Vazivisi Voumambo Vanoshuma
‘Suo Guru Rinotungamirira Kumubato Rakazarurwa’ muCuba
Muapostora Pauro akanga ari muparidzi akatanhamara wamashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Iye akashandisa mukana uri wose kugoverana navamwe zvipikirwa zvoMusiki zvoupenyu husingaperi nokuda kworudzi rwomunhu rwunoteerera. Achishanyira Efeso yakare, Pauro akacherekedza mamiriro ezvinhu matsva ayo aizomubvumira kubatsira vanhu vakatowanda zvikuru. Iye akati: “Ndichagara paEfeso . . . nokuti ndazarurirwa mukova mukuru une basa guru.”—1 VaKorinte 16:8, 9.
Zvapupu zvaJehovha muCuba zvinozviwanawo zvimene zviri mumamiriro ezvinhu matsva. Kunyange zvazvo zvichigere kunyorwa pamutemo, Zvapupu zvino zvava kukwanisa kugoverana tariro yazvo yeBhaibheri navanhu biyazvo vomunyika pachena. Nguva pfupi yapfuura hurumende yeCuba yakaratidzira fariro yakakomba mukubvumira mapoka akasiyana-siyana orudzidziso kushanda akasununguka. Purezidhendi Castro akadudza pachena Zvapupu zvaJehovha seboka rorudzidziso iro hurumende yeCuba zvino inofarikanya ukama hwakavandudzika naro.
Aya mamiriro ezvinhu matsva akazarura “mukova mukuru une basa guru” nokuda kweZvapupu. Somuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha nguva pfupi yapfuura zvakavhura hofisi muCuba, iyo inozvibetsera kutsinhiranisa basa razvo rokuparidza munyika iyoyo. Zvapupu zvinopfuura 65 000 zviri kubetsera vanhu kufunda ndokunzwisisa Bhaibheri. Izvo zvinoshandisa mabhuku eBhaibheri, akadai semagazini eNharireyomurindi neMukai! VaCuba vakawanda vanoda kururama vari kubetserwa nokufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.
Zvapupu zviri kuvawo nemisangano yenguva dzose mumapoka maduku muchitsuwa chacho chose. Pane dzimwe nguva zvinotofarikanya ropafadzo yokuva namagungano makuru zvikuru mumapoka avanenge 150. Izvo zvinoonga zvirokwazvo mvumo yazvakagamuchira kuzviremera zveCuba, iyo inozvipa mukana wokuungana nehama dzazvo dzomudzimu nehanzvadzi, zvichiimbira Mwari rumbidzo, uye zvichinyengetera pamwe chete.
Nguva pfupi yapfuura Kokorodzano Yoruwa yo“Rutyo Rwoumwari” yakaitwa kanopfuura ka1 000 mukati mokupera kwevhiki kutatu chete. Mumwe mushumo unotaura kuti “nhevedzano, kuzvibata, uye rugare” zvakanga zviri pachena pakokorodzano iri yose. Zviremera zvakakorokotedza Zvapupu pane iri pfundo.
Munyika yose, vaKristu vapachokwadi vanovavarira kuita murayiro wavo wakapiwa naMwari wokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Panguva imwe cheteyo, ivo vanovavarira kuchengeta ukama hune rugare nezviremera zvehurumende. (Tito 3:1) Zvapupu zvaJehovha zvinotevera zano romuapostora Pauro, uyo akanyora, kuti: “Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinorayira kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vaongerwe; madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kwose, nomugarire unokudzwa.”—1 Timotio 2:1, 2.