Tsamba Inobva Kudare Rinodzora
Hama Nehanzvadzi Dzinodiwa:
ZVINOFADZA zvikuru kukunyorerai! Tinokurumbidzai nokuda kworudo nokuzvipira zvamunoramba muchiratidza. Mumapeji eBhuku Regore rino, muchaona kuti zvakawanda zvakanaka zvakaitwa mugore rebasa rapfuura. Takapedzera zvakare maawa anopfuura bhiriyoni mubasa rokuparidza nokudzidzisa, tichikurudzira vanhu zvakananga kuswedera pedyo naJehovha. Haisi ropafadzo here kuva vashandi pamwe naMwari wedu ane mbiri uye Baba vokudenga?—1 VaK. 3:9.
Sezvatinotarira kubasa riri mberi, tine chivimbo chokuti mucharamba muchitevedzera kushingaira nokutenda kwevashumiri vaMwari, sezvinotsanangurwa muBhaibheri. Somuenzaniso, muapostora Pauro aida kwazvo kubudirira sezvinobvira mukusimudzira zvinhu zvoUmambo. Sezviri pachena, maiva mugore rokupedzisira rokugara kwake muEfeso paakanyora tsamba yake yokutanga kuungano yechiKristu yaiva muKorinde. Achitaura maererano nezvaaiva aronga kuita munguva pfupi yaitevera, akanyora kuti: “Ndicharamba ndiri muEfeso kusvikira mutambo wePendekosti; nokuti ndakazarurirwa musuo muhombe webasa, asi kune vadzivisi vakawanda.”—1 VaK. 16:8, 9.
Pauro akanga aronga kuenda kuMakedhoniya neKorinde. Zvisinei, akaona mukana wokuita basa rinobatsira nokuramba ari muEfeso kwenguva yakati. Pauro aigona kuchinja purogiramu yake; akaona mamiriro ezvinhu akanaka umo aigona kusimudzira zvinhu zvoUmambo kwaaiva chaiko, saka akagadzirisa purogiramu yake zvinoenderana naizvozvo. Akanga azarurirwa musuo muhombe webasa, uye Pauro akanga achida kwazvo kushandisa mukana wacho kupinda mariri.
Kuti aite kudaro zvaida basa rakawanda—zvose kuparidza mashoko akanaka nokuvaka ungano muEfeso. Gare gare, Pauro akaudza varume vakuru veungano yaiva muguta iroro kuti: “Handina kurega kukuudzai zvinhu zvaikubatsirai kana kukudzidzisai pachena uye pamba nemba. Asi ndakapupura kwazvo kuvaJudha nevaGiriki pamusoro pokupfidza kuna Mwari nokutenda munaShe wedu Jesu.”—Mab. 20:20, 21.
Saizvozvowo, vakawanda venyu imi hama nehanzvadzi makashandisa mikana yakakuzarukirai. Mugore rebasa rapfuura, paavhareji, vanokwana 798 938 vakakwanisa kuronga zvinhu zvavo kuti vaite rudzi rwakati rwoushumiri hwokupayona. Vamwe venyu makaenda kure kure kuti munoshanda semamishinari. Muri kushingaira kuparadzira mashoko akanaka nokuvaka ungano. Vamwe venyu makadzidza mumwe mutauro kuti mugone kubatsira vanhu vanotaura mutauro iwoyo vanogara pedyo nemi. Vamwezve makaronga zvinhu zvenyu kuti mushande kundima dzisina kugoverwa kana kuti mushande kunodiwa vaparidzi vakawanda. Vamwe makatowana musuo muhombe webasa uchizaruka kuchikoro, kubasa, kana kune dzimwe nzvimbo uko uchapupu hunobudirira hunogona kupiwa, zvakadai sokushandisa runhare. Zviitiko zvinobva pasi pose zvinopupurira kuti vanhu vaMwari, vakuru nevaduku, vari kutsvakisisa nokuwana mikana yokupa vanhu vari kwose kwose zivo yechokwadi.
Ivai nechokwadi chokuti Jehovha anoona uye anofadzwa kwazvo nezvamuri kuita. Bhaibheri rinoti: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” (VaH. 6:10) Rambai muchitsvaka mikana inokubvumirai kusimudzira kunamata kwakachena. Vamwe venyu mungakwanisa kuwedzera ushumiri hwenyu. Tose zvedu tinogona kushanda nesimba kuti ushumiri hwedu hubudirire zvikuru.
Hatiiti basa redu rokuparidza pasina kupikiswa. Yeukai kuti pashure pokunge Pauro ataura nezvomusuo muhombe webasa waakanga azarurirwa, akanyora kuti: “Kune vadzivisi vakawanda.” Kuna Pauro, vadzivisi ivavo vaisanganisira vaJudha neveMamwe Marudzi, vamwe vaimurwisa zvakananga nevamwe vaimurongera norweseri.—Mab. 19:24-28; 20:18, 19.
Tinotarisana nemamiriro ezvinhu akadarowo nhasi. Sezvatinosvika pedyo nokuparadzwa kwenyika ino yakaipa, tinotarisira kuti tichapikiswa zvakatonyanya. Satani “akatsamwa kwazvo,” uye akanyanyotsamwira vaya vanoshumira Mwari. (Zvak. 12:12) Usafe wakakanganwa kuti Satani ndiye “mutongi wenyika.” Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Kudai maiva rutivi rwenyika, nyika yaizoda zvikuru zviri zvayo. Zvino nokuti hamusi rutivi rwenyika, asi ndakakusarudzai munyika, nemhaka yeizvi nyika inokuvengai.”—Joh. 14:30; 15:19.
Takatsunga kusabvumira ani zvake kunetesa kutenda kwedu muna Mwari kana kuita kuti tisaita zvakawanda mubasa redu rokuparidza. Tinoziva kuti kucharamba kune vanotirwisa uye vanotirongera. Asi tinoramba tichiparidza mashoko akanaka oUmambo, tichivimba kuti Jesu achaparadza Satani nemapoka ake munguva yaJehovha yakafanira. Vapikisi havana kunyaradza muapostora Pauro; uye havanyaradzi vashumiri vaJehovha nhasi. Pasinei nokutsamwa kwaSatani noruvengo rwenyika, mudzimu waJehovha uri kushanda nesimba pavanhu Vake. Zvinofadza kwazvo kuziva kuti vaya vanozivisa mashoko akanaka vasvika nhamba itsva yepamusorosoro ye 6 304 645!
Tinonyengeterera kuti murambe muchishandisa mikana yokufambisira mberi zvinhu zvoUmambo hwaJehovha hunokudzwa kwazvo. Ivai nechokwadi chokuti tinokudai mose, munhu mumwe nomumwe, sezvatinotsigirana “nomwoyo mumwe” mubasa raMwari Wokumusorosoro, Jehovha.—Zef. 3:9.
Hama dzenyu,
Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha