RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 5/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • VaFiripi 4:13—“Ndinogona Kuita Zvinhu Zvese Nekuda kwaKristu”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Pfuurirai Kunharidzano!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 50—VaFiripi
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Usatarira “Zvinhu Zviri Shure”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 5/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Muapostora Pauro akarevei apo iye akataura kuti akanga ava ku“kanganwa zviri shure, [a]chinanavira kune zviri mberi”? (VaFiripi 3:13) Munhu anogona kukanganwa chimwe chinhu namaune here?

Aiwa, muzviitiko zvizhinjisa hatigoni kubvisa namaune yeuko mundangariro yedu. Idi nderokuti, tinokanganwa zvakawanda zvatingada kuyeuka ndokuyeuka zvinhu zvakawanda zvatingakanganwa nokukurumidza. Chii, ipapoka, icho Pauro akareva apo akanyora mashoko aVaFiripi 3:13? Mashoko akapoteredza anotibetsera kunzwisisa.

Muna VaFiripi ganhuro 3, Pauro anorondedzera “zvikonzero [zvake] zvechivimbo . . .  munyama.” Iye anotaura nezvemamiriro ake ezvinhu echiJudha akaisvonaka uye kushingairira kwake Mutemo—zvinhu zvaigona kunge zvakamupa betsero dzakawanda murudzi rwaIsraeri. (VaFiripi 3:4-6, NW; Mabasa 22:3-5) Kunyange zvakadaro, iye akafuratira betsero dzakadaro, achidziramba sokurasikirwa, sokunge zvakadaro. Nei? Nemhaka yokuti iye akanga awana chimwe chinhu chiri nani—“kunaka kwokuziva Kristu Jesu.”—VaFiripi 3:7, 8.

Nharidzano huru yaPauro yakanga iri yokuwana, kwete nzvimbo munyika ino, asi “kumuka kwavakafa.” (VaFiripi 3:11, 12) Nokudaro, iye anonyora, kuti: “Ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kune zviri mberi, ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubayiro wokudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu.” (VaFiripi 3:13, 14) Apo Pauro akataura kuti akanga achi“kanganwa zviri shure,” iye haana kureva kuti nenzira yakati iye akanga abvisa “zviri shure” mundangariro yake. Iye sezviri pachena akanga achiri kuzviyeuka, sezvo akanga achangobva kuzvinyora. Kunze kwezvo, muchiGiriki chapakuvamba, iye anoshandisa chimiro chechiito chinoratidzira chiito chiri kutoitwa, kwete chapedzwa. Iye anoti “ndinokanganwa,” kwete “ndakanganwa.”

Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kanganwa” (e·pi·lan·thaʹno·mai) rine revo dzakasiyana-siyana, imwe yadzo iri yoku“sava nehanya,” kana kuti “kuregeredza.” Maererano neExegetical Dictionary of the New Testament (rakapepetwa naHorst Balz uye Gerhard Schneider), izvi ndizvo izvo “kukanganwa” kunoreva pana VaFiripi 3:13. Pauro haana kuramba achifunga nezvezvinhu zvaakanga arega. Iye akanga adzidza kuzvirangarira sezvoukoshi huduku. Zvakanga zvakaita se“marara” kana zvichienzaniswa netariro yokudenga.—VaFiripi 3:8.

Mashoko aPauro anogona sei kushanda nhasi? Eya, muKristu, kufanana naPauro, angava akarega zvimwe zvinhu kuti abatire Mwari. Angava akasiya basa rine mari nokuda kwebasa renguva yakazara. Kana kuti angava ari womumhuri yakapfuma zvikuru iyo yakamuramba mune zvemari nemhaka yokuti havatenderi zvokwadi. Kurega zvimwe zvinhu kwakadaro kunorumbidzwa, asi hakusi chimwe chinhu chinofanira kurangarirwa nguva dzose. MuKristu ‘anokanganwa,’ anorega kuitira hanya pamusoro pe‘zvinhu zviri shure’ nemhaka yenguva yemberi ine mbiri yakamumirira.—Ruka 9:62.

Nheyo iri seri kwamashoko aPauro inogona zvichida kushandiswa mune imwe nzira. Zvakadiniko nomuKristu akabatanidzwa mumufambiro usina kururama asati adzidza pamusoro paMwari? (VaKorose 3:5-7) Kana kuti ngatitii pashure pokuva muKristu, iye akaita chivi chakakomba ndokurangwa neungano. (2 VaKorinte 7:8-13; Jakobho 5:15-20) Eya, kana iye achipfidza zvirokwazvo uye achinja nzira dzake, iye “ashambidzwa.” (1 VaKorinte 6:9-11) Zvakaitika zvakapfuura. Iye angasatongokanganwa chaizvoizvo chaakaita—zvirokwazvo, iye angava akachenjera kudzidza muchiitiko chacho kuti asazodzokorora chivi chacho. Kunyange zvakadaro, iye ‘anokanganwa’ mupfungwa yokusazvinyomba amene nguva dzose. (Enzanisa naIsaya 65:17) Achiva akakanganwirwa pahwaro hwechibayiro chaJesu, iye anovavarira kusarangarira nguva yakapfuura.

Pana VaFiripi 3:13, 14, Pauro anozvirondedzera amene somumhanyi ari munhangemutange, “achinanavira kune zviri mberi” kuti asvike nharidzano yacho. Mumhanyi anotarira mberi, kwete shure. Nenzira yakafanana, muKristu anofanira kutarira kuzvikomborero zviri mberi, kwete kuzvinhu zvakasiyiwa shure. Pauro anotiwo: “Kana imi mune mumwe mwoyo, Mwari uchakuratidzai naizvozvowo.” (VaFiripi 3:15) Nokudaro, nyengetera kuna Mwari kuti akubetsere kusakurira ichi chimiro chendangariro. Zadza ndangariro yako nemifungo yaMwari seinowanwa muBhaibheri. (VaFiripi 4:6-9) Fungisisa pakukuda kwaJehovha uye pazvikomborero zvaunofarikanya nemhaka yako. (1 Johane 4:9, 10, 17-19) Ipapo, kupfurikidza nomudzimu mutsvene Jehovha achakubetsera kuva asingaitiri hanya zvawakasiya shure. Panzvimbo pezvo, kufanana naPauro, uchatarira kune ramangwana rine mbiri riri mberi.—VaFiripi 3:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe