RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 8/15 pp. 15-20
  • Uchaponeswa Here Apo Mwari Anoita Chiito?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uchaponeswa Here Apo Mwari Anoita Chiito?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakafanotaura Jesu,uye Zvakaitika
  • Nyama Yakaponeswa—Sei?
  • Nguva Yako Yemberi Inei?
  • “Izvozvi Zvose Zvinofanira Kumboitwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kuponeswa Vari Vapenyu Mudambudziko Guru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • “Chii Chichava Chiratidzo Chokuvapo Kwenyu?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 8/15 pp. 15-20

Uchaponeswa Here Apo Mwari Anoita Chiito?

“Kutoti mazuva iwayo akapfupikiswa, hakuna nyama ingaponeswa; asi nemhaka yavakasarudzwa mazuva iwayo achapfupikiswa.”—MATEO 24:22, NW.

1, 2. (a) Nei kuri kwomuzvarirwo kufarira nguva yedu yemberi? (b) Fariro yomuzvarirwo ingava yakabatanidzwa mumibvunzoi inokosha?

UNOZVIFARIRA umene sei? Vakawanda nhasi vanonyanyozvifarira, vachiva vane udyire. Bva, Bhaibheri harishori fariro yakafanira muzvinotitapura. (VaEfeso 5:33) Ikoko kunobatanidza kufarira munguva yedu yemberi. Naizvozvo kungava kwomuzvarirwo kuti ude kuziva icho nguva yako yemberi inacho. Unofarira here?

2 Tinogona kuva nechokwadi chokuti vaapostora vaJesu vakanga vane fariro yakadaro munguva yavo yemberi. (Mateo 19:27) Sezvingabvira ichocho ndicho chakanga chiri chikonzero apo vana vavo vakanga vana Jesu paGomo reMiorivhi. Ivo vakabvunza, kuti: “Izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipiko, kana izvozvi zvose zvodokuitwa?” (Marko 13:4) Jesu haana kufuratira kufarira nguva yemberi kwomuzvarirwo—kufarira kwavo nokwedu. Nguva nenguva iye akasimbisa nzira iyo vateveri vake vaizotapurwa nayo uye waizova mugumisiro wokupedzisira.

3. Nei tichikochekedzanisa mhinduro yaJesu nenguva yedu?

3 Mhinduro yaJesu yakaratidza uporofita hune zadziko huru munguva yedu. Tinogona kuona ikoku muhondo dzenyika nedzimwe rwisano muzana redu ramakore, kudengenyeka kwapasi kunoparadza upenyu husingaverengeki, kuperevedza kwezvokudya uko kunounza chirwere norufu, uye matambudziko—kubva kumurakatira wefuruwenza yeSpain ya1918 kusvikira kudenda razvino reAIDS. Zvisinei, mhinduro huru yaJesu yakanga inewo zadziko inotungamirira kukuparadzwa kweJerusarema navaRoma muna 70 C.E. nokukubatanidza. Jesu akanyevera vadzidzi vake, kuti: “Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, uye mucharohwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari.”—Marko 13:9.

Zvakafanotaura Jesu,uye Zvakaitika

4. Ndedzipi dzimwe nyevero dzinobatanidzwa mumhinduro yaJesu?

4 Jesu akapfuurira kufanotaura nzira iyo vamwe vaizobata nayo vadzidzi vake. Iye akavangwadza pamusoro pokuti vanofanira kuita sei. Somuenzaniso: “Zvino kana muchiona nyangadzi yokuparadza imire paisina kufanira kumira (unorava ngaacherekedze), vari muJudhea ngavatizire kumakomo.” (Marko 13:14) Nhoroondo inowirirana iri pana Ruka 21:20, inoti: “Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti rodokuparadzwa.” Ikoko kwakabvumikisa sei kuva kwakarurama muchiitiko chokutanga?

5. Chii chakaitika pakati pavaJudha muJudhea muna 66 C.E.?

5 The International Standard Bible Encyclopedia (1982) inotiudza, kuti: “VaJudha vakanga vasina kugadzikana nenzira inowedzera mukudzora kweRoma uye vamiriri vakanga vachiva vane masimba masimba, vane utsinye, uye vasina kuvimbika nenzira inowedzera. Kupandukira kwapachena kwakaitika muna A.D. 66. . . . Hondo yacho yakavamba apo vaZealot vakatapa Masada uye ipapo, vachitungamirirwa naMenahem, vakafora muJerusarema. Panguva imwe cheteyo vaJudha vaiva muguta raitongwa nagavhuna reKesaria vakapondwa, uye mashoko ouhu utsinye akapararira munyika yacho yose. Mari itsva dzakanyorwa kuti Gore 1 kusvikira kuGore 5 rokumukira kwacho.”

6. Kumukira kwavaJudha kwakaparira kuitai kwavaRoma?

6 Uto reRoma Rechigumi Nembiri richitungamirirwa naCestius Gallus rakafora richibva kuSiria, rakaparadza Garirea neJudhea, uye ipapo rakadenha dzimbahwe racho, kunyange kutapa chikamu chokumusoro che“Jerusarema, iro guta dzvene.” (Nehemia 11:1; Mateo 4:5; 5:35; 27:53) Ichipfupikisa zviitiko zvacho, vhoriyamu inonzi The Roman Siege of Jerusalem inoti: “Kwamazuva mashanu vaRoma vakaedza kukwira rusvingo, vachidzoswa nguva nenguva. Pakupedzisira vadziviriri, vakurirwa nezvombo zvinokandwa zvakawanda, vakarega. Vachiumba testudo—mutoo wokuisa nhoo dzavo pamisoro yavo kuti vazvidzivirire vamene—varwi veRoma vakachera rusvingo rwacho ndokuedza kupisa suo racho. Kutya kunotyisa kwakabata vadziviriri.” VaKristu vakanga vari mukati meguta vaigona kuyeuka mashoko aJesu ndokuziva kuti chinhu chinonyangadza chakanga chakamira munzvimbo tsvene.a Asi neguta rakakomberedzwa, vaKristu vakadaro vaigona sei kutiza, seizvo Jesu akanga anyevera?

7. Apo rukundo rwakanga rwasvika muna 66 C.E., vaRoma vakaitei?

7 Wezvenhau Flavius Josephus anorondedzera, kuti: “Cestius [Gallus], asingazivi nezvokupera mwoyo kwavakakombwa kana kuti mirangariro yavanhu, kamwe kamwe akarayira varume vake kuti varege kudenha, akarega kuva netariro kunyange zvazvo akanga asina kutambura kukurirwa, uye achiita zvinopesana nouchenjeri iye akatiza muGuta racho.” (The Jewish War, II, 540 [xix, 7]) Nei Gallus akatiza? Chipi kana chipi chaiva chikonzero chacho, kutiza kwake kwakabvumira vaKristu kuteerera murayiro waJesu uye vakatizira kumakomo uye kuchengeteko.

8. Ndorwupi rwakanga rwuri rutivi rwechipiri rwenhamburiko yeRoma mukurwisana neJerusarema, uye vapukunyuki vakawana chii?

8 Kuteerera kwakanga kuchiponesa upenyu. Nokukurumidza vaRoma vakaita chiito kuti vaputsanye kumukira kwacho. Nhimbe mukutungamirirwa naGeneral Titus yakaguma nokutapwa kweJerusarema kubva muna April kusvikira kuna August 70 C.E. Zvinotyisa kurava rondedzero yaJosephus yenzira iyo vaJudha vakatambura nayo. Kunze kweavo vakaurawa vachirwisa vaRoma, vamwe vaJudha vakaurawa namapoka anorwisa echiJudha, uye nzara yakatungamirira kudya nyama yavanhu. Pakasvika nguva yorukundo rweRoma, vaJudha 1 100 000 vakanga vafa.b Pavapukunyuki 97 000, vamwe vakaurawa nokukurumidza; vamwe vakaitwa varanda. Josephus anoti: “Avo vaiva namakore anopfuura gumi namanomwe vakasungwa nesimbi ndokutumirwa kuchibharo muEgipita, nepo nhamba huru dzakapiwa naTitus kumatunhu kuti dziparare munhandare kupfurikidza nomunondo kana kuti zvikara.” Kunyange sezvo uku kuita kwaiitika, vasungwa 11 000 vakaziya nenzara kusvikira vafa.

9. Nei vaKristu vasina kuwana mugumisiro wakawanikwa navaJudha, asi mibvunzoi inosara?

9 VaKristu vaigona kuva vanoonga kuti ivo vakanga vateerera nyevero yaShe uye vakanga vatiza muguta uto reRoma risati radzoka. Nokudaro ivo vakaponeswa murutivi rweiro Jesu akadana kuti ‘dambudziko guru rakadai serisakamboitika chibviro chokuvamba kwenyika kutozosvikira panguva iyeyo, uyewo rakanga risingazoitikizve’ paJerusarema. (Mateo 24:21) Jesu akawedzera, kuti: “Kutaura idi, kutoti mazuva iwayo akapfupikiswa, hakuna nyama ingaponeswa; asi nemhaka yavakasarudzwa mazuva iwayo achapfupikiswa.” (Mateo 24:22, NW) Ikoko kwakarevei panguva iyoyo, uye kunorevei zvino?

10. Munguva yakapfuura takatsanangura sei Mateo 24:22?

10 Munguva yakapfuura kwakatsanangurwa kuti ‘nyama yaizoponeswa’ yainongedzera kuvaJudha vakapukunyuka dambudziko paJerusarema muna 70 C.E. VaKristu vakanga vatiza, naizvozvo Mwari aigona kuita kuti vaRoma vaunze ruparadziko rwokukurumidza. Namamwe mashoko, nemhaka yeidi rokuti “vakasarudzwa” vakanga vabuda mungozi, mazuva edambudziko aigona kupfupikiswa, kuchibvumira “nyama” yechiJudha yakati kuti iponeswe. Kwairangarirwa kuti vaJudha vakapukunyuka vakafanofananidzira avo vaizopukunyuka dambudziko guru riri kuuya muzuva redu.—Zvakazarurwa 7:14.

11. Nei kuchiratidzika kuti kutsanangurwa kwaMateo 24:22 kunofanira kurangarirwazve?

11 Asi tsananguro iyoyo inowirirana nezvakaitika muna 70 C.E. here? Jesu akataura kuti “nyama” yavanhu yaifanira ku“poneswa” mudambudziko. Ungashandisa shoko rokuti “kuponeswa” kurondedzera vapukunyuki 97 000 here, uchirangarira idi rokuti zviuru zvavo zvakakurumidza kufa nokuziya nenzara kana kuti zvakaurawa munhandare? Josephus anoti nezveimwe nhandare, paKesaria: “Nhamba yaavo vakaparara murwisano nezvikara kana kuti mukurwisana kana kuti nokupiswa vari vapenyu yakapfuura 2 500.” Kunyange zvazvo vasina kufa mukukomberedza kwacho, ivo havana kutongo“poneswa.” Uye Jesu aizovarangarira savakafanana navapukunyuki vanofara ve“dambudziko guru” riri kuuya here?

Nyama Yakaponeswa—Sei?

12. Ndivanaani vakanga vari “vakasarudzwa” vomuzana rokutanga ramakore avo Mwari aifarira?

12 Pakasvika 70 C.E., Mwari akanga asingacharangariri vaJudha vokunyama savanhu vake vakasarudzwa. Jesu akaratidza kuti Mwari akanga aramba rudzi irworwo uye aizorega dzimbahwe rarwo, tembere, uye tsika yokunamata zvichisvika pakuguma. (Mateo 23:37–24:2) Mwari akasarudza rudzi rutsva, Israeri womudzimu. (Mabasa 15:14; VaRoma 2:28, 29; VaGaratia 6:16) Rwakanga rwuchiumbwa navarume navakadzi vakasarudzwa mumarudzi ose uye vakazodzwa nomudzimu mutsvene. (Mateo 22:14; Johane 15:19; Mabasa 10:1, 2, 34, 35, 44, 45) Makore akati denho yakaitwa naCestius Gallus isati yaitwa, Petro akanyorera “vakasarudzwa maererano nokufanoziva kwaMwari Baba, nokutsveneswa nomudzimu.” Vakazodzwa nomudzimu vakadaro vakanga vari “rudzi rwakasarudzwa, uprista hwoumambo, rudzi rutsvene.” (1 Petro 1:1, 2; 2:9, NW) Mwari aizoendesa vakasarudzwa vakadaro kudenga kuti vatonge naJesu.—VaKorose 1:1, 2; 3:12; Tito 1:1; Zvakazarurwa 17:14.

13. Ipfungwai iyo mashoko aJesu ari pana Mateo 24:22 angava akava nayo?

13 Uku kuziva vakasarudzwa kunobetsera, sezvo Jesu akafanotaura kuti mazuva edambudziko aizopfupikiswa “nemhaka yavakasarudzwa.” Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “nemhaka ya” rinogonawo kushandurwa kuti “nokuda kwa” kana kuti “nokuda.” (Marko 2:27; Johane 12:30; 1 VaKorinte 8:11; 9:10, 23; 11:9; 2 Timotio 2:10; Zvakazarurwa 2:3) Naizvozvo Jesu aigona kuva aiti, ‘Kutoti mazuva iwayo akapfupikiswa, hapana nyama ichaponeswa; asi nokuda kwavakasarudzwa mazuva iwayo achapfupikiswa.’c (Mateo 24:22, NW) Chimwe chinhu chakaitika icho chakabetsera kana kuti chakanga chiri ‘nokuda kwa’ vakasarudzwa vechiKristu vakabatwa muJerusarema here?

14. “Nyama” yakaponeswa sei apo hondo yeRoma nenzira isingakarirwi yakadzoka kuJerusarema muna 66 C.E.?

14 Yeuka kuti muna 66 C.E., vaRoma vakapfuura nomunyika, vakatapa kumusoro kweJerusarema, uye vakavamba kuchera rusvingo rwacho. Josephus anotsinhira, kuti: “Kudai bedzi akanga apfuurira nekomberedzo yacho kwechinguvana angadai akatapa Guta racho nokukurumidza.” Zvibvunze umene, ‘Nei uto rine simba reRoma raizorega kamwe kamwe nhimbe uye “kuita zvinopesana nouchenjeri hwose” kudzoka?’ Rupert Furneaux, nyanzvi mukududzira nhau yehondo, inotsinhira, kuti: “Hapana wezvenhau akabudirira mukupa chikonzero chipi nechipi chakakwana chechisarudzo chechienzi uye chine ngwavaira chaGallus.” Pasinei zvapo naichocho, mugumisiro wacho wakanga uri wokuti dambudziko rakapfupikiswa. VaRoma vakadzoka, navaJudha vachivadenha sezvo vaienda. Zvakadiniko na“vakasarudzwa” vakazodzwa vechiKristu avo vakanga vabatwa? Kubviswa kwekomberedzo yacho kwakareva kuti ivo vakaponeswa mukuuraya kupi nokupi uko kwakatyisidzira mukati medambudziko. Nokudaro, vaKristu vaya vakabetserwa nokupfupikiswa kwedambudziko muna 66 C.E. vakanga vari “nyama” yakaponeswa inodudzwa pana Mateo 24:22, NW.

Nguva Yako Yemberi Inei?

15. Nei ungataura kuti Mateo ganhuro 24 inofanira kuva yefariro chaiyo muzuva redu?

15 Mumwe munhu angabvunza kuti, ‘Nei ndichifanira kufarira zvikuru iyi nzwisiso yakajekeswa yamashoko aJesu?’ Eya, pane chikonzero chikuru chokugumisa kuti uporofita hwaJesu hwakanga huchifanira kuva nezadziko huru zvikuru, inopfuura zvakaitika kusvikira uye kubatanidza 70 C.E.d (Enzanisa naMateo 24:7; Ruka 21:10, 11; Zvakazarurwa 6:2-8.) Kwamakumi amakore, Zvapupu zvaJehovha zvakaparidza kuti zadziko huru iri kuitika munguva yedu inobvumikisa kuti tinogona kukarira “dambudziko guru” romwero mukuru riri pamberi apa. Mukati maro, mashoko ouporofita ari pana Mateo 24:22, (NW) achazadzikwa sei?

16. Iidii rinokurudzira iro bhuku raZvakazarurwa rinogovera pamusoro pedambudziko guru riri kusvika?

16 Makore ane makumi maviri pashure pedambudziko paJerusarema, muapostora Johane akanyora bhuku raZvakazarurwa. Rakabvumikisa kuti dambudziko guru rakanga riri mberi. Uye, tichiva vanofarira zvinotitapura somunhu oga, tinganyaradzwa kuziva kuti bhuku raZvakazarurwa rinotivimbisa nenzira youporofita kuti nyama yavanhu ichapukunyuka iri dambudziko guru riri kuuya. Johane akafanotaura “boka guru . . . rinobva mumarudzi ose nendudzi navanhu nendimi.” Ndivanaani? Inzwi rakabva kudenga rinopindura, kuti: “Ava ndivo vanobuda mudambudziko guru.” (Zvakazarurwa 7:9, 14, NW) Hungu, ivo vachava vapukunyuki! Bhuku raZvakazarurwa rinotipawo nzwisiso pamusoro pokuti zvinhu zvichaita sei mudambudziko guru riri kuuya uye nzira iyo Mateo 24:22 ichazadzikwa nayo.

17. Rutivi rwokutanga rwedambudziko guru rwuchabatanidzei?

17 Rutivi rwokutanga rweiri dambudziko rwuchava denho pamhombwe yokufananidzira inonzi “Bhabhironi . . . guru.” (Zvakazarurwa 14:8; 17:1, 2) Iro rinomirira umambo hwenyika yose hworudzidziso rwenhema, chiKristudhomu chichiva chine mhaka zvikurusa. Maererano namashoko aZvakazarurwa 17:16-18 (NW), Mwari achaisa mumwoyo yesangano rezvematongerwe enyika kuti ridenhe iyi mhombwe yokufananidzira.e Funga kuti ingagona kuratidzika sei ku“vakasarudzwa” vakazodzwa vaMwari navasonganiri vavo, “boka guru.” Sezvo iyi denho inoparadza parudzidziso inosvika, kungaratidzika kuti ichaparadza masangano ose orudzidziso, kubatanidza vanhu vaJehovha.

18. Nei kungaratidzika kuti hakuna “nyama” ichaponeswa murutivi rwokutanga rwedambudziko guru?

18 Apa ndipo apo mashoko aJesu anowanwa pana Mateo 24:22 achazadzikwa pamwero mukuru. Sezvo vakasarudzwa muJerusarema vakaratidzika kuva vari mungozi, vabatiri vaJehovha vangaratidzika kuva vari mungozi yokuurawa mukati medenho parudzidziso, sokunge kuti denho yacho yaizoparadza “nyama” yose yavanhu vaMwari. Bva, ngatirangarirei chakaitika shure muna 66 C.E. Dambudziko rakaparirwa navaRoma rakapfupikiswa, kuchibvumira vakasarudzwa vakazodzwa vaMwari mukana mukuru wokupukunyuka ndokuramba vari vapenyu. Nokudaro, tinogona kuva nechivimbo chokuti denho inoparadza parudzidziso haizobvumirwi kuuraya ungano yomunyika yose yavanamati vechokwadi. Ichapfuurira nokukurumidza, sokunge mu“zuva rimwe.” Nenzira yakati, kunyange zvakadaro, ichapfupikiswa, haisati ichizobvumirwa kupedza vavariro yayo, kuti vanhu vaMwari vagogona ku“poneswa.”—Zvakazarurwa 18:8.

19. (a) Pashure porutivi rwokutanga rwedambudziko guru, chii chichava pachena? (b) Ichochi chichatungamirira kuchii?

19 Mamwe masangano esangano rapasi raSatani Dhiyabhorosi pashure paizvozvi achapfuurira kwenguva yakati, achichema kurasikirwa nokubata nomudiwa wawo wekare worudzidziso. (Zvakazarurwa 18:9-19) Pane imwe nguva, izvo zvichacherekedza kuti vabatiri vaMwari vechokwadi vanosara, “vagere zvakanaka, vose vagere vasina masvingo” uye vachiratidzika kuva nyajambwa ari nyore. Chishamiso chakadini chakachengetwa! Achiita ukono chaihwoihwo kana kuti hwokutyisidzira mukurwisana navabatiri vake, Mwari achasimuka mukutonga vavengi vake murutivi rwokupedzisira rwedambudziko guru.—Ezekieri 38:10-12, 14, 18-23.

20. Nei rutivi rwechipiri rwedambudziko guru rwusingazoisi vanhu vaMwari mungozi?

20 Urwu rutivi rwechipiri rwedambudziko guru rwuchawirirana nezvakaitika kuJerusarema navagari varo mudenho yechipiri yakaitwa navaRoma muna 70 C.E. Rwuchabvumikisa kuva “dambudziko guru rakadai serisakamboitika kubva pakuvamba kwenyika kutozosvikira [panguva iyeyo], aiwa, uye harisati richizoitikazve.” (Mateo 24:21, NW) Tinogona kuvimbiswa, kunyange zvakadaro, kuti vakasarudzwa vaMwari navasonganiri vavo havasati vachizova munzvimbo ine ngozi, pangozi yokuurawa. Haiwa, ivo havasati vachizova vakatizira kunzvimbo imwe yapasi. VaKristu vomuzana rokutanga ramakore muJerusarema vaigona kutiza muguta iroro vachienda kunharaunda ine makomo, zvakadai sePella mhiri kweJoridhani. Munguva yemberi, zvisinei, Zvapupu zvakatendeka zvaMwari zvichava mupasi rose, naizvozvo chengeteko nedziviriro hazvisati zvichizovakirwa panzvimbo yapasi.

21. Ndiani acharwa muhondo yokupedzisira, uye nomugumisiroi?

21 Ruparadziko harusati ruchizoitwa namauto eRoma kana kuti sangano ravanhu ripi neripi. Panzvimbo pezvo, bhuku raZvakazarurwa rinorondedzera mauto anouraya seanobva kudenga. Hungu, rutivi irworwo rwokupedzisira rwedambudziko guru rwuchaitwa, kwete nehondo ipi neipi yavanhu, asi ne“Shoko raMwari,” Mambo Jesu Kristu, achibatsirwa ne‘hondo dziri mudenga,’ kubatanidza vaKristu vakazodzwa vakamutswa. “Mambo wamadzimambo naShe wamadzishe” achauraya zvakakwana zvikuru kupfuura izvo vaRoma vakaita muna 70 C.E. Richabvisa vashori vose vavanhu vaMwari—madzimambo, vatungamiriri vehondo, vakasununguka navaranda, vakuru navaduku. Kunyange masangano avanhu enyika yaSatani achasvika mugumo wawo.—Zvakazarurwa 2:26, 27; 17:14; 19:11-21; 1 Johane 5:19.

22. Mupfungwaizve umo “nyama” ichaponeswa?

22 Yeuka “nyama” iyoyo, dzose dziri mbiri yavakasarira vakazodzwa neye“boka guru,” ichave yatoponeswa apo Bhabhironi Guru richawa nokukurumidza uye chose chose murutivi rwokutanga rwedambudziko. Nenzira yakafanana murutivi rwokupedzisira rwedambudziko, “nyama” yakatizira kurutivi rwaJehovha ichaponeswa. Ikoku kuchapesana sei nomugumisiro wavaJudha vaipandukira muna 70 C.E.!

23. “Nyama” inopukunyuka inogona kutarira mberi kuchii?

23 Uchifunga nezvebviro dzenguva yako umene yemberi neyeyo yavadiwa vako, cherekedza zvinopikirwa pana Zvakazarurwa 7:16, 17: “Havachazoziyi nenzara, havachazofi nenyota; havangapiswi nezuva kana nokumwe kupisa; nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richavafudza, richavatungamirira kumatsime emvura youpenyu; Mwari uchapisika misodzi yose kumeso avo.” Zvirokwazvo, ikoko “kuponeswa” chaikoiko mupfungwa yakaisvonaka, inogara.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Nharireyomurindi yaJune 1, 1996, mapeji 14-19.

b Josephus anoti: “Apo Titus akapinda akashamiswa nesimba reguta racho . . . Iye akadanidzira zvinonzwika, kuti: ‘Mwari ave ari kurutivi rwedu; ndiMwari akadzikisa vaJudha kubva muidzi nhare; nokuti maoko avanhu kana kuti zvishandiswa zvaigona kuitei mukurwisana neshongwe dzakadai?’”

c Nenzira inofadza, rugwaro rwaShem-Tob rwaMateo 24:22 rwunoshandisa shoko rechiHebheru rokuti ‘a·vurʹ, iro rinoreva kuti “nokuda kwa, nemhaka ya, uye kuitira kuti.”—Ona nyaya inotangira iyi, peji 13.

d Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1994, mapeji 11 ne12, uye chati iri pamapeji 14 ne15, iyo inoisa muzvikamu zvakavambirana mhinduro yaJesu youporofita inowanika muna Mateo ganhuro 24, Marko ganhuro 13, uye Ruka ganhuro 21.

e Ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, mapeji 235-58, rakabudiswa muna 1988 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

Ungapindura Sei?

◻ Mativii maviri akanga aripo kukudenha kwehondo yeRoma paJerusarema?

◻ Nei kusingabviri kuti vapukunyuki vechiJudha 97 000 muna 70 C.E. vakaumba “nyama” inodudzwa pana Mateo 24:22?

◻ Mazuva edambudziko reJerusarema akapfupikiswa sei, uye “nyama” nokudaro yakaponeswa sei?

◻ Mudambudziko guru riri kusvika, mazuva achapfupikiswa sei uye “nyama” ichaponeswa sei?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Mari yechiJudha yakaitwa pashure pokumukira. Mabhii echiHebheru anoti “Gore repiri,” kureva 67 C.E., gore rechipiri rokuzvitonga kwavo

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Mari yeRoma yakaitwa muna 71 C.E. Kuruboshwe kune muRoma ane zvombo; kurudyi munhukadzi wechiJudha achichema. Mashoko okuti “IVDAEA CAPTA” anoreva kuti “Judha Yakatapwa”

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe