Zviroto Zvinogona Kufanotaura Ramangwana Here?
KUBVA munguva dzakare, rudzi rwemunhu rwakafarira zvikuru zviroto. VaEgipita vakagadzira mabhuku ane udzame ekududzira zviroto, uye vaBhabhironi vakanga vane vadudziri vavo vezviroto. Pakati pevaGiriki tsika yakanga iri yokuita kuti vanhu vanorwara varare mututembere twaAsclepius kuti vagamuchire mirayiridzo yeutano muzviroto zvavo. Muzana rechipiri ramakore reNguva yedu Yavose, Artemidorus akabudisa bhuku umo akapa kududzirwa kwezviratidzo zvezviroto. Mabhuku mazhinji akafanana akabudiswa kubvira panguva iyoyo ave akavakirwa pabhuku rake. Kusvikira kuzuva rino, nhamburiko dzinoitwa kududzira zviroto, asi dzinopa chaizvoizvo nzwisiso yezviitiko zveramangwana here?
Kuti dzive nerevo yeramangwana, dzingafanira kufuridzirwa nesimba guru. MuBhaibheri tinowana zviitiko zvizhinji umo Mwari akagovera simba iroro rimene. Akapa zviroto zveuporofita kuvabatiri vake pamwe chete nekunavamwe vakanga vasingamunamati. Kutaura idi, Jobho 33:14-16 inoti: “Mwari unotaura . . . pakurota, kana pane zvinoonekwa usiku, kana munhu abatwa nehope kwazvo, kana avete panhoo; Ipapo unodziura nzeve dzavanhu.”
Mwari akaita ikoku kuna Farao weEgipita mumazuva aJosefa, uyo akararama makore anopfuura 1 700 Nguva Yavose isati yasvika. Chiroto chaFarao chinowanwa pana Genesi 41:1-7, uye mundima 25 kusvikira ku32, Josefa anochidudzira sechinofanotaura makore manomwe “amaguta kwazvo panyika yose yeEgipita,” achiteverwa nemakore manomwe enzara. Josefa akatsanangurira Farao, kuti: “Izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakaratidza Farao.” (Genesi 41:28) Chiroto chacho chakanga chiri chouporofita hwezvakaitika chaizvoizvo.
Mumwe mambo akatanhamara wevaBhabhironi akava nechakaitika chakafanana. Nebhukadnezari akava nechiroto chakamukangaidza zvikuru, asi aisagona kuchiyeuka. Naizvozvo akadana vauki vake kuti vamuzivise chiroto chacho nekududzirwa kwacho. Ichi chakanga chiri chikumbiro chaisavabvirira kuita.—Dhanieri 2:1-11.
Sezvo Mwari akanga apa chiroto chacho kuna mambo, Akagonesa muporofita Dhanieri kuzivisa chiroto chacho nekududzirwa kwacho. Dhanieri 2:19 inoti: “Ipapo chinhu icho chakavanzika chakaziviswa Dhanieri pane chaakaratidzwa usiku.” Dhanieri akarumbidza Mwari nokuda kwechiroto ichi: “Chinhu chakavanzika, charehwa namambo, hakuna vane njere, kana n’anga, kana vachenjeri, kana vafemberi vangazivisa mambo izvozvo; asi kudenga kuna Mwari unozivisa zvakavanzika; ndiye wakazivisa mambo Nebhukadnezari zvichazovapo pamazuva okupedzisira.”—Dhanieri 2:27, 28.
Padzimwe nguva Mwari akapa mirayiridzo kuvanhu vake kupfurikidza nezviroto, uye padzimwe nguva akavimbisa nyasha dzoumwari kana kuti akavabetsera kunzwisisa nzira iyo akanga ari kuvayamura nayo. Muchiitiko chaJakobho, Mwari akazivisa kutendera kwake kupfurikidza nechiroto.—Genesi 48:3, 4.
Apo Josefa, baba vokurera vaJesu, akaziva kuti Maria akanga ane pamuviri, akasarudza kumuramba. Ipapo akagamuchira mirayiridzo muchiroto kuti asaite saizvozvo. Mateo 1:20 inoti: “Zvino wakati acharangarira izvozvo, tarira, mutumwa waShe akazviratidza kwaari pakurota, akati: Josefa, mwanakomana waDhavhidi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti chakagamuchidzwa mukati make ndechoMweya Mutsvene.” Gare gare akagamuchira nyevero muchiroto: “Mutumwa waShe wakaonekwa naJosefa pakurota, achiti: Simuka, utore mwana namai vake, utizire Egipita.”—Mateo 2:13.
Zviroto Zvisingabvi Kuna Mwari
Idi rokuti kududzirwa kwezviroto kwaizivikanwa navose pakati paavo vakanga vasiri vanhu vaMwari rinoratidzira kuti zviroto kazhinji kazhinji hazvigoni kurangarirwa sezviratidzo zvakavimbika zveramangwana. Mumazuva omuporofita waMwari Jeremia, vaporofita venhema vakanga vachiti: “Ndarota hope, ndarota hope.” (Jeremia 23:25) Vavariro dzavo dzakanga dziri dzokutsausa vanhu kuti vafunge kuti Mwari akanga achitaura kupfurikidza navo. Pamusoro pevaroti ava, Jeremia akafuridzirwa, kuti: “Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Vaporofita venyu, vari pakati penyu, navauki venyu, ngavarege kukunyengerai; regai kuteerera kurota kwenyu kwamunoroteswa. Nokuti vanokuporofiterai nhema nezita rangu . . . , ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Jeremia 29:8, 9.
Sezvo vaporofita ava venhema vakanga vari “vauki,” zviroto zvavo zvaigona kuva zvaipesvedzerwa nemasimba akaipa emudzimu nokuda kwechinangwa chokunyengera vanhu. Zvimwe chetezvo zvinoratidzirwa mune zvinotaurwa pana Zekaria 10:2, kuti: “Terafimi dzakataura zvisina maturo, vauki vakaona nhema, vakaudza vanhu kurota kwenhema, vanovaraidza pasina.”
Dhiyabhorosi ndiye munyengeri mukuru uyo kwezviuru zvamakore akashandisa vatungamiriri verudzidziso kutaura zvenhema kuti Mwari akataura kwavari kupfurikidza nezviono nezviroto, kungofanana nezvakaita vaporofita venhema mumazuva aJeremia naZekaria. Pamusoro pavakadaro, munyori weBhaibheri akafuridzirwa Judhasi akanyorera vaKristu vezana ramakore rokutanga, kuti: “Nokuti kune vamwe varume vakapinda pakavanda, vakagara vaisirwa kare kutonga uku, vanhu vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere, vachiramba Tenzi uyu mumwe chete, Ishe wedu Jesu Kristu.” Varume ava, akadaro, sokunge zvakadaro, vakanga, vari “pakurota.”—Judhasi 4, 8.
Edza Kutaura Kwacho
Munhu angataura kuti Mwari akataura kwaari muchiroto kana kuti zviroto zvake zvezviitiko zveramangwana zvakabvumikisa kuva zvechokwadi, bva ichocho hachisi chikonzero chakakwana chokumudavira ndokumutevera usingafungi. Cherekedza mirayiridzo yakanyorerwa vaIsraeri, inowanwa pana Dheuteronomio 13:1-3, 5: “Zvino kana muporofita kana muroti akamuka pakati pako, akakuratidza chiratidzo kana chinoshamisa, icho chiratidzo kana chinoshamisa chikaitika, chaakataura kwauri, achiti: Ngatitevere vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, tivashumire; usateerera mashoko omuporofita uyo kana muroti uyo . . . Asi muporofita uyo kana muroti uyo vanofanira kuurawa.” Mwari akabvumidza vakadaro kutaura zvenhema nhema semuedzo wekuvimbika kwevanhu vake.
Panzvimbo pokubvuma nokusafunga kutaura kwevaroti vesimba, nzira yokuchenjera ndeyekuti tiedze kutaura kwavo kuitira kuti tidzivise kutsauswa nemunyengeri mukuru asingaoneki, “munyengeri wenyika yose.” (Zvakazarurwa 12:9) Asi kunogona sei kuedzwa nenzira inovimbika?
Shoko raMwari rakanyorwa inhungamiro yedu yakapiwa naMwari yezvokwadi. Pamusoro payo, Jesu Kristu akati: “Shoko renyu izvokwadi.” (Johane 17:17) Naizvozvo tinorayirwa pana 1 Johane 4:1, kuti: “Vadikanwa, musatenda mweya yose, asi muidze mweya, kuti muone kana yakabva kuna Mwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika.” Pazvinoenzaniswa nokungwarira neBhaibheri, kutaura kwavo, uzivi, uye zviito zvicharwisana naro. Shoko raMwari ndiro chiremera pamusoro pechiri zvokwadi.
Muroti wacho ndeuya anotaura kuva ane zivo chaiyo achishandisa chaizvoizvo kuuka kana kuti mimwe miitiro yekudavira midzimu here? Kana zvakadaro, anoshorwa neShoko raMwari. “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu . . . unouka, kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi, kana n’anga, kana unobvunza masvikiro, kana muuki, kana unobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha.”—Dheuteronomio 18:10-12.
Kana achitaura kuti ane mweya uri maari usati uchifa, ari kurwisana neShoko raMwari rinotaura zvakajeka, kuti: “Mweya unotadza, uchafa.” (Ezekieri 18:4) Ari kuzvikwidziridza amene uye ari kutsvaka vateveri vemunhu oga here? Mateo 23:12 inonyevera, kuti: “Aninani unozvikudza uchaninipiswa.” Uye Mabasa 20:30 inonyevera vaKristu, kuti: “Pakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere.”
Anotsigira zviito zvemasimba masimba here? Jakobho 3:17, 18 inomushora: “Kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, uye kune rugare, kunyoro, kunoteerera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri. Chibereko chokururama chinodzvarwa parugare navanoita rugare.” Anotsvaka chiremera chezvematongerwe enyika kana kuti pesvedzero munyika here? Shoko raMwari rinomushora zvakasimba, richiti: “Mumwe nomumwe, unoda kuva shamwari yenyika, unozviita muvengi waMwari.” Nokudaro Bhaibheri rinofumura zvenhema.—Jakobho 4:4
Kana munhu akarota pamusoro perufu rwemutezo wemhuri kana kuti shamwari, zvichida imhaka yekuti ave achiitira hanya munhu iyeyu. Kuti munhu wacho angave akafa usiku chaihwoihwo hwechiroto hakubvumikisi makuri kumene kuti chiroto chacho chakanga chiri chouporofita. Nokuda kwechiroto chorudzi urwu chiri chose icho chinoratidzika kuva chaichoicho, kune mazana asati achidaro.
Kunyange zvazvo Mwari akashandisa zviroto munguva dzakapfuura kuzivisa zviitiko zvouporofita ndokupa mirayiridzo apo Shoko rake rakanyorwa rakanga richiitwa, haana chikonzero chokuita saizvozvo nhasi. Shoko iroro rakanyorwa rine mirayiridzo yose yakabva kuna Mwari iyo rudzi rwomunhu rwunoda panguva ino, uye uporofita hwaro hune chokuita nezviitiko zvinopfuura makore ane chiuru kupinda mune ramangwana. (2 Timotio 3:16, 17) Naizvozvo tinogona kuva nechivimbo chokuti zviroto zvedu hazvisi zviratidzo zvinobva kuna Mwari zvezviitiko zveramangwana asi kushanda kunokosha kweuropi nokuda kwekuchengeta garikano yendangariro yedu.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Seizvo chiroto chaFarao chakaratidza zvakanga zvichizouya, Shoko raMwari rinojekesa ramangwana redu