Tinokoshesa Ropafadzo Dzedu!
1 Kubva zvakasikwa vanhu, Jehovha akapa vashumiri vake ropafadzo dzakawanda dzakasiyana-siyana. Akavapa ropafadzo pasinei nokuti vanhurume here kana kuti vanhukadzi, zera, kana kuti chinzvimbo chavo. (Ruka 1:41, 42; Mab. 7:46; VaF. 1:29) Anotipa ropafadzo dzipi nhasi?
2 Dzimwe Ropafadzo Dzedu: Tine ropafadzo yokudzidziswa naJehovha. (Mat. 13:11, 15) Imwe ropafadzo yatinokoshesa ndeyokurumbidza Jehovha nokupindura pamisangano yeungano. (Pis. 35:18) Tinopindura nechido patinowana mikana yacho. Saizvozvowo, kana tichiona basa rose muungano sokukudzwa, tichariita nepatinogona napo. Nguva dzose tinoitawo basa rokuchenesa Imba yoUmambo uye kuita kuti igare yakanaka here?
3 Kunyange zvazvo mamiriyoni evanhu asina chokwadi kana minyengetero yavo ichinzwiwa naMwari, tine ropafadzo yokuti minyengetero yedu inonzwiwa noMunhu anokosha kupfuura vose mune zvakasikwa. (Zvir. 15:29) Jehovha pachake anoteerera minyengetero yevashumiri vake. (1 Pet. 3:12) Haatauri kuti tinofanira kunyengetera kwaari kakawanda zvakadini. Chokwadi tine chipo chinokosha kwazvo chokukwanisa kunyengetera “nguva dzose”!—VaEf. 6:18.
4 “Vashandi Pamwe Chete naMwari”: Imwe ropafadzo yedu yakanakisisa ndeyokuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari se“vashandi pamwe chete naMwari.” (1 VaK. 3:9) Iri ibasa rinogutsa uye rinozorodza. (Joh. 4:34) Jehovha aisafanira zvake kushandisa vanhu kuita basa iri, asi akatipa basa iri nokuti anotida. (Ruka 19:39, 40) Mukuita izvi, Jehovha haana kungopa munhu wese wese ropafadzo iyi. Vaya vanoita ushumiri vanofanira kuva nezvinodiwa pakunamata uye kuramba vainazvo. (Isa. 52:11) Tinoratidza kuti tinokoshesa ropafadzo iyi nokuita kuti ushumiri huve chinhu chinokosha chatinoita vhiki yoga yoga here?
5 Ropafadzo dzinobva kuna Jehovha dzinoita kuti upenyu hwedu hugutse. (Zvir. 10:22) Usambodzirerutsa! Tinofadza Baba vedu vokudenga Mupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana” nokuratidza kuti tinokoshesa zvechokwadi ropafadzo dzedu dzebasa.—Jak. 1:17.