Tsika Nemitemo Zvekurapa Nekuvhiya Pasina Ropa
MAKORE mashomanene apfuura akaona fambiro mberi isingaenzaniswi mune zvekurapa. Zvisinei, nepo dzichipedza zvinetso zvokurapa, dzimwe fambiro mberi dzakaita zvimwe zvetsika.
Vanachiremba vanofanira kufungisisa mamirire ezvinhu akaoma akadai sokuti: Pane dzimwe nguva kurapa kwoukono kunofanira kuregwa here kuitira kuti murwere agogona kufa nechiremera? Chiremba anofanira kufuratira chisarudzo chomurwere kana achirangarira kuti zvinobetsera murwere here? Kutarisirwa kwoutano kunofanira kugoverwa sei apo kurapa kunodhura kunenge kusipo nokuda kwomunhu ari wose?
Nhau dzakadaro dzakaoma kunzwisisa dzakaunza kungwariro nhau inonzi tsika nemitemo zvokurapa. Uhwu unyanzvi hunovavarira kubetsera vanachiremba nemasayendisiti kugonana nerevo dzetsika dzenzvero yezvinhu zvipenyu nekufambira mberi mune zvokurapa. Sezvo zvizhinji zvezvisarudzo zvakaoma zvikurusa zvichimuka muzvipatara, zvipatara zvizhinji zvakaita matare anoona nezvetsika nemitemo zvokurapa. Kazhinji kazhinji mitezo yedare—kubatanidza vanachiremba nemagweta—vanopinda misangano pamusoro petsika nemitemo zvokurapa, uko zvinetso zvetsika mune mishonga inonzverwa.
Mimwe mibvunzo inowanzobvunzwa mumisangano yakadaro ndeyekuti: Vanachiremba vanofanira kuremekedza zvitendero zveZvapupu zvaJehovha izvo, zvikurukuru nemhaka yezvikonzero zvorudzidziso, zvinoramba kugamuchira kuisirwa ropa kusvikira kutambanukoi? Chiremba anofanira kuisira ropa murwere mukurwisana nekuda kwemurwere kana ikoko kuchiratidzika kuva “kunorumbidzwa” mune zvokurapa here? Kungava kwetsika here kuita saizvozvo murwere asingazivi, sokunge kuti ‘izvo murwere asingazivi hazvingamukuvadzi’?
Kuti vabate nhau dzakadaro zvakakodzera, vanachiremba vanoda kunzwisiswa kusina kwakwakarerekera kune maidi kwemurangariro weZvapupu. Kana zviri izvo, Zvapupu zvaJehovha zvinodisa kutsanangura chimiro chazvo kuna vanachiremba, zvichiziva kuti kunzwisisana kunogona kubatira kudzivisa bonderano.
Kutsinhana Kwemirangariro
Purofesa Diego Gracia, mumwe mukuru mukuru wechiSpanish akatanhamara mune zvetsika nemitemo zvokurapa, aida kuti kirasi yake ive nekurukurirano yakadaro. “Kwakangorurama bedzi kuti imi [Zvapupu zvaJehovha] mupiwe mukana wokutaura zvinokunetsai . . . nemhaka yezvinetso zvamakava nazvo nekuisirwa ropa,” purofesa wacho akadaro.
Nokudaro, pana June 5, 1996, vamiririri vatatu veZvapupu zvaJehovha vakakokwa kuYunivhesiti yeComplutense muMadrid, Spain, kuti vatsanangure murangariro wavo. Vanachiremba 40 nedzimwe nyanzvi vakanga varipo.
Pashure pokunge Zvapupu zvaita tsananguro pfupi, rusando rwakazarurirwa mibvunzo. Vose vaivapo vakabvuma kuti murwere akura anofanira kuva namaruramiro okuramba kurapa kwakati. Kirasi yacho yaidavirawo kuti kuisirwa ropa hakutongofaniri kuitwa murwere asina kubvuma pashure pokutsanangurirwa. Bva mamwe mativi echimiro cheZvapupu aivanetsa.
Mumwe mubvunzo waiva nechokuita nemari. Pane dzimwe nguva kuvhiya kusina ropa kunobatanidza michina chaiyo, yakadai sekuvhiya nelaser, pamwe chete nemishonga inodhura, yakadai seerythropoietin, inoshandiswa kunyandura kugadzirwa kwemasero matsvuku eropa. Mumwe chiremba akashamiswa kana kupfurikidza nokuramba kumwe kurapa kusingadhuri (ropa rakafanana), Zvapupu zvingave zvichikarira masangano outano hwavanhu kuzvipa ropafadzo chaidzo.
Achiziva kuti mari chinhu zvacho icho vanachiremba vanofanira kurangarira, mumwe mumiriri weZvapupu akanongedzera kufundo dzakabudiswa idzo dzinonzvera mitengo yakavanzwa yekuisirwa ropa rakafanana. Iyoyi inobatanidza mutengo wekurapa hosha dzakabatanidzwa nokuisirwa ropa, pamwe chete nokurasikirwa nemari kunobva muhosha dzakadaro. Akanokora mashoko fundo huru yokuUnited States yakaratidzira kuti yunitiwo zvayo yeropa, kunyange zvazvo pakutanga yakanga ichiita $2 500 bedzi, chaizvoizvo yakaparira ndyiko dzeinopfuura $13 000—kupfuura nekashanu nhamba yapakuvamba. Naizvozvo, akaonesa kuti, apo mativi ose anorangarirwa, kuvhiya kusina ropa hakudhuri. Kupfuurirazve, zhinji dzedzinonzi ndyiko dzomuraudzo dzokuvhiya kusina ropa michina inogona kushandiswazve.
Mumwe mubvunzo waiva mundangariro dzavanachiremba vanoverengeka waive nechokuita nedzvinyiriro yeboka. Chii chaizoitika, vaishamisika kudaro, kudai Chapupu chaizozununguka ndokugamuchira kuisirwa ropa? Aizodzingwa nesangano reZvapupu here?
Mhinduro yacho yaizotsamira pamumiriro wezvinhu chaiwoiwo, nokuti kusateerera mutemo waMwari zvirokwazvo inhau yakakomba, chimwe chinhu chokuti vakuru veungano vanzvere. Zvapupu zvaizoda kubetsera munhu upi noupi akava nechakaitika chinokangaidza chekuvhiya kunotyisidzira upenyu uye akagamuchira kuisirwa ropa. Pasina mubvunzo Chapupu chakadaro chaizonzwa zvakashata zvikuru ndokuitira hanya ukama hwacho naMwari. Munhu akadaro angada betsero nenzwisiso. Sezvo hwaro hwechiKristu huri rudo, vakuru vangada, somuzviitiko zvose zvokutonga, kudzikamisa kusimba nengoni.—Mateo 9:12, 13; Johane 7:24.
“Hamusati muchizova muchirangarirazve chimiro chenyu chetsika nokukurumidza here?” akabvunza kudaro mumwe purofesa wetsika nemitemo zvokurapa, uyo akanga achishanya achibva kuUnited States. “Mamwe marudzidziso akaita izvozvo mumakore mashoma apfuura.”
Chimiro cheZvapupu pamusoro peutsvene hweropa chitendero chedzidziso panzvimbo pomurangariro wetsika unogona kuchinjwa padzimwe nguva, akaudzwa kudaro. Murayiro weBhaibheri wakajeka haubvumiri kubvumirana pane zvisina kufanira. (Mabasa 15:28, 29) Kuputsa mutemo woumwari wakadaro kungava kusingagamuchiriki kuChapupu sokupembedza kunamata zvidhori kana kuti ufeve.
Zvapupu zvaJehovha zvinoonga zvikuru kudisa kwavanachiremba—kufanana naavo vaivapo pamusangano wetsika nemitemo zvokurapa muMadrid—kuti varemekedze chisarudzo chazvo chokutsvaka kumwe kurapa kunowirirana nezvitendero zvazvo zvakavakirwa paBhaibheri. Pasina mubvunzo, tsika nemitemo zvokurapa dzichaita rutivi runokosha mukunatsa ukama hwachiremba nomurwere uye kutsigira kuremekedza kukuru zvikuru zvido zvemurwere.
Seizvo mumwe chiremba akakurumbira weSpain anoshumwa kuve akataura, vanachiremba nguva dzose vanofanira kuyeuka kuti “vanoshanda nemichina isina kukwana nemitoo inogona kuita mhosho.” Ivo naizvozvo vanofanira “kupwiswa kuti rudo nguva dzose rwunofanira kutambanukira uko zivo isingagoni kusvika.”