Havachatyi Mugumo
MAKORE okuma1970 ava kunopera, Gary naKaren vakafunga kuti mugumo wenyika wasvika. Saka vakabva vakatama muguta vakanogara kumaruwa vachiitira kuti vazviitire zvinhu zvavo vari voga. Vaida kupona.
Kuti vave nounyanzvi hwavaizoda kushandisa, vakatenga mabhuku, vakapinda makirasi uye misangano yaikurukura kuti matambudziko angapedzwa sei, uye vakataura nevanhu vakawanda kuti vavabatsire. Vakadyara miriwo nemiti yemichero 50. Vakaunganidza mbeu nematurusi. Vakadzidzira kurima uye kuchengeta zvokudya kuti zvisaora. Shamwari yavo yakavadzidzisa kuuraya mhuka nokuchengeta nyama yacho kuti isaora. Karen akadzidziswa kuti azive makwenzi nemidzi yaiva musango kuitira kuti vagodya kana zvavanenge vakachengeta zvapera. Gary akadzidzawo kugadzira mafuta achishandisa chibage, kugadzira chitofu chesimbi chinoshandisa huni, uye kuvaka imba isingadi zvakawanda-wanda.
Karen anoti, “Pamusana pematambudziko aiva munyika panguva iyoyo, ndaiona sokuti kubudirira kwaiita nyika kwakanga kuri kuzoguma.” Gary anotsanangura kuti: “Sezvaingoitawo vamwe vezera rangu ndakanga ndichitomira-mirawo chaizvo kuti rusaruro rupere, kugumisa hondo yeVietnam uye uori. Asi ndakakurumidza kuora mwoyo. Ndaiona sokuti kana zvinhu zvaizoramba zvakaita sezvazviri hapana kwataisvika.”
Gary anoti, “Rimwe zuva huri husiku ndisina zvokuita ndakaverenga Bhaibheri kubva kuna Mateu kusvika kuna Zvakazarurwa. Ndakariverengazve manheru kwemazuva mana akatevera. Zuva rechishanu racho mangwanani ndakaudza Karen kuti: ‘Tiri kurarama mumazuva okupedzisira. Nguva pfupi iri kutevera Mwari achagadzirisa zvinhu pasi pano. Tinofanira kuziva kuti ndivanaani vachapona.’” Gary naKaren vakatanga kupinda machechi akasiyana-siyana, vachitsvaka vanhu ivavo vanoda kupona pachaparadzwa nyika.
Hapana kutora nguva yakareba mumwe weZvapupu zvaJehovha asati asvika pamba pavo uye vakabva vatanga kudzidza Bhaibheri. Karen anoyeuka kuti, “Ndakafara zvokufara zviya, nokuti ndakatsanangurirwa Magwaro nomazvo. Nguva yose iyi ndakanga ndichitsvaka chokwadi nezvenguva yemugumo, uye ndakanga ndachiwana. Zvechokwadi ramangwana rakanga rakajeka. Chikuru ndechokuti ndakatanga kuva neushamwari naBaba vangu vokudenga, Musiki uye Mwari wezvinhu zvose.”
Gary anoti: “Ndakatanga kurarama upenyu hune chinangwa. Kubvira pandakatanga kudzidza Bhaibheri, ndakanga ndisingachadi kurega. Ndakaverenga uprofita hweBhaibheri, ndikaongorora zvinoratidza kuti uprofita uhwu ndehwechokwadi, ndikasvika pakuva nechokwadi chokuti Mwari achagadzirisa zvinhu munguva pfupi iri kutevera. Ndakafunga kuti, ‘Vanhu vanofanira kugadzirira kuwana upenyu hwatakarongerwa naMwari kwete kutyira kuparadzwa.’” Gary naKaren vakatanga kuva nechivimbo nezveramangwana. Panzvimbo pokuti vanetseke nezvokuguma kwenyika, vakapedzisira vava nechokwadi chokuti Mwari achabvisa matambudziko aonesa vanhu ndondo, oita kuti nyika ivezve paradhiso.
Zvapapfuura makore 25, Gary naKaren vari kuitei? Karen anoti: “Ndinoramba ndichiita kuti kuda kwandinoita Jehovha Mwari uye kutenda kwangu kuwedzere, uye ndinoedza kubatsira vamwe kuti vaitewo zvandiri kuita. Ini naGary tinobatsirana kuti mhuri yedu irambe yakasimba uye irambe yakabatana pakunamata Mwari. Tinoedza kuva vanhu vakarongeka, uye kuita kuti upenyu hwedu husava hwokuda zvakawanda-wanda kuti tive nenguva yokuitira vamwe zvinhu zvinokosha.”
Gary anowedzera kuti: “Ndinogara ndichinyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye uye kuti huzogadzirisa matambudziko emamiriyoni evanhu. Pose pandinoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kune vamwe, ndinonyengetera kuti ndiedze kuudza mumwe munhu chimwe chinhu nezvetariro iri muBhaibheri. Kwemakore anopfuura 25, Jehovha akapindura munyengetero iwoyo. Ini naKaren tine chokwadi chokuti munguva pfupi iri kutevera Jehovha achagadzirisa zvinhu pasi pano, uye hatichatyi kuti nyika ichaguma.”—Mateu 6:9, 10; 2 Petro 3:11, 12.
[Mufananidzo uri papeji 9]
Iye zvino Gary naKaren vari kunakidzwa nokubatsira vamwe kuti vazive tariro iri muBhaibheri