Vazivisi voUmambo Vanoshuma
Kuparadzira Mbeu yoUmambo Panhambo Iri Yose
SHOKO raMwari, Bhaibheri, rinokurudzira kubishaira. Mambo Soromoni akati: “Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; nokuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.”—Muparidzi 11:6.
Panhambo iri yose yakafanira, Zvapupu zvaJehovha zvinosima “mbeu” kupfurikidza nokuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Munyika dzinopfuura 230 nemapoka ezvitsuwa, zvinopfuurira “[pasina, NW] kurega kudzidzisa, nokuparidza mazuva ose zvaKristu Jesu.” (Mabasa 5:42) Zvakaitika zvinotevera zvinoratidzira kuti Zvapupu zvaJehovha ha‘zvisi kuzorodza maoko azvo’ sei mubasa rokuparidza.
◻ MuRepublic yeCape Verde, mumwe weZvapupu zvaJehovha akanga achipfuura nepatorongo apo akanga ari muushumiri hwemumunda. Muruvazhe rwetorongo racho, vamwe vasungwa vakanga vari mumuti. Vachicherekedza Chapupu chakanga chiri pasi, vasungwa vacho vakadanidzira nokuda kwemagazini. Chapupu chacho chakasungira magazini akati eNharireyomurindi neMukai! padombo ndokuakanda nepamusoro pemadziro etorongo. Semugumisiro weiyi fariro yepakuvamba, fundo dzeBhaibheri 12 dzakatangwa. Vatatu vevasungwa vacho vakatsaurira upenyu hwavo kuna Mwari uye vakazvipa vamene nokuda kwerubhabhatidzo rwemumvura. Mumwe wevasungwa vacho ave achibatira semuevhangeri wenguva yakazara, kana kuti piyona, kwerinopfuura gore zvino. Kunyange zvakadaro, vanoitisa sei mibato yavo yebasa remumunda mutorongo? Kutanga torongo racho rakakamurwa kuva ndima. Ipapo ndima inogoverwa pakati peZvapupu zvacho zvitatu uye inoshandwa pachitokisi nechitokisi. Ava vazivisi veUmambo vanotevera fariro munzira yakafanana zvikuru neinoita Zvapupu zvaJehovha munyika yose—kupfurikidza nokuita shanyo dzedzokerero. Musiyano mumwe, zvisinei, kuwanda kwekuitiswa kwefundo dzeBhaibheri. Panzvimbo pokufunda Bhaibheri kamwe chete kana kuti kaviri pavhiki kweinenge awa, vamwe vasungwa vanofunda zuva riri rose! Mukuwedzera, Zvapupu zvacho zvakapiwa mvumo nemukuru wetorongo kuti zviitise misangano yose yeungano mukati metorongo racho.
◻ Mumwe mukadzi muPortugal akagara nhaka zvinyorwa zvakati zveWatch Tower mushure mokufa kwaambuya vake. Sezvo akanga asiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, akanga asingafariri kuchengeta mabhuku acho. Zvisinei, akanga asingadi kuaparadza. Rimwe zuva akaudza mumwe weZvapupu zvaJehovha akamushanyira muushumiri hwepasuo nesuo pamusoro peraibhurari yacho. Chapupu chacho chakamubvunza kana aiziva ukoshi chaihwoihwo hweraibhurari yacho. Mukadzi akapindura kuti: “Chokwadi, handizivi ukoshi hwawo chaihwoihwo, asi ndinogona sei kuziva?” Mukadzi wacho akabvuma fundo yeBhaibheri, uye nokukurumidza akasvika pakukoshesa raibhurari yaambuya vake. Zvino iyewo Chapupu chakabhabhatidzwa chaJehovha. Uyezve, mwanasikana wake neshamwari yepedyo yemhuri vari kufundawo Bhaibheri. Uyu muunganidzwa wemabhuku wakabvumikisa kuva nhaka inokosha zvakadini!