Unoshuva Kubatira Zvizere Zvikuru Here?
“NDAKANGA ndakashatirirwa Jehovha,” anodaro Laura. “Ndakanyengetera ndokunyengetera kuti atibetsere kupedza zvinetso zvedu zvemari kuitira kuti ndigogona kupfuurira kupayona—asi pasina kubudirira. Pakupedzisira ndakabva pandaza yemapiyona. Ndinofanirawo kubvuma kuti ndakanga ndine godo naavo vaigona kupfuurira.”
Rangarirawo chiitiko chaMichael, mumwe mubatiri anoshumira mune imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha. Akanga ave achisvasvavirira basa romutariri. (1 Timotio 3:1) Apo chishuvo chake chisina kuzadzikwa kwemakore anoverengeka, akashatirwa kwazvo zvokuti akanga asati achada kurangarirwa nokuda kweropafadzo yacho. “Ndaisangogona chete kutsungirira marwadzo ekuodzwa mwoyo zvakare,” anodaro.
Wakava nechakaitika chakafanana here? Waifanira kuramba ropafadzo inodiwa youbati ushe hwaMwari here? Somuenzaniso, waifanira kurega kubatira sapiyona, muzivisi woUmambo wenguva yakazara here? Kana kuti unoshuva mabasa akati eungano akaronzwa kuvamwe here? Kungatova kuti unoshuva zvikuru kubatira paBheteri kana kuti somufundisi, asi mamiriro ako ezvinhu haakubvumiri.
“Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo,” rinobvuma kudaro bhuku raZvirevo. (Zvirevo 13:12) Ikoku kungava kwakadaro zvikuru apo vamwe vanogamuchira ropafadzo dzimene dzaunokarira. Shoko raMwari rinogovera nzwisiso, nyaradzo, uye tariro nokuda kwevapi nevapi vanova nokuodzwa mwoyo kwakadaro here? Hungu, rinodaro. Kutaura idi, Pisarema rechi84 rinoratidzira mifungo yemumwe mubatiri waJehovha akanga aine zvinhu zvakafanana zvisina kuzadzikwa pamusoro pebasa raJehovha.
Kuonga kwomuRevhi
Vanyori vePisarema rechi84 vakanga vari vanakomana vaKora, vaRevhi avo vaibatira patemberi yaJehovha uye vaikoshesa zvikuru ropafadzo dzavo dzebasa. “Ugaro hwenyu hunodikanwa sei, imi Jehovha wehondo!” mumwe wavo anokuwa kudaro. “Mweya wangu unoshuva, zvirokwazvo unopanga vazhe dzaJehovha; mwoyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu.”—Pisarema 84:1, 2.
MuRevhi uyu akanga aine chishuvo chikuru chokubatira patemberi yaJehovha zvokuti kunyange chionowo zvacho munzira yokuenda kuJerusarema chairatidzika chichikwezva kwaari. “Kana vachipfuura nomumupata wakaoma,” anodaro, “vanouita nzvimbo ina matsime.” (Pisarema 84:6) Hungu, nharaunda inowanzova yakaoma yakanga yakaita senharaunda ine mvura yakawanda.
Nemhaka yekuti wezvemapisarema akanga ari muRevhi asiri wouprista, aigona kubatira patemberi kwevhiki imwe bedzi mwedzi mitanhatu iri yose. (1 Makoronike 24:1-19; 2 Makoronike 23:8; Ruka 1:5, 8, 9) Nguva yake yose yasara yaipedzerwa pamusha mune rimwe ramaguta avaRevhi. Naizvozvo akaimba kuti: “Zvirokwavo, shiri yakazviwanira imba, nyenganyenga yakazviwanira dendere, painoisa vana vayo, ipo paatari dzenyu, Jehovha wehondo, Mambo wangu, naMwari wangu.” (Pisarema 84:3) MuRevhi aizodai akafara sei kudai akanga akaita seshiri dzakanga dzine ugaro hwechigarire patemberi!
Kwaizodai kwakava nyore kuti muRevhi ashatirwe nemhaka yekuti aisagona kubatira patemberi kazhinji zvikuru. Zvisinei, aifadzwa kubatira sezvaaigona, uye zvirokwazvo aiziva kuti kuzvipira kwomwoyo wose kuna Jehovha kwakafanirwa nenhamburiko yacho. Chii chaibetsera uyu muRevhi akatendeka kuramba achigutswa neropafadzo dzake dzebasa?
Dzidza Kugutswa
“Zuva rimwe pavazhe dzenyu rinokunda mamwe ane chiuru pakunaka,” anodaro muRevhi. “Ndinoti zviri nani kuti ndive murindi womukova mumba maMwari wangu, pakuti ndigare pamatende avane zvakaipa.” (Pisarema 84:10) Ainzwisisa kuti kupedzera kunyange zuva rimwe paimba yaJehovha iropafadzo inokosha. Uye muRevhi aiva nezuva rinopfuura zvikuru rimwe rokubatira patemberi. Kugutswa kwake neropafadzo dzake kwakamuita kuti aimbe nokuda kwomufaro.
Zvakadini nesu? Tinokoshesa zvikomborero zvedu here, kana kuti tinokanganwa zvatinotova nazvo mubasa raJehovha? Nemhaka yekuzvipira kwavo kwaari, Jehovha akaronza kuvanhu vake mhatsa huru dzeropafadzo nemabasa. Idzodzi dzinobatanidza mabasa anorema zvikuru outarisiri, okufudza, okudzidzisa, uye mativi akasiyana-siyana ebasa renguva yakazara. Asi dzinobatanidzawo zvimwe zvinhu zvinokosha zvine chokuita nokunamatwa kwaJehovha.
Somuenzaniso, rangarira ushumiri hwechiKristu. Muapostora Pauro anofananidza ropafadzo yedu yokuparidza mashoko nokuva kwedu ne“pfuma . . . mumidziyo yevhu.” (2 VaKorinte 4:7) Unorangarira basa rakadaro sepfuma inokosha here? Jesu Kristu, uyo akatungamira mubato wokuparidza Umambo, airangarira nenzira iyoyo, achigadza muenzaniso. (Mateo 4:17) “Saka, zvatinako kushumira uku, . . . hatineti,” anodaro Pauro.—2 VaKorinte 4:1.
Misangano yechiKristu igadzirirowo inoera isingafaniri kurerutswa. Pamisangano yedu, tinogamuchira murayiridzo unokosha ndokufarikanya ushamwaridzani hunodikanwa. Pamisangano tinogonawo kuratidzira pachena kutenda kwedu netariro kupfurikidza nokutsinhira nguva dzose uye kupfurikidza nokugoverana mupurogiramu mudzimwe nzira. (VaHebheru 10:23-25) Misangano yedu zvirokwazvo igadziriro inofanira kukosheswa!
Michael, adudzwa pakuvamba, aikoshesa izvi zvikomborero zvikuru uye aizvionga zvikuru. Asi kuodzwa mwoyo kwake panokusakwanisa kubatira somukuru kwakaderedza kuzvionga kwake kwechinguvana. Kupfurikidza nokuzvifungisisazve, akakwanisa kuwanazve dzikamo yake ndokumirira Jehovha nokushivirira.
Panzvimbo pokunzwa tisingagutswi nemhaka yokusava neropafadzo yakati, tinoita zvakanaka kunzverazve nzira idzo Jehovha ari kutikomborera nadzo, sezvakaita wezvamapisarema.a Kana tikakundikana kuona zvizhinji, tinofanira kutarira zvakare, tichikumbira Jehovha kuzarura meso edu kuti tione ropafadzo dzedu nenzira idzo ari kutikomborera nadzo uye kutishandisa kumurumbidza.—Zvirevo 10:22.
Kunokoshawo kuziva kuti ropafadzo chaidzo, dzakadai sebasa romutariri, dzinoda zvikwaniriso zvakananga. (1 Timotio 3:1-7; Tito 1:5-9) Naizvozvo tinofanira kuzvinzvera timene, tichitsvaka nharaunda dzipi nedzipi umo kunatsiridza kunodikanwa uye ipapo kuita nhamburiko dzapachokwadi dzokunatsiridza.—1 Timotio 4:12-15.
Usaodzwe Mwoyo
Kana tisingagamuchiri ropafadzo yakati yebasa, hatifaniri kugumisa kuti Jehovha anoda zvikuru avo vanofarikanya kana kuti ari kutinyima zvakanaka. Zvirokwazvo, hatifaniri kufunga nenzira yegodo kuti vamwe ivava vakawana ropafadzo dzavo zvisina kufanirwa kupfurikidza nechizivano chevanhu panzvimbo pokugadzwa nenzira youbati ushe hwaMwari. Kunetseka nepfungwa dzakadaro kungatungamirira kugodo, gakava, uye kunyange kukurega kwedu chose chose.—1 VaKorinte 3:3; Jakobho 3:14-16.
Laura, adudzwa pakuvamba, haana kurega. Pakupedzisira akakunda mirangariro yake yekutsamwa negodo. Laura akanyengetera anyengeterazve kuna Mwari kuti amubetsere kukurira kuita kwake kwakashata nemhaka yekusakwanisa kwake kupayona. Akatsvakawo rubatsiro kuvarume vakakwaniriswa vari muungano ndokunzwa avimbiswa rudo rwaMwari. “Jehovha akandipa rugare rwendangariro,” akadaro. “Nepo murume wangu neni tisingagoni kupayona zvino, tinokoshesa nguva yataikwanisa kudaro ndokuwana simba muzvakaitika zvatakava nazvo. Tinobetserawo mwanakomana wedu akura mukupayona kwake.” Agutswa, Laura zvino anokwanisa ku“fara . . . navanofara” mubasa ravo roupiyona.—VaRoma 12:15.
Gadza Vavariro Dzinosvikika
Kugutswa kwedu neropafadzo dzebasa dzazvino hakudi kuti tirege kugadza dzimwe vavariro dzoubati ushe hwaMwari. Mukukurukura rumuko rwokudenga, Pauro akataura nezve“kunanavira kune zviri mberi.” Akatiwo: “Ngatirambe tichifamba bedzi nomurayiro iwoyo watasvika nawo patasvika.” (VaFiripi 3:13-16) Vavariro dzoubati ushe hwaMwari dzinogona kutibetsera kufambira mberi. Denho yacho, zvisinei, ndeyekudzichengeta dziri chaidzoidzo.
Vavariro chaidzoidzo dzine mufungo uye dzinosvikika. (VaFiripi 4:5) Ikoku hakurevi kuti vavariro inoda makore anoverengeka ebasa rakaoma haisi chaiyoiyo. Vavariro yakadaro yenguva refu inogona kusvikwa zvishoma nezvishoma kupfurikidza nokugadza nhevedzano yevavariro dzepakati, kana kuti matanho. Idzodzi dzinogona kubatira sezviratidzo zvekufambira mberi mumudzimu. Kupedza nhano imwe neimwe nokubudirira kuchagovera pfungwa yegutsikano munzira panzvimbo pokuodzwa mwoyo.
Kudzikama Kwakaisvonaka
Kunokosha kuziva, zvisinei, kuti nemhaka yemamiriro edu ezvinhu neganhuriro, dzimwe ropafadzo dzingasagamuchirwa. Kudzigadza sevavariro kunotungamirira bedzi kukuodzwa mwoyo nekukangaidzwa. Vavariro dzakadaro dzinofanira kuiswa parutivi, panenge panguva ino. Kuita ikoku hakusati kuchizova kwakaoma kana tikanyengeterera gutsikano youmwari ndokuita kuda kwaJehovha itiro hanya yedu huru. Patinosvasvavirira ropafadzo, mbiri yaJehovha—kwete kuzivikanwa kwezviitwa zvedu zvomunhu oga—inokosha. (Pisarema 16:5, 6; Mateo 6:33) Bhaibheri rinotiudza nenzira yakakodzera kuti: “Isa mabasa ako ose kuna Jehovha, zvawakarangarira zvigoitika.”—Zvirevo 16:3.
Mukurangarira Pisarema rechi84, tinogona kuona kuti wezvemapisarema airatidzira chimiro chendangariro chakadaro kuropafadzo dzebasa, uye Jehovha akamukomborera zvikuru. Uyezve, pisarema irori rinopfuurira kubetsera vanhu vaJehovha kusvikira kuzuva rino.
Nokuvimba naJehovha kwokunyengetera, unogona kudzikamisa kushuva kwako ropafadzo dzakawedzerwa negutsikano nedziya dzaunofarikanya zvino. Usatongorege chishuvo chokuita zvizhinji chichikubira kuonga kwako zvaunazvo zvino nomufaro wokubatira Jehovha nokusingaperi. Vimba naJehovha, nokuti ikoku kunoguma nomufaro, sezvinoratidzwa mumashoko omuRevhi okuti: “Jehovha wehondo, wakaropafadzwa munhu unovimba nemi.”—Pisarema 84:12.
[Mashoko Omuzasi]
a Tapota ona nyaya inoti “Ko Iwe Unoonga Zvinhu Zvinoyera Here?” muchinyorwa chaJune 15, 1988, cheNharireyomurindi.
[Bhokisi riri papeji 11]
Vavariro Dzatingagadza
Kurava Bhaibheri zuva nezuva.—Joshua 1:8; Mateo 4:4
Kunatsiridza masimba edu okunzwisisa kupfurikidza nerovedzo yaMagwaro.—VaHebheru 5:14
Kutanga ukama hwapedyo zvikuru naMwari.—Pisarema 73:28
Kusakurira chimwe nechimwe chezvibereko zvemudzimu.—VaGaratia 5:22, 23
Kunatsiridza kunaka kweminyengetero yedu.—VaFiripi 4:6, 7
Kuva anobudirira zvikuru mukuparidza nokudzidzisa.—1 Timotio 4:15, 16
Kurava nokufungisisa chinyorwa chimwe nechimwe chemagazini eNharireyomurindi neMukai!—Pisarema 49:3
[Mifananidzo iri papeji 9]
Mukugadza vavariro dzomunhu oga, isa kuitwa kwokuda kwaMwari pakutanga