Vanotambura Vachazombova Norugare Here?
UNGADE kuona mugumo wokutambura here, kwete bedzi nokuda kwako asi nokuda kworudzi rwose rwomunhu? Rangarira mienzaniso iyi:
Sonia akava nenhamo huru.a Pakutanga, akawana kuti murume wake akanga ave achiita upombwe kwemakore gumi. Ipapo mwanakomana wake mudukusa akatapurwa neHIV ndokufa neAIDS. Makore maviri gare gare mumwe mwanakomana wake akarwara, uye nokukurumidza iyewo akafa neAIDS. “Rutivi rwokupedzisira rwehosha yake rwakatora nguva refu kwazvo,” Sonia anoyeuka kudaro. “Akatambura kuora mwoyo kukuru, akarasikirwa nevhudzi rake, uye aisagona kuona zvakanaka. Zvaisuruvarisa zvikuru.”
Fabiana, mumwe mudzidzi wepayunivhesiti weBrazil, akanga achiitira hanya pamusoro pekusaruramisira kwomunzanga kwenyika. Ipapo ngwavaira yakarova upenyu hwake. Hanzvadzi yake, yaitambura nokuora mwoyo, yakazviuraya. Apo Fabiana akarasikirwa nebasa rake, imwe shamwari yakakarakadza kuti atsvake pai-de-santo (n’anga), ichirangarira kuti kuti Fabiana atambure munyama wakadaro mumwe munhu anofanira kuve akamutsinga! Asi pai-de-santo haina kuunza nyaradzo. Panzvimbo pezvo, Fabiana akanzwa achitambudzwa, asingakwanisi kurara nemhaka yenhamo dzake.
Nhamo yaAna yakavamba nokukurumidza zvikuru kwazvo muupenyu. “Apo ndaive negore rimwe rokukura,” anorondedzera kudaro, “amai vangu vakandirasa, naizvozvo ndakatarisirwa naambuya vangu.” Ipapo, apo Ana akanga ava nemakore matatu bedzi okukura, ambuya vake vakafa. Ana akaendeswa kune mumwe musha unochengetwa nherera muRio de Janeiro, umo akaramba ari kutozosvikira ava nemakore 13. “Taibatwa zvakashata zvikuru imomo, uye ndakava anopandukira,” anodaro. “Sezvandaikura, ndairwisana nechinhu chinodokuva chiri chose.”
Nhamo inoratidzika kuva inotapura upenyu hwemunhu ari wose munzira yakati. Zvirokwazvo, tinosangana nenhau dzengwavaira yomunhu zuva nezuva—nguva iri yose yatinoona, kurava, kana kuti kuteerera nhau. “Kwakadokuva kusingabviri kupukunyuka kurovanywa kwenguva dzose nemashoko akashata munhambo yedu . . . yekurukurirano navazhinji,” anonyora kudaro Dr. Mary Sykes Wylie. “Hondo, ngwavaira dzomusikirwo, ngwavaira dzomunzvimbo dzamabasa okugadzira zvinhu, njodzi dzomumugwagwa, utsotsi, ugandanga, kubatwa zvisina kufanira muvatano, kubatwa chibharo, masimba masimba epamusha—zvose zvinoita kuti kukangaidzwa ndangariro kuve nhau inotyisa yezuva nezuva uye inodzokororwa yezana ramakore rechi20.” Muapostora wechiKristu Pauro chaizvoizvo akapfupikisa chinoitika chomunhu nokuti: “Zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.”—VaRoma 8:22.
Zvakadini newe? Uri kuva nenhamo here? Inyaradzoi yaunogona kukarira? Uchazombowana rugare rwechokwadi here? Sonia, Fabiana, uye Ana vakawana nyaradzo yapachokwadi nemwero chaiwoiwo werugare! Unogona kurava pamusoro pazvo munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.