RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 9/1 p. 29
  • Betsero Nokuda Kwavane “Nyota” muRussia

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Betsero Nokuda Kwavane “Nyota” muRussia
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Mabasa Akaisvonaka Anorumbidza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • “Mumiromo Yavacheche”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Makwai aJesu Anoteerera Inzwi Rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • “Anofara Munhu Awana Uchenjeri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 9/1 p. 29

Vazivisi voUmambo Vanoshuma

Betsero Nokuda Kwavane “Nyota” muRussia

“VAKAROPAFADZWA vane nzara nenyota yokururama, nokuti vachagutiswa kwazvo,” akadaro Jesu. (Mateo 5:6) Zvakaitika zvinotevera zvinoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kubetsera sei kupedza nyota yomudzimu yavakawanda muRussia, umo kuratidzirwa kworudzidziso kwakadziviswa kwamakore anopfuura 70.

▪ Mumwe mukadzi anonzi Valentina aiva nemibvunzo yakakomba yeBhaibheri iyo yakanga isina kupindurwa kwamakore akawanda. Somuenzaniso, aishamiswa, nokuti: ‘Ndikunaani uko Jesu akanyengetera?’ Akarangarira kuti Jesu anofanira kuva akanyengetera kunomumwe munhu mukuru zvikuru kupfuura iye amene uye akashamisika pamusoro pezita romunhu Iyeyu.

Akashanyira Chechi yeRusssian Orthodox. Zvisinei, murudzidziso irworwo haana kuwana mhinhuro kumibvunzo yake. Asingagutswi, akaenda kuchechi yeProtesitendi, asi zvakare haana kuwana mhinduro dzakajeka. Asingazivi kumwezve kwokuenda, Valentina akavamba kurava Bhaibheri, achiedza kuzviwanira amene mhinduro—pasina rubudiriro. Akanyengeterera betsero.

Nguva yakati gare gare Zvapupu zvaJehovha zvakagogodza pasuo rake. Zvakamuratidza muBhaibheri kuti zita raMwari ndiJehovha. Pakupedzisira, akaziva kuti Jesu akanyengetera kunaani! Akavamba kufunda Bhaibheri nguva dzose neZvapupu zvacho. Kazhinji kazhinji aisarara usiku hwose kuti arave mabhuku anobudiswa neWatch Tower Society uye kutarira magwaro eBhaibheri. Nokukurumidza Valentina akagumisa kuti awana zvokwadi. Mumwedzi mitatu akavamba kugoverana mubasa rokuparidza, uye mwedzi miviri pashure paikoko, akabhapatidzwa. Kutsvaka kwake zvokwadi kwokunyengetera kwakatuswa.

▪ Chimwe Chapupu chakafamba nebhazi kunoparidza kunzvimbo iri kure. Mukati merwendo rwacho chakataura kumukadzi muduku nezvezvipikirwa zveBhaibheri, asi mukadzi wacho akanga asingafariri. Mwedzi miviri gare gare Chapupu chacho chakaita rwendo rwechipiri kunharaunda imwe cheteyo kunopa hurukuro yavose. Pashure pehurukuro, akasvika mushanyi ndokumubvunza, kuti: “Ko mumwe munhu akambotaura kwamuri pamusoro pemashoko akanaka anobva muBhaibheri here?” Murume wacho akapindura, “Hungu imi makadaro.” Chapupu chacho chakafunga kuti aiita musere. Asi murume muduku wacho akatsanangura kuti mwedzi miviri ikoku kusati kwaitika akanga anzwa kurukurirano pakati peChapupu chacho nomukadzi muduku, mukati merwendo rwomubhazi. “Ndaida kuziva zvakawanda, asi makaburuka mubhazi, uye ndakafunga kuti handaizotongoona Zvapupu zvaJehovha zvakare. Ipapo panzvimbo yangu yebasa ndakasangana nomurume ari kufunda Bhaibheri neZvapupu. Uye hezvo ndiri pano!”

Murume wacho nomudzimai wake vakavamba kufunda Bhaibheri. Pashure penguva pfupi zvikuru, akagona kuona kuti basa rake rairwisana nenheyo dzeBhaibheri. Achida kuchengeta hana yakanaka pamberi paMwari, akachinja basa rake. Zvino anoudza vamwe pamusoro poUmambo hwaMwari pamukana uri wose. Mudzimai wake ari kufambirawo mberi mufundo yake yeBhaibheri.

Zvapupu zvaJehovha mundima huru yeRussia zvinofara kuva negoverano mukuti kuvanhu vose vapachokwadi: “‘Uya!’ Unenyota ngaauye. Unoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.”—Zvakazarurwa 22:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe