira anodokuva makore mana mutorongo, pakupedzisira ndakasunungurwa ndokuiswa pamuedzo muna 1952. Gare gare, ndaifanira kuoneka mudare muCorinth pamusoro penhau yekusatora rutivi. (Isaya 2:4) Ikoko ndakachengetwa kwenguva pfupi mutorongo remauto, uye imwe nguva yekubatwa zvisina kufanira yakavamba. Vamwe varwi vaiva nemitoo mitsva zvikuru yekutyisidzira kwavo, vachiti: “Ndichabudisa mwoyo wako muzvikamu nebanga,” kana kuti, “Usavimbe nerufu rwekukurumidza nemabara matanhatu bedzi.”
Rudzi Rwakasiyana Rwemuedzo
Nokukurumidza, zvisinei, ndakanga ndadzokera kumusha, ndichibatira zvakare neVolos Ungano uye ndichishanda nguva isina kuzara kunyika. Rimwe zuva, ndakagamuchira tsamba yaibva kuhofisi yebazu reWatch Tower Society muAthens, ichindikumbira kuwana rovedzo kwamavhiki maviri uye ipapo kuvamba kushanyira ungano dzeZvapupu zvaJehovha somutariri wedunhu. Panguva imwe cheteyo, babamudiki, avo vakanga vasina mwana uye vakanga vaine pfuma huru yezvivako nenzvimbo, vakandikumbira kutarisira zvinhu zvavo. Mhuri yangu yakanga ichiri kurarama muurombo, uye basa iri raizodai rakapedza zvinetso zvayo zvemari.
Ndakashanyira babamudiki vangu kuti nditaure kuonga kwangu chikarakadzo chavo, asi ndakavazivisa kuti ndakanga ndasarudza kugamuchira mugove chaiwo muushumiri hwechiKristu. Pana ikoko vakasimuka, vakanditarisisa, uye pakarepo vakabuda mukamuri racho. Vakadzoka nechipo chomwoyo wose chemari yaigona kutsigira mhuri yangu kwemwedzi yakati. Vakati: “Tora iyi, uye ita zvaunoda nayo.” Kusvikira kuzuva rino, handigoni kurondedzera manzwire andakaita panguva iyoyo. Kwakanga kwakaita sokunge kuti ndainzwa inzwi raJehovha richindiudza kuti, ‘Wakaita chisarudzo chakarurama. Ndinewe.’
Nechikomborero chemhuri yangu, ndakaenda kuAthens muna December 1953. Kunyange zvazvo amai vangu bedzi vakava Chapupu, mimwe mitezo yemhuri yangu haina kushora mubato wangu wechiKristu. Apo ndakaenda kuhofisi yebazu muAthens, chimwe chishamiso chakanga chakandimirira. Kwakanga kune teregiramu yakabva kuhanzvadzi yangu, ichizivisa kuti kurwa kwaBaba kwamakore maviri kuti vawane penjeni pazuva iroro kwakanga kwabudirira. Chiizve chandaigona kukumbira? Ndakanzwa sokunge kuti ndaive namapapiro, ndakagadzirira kubhururuka zvikuru mubasa raJehovha!
Kungwarira
Mumakore angu apakuvamba mubasa redunhu, ndaifanira kungwarira zvikuru nemhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichitambudzwa zvakakomba nezviremera zverudzidziso nezvematongerwe enyika. Kuti ndishanyire hama dzedu dzechiKristu, zvikurukuru idzo dzaigara mumataundi maduku nemisha, ndaifamba maawa mazhinji usiku. Hama dzacho, idzo dzakanga dzazviisa mungozi yokusungwa, dzaiungana ndokumirira nokushivirira pane imwe imba kuti ndisvike. Shanyo idzodzo dzakagovera tsinhano yakaisvonaka zvakadini yekurudziro nokuda kwedu tose!—VaRoma 1:11, 12.
Kuti ndidzivise kuzivikanwa, padzimwe nguva ndaichinja chitarisiko. Pane imwe nguva, ndakapfeka somufudzi kuitira kuti ndipfuure rodhibhuroku kuti ndisvike boka rehama idzo dzaida chose chose kufudzwa mumudzimu. Pane imwe nguva, muna 1955, chimwe Chapupu biyangu neni takanyepedzera kuva vatengesi vegariki kuitira kuti tidzivise kumutsa kunyumwa kwemapurisa. Mugove wedu wakanga uri wokuonana nedzimwe hama dzechiKristu idzo dzakanga dzava dzisingaiti basa mutaundi duku reÁrgos Orestikón.
Takaratidzira zvinhu zvedu panze pamusika wavose wetaundi. Zvisinei, mumwe mupurisa muduku ainzvera nharaunda yacho akava anonyumwira, uye nguva imwe neimwe yaaipfuura, aititarisisa nokuda kuziva. Pakupedzisira, akati kwandiri: “Hautarisiki semutengisi wegariki.” Panguva iyoyo, vamwe vakadzi vaduku vatatu vakasvika ndokutaura kufarira kwavo kutenga gariki. Ndichinongedzera kuzvinhu zvangu, ndakati: “Mupurisa muduku uyu anodya gariki yakafanana neiyi, uye tarirai kusimba nokunaka kwaakaita!” Vakadzi vacho vakatarira mupurisa wacho ndokuseka. Iyewo akanyemwerera uye ipapo akanyangarika.
Apo akaenda ndakashandisa mukana wacho kuenda kuchitoro umo hama dzedu dzomudzimu dzaishanda savasoni. Ndakakumbira mumwe wadzo kusona bhatani randakanga ndabvisa pabhachi rangu. Apo yaiita ikoku, ndakazembera ndokuzevezera, kuti: “Ndabva kuhofisi yebazu kuti ndikuonei.” Pakutanga hama dzacho dzaitya, sezvo dzakanga dzisina kuonana neZvapupu biyadzo kwamakore. Ndakadzikurudzira nepandaigona napo ndokuita gadziriro dzokusangana nadzo gare gare mumakuva etaundi kuti titaurezve. Nenzira inofadza, shanyo yacho yaikurudzira, uye zvakare dzakava dzinoshingaira muushumiri hwechiKristu.
Kuwana Mukwanyina Akatendeka
Muna 1956, makore matatu pashure pokuvamba basa rokufambira, ndakasangana naNiki, mumwe mukadzi muduku wechiKristu uyo aida zvikuru basa rokuparidza uye aishuva kupedzera upenyu hwake muushumiri hwenguva yakazara. Takadanana ndokuroorana muna June 1957. Ndakanga ndichishamisika kana Niki aizokwanisa kusvitsa zvinodikanwa zvebasa rokufambira mumamiriro ezvinhu akaoma akanga akapararira panguva iyoyo nokuda kweZvapupu zvaJehovha muGreece. Nebetsero yaJehovha akakwanisa, nokudaro achiva mukadzi wokutanga kuperekedza murume wake mubasa redunhu muGreece.
Takapfuurira pamwe chete mubasa rokufambira kwamakore gumi, tichibatira ungano zhinjisa muGreece. Kazhinji kazhinji taipfeka zvokuchinja chitarisiko uye, nesutukesi mumaoko, taifamba usiku kwamaawa mazhinji kuti tisvike imwe ungano. Pasinei zvapo nechishoro chikuru chataiwanzotarisana nacho, takafara kuzvionera pachedu kukura kunoshamisa munhamba yeZvapupu.
Basa repaBheteri
Muna January 1967, Niki neni takakokwa kuzobatira paBheteri, sezvinodanwa hofisi yebazu yeZvapupu zvaJehovha. Kokero yacho yakatishamisa tose tiri vaviri, asi takaigamuchira, tiine chivimbo chokuti Jehovha akanga ari kutungamirira zvinhu. Sezvo nguva yakapfuura, takasvika pakunzwisisa kuti iropafadzo yakadini kubatira panzvimbo iyi huru yemubato weubati ushe hwaMwari.
Mwedzi mitatu pashure pekunge tapinda mubasa repaBheteri, rimwe boka ramauto rakabvuta simba, uye Zvapupu zvaJehovha zvaifanira kupfuuridzira basa razvo pachivande. Takavamba kusangana mumapoka maduku, kuita magungano edu mumasango, kuparidza nokungwarira, uye kudhinda ndokuparadzira mabhuku eBhaibheri pachivande. Kwakanga kusina kuoma kuchinjira kumamiriro aya ezvinhu, sezvo takangomutsidzirazve mitoo yokupfuuridzira nayo mibato yedu iyo takanga tashandisa mumakore akapfuura. Pasinei zvapo neganhuriro dzacho, nhamba yeZvapupu yakawedzera kubva pane vari pasi pe11 000 muna 1967 kusvikira kune vanopfuura 17 000 muna 1974.
Pashure peanodokuva makore 30 mubasa repaBheteri, Niki neni tinopfuurira kufarikanya zvikomborero zvedu zvomudzimu, pasinei zvapo neganhuriro dzoutano nedzezera. Kwamakore anopfuura gumi, taigara pazvivako zvebazu zvaiva muna Kartali Street muAthens. Muna 1979 bazu idzva rakatsaurirwa muMarousi, rimwe sabhabha reAthens. Asi kubvira muna 1991 takafarikanya zvivako zvebazu zvitsva zvikuru muEleona, makiromita 60 kuchamhembe kweAthens. Pano ndinobatira muchipatara chedu cheBheteri, umo rovedzo yandakawana somubatsiri wachiremba wetorongo yakabvumikisa kuva inobetsera zvikuru.
Mukati memakumi angu amakore anosanopfuura mana ndiri muushumiri hwenguva yakazara, ini, kufanana naJeremia, ndakasvika pakuziva zvokwadi yechipikirwa chaJehovha, chokuti: “Vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Jeremia 1:19) Hungu, Niki neni takafarikanya mukombe unopfachukira nezvikomborero zvinobva kuna Jehovha. Tinofara nguva dzose muitiro hanya yake huru yerudo nemutsa usina kufanirwa.
Kurudziro yangu kuvaduku vari musangano raJehovha ndeyekuronda ushumiri hwenguva yakazara. Munzira iyi vanogona kugamuchira kokero yaJehovha yokuedza kana achizova wechokwadi kuchipikirwa chake ‘chokuzarura masuo ematenga ndokudurura chaizvoizvo chikomborero kusvikira pasisina kushayiwa.’ (Maraki 3:10) Kubva mune ruzivo rwangu ndimene rwokuzviwanira, ndinogona kukuvimbisai imi vaduku kuti Jehovha zvirokwazvo achakukomborerai mose munodarozvo kumuvimba zvizere.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Lambros Zoumbos nomudzimai wake, Niki