RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 3/15 pp. 29-31
  • Ehudhi—Murume Wekutenda Uye Woushingi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ehudhi—Murume Wekutenda Uye Woushingi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukundwa naMoabhi
  • Ehudhi Anosangana naEgroni
  • Ehudhi Anodzoka
  • Kuwanwa uye Kukundwa
  • Kudzidza Mumuenzaniso waEhudhi
  • Ehudhi Anotyora Joko Romudzvinyiriri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Ushingi hwaEhudhi Uye Kunyengedza Kwake
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 7—Vatongi
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raVatongi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 3/15 pp. 29-31

Ehudhi—Murume Wekutenda Uye Woushingi

MAKORE akawanda akanga apfuura kubva apo vaIsraeri vakatanga kusvika muNyika Yechipikirwa. Mosesi nomutsivi wake, Joshua, vakanga vanguve vafa. Varume vakadaro vekutenda vasipo, kuonga kunamata kwakachena kwakaderera. VaIsraeri vakanga vatovamba kubatira vanaBhaari uye matanda okunamata nawo.a Semugumisiro, Jehovha akapa vanhu vake mumaoko evaSiriya kwemakore masere. Ipapo vaIsraeri vakachema kuna Mwari nokuda kwebetsero. Nengoni, akateerera. Jehovha akamutsa mutongi, Otnieri, kuti anunure vanhu Vake.—Vatongi 3:7-11.

Izvi zviitiko zvaifanira kudzidzisa vaIsraeri chokwadi chinokosha—kuteerera Jehovha kunounza zvikomborero, nepo kusateerera kuchiguma nokutukwa. (Dheuteronomio 11:26-28) Zvisinei, vanhu vaIsraeri vakakundikana kudzidza ichi chidzidzo. Pashure penhambo yemakore 40 erugare, vakasiya zvakare kunamata kwakachena.—Vatongi 3:12.

Kukundwa naMoabhi

Nguva ino Jehovha akarega vanhu vake vachikundwa naMambo Egroni weMoabhi. Bhaibheri rinomurondedzera se“munhu wakakora kwazvo.” Nebetsero yaAmoni naAmareki, Egroni akarwisa Israeri ndokuvaka dzimbahwe rake muJeriko, “guta remichindwe.” Kwaizvidzisa sei kuti guta rekutanga rechiKanani kukundwa naIsraeri zvino rakanga rava dzimbahwe reuyo ainamata mwari wenhema Kemoshi!b—Vatongi 3:12, 13, 17.

Egroni akadzvinyirira vaIsraeri kwemakore 18 akatevera, sezviri pachena achirayira mutero unorema kubva kwavari. Kupfurikidza nokuda chipo chepanhambo nenhambo, Moabhi yakasimbisa nzvimbo yayo imene yezvoupfumi nepo yaipedza upfumi hwaIsraeri. Nenzira inonzwisisika, vanhu vaMwari vakachemera rusununguko, uye zvakare Jehovha akateerera. Akavamutsira mumwe muponesi—nguva ino muBenjamini ainzi Ehudhi. Kuti agumise ushushi hwaEgroni pana Israeri, Ehudhi akaronga kuita chiito pazuva rokubhadharwa kwechipo kwaitevera.—Vatongi 3:14, 15.

Kugadzirira nokuda kwechiito chake choushingi, Ehudhi akagadzira munondo unocheka kuviri wakareba kubiti rimwe. Kana iri rakanga riri kubiti pfupi, chombo chacho chakanga chakareba masendimita anenge 38. Vamwe vaizorirangarira kuva banga. Sezviri pachena pakanga pasina mubato pakati pebanga nechibato. Naizvozvo, Ehudhi aigona kuviga munondo wake muduku mumipendero yenguo yake. Kupfuurirazve, sezvo Ehudhi aishandisa ruboshwe, aigona kusungira munondo wake kurutivi rwake rworudyi—rusiri nzvimbo yenguva dzose yechombo.—Vatongi 3:15, 16.

Kuronga kwaEhudhi kwakanga kune ngozi dzako. Somuenzaniso, zvakadini kudai varindiri vamambo vainzvera Ehudhi nokuda kwezvombo? Kunyange kana vasina kudaro, zvirokwazvo vaisazosiya mambo wavo ari oga nomuIsraeri! Asi kudai vakadaro uye Egroni aigona kuurawa, Ehudhi aizopukunyuka sei? Aigona kumhanya kusvika kure sei varindiri vaEgroni vasati vawana chakanga chaitika?

Pasina kupokana Ehudhi akarangarira udzame hwakadaro, zvichida achifungidzira migumisiro yakati ine ngwavaira. Kunyange zvakadaro, akapfuurira nokuronga kwake, achiratidzira ushingi nokushandisa kutenda muna Jehovha.

Ehudhi Anosangana naEgroni

Zuva rokupa chipo chaitevera rakasvika. Ehudhi nevarume vake vakapinda mudzimbahwe ramambo. Pasina nguva refu, vakanga vamira pamberi paMambo Egroni amene. Asi nguva yokuti Ehudhi arwise yakanga isati yasvika. Pashure pokupiwa kwechipo, Ehudhi akaendesa vatakuri vechipo.—Vatongi 3:17, 18.

Nei Ehudhi akanonoka kuuraya Egroni? Akatya here? Nyangwe! Kuti aite kuronga kwake, Ehudhi aida kutaurirana pachivande namambo—chimwe chinhu chisina kumubvumirwa pauku kusangana kwepakuvamba. Kupfuurirazve, Ehudhi aizofanira kuenda nokukurumidza. Kupukunyuka kwaizova kuri nyore zvikuru nokuda kwemunhu mumwe kupfuura boka rose revatakuri vechipo. Naizvozvo, Ehudhi akamirira nguva yake. Kushanya kupfupi kuna Egroni kwakamugonesa kurovedzana nokurongwa kwedzimbahwe racho uye kuziva ukuru hwechengeteko yamambo.

Pashure pokusvika “pamifananidzo yakavezwa yamabwe paGirgari,” Ehudhi akasiya varume vake ndokudzokera kudzimbahwe raEgroni. Kufamba kweanenge makiromita maviri kwakapa Ehudhi nguva shoma yokufunga pamusoro pebasa rake uye kunyengeterera chikomborero chaJehovha.—Vatongi 3:19.

Ehudhi Anodzoka

Ehudhi sezviri pachena akagamuchirwa kudzokera mudzimbahwe racho. Zvichida chipo chakakura chaakapa pakuvamba chakafadza Egroni. Kungava kuti kunyange zvazvo shanyo yepakuvamba yakanga iri pfupi, yakapa Ehudhi mukana wakakwana wokuvamba ushamwari namambo. Chipi nechipi chaiva chakaitika, Ehudhi akanga adzoka pamberi paEgroni.

“Ndine shoko rakavanzika nemi mambo,” Ehudhi akadaro. Idi rokuti akanga asvika ipapa rakanga riri chiratidzo chokuti Jehovha akanga achimutungamirira. Bva, pakanga pane chinetso. “Shoko rakavanzika” iro Ehudhi akanga anaro raisagona kutaurwa varindiri vamambo varipo. Kana Jehovha aizopindira, Ehudhi aida betsero iyoyo nokukurumidza. “Nyararai,” mambo akarayira kudaro. Sezvo Egroni akanga asingadi kuti iri “shoko rakavanzika” rinzwiwe, akadzinga varindiri vake. Fungidzira rusununguko rwaEhudhi!—Vatongi 3:19.

Egroni akanga akagara muimba yake inotonhorera apo Ehudhi akauya kwaari ndokuti: “Ndine shoko kwamuri rinobva kuna Mwari.” Kupfurikidza nokududza “Mwari,” Ehudhi akanga achinongedzera kuna Kemoshi here? Egroni angave akafunga saizvozvo. Afadzwa, akasimuka pachigaro chake ndokumira achikarira. Ehudhi akasvika, sezvingabvira achifamba nokungwarira kuitira kuti asanyandura kunyumwira kwamambo kurwiswa. Ipapo, nokuita kwokukurumidza, “Ehudhi akatambanudza ruoko rwake rworuboshwe, akavhomora munondo pachidya chake chorudyi, akamubaya nawo nomudumbu [raEgroni]; chibato chikapindawo chichitevera chese, mafuta akadzivira pamusoro pechese, nokuti haana kuvhomora munondo mudumbu rake, mafuta akabuda.”—Vatongi 3:20-22.

Vachinonoka vari pedyo, varindiri vamambo havana kunyanduka. Asi Ehudhi akanga achiri mungozi. Panguva ipi neipi vabatiri vaEgroni vangamhanyiramo ndokuwana chitunha chamambo wavo afa. Ehudhi aifanira kutiza nokukurumidza! Achikiya masuo, akapukunyuka nepasuo reimba yepamusoro.—Vatongi 3:23, 24a.

Kuwanwa uye Kukundwa

Nokukurumidza vabatiri vaEgroni vakava vanoda kuziva. Bva, havana kutsunga kugumbura mambo kupfurikidza nokudzongonyedza musangano wake wepachivande. Ipapo vakacherekedza kuti masuo eimba yekumusoro akanga akakiyiwa. “Zvimwe unofukidza makumbo ake paimba yake inotonhorera,” vakarangarira kudaro. Sezvo nguva yakapfuura, zvisinei, kungoda kuziva chete kwakatsiviwa nefunganyo huru. Varindiri vaEgroni vakanga vasingachagoni kumirira. “Ipapo vakatora kiyi, vakazarura mukova [masuo eimba yepamusoro], vakawana ishe wavo akawira pasi, afa.”—Vatongi 3:24b, 25.

Munguvayo, Ehudhi akanga apukunyuka. Akapfuura pamifananidzo yakavezwa yamabwe paGirgari uye pakupedzisira akasvika Seira, nzvimbo iri munharaunda ine makomo eEfraimi. Ehudhi akaunganidza varume vaIsraeri ndokuvatungamirira mukurwisa kwakabatana pavaMoabhi. Nhoroondo yacho inorondedzera kuti “vakauraya varume vaMoabhi vanenge zviuru zvine gumi, vose vari varume vane simba noumhare, hakuna mumwe wakapukunyuka.” Moabhi akurirwa, nyika yaIsraeri haina kuzova nokumwezve kudzongonyedzwa kwemakore 80.—Vatongi 3:26-30.

Kudzidza Mumuenzaniso waEhudhi

Kutenda muna Mwari kwakasunda Ehudhi. VaHebheru ganhuro 11 harimududzi zvakananga seuyo “akakunda ushe nokutenda, . . . [akava] nesimba pakurwa, [akadzinga] hondo dzemamwe marudzi.” (VaHebheru 11:33, 34) Kunyange zvakadaro, Jehovha akatsigira Ehudhi sezvo akaita mukutenda uye akanunura Israeri musimba rokushusha raMambo Egroni.

Ushingi rakanga riri rimwe remavara aEhudhi. Aifanira kuva noushingi kuti ashandise munondo chaiwoiwo nokubudirira. Sevabatiri vaMwari vemuzuva rino, hatibati munondo wakadaro. (Isaya 2:4; Mateo 26:52) Bva, tinoshandisa “munondo woMweya,” Shoko raMwari. (VaEfeso 6:17) Ehudhi aiva nounyanzvi mukushandisa chombo chake. Isuwo tinofanira kuva nounyanzvi mukushandisa Shoko raMwari sezvatinoparidza mashoko akanaka oUmambo. (Mateo 24:14) Fundo yomunhu oga yeBhaibheri, kuva venguva dzose pamisangano yechiKristu, kugoverana nokushingaira muushumiri, uye kuvimba kwokunyengetera naBaba vedu vokudenga zvichatibetsera kutevedzera mavara akaratidzirwa naEhudhi, zvirokwazvo murume wekutenda uye woushingi.

[Mashoko Omuzasi]

a Matanda okunamata nawo sezvingabvira akanga ari zvifananidzo zvechirema. Akanga akabatanidzwa nemitambo younzenza hwakakomba.—1 Madzimambo 14:22-24.

b Kemoshi akanga ari mwari mukuru wevaMoabhi. (Numeri 21:29; Jeremia 48:46) Muzviitiko zvakati, vana zvimwe vaibayirwa kuuyu mwari wenhema anonyangadza.—2 Madzimambo 3:26, 27.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Ehudhi nevarume vake vanopa chipo kuna Mambo Egroni

[Kwazvakatorwa]

Wakabudiswazve kubva muIllustrirte Pracht - Bibel/Heilige Schrift des Alten und Neuen Testaments, nach der deutschen Uebersetzung D. Martin Luther’s

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe