“Humwe Bedzi Hweupenyu Hwakawanda Hwamakaorora”
SHURE muna January 1996, Carol akanga achirwara nebundu remuuropi. Akanga ari mumakore ake omuma60 uye kutozosvikira panguva iyoyo nguva dzose akanga ave ari mukadzi anofara, akasimba ane shoko rinokurudzira munhu ari wose. Asi zvino vanachiremba vakanga vachivavarira kukurira kukura kunouraya. Mukati mekutambura kwake, Carol akagamuchira tsamba inotevera:
“Carol Anodiwa:
“Ndine urombo kwazvo pamusoro peutano hwenyu huri kuipa. Sezvineiwo, tine tariro chaiyoiyo iyo Bhaibheri rinotibetsera kuziva nokuda. Tariro iyoyi ndeyekuti Umambo hwaJehovha hutonge pasi kuitira kuti tigogona kurarama mumamiriro ezvinhu eparadhiso, nguva iyo tose tinotarira mberi kwairi.
“Ndinoda kuti muzive kuti basa renyu rokuparidza romunhu oga rakaponesa vanhu vazhinji murufu rwusingaperi. Ndiri mumwe wevanhu ivava. Handina chokwadi kana muchiyeuka nguva yokutanga yatakasangana. Panguva iyoyo ndakanga ndine makore 20 okukura. Ndaive nevhudzi refu, ndakanga ndichitengesa mirimo, uye ndakanga ndichishamwaridzana neboka revanoita masimba masimba. Tose taitakura pfuti uye takanga tisina rudo chairwoirwo kunze kwekuzvida timene.
“Makagogodza pasuo rangu muine chimwe Chapupu ndokundigovera Nharireyomurindi neMukai! Ndakaedza kukupai madhora gumi nemasendi makumi mashanu ndokutaura kuti ndaisada magazini acho. Makandizivisa kuti makanga musiri kungotsvagawo zvenyu kuwana mipiro. Makandiudza kuti makanga muchiita basa rokubetsera vanhu kurava Bhaibheri. Handina chokwadi kana ndakatora magazini acho kana kuti kuarava. Zvisinei, makasima mbeu yechokwadi muupenyu hwangu.
“Makore akati gare gare chimwe Chapupu, Gary, chakauya kumba kwaamai vangu apo ndakanga ndiripo. Ndakamuudza nezveshanyo yamakanga maita makore akati apfuura. Gary akafunda Bhaibheri neni kwenguva refu kutozosvikira ndabhabhatidzwa pakupedzisira muna 1984. Zvino ndiri kudzidzisa vana vangu chokwadi cheUmambo hwaMwari.
“Ndine chokwadi chokuti ndiri mumwe bedzi hweupenyu hwakawanda hwamakaorora mumakore enyu ebasa rokutendeka. Zvisinei, kupfurikidza nouyu mutsa worudo, makandigonesa nemhuri yangu kusvika pakuziva Mwari Mukuru, Jehovha, uye Mwanakomana wake, Kristu Jesu. Ndinotarira mberi kuzuva apo ndinogona kukuonai mutsika itsva yezvinhu apo Jehovha achapukuta musodzi uri wose pameso edu, uye rufu harusati ruchizovakozve.—Zvakazarurwa 21:4.
“Kana ndirini nemhuri yangu, tinofara kuti takava nemukana wokukuzivai uye kuva rutivi rwebasa renyu rokupupura. Ndinokutendai.
“Nerudo rwouhama,
Peter”
Pashure pechirwere chemwedzi mitanhatu, Carol akafa muna March 1996, adyara mbeu zhinji dzechokwadi muupenyu hwemakore ake 35 somuevhangeri anoshingaira. Akadzidza kuti munhu haatongozivi apo mbeu ichabereka chibereko, kunyange makore mazhinji gare gare.—Mateo 13:23.