Mibvunzo Inobva Kuvaravi
“Nharireyomurindi” yaAugust 15, 1996, yakati: “Murutivi rwokupedzisira rwedambudziko, ‘nyama’ yakatizira kurutivi rwaJehovha ichaponeswa.” Ikoko kuri kukarakadza here kuti pashure perutivi rwekutanga rwedambudziko guru, vatsva vakawanda vachauya kurutivi rwaMwari?
Iroro harisiro pfundo rakanga richikurukurwa.
Mashoko aJesu anowanwa pana Mateo 24:22 achazadzikwa zvikurukuru munguva yemberi kupfurikidza neruponeso murutivi rwokutanga rwedambudziko guru riri kuuya, denho parudzidziso. Nyaya yacho yakati: “Yeuka kuti ‘nyama’ iyoyo, dzose dziri mbiri yavakasarira vakazodzwa neye ‘boka guru,’ ichave yatoponeswa apo Bhabhironi Guru rinowa nokukurumidza uye chose chose murutivi rwokutanga rwedambudziko.”
Vakatendeka vakadaro vachave vasiri mungozi apo Jesu neuto rake rokudenga anoita chiito murutivi rwokupedzisira rwedambudziko. Asi ndivanaani vachapukunyuka rutivi irworwo rwedambudziko? Zvakazarurwa 7:9, 14 inoratidza kuti boka guru rine tariro yepasi richapukunyuka. Zvakadini nevaKristu vakazodzwa nomudzimu? “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” muNharireyomurindi yaAugust 15, 1990, yakakurukura chikonzero nei tisingagoni kuva vanosimbisa apo vakasarira vevakazodzwa vachaendeswa kudenga. Naizvozvo nyaya yenguva pfupi yapfuura (August 15, 1996) yakasiya nhau yacho isina kujeka, ichiita tsinhiro isina kunanga yokuti: “Nenzira yakafanana murutivi rwokupedzisira rwedambudziko, ‘nyama’ yakatizira kurutivi rwaJehovha ichaponeswa.”
Kana vatsva vapi navapi vangakwanisa kudzidza chokwadi ndokuuya kurutivi rwaMwari pashure pokunge dambudziko guru ravamba, cherekedza mashoko aJesu akanyorwa pana Mateo 24:29-31. Pashure pekuvamba kwedambudziko racho, chiratidzo cheMwanakomana womunhu chichaoneka. Jesu akataura kuti ndudzi dzose dzepasi dzichazvirova dzimene ndokuchema. Haana kutaura chinhu pamusoro pevanhu vanoziva mamiriro ezvinhu, vachipfidza, vachitsigira Mwari, uye vachiva vadzidzi vechokwadi.
Nenzira yakafanana, mumufananidzo wemakwai nembudzi, Mwanakomana womunhu anooneka uye nokutonga anoparadzanisa vanhu pahwaro hwezvavakanga vaita kana kuti zvavasina kuita munguva yakapfuura. Jesu haana kutaura chinhu pamusoro pevanhu avo kare vakamboratidza mavara akafanana neembudzi kamwe kamwe vachitendeuka ndokuva vakafanana nemakwai. Anouya kuzotonga pahwaro hweizvo vanhu vakanga vatobvumikisa kuva.—Mateo 25:31-46.
Asi, zvekare, hapana chikonzero chokuva vanosimbisa pairi pfundo. Vanhu vaMwari, vose vari vaviri vevakazodzwa uye veboka guru, vanoziva chavanofanira kuita zvino—kuparidza uye kuita vadzidzi. (Mateo 28:19, 20; Marko 13:10) Iyi inhambo yokuti tirangarire zvakakomba kurudziro yokuti: “Zvino zvatinobatsirana naye, tinokumbira zvikuru kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina. Nokuti iye anoti: ‘Ndakakunzwa iwe nenguva yakafanira, ndakakubatsira pazuva rokuponeswa; tarirai, zvino inguva yakafanira; tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.”—2 VaKorinte 6:1, 2.