RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 10/1 pp. 22-25
  • Kupa Jehovha Zvakamufanira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupa Jehovha Zvakamufanira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuita Maererano Nezvandakadzidza
  • Kuparidza Pasinei Nemhinganidzo
  • Ushumiri Hwedu muAidhonochori
  • Kutambudzwa Kweutsinye
  • Kuwedzera Pasinei Nokushorwa
  • Kubatira Pasi Poruoko rwaJehovha Rune Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Anopfuura Makore 50 Oku‘Yambuka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • “Panzvimbo Pendarama, Ndakawana Madhaimani”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Nherera Yakasiyiwa Inowana Baba Vane Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 10/1 pp. 22-25

Kupa Jehovha Zvakamufanira

YAKATAURWA NATIMOLEON VASILIOU

Ndakanga ndasungirwa kudzidzisa Bhaibheri mumusha weAidhonochori. Mapurisa akakumura shangu dzangu ndokutanga kundirova pasi petsoka. Sezvavakaramba vachirova, tsoka dzangu dzakaita chiveve uye ndakanga ndisingachanzwi kurwadziwa. Ndisati ndatsanangura zvakazoita kuti ndibatwe zvisina kunaka kudai, panguva iyoyo zvaiitika kakawanda muGreece, regai nditsanangure kuti ndakava sei mudzidzisi weBhaibheri.

NDICHANGOBVA kuberekwa muna 1921, mhuri yedu yakatamira kutaundi reRodholívos, kuchamhembe kweGreece. Ndichiri kuyaruka, ndakararama upenyu hwekusindimara. Pandakanga ndava nemakore 11, ndakatanga kusvuta. Gare gare, ndakatanga kunwa zvikuru uye ndaibhejera, uye ndaienda kumapati asingadzorwi anenge manheru oga oga. Ndaiva nechipo chekuridza mimhanzi, saka ndakabatana nechimwe chikwata chemimhanzi chomutaundi iri. Murinenge gore rimwe, ndakanga ndava kugona kuridza zviridzwa zvakawanda zvechikwata ichi. Asi, panguva imwe cheteyo, ndaidawo zvekudzidza uye ndaida kururamisira.

Mukutanga kwa1940, pairwiwa Hondo Yenyika II, chikwata chedu chemimhanzi chakakokwa kuzoridza pamariro emumwe musikana muduku. Kumakuva, hama neshamwari dzaichema nokurwadziwa zvikuru. Kushaya tariro kwavo kukuru kwakanditapura zvikuru. Ndakavamba kushamisika kuti, ‘Nei tichifa? Kune chimwe chinhu muupenyu kupfuura kungorarama kwedu kupfupi here? Ndingawana kupi mhinduro?’

Mazuva mashoma gare gare, ndakaona kopi yeTestamendi Itsva pasherufu mumba mangu. Ndakaiburutsa ndokuvamba kuirava. Pandakarava mashoko aJesu ari pana Mateo 24:7 nezvehondo inorwiwa nevakawanda sechimwe chechiratidzo chekuvapo kwake, ndakabva ndangoziva kuti mashoko ake anoshanda munguva yedu. Mumavhiki akatevera, ndakarava kopi iyi yaMagwaro echiGiriki echiKristu nguva dzinoverengeka.

Ipapo muna December 1940, ndakashanyira mhuri yaiva pedyo—imwe chirikadzi nevana vayo vashanu. Mune rimwe kamuri ravo, pakati pemurwi wemabhuku madiki, uye ndakawana rimwe raiva nomusoro waiti Hurumende Inodiwa, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society. Ndakagara mukamuri iri ndokurava kabhuku aka kose. Ndakatenda kubva pane zvandakarava kuti zvechokwadi tiri kurarama muanonzi neBhaibheri “mazuva okupedzisira” uye kuti Jehovha Mwari nokukurumidza achagumisa gadziriro ino yezvinhu ndokuitsiva nenyika itsva yakarurama.—2 Timotio 3:1-5; 2 Petro 3:13.

Chakanyanya kundifadza uchapupu hwemuMagwaro hwekuti vakatendeka vachararama nokusingaperi muparadhiso yepasi uye kuti kutambura norufu hazvizovipo munyika itsva iyoyo mukutonga kweUmambo hwaMwari. (Pisarema 37:9-11, 29; Zvakazarurwa 21:3, 4) Sezvandairava, ndakatenda Mwari mumunyengetero nokuda kwezvinhu izvi, uye ndakamukumbira kuti andiratidze zvaanoda kuti ndezvipi. Zvakandijekera kuti Jehovha Mwari akafanirwa nokuzvipira kwangu nomweya wose.—Mateo 22:37.

Kuita Maererano Nezvandakadzidza

Kubva panguva iyoyo, ndakarega kusvuta, ndakarega kudhakwa, uye ndakarega kubhejera. Ndakaunganidza vana vashanu vechirikadzi yacho pamwe chete nemunun’una wangu nehanzvadzi dzangu vari vatatu, ndikavatsanangurira zvandakanga ndadzidza kubva mukabhuku kacho. Nokukurumidza tose takatanga kuudza vamwe zvishoma zvatakanga tava kuziva. Takatanga kuzivikanwa munharaunda yacho seZvapupu zvaJehovha, kunyange zvazvo takanga tisati tamboona Zvapupu. Kubva pakutanga chaipo, ndaipedza maawa anodarika zana mwedzi nomwedzi ndichiudza vamwe zvinhu zvinoshamisa zvandakanga ndadzidza.

Mumwe wevapristi veGreek Orthodox vemunharaunda iyi akaenda kuna meya nechichemo pamusoro pedu. Asi mazuva mashoma akanga apfuura, tisingazvizivi, chimwe Chapupu chiduku chakanga chawana bhiza rakanga rarasika uye chakanga charidzorera kuvaridzi varo. Nemhaka yokutendeseka kwakadaro, meya airemekedza Zvapupu, uye akaramba kuteerera mupristi.

Rimwe zuva muna October 1941, pandaipupura mumusika, mumwe munhu akataura nezveChapupu chaJehovha chaigara mutaundi raiva pedyo. Aimbova mupurisa uye ainzi Christos Triantafillou. Ndakaenda kunomuona uye akandiudza kuti ainge ari Chapupu kubva muna 1932. Ndakafara sei paakandipa mabhuku ekare akawanda eWatch Tower! Iwaya akandibetsera zvechokwadi kufambira mberi mumudzimu.

Muna 1943, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Mwari nokubhabhatidzwa mumvura. Panguva iyoyo ndaiitisa fundo dzeBhaibheri mumisha mitatu yaiva pedyo—Dhravískos, Palaeokomi uye Mavrolofos. Ndaishandisa bhuku rinonzi The Harp of God pakudzidzisa Bhaibheri. Pakupedzisira, ndakaropafadzwa kuona ungano dzeZvapupu zvaJehovha ina dzichiumbwa munzvimbo iyi.

Kuparidza Pasinei Nemhinganidzo

Muna 1944, Greece yakasunungurwa pakutongwa neGermany, uye imwe nguva gare gare, takatanga kukurukurirana nehofisi yebazi reWatch Tower Society muAthens. Hofisi yebazi yakandikoka kuti ndiparidzire munzvimbo makanga musina munhu akanga ambonzwa mashoko oUmambo. Ndaenda ikoko, ndakashanda papurazi kwemwedzi mitatu ndokupedzisa gore racho rose ndiri muushumiri.

Gore iroro ndakakomborerwa nokuona amai vangu uyewo chirikadzi iya nevana vayo vachibhabhatidzwa, kusiya kwemwanasikana wayo muduku, Marianthi, uyo akabhabhatidzwa muna 1943 uye akazova mudzimai wangu anodiwa muna November wegore iroro. Makore makumi matatu gare gare, muna 1974, baba vangu vakavawo Chapupu chakabhabhatidzwa.

Mukutanga kwa1945 takagamuchira kopi yokutanga yakadhindwa yeNharireyomurindi kubva kuhofisi yebazi. Nyaya yayo huru yaiva nomusoro waiti “Endai, Dzidzisai Marudzi Ose.” (Mateo 28:19, The Emphatic Diaglott) Nokukurumidza Marianthi neni takasiya musha wedu kuti tinoshanda kunzvimbo dziri kure kumabvazuva kweStrymon River. Gare gare zvimwe Zvapupu zvakauya kuzobatana nesu.

Kakawanda taifamba tisina shangu kuti tisvike pane musha, tichifamba kwemakiromita nomumakoronga uye tichikwira makomo. Taiita izvi kuti tichengetedze shangu dzedu, nokuti kana dzaizosakara, tainge tisina dzimwe dzokuzopfeka. Kubva mumakaore a1946 kusvika 1949, hondo yevagari vemo yakanga ichiparadza Greece, uye kufamba kwaiva nengozi zvikuru. Zvaisashamisa kuona zvitunha zvakati rakata mumugwagwa.

Pane kuti tiore mwoyo nemhaka yenguva dzakaoma, takaramba tichishanda nokushingaira. Panguva dzakawanda ndakanzwa sezvakaita munyori wepisarema akanyora kuti: “Zvirokwazvo, kunyange ndikafamba mumupata womumvuri worufu, handingatongotyi zvakaipa; nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.” (Pisarema 23:4) Munguva iyi kakawanda taiva tisiri pamusha kwemavhiki, uye dzimwe nguva ndaipedza maawa 250 pamwedzi muushumiri.

Ushumiri Hwedu muAidhonochori

Mumwe wemisha yatakashanyira muna 1946 waiva Aidhonochori, uri pamusoro pegomo chaipo. Ikoko takasangana nemumwe murume akatiudza kuti kwaiva nevarume vaviri mumusha uyu vaida kunzwa mashoko eBhaibheri. Zvisinei, nokutya vavakidzani vake, murume wacho akanga asingadi kutiudza kuti toenda sei kwavaiva. Zvisinei takawana dzimba dzavo uye takagamuchirwa nomutsa. Chokwadika, mushure memaminiti mashomanene, kamuri rokutandarira rakanga razara nevanhu! Vaiva hama dzokunyama kana kuti shamwari dzake. Ndakaoma mate mukanwa ndichiona magarire avakanga vakaita vachititeerera. Nokukurumidza vakatiudza kuti vaiva vakamirira nechido kuonana neZvapupu zvaJehovha, asi munguva yokutongwa neGermany, hapana vaiva munzvimbo iyi. Chii chainge chaita kuti vafarire?

Misoro yemhuri miviri yacho yakange yakakurumbira mubato rechiKomonisti remunharaunda iyoyo, uye yakange yadzidzisa vanhu pfungwa dzechiKomonisti. Asi yakazosanganidzana nekopi yebhuku rinonzi Government, rakabudiswa neWatch Tower Society. Somugumisiro wekurirava, vakatenda kuti tariro bedzi yehurumende yakakwana, yakarurama yaiva Umambo hwaMwari.

Takagara tichikurukura nevarume ava neshamwari dzavo kusvika pakati pousiku. Vakagutsikana zvakakwana nemhinduro dzemuBhaibheri kumibvunzo yavo. Zvisinei, nokukurumidza pashure pacho, vaKomonisti vomumusha wacho vakaronga kundiuraya nokuti ndainzi ndini ndakatendeutsa vaichimbova vatungamiriri vavo. Sezvineiwo, pane vaivapo manheru okutanga iwayo paiva nemurume uya akandiudza nezvevanhu vanofarira vaiva mumusha wacho. Pakupedzisira akafambira mberi muzivo yeBhaibheri, akabhabhatidzwa, uye gare gare akava mukuru wechiKristu.

Kutambudzwa Kweutsinye

Hapana kupera nguva huru tabva kusangana nevaichimbova vatungamiriri vechiKomonisti ava apo mapurisa maviri akapinda nechisimba mumba mataiitisa musangano. Vakasunga vanokwana vana vedu vachityisidzira nepfuti uye vakaenda nesu kukamba yemapurisa. Ikoko mukuru wemapurisa, aizivana zvikuru nevafundisi veGreek Orthodox, akatituka nehasha zvikuru. Pakupedzisira, akatibvunza kuti: “Saka, ndichaita sei nemi?”

“Ngativarove chaizvo!” akadanidzira kudaro mamwe mapurisa aiva kumashure kwedu achibvumirana.

Panguva iyoyo hwakanga hwatova usiku. Mapurisa acho akatikiyira mukamuri repasi ndokubva aenda kubhawa raiva pedyo. Pavakanga vadhakwa zvikuru, vakadzoka uye ndakaendeswa mukamuri romudenga.

Ndichiona zvavakanga vari, ndakaziva kuti vaigona kundiuraya chero nguva. Nokudaro ndakanyengetera kuna Mwari kuti andipe simba rekutsungirira chipi nechipi chaizondiwana. Vakatora tsvimbo uye, sezvandambotaura pakutanga, vakavamba kundirova pasi petsoka dzangu. Pashure vakandirova mumuviri wose, uye vakandidzorera mukamuri repasi. Tevere vakatora mumwe uye vakavamba kumurova.

Munguva iyi, ndakashandisa mukana uyu kusimbisa zvimwe Zvapupu zviduku zviviri kuti zvitarisane nemuedzo waiva mberi. Asi mapurisa akasarudza kundidzosera kukamuri romudenga. Vakakumura mbatya dzangu, uye vashanu vavo vakandirova kweinenge awa, vachinditsika mumusoro neshangu dzavo dzechisoja. Ipapo vakandikanda pamanera, pandakazvambarara kwemaawa 12 ndisingazivi chinhu.

Patakazosunungurwa, imwe mhuri mumusha uyu yakatipa pokurara usiku ihwohwo uye yakatitarisira. Zuva rakatevera racho, takasimuka kuti tidzokere kumba. Takanga tichirwadziwa uye takaneta zvokuti rwendo rwacho, rwaisitora maawa maviri tichifamba, rwakatitorera maawa masere. Ndakanga ndakazvimba zvikuru nokurohwa kwandaiva ndaitwa zvokuti Marianthi akanga otadza kundiziva.

Kuwedzera Pasinei Nokushorwa

Muna 1949, hondo yevagari vemo payaiva ichiri kurwiwa, takatamira kuThessalonica. Ndakapiwa basa rokushanda somubetseri wemuranda weungano muimwe yeungano ina dzaiva muguta racho. Pashure pegore rimwe ungano yakakura zvokuti takatoumba imwe, uye ndakapiwa basa rokushanda somuranda weungano, kana kuti mutariri anotungamirira. Gore rimwe gare gare, ungano itsva yakanga yawedzera nekanenge kaviri, uye imwezve ungano yakaumbwa!

Vashori vakashatirwa nekuwanda kweZvapupu zvaJehovha muThessalonica. Rimwe zuva muna 1952, pandakadzoka kubva kubasa, ndakawana imba yedu yava madota. Marianthi akanga apona nepaburi retsono. Kumisangano manheru iwayo, takatsanangura kuti nei tainge tauya nembatya dzakasviba—tainge tarasikirwa nezvinhu zvose. Hama dzedu dzechiKristu dzakanzwa tsitsi zvikuru uye dzakatsigira.

Muna 1961, ndakapiwa basa rekufambira, kushanyira ungano yakasiyana vhiki nevhiki kuti ndisimbise hama mumudzimu. Kwemakore 27 akatevera, Marianthi neni takashanyira matunhu uye maruwa ari muMacedonia, Thrace uye Thessaly. Kunyange zvazvo mudzimai wangu anodiwa Marianthi akanga ava bofu kubvira muna 1948, akashanda neni noushingi, achitsungirira miedzo yakawanda yokutenda. Iyewo akasungwa, akatongwa, uye akaiswa mujeri kakawanda. Utano hwake hwakazotanga kuipa, uye akashaya muna 1988 pashure pokurwara kwenguva refu nekenza.

Gore iroro, ndakagadzwa kuti ndishande sapiyona chaiye muThessalonica. Zvino, pashure pemakore anopfuura 56 mubasa raJehovha, ndichiri kugona kushanda nesimba uye kuitawo marudzi ose oushumiri. Padzimwe nguva, ndinoitisa fundo dzeBhaibheri vanhu 20 vanofarira vhiki nevhiki.

Ndava kudavira kuti chaizvoizvo tiri pamavambo epurogiramu yokudzidzisa ichapfuurira kusvika munyika itsva yaJehovha uye kwemakore ane chiuru. Asi, ndinofunga kuti ino haisi nguva yokuti tiderere, kusundira zvinhu mberi, kana kuti kupedza nguva yedu tichiita zvido zvenyama yedu. Ndinoonga Mwari nokundibetsera kuti ndichengete zvandakavimbisa pakuvamba chaipo nokuti Jehovha akafanirwa zvechokwadi nokuzvipira kwedu nomweya wose uye kushandirwa nesu.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Ndichipa hurukuro panguva yairambidzwa basa rekuparidza kwedu

[Mufananidzo uri papeji 25]

Marianthi neni

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe