Kufara Nokurumbidza Mwari Pamagungano
Kubvira mukuvamba kwama 1880 Vadzidzi veBhaibheri vakaona kuti, mukuwedzera kumisangano yomunzvimbomo, kwaizova kunobetsera kwavari kuva vanorovedzana navadaviri biyavo vanobva kudzimwe nharaunda. Naizvozvo vakavamba kugadzira kokorodzano dzegore negore dzaVadzidzi veBhaibheri vanobva muUnited States mose, uye gare gare vanobvawo Canada. Idzi dzakanga dziri nhambo dzokunyevenutsa kwomudzimu, kwamazuva anoverengeka murairidzo wakakura weBhaibheri waigoverwa, uye vose vaifarikanya kutsinhana rukurudziro kunofadza. Rubhapatidzo rwavadaviri vatsva rwakava chinoitika chenguva dzose pakokorodzano. Kokorodzano dzaishandiswawo kupa uchapupu hwakakura zvikuru kuvokunze.—VaRoma 1:11, 12.
Nhasi Zvapupu zvaJehovha zvinofarikanya magungano enguva dzose. Kazhinji kazhinji dzinenge ungano 18 kusvikira ku 25 dzinoungana pamwe chete muna anonzi matunhu, ayo anoshanyirwa, kana kuti kubatirwa, navatariri vanofambira. Kaviri pagore, magungano anorongwa uko ungano dziri mudunhu, kana kuti rutivi rwedunhu iroro, dzinoungana pamwe chete paChitanhatu uye/kana Svondo.
Kamwe chete pagore, kokorodzano huru zvikuru dzamazuva matatu kana kuti mana, dzinonzi kokorodzano dzoruwa, dzinorongwa munyika imwe neimwe, umo zviuru zvinogona kuunganidzwa pamwe chete panzvimbo imwe. Kokorodzano idzi dzinogovera kuvaka kwomudzimu nokuda kweZvapupu zvaJehovha navamwe vanofarira mibato yazvo, uye idzo dzinopawo uchapupu hwapamhene.
Purogiramu nokuda kwamagungano iwawo nekokorodzano inorongwa noMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha uye yakavakirwa pazvinodikanwa zveZvapupu munyika yose. Inoumbwa nehurukuro, kurukurirano, nemharidzo chaidzoidzo dzinonzi mienzaniso, dzinokurukurwa navatariri vanofambira neZvapupu zvinokwaniriswa zvinobva muungano. Vakasiana-siana vanorondedzerawo zvinoitika pamsoro pokuti vanonangana sei nechishoro chokurarama samaKristu munyika isina umwari kana kuti miuyoi yavari kuva nayo muushumiri. Pakokorodzano dzoruwa pane rumwe rutivi rwokuwedzera—mienzaniso chaiyoiyo iri muchimiro chezvinoitika zveBhaibheri kana kuti zvinoitika zvomukuronga kwomuzuva razvino uno, zvinoratidzira kuti maKristu anogonana sei nezvinetso zvaanonangana nazvo nhasi.
Uyewo zvokudya nezvinwiwa zvinogoverwa. Ikoku kunobvumira nokuda kwoushamwaridzani hunofarikanywa apo misangano inenge isati ichiitwa. Basa rose rinobatanidzwa mukuita izvi zvinoitika rinoitwa navazvipiri vanobva pakati peZvapupu zvaJehovha. Ndyiko dzenzvimbo dzinoshandiswa nedzimwe ndyiko zvinoripirwa nemipiro yokuzvidira. Kupinda ndokwapachena, uye hapana ndiro dzemipiro dzinofambiswa.
Unogona kuwana muungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha apo uye uko kuungana uku kwakarongwa munharaunda yokwenyu. Mashoko achagoverwawo pamsoro pegadziriro dzipi nedzipi dzokufamba, uyewo pamsoro pamawanirwe amakamuri okugara.
Aya magungano nekokorodzano anobetsera Zvapupu zvaJehovha navose vanosonganirana nazvo kuona inopfuura ungano yomunzvimbomo uye kuona boka rose rehama dzavo dziri munyika.—1 Petro 2:17.
• Vadzidzi veBhaibheri vapakuvamba vakawana betseroi mukokorodzano?
• Rondedzera gadziriro yepurogiramu yamagungano edunhu nekokorodzano dzoruwa.
[Mifananidzo iri papeji 18]
Chinoitika cheBhaibheri pakokorodzano yoruwa, United States
Kokorodzano yamarudzi ose, Poland
Kokorodzano yamarudzi ose, Argentina
Gungano redunhu, Japan
Nhume dzinowana mabhuku eBhaibheri, Switzerland
Rubhapatidzo pakokorodzano yamarudzi ose, South Africa
Kubudiswa kwechinyorwa chitsva cheBhaibheri, Canada
Nhume dzekokorodzano dzinokumbanirana mukuimba, Spain