Mari Ndiyo Inoita Kuti Munhu Anyatsofara Here?
SONIA akaberekerwa kuSpain. Paaiva mwana aipinda misangano yeZvapupu zvaJehovha naamai vake. Asi paakakura, akaenda kuLondon, England, uye akapedzisira ava kushanda mukambani inoita zvemari.
Sonia aida basa rake. Aiwana mari yakawanda uye aitarisira mari yakawanda yemakasitoma ake. Basa rake raimunakidza uye airigona zvikuru. Nguva zhinji Sonia aishanda kwemaawa 18 pazuva, uye dzimwe nguva airara kwemaawa maviri kana matatu chete. Chikuru muupenyu hwake raiva basa rake. Upenyu hwake hwakaerekana hwachinja. Sonia akarohwa nesitiroku yakaipa zvikuru—zvichida yakakonzerwa noupenyu hwake hwaiva nezvakawanda zvokuita. Aingova nemakore 30 okuberekwa.
Sonia akaoma rimwe divi romuviri wake, uye vanachiremba vakanga vasina chokwadi chokuti aizotaurazve. Amai vake vakakurumidza kuenda kuEngland kunomuchengeta. Sonia paakatanga kufambazve, amai vake vakamuudza kuti, “Ndiri kuenda kumisangano yeungano, uye unofanira kuenda neni nokuti handingakusiyi wega.” Sonia akabvuma kuendawo. Zvakaguma nei?
Sonia anoti, “Zvose zvandakanzwa zvaiva zvechokwadi. Zvaifadza chaizvo. Ndakafara kubvuma kudzidza Bhaibheri nemumwe wevazhinji vakandikwazisa pandakatanga kuenda kuImba yoUmambo. Vandaimboshamwaridzana navo vakarega kundishanyira, asi shamwari dzangu itsva dzaiva nerudo uye dzaiva nehanya.”
Zvishoma nezvishoma, Sonia akatanga kutaura, uyewo akakurumidza kufambira mberi pakuziva Bhaibheri. Akabhabhatidzwa pasati papera gore. Shamwari dzake itsva dzakawanda dzaiita ushumiri hwechiKristu nguva yakazara, uye aigona kuona kufara kwadzaiita. Nechemumwoyo Sonia akati, ‘Ndinoda kuitawo saizvozvo. Ndinoda kupa Jehovha Mwari zvose zvandinokwanisa!’ Iye zvino Sonia ari kuita basa rokuparidzira nguva yakazara.
Sonia akadzidzei pane zvakaitika kwaari? “Kunyange zvazvo ndaitambira mari yakawanda, kuzvidya mwoyo uye kunzwa ndisina kuchengeteka pabasa kwaiita kuti ndinetseke uye ndisafare. Ndava kuziva kuti chinhu chinokosha zvikuru muupenyu kuva noukama hwakanaka naBaba vangu vokudenga, Jehovha. Iye zvino ndava kunyatsofara.”
Muapostora Pauro akanyora kuti, “Kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose, uye vachitevera rudo irworwo, vamwe vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji.” (1 Timoti 6:10) Kubva pane zvakaitika kwaari, Sonia anogona kutaura kuti mashoko aya ndeechokwadi.