RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/07 p. 1
  • Tinokoshesa Ropafadzo Dzedu!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinokoshesa Ropafadzo Dzedu!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Unoshuva Kubatira Zvizere Zvikuru Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Koshesa Chikomborero Chako Chokushanda naJehovha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Wakamboshumira Here? Ungashumirazve Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 8/07 p. 1

Tinokoshesa Ropafadzo Dzedu!

1 Kubva zvakasikwa vanhu, Jehovha akapa vashumiri vake ropafadzo dzakawanda dzakasiyana-siyana. Akavapa ropafadzo pasinei nokuti vanhurume here kana kuti vanhukadzi, zera, kana kuti chinzvimbo chavo. (Ruka 1:41, 42; Mab. 7:46; VaF. 1:29) Anotipa ropafadzo dzipi nhasi?

2 Dzimwe Ropafadzo Dzedu: Tine ropafadzo yokudzidziswa naJehovha. (Mat. 13:11, 15) Imwe ropafadzo yatinokoshesa ndeyokurumbidza Jehovha nokupindura pamisangano yeungano. (Pis. 35:18) Tinopindura nechido patinowana mikana yacho. Saizvozvowo, kana tichiona basa rose muungano sokukudzwa, tichariita nepatinogona napo. Nguva dzose tinoitawo basa rokuchenesa Imba yoUmambo uye kuita kuti igare yakanaka here?

3 Kunyange zvazvo mamiriyoni evanhu asina chokwadi kana minyengetero yavo ichinzwiwa naMwari, tine ropafadzo yokuti minyengetero yedu inonzwiwa noMunhu anokosha kupfuura vose mune zvakasikwa. (Zvir. 15:29) Jehovha pachake anoteerera minyengetero yevashumiri vake. (1 Pet. 3:12) Haatauri kuti tinofanira kunyengetera kwaari kakawanda zvakadini. Chokwadi tine chipo chinokosha kwazvo chokukwanisa kunyengetera “nguva dzose”!—VaEf. 6:18.

4 “Vashandi Pamwe Chete naMwari”: Imwe ropafadzo yedu yakanakisisa ndeyokuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari se“vashandi pamwe chete naMwari.” (1 VaK. 3:9) Iri ibasa rinogutsa uye rinozorodza. (Joh. 4:34) Jehovha aisafanira zvake kushandisa vanhu kuita basa iri, asi akatipa basa iri nokuti anotida. (Ruka 19:39, 40) Mukuita izvi, Jehovha haana kungopa munhu wese wese ropafadzo iyi. Vaya vanoita ushumiri vanofanira kuva nezvinodiwa pakunamata uye kuramba vainazvo. (Isa. 52:11) Tinoratidza kuti tinokoshesa ropafadzo iyi nokuita kuti ushumiri huve chinhu chinokosha chatinoita vhiki yoga yoga here?

5 Ropafadzo dzinobva kuna Jehovha dzinoita kuti upenyu hwedu hugutse. (Zvir. 10:22) Usambodzirerutsa! Tinofadza Baba vedu vokudenga Mupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana” nokuratidza kuti tinokoshesa zvechokwadi ropafadzo dzedu dzebasa.—Jak. 1:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe