Zvapupu zvaJehovha Zvichava neKokorodzano Dzamarudzi Akawanda
Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha uri kuronga kuva nekokorodzano dzamarudzi akawanda mukati ma1998. Ichi chiziviso chakagamuchirwa zvine mbavarira pamusangano wegore negore weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, wakaitirwa paJersey City Assembly Hall paChitanhatu, October 5, 1996.
Pamwe chete nekokorodzano dzoruwa dzenguva dzose, kokorodzano dzakati dzamarudzi akawanda dzichaitirwa muNorth America mukati mepakati pa1998. Kunokarirwa kuti kuungana ikoku kuchaunganidza mazana ezviuru eZvapupu zvinobva kumativi mazhinji apasi. Kubvumira nyika zhinji sedzinobvira kumiririrwa, imwe neimwe yehofisi dzebazu dzinopfuura 100 dzeWatch Tower Society ichava nokugoverwa kwenhume nokuda kweguta rakasarudzwa rekokorodzano yemarudzi akawanda muNorth America.
Sezvinooneka, havasi vose vangada kuenda kuNorth America vachakwanisa kuita saizvozvo. Zvisinei, kungava kunobvirira zviuru kupinda kokorodzano yamarudzi akawanda iri pedyo zvikuru nomusha wazvo. Gadziriro dziri kuitwa dzokuti kokorodzano dzamarudzi akawanda dziitirwe munyika mbiri kana kuti nhatu dziri muEurope uye dzimwe muAfrica, Asia, Latin America, South Pacific, uye Caribbean.
Panguva yakakodzera, mahofisi ebazu eSosaiti achazivisa ungano dziri mundima dzawo dzakatsaukana pamusoro peguta rekokorodzano kana kuti maguta avakakokerwa. Mashoko achapiwa pamusoro pemisi yekokorodzano uye gadziriro dzokusarudza nhume. Avo vanorangarira kuzadza kumbiriso dzokusarudzwa kwenhume vangada kutanga kuchengeta imwe yemari dzavo mukukarira izvi zviitiko chaizvo.
Zvapupu zvaJehovha zvose munyika yose zvinogona kutarira mberi kune zvakachengetwa pauku kuungana kwamarudzi akawanda kwa1998. Kokorodzano dzoruwa munyika dzose dzichava nepurogiramu yakafanana.