RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 4/15 pp. 23-26
  • Michato Inokudza Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Michato Inokudza Jehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Ita Kuti Zuva Romuchato Wako Riwedzere Kufadza uye Kukudzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Michato Inofadza Inokudza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Zvamungaita Kuti Muronge Muchato Unokudza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Ratidza Kuti Unotenda Nemararamiro Ako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 4/15 pp. 23-26

Michato Inokudza Jehovha

Nyaya Inotevera Pamusoro Pemichato Yechikristu Pakuvamba Yakagadzirwa muethiopia Kuti Igovere Nhungamiro Inobetsera Mumutauro Wechiamharic Nokuda Kwavazhinji Vari Munyika Iyoyo Avo Vakava Zvapupu Zvajehovha Munguva Pfupi Yapfuura. Inobata Netsika Nemiitiro Zvomunzvimbomo Zvingave Zvakasiyana Neizvo Zvekwaunogara. Sezvingabvira Uchawana Musiyano Wacho Uchifadza Zvikuru. Panguva Imwe Cheteyo, Nyaya Yacho Inopa zano Rakadzikama Rebhaibheri Rauchaona Kuti Rinoshandisika Kunyange Kana tsika Dzemuchato Dzichisiyana Munzvimbo Yaunogara.

“MICHATO yechiKristu Inounza Mufaro” waive musoro wenyaya yefundo yakaisvonaka yaiva muNharireyomurindi yaOctober 15, 1984. Nyaya yaitevera muchinyorwa ichocho yaiva nomusoro unoti “Wana Farikanyo Yakadzikama Pamabiko Omuchato.” (Nokuda kwomunhu upi noupi ari kurangarira roorano, kune zano rokuwedzera rokuchenjera mubhuku raKuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze, ganhuro 2, uye Upwere Hwako—kuWana zvakaNakisisa maHuri, ganhuro 19 ne20.)a Vazhinji vakava Zvapupu zvaJehovha kubvira apo nyaya idzodzo dzakaoneka, naizvozvo tinoda kuhwirudzura mamwe mapfundo ayo anoshanda zvikurukuru kunharaunda yedu, pamwe chete nemimwe mifungo yakakodzera ichatibetsera kuita michato nhambo dzinokudza Jehovha, Muvambi weroorano.

Mubvunzo ungarangarirwa pakutanga ndewekuti, Muchato unofanira kuitika rini? Musi wacho unofanira kudzorwa nemisi yemwaka wegamuchidzanwa wemichato yomunzvimbomo here? Zvinodavira vomunzvimbomo ndezvekuti roorano ipi neipi inoitwa pane imwe nguva ipi neipi yegore haingabudirire. Ikoku kutenda mashura kusina hwaro, nokuti vakaroorana vazhinji vari kubatira Jehovha nomufaro uye vakabatana havana kuroora mukati memwaka wegamuchidzanwa. Hatidaviri murombo rakanaka kana kuti rakashata. (Isaya 65:11; VaKorose 2:8) Hatingabetseri hama dzokunyama dzisingatendi kuti dzione musiyano pakati pechokwadi nenhema kana tikagadza musi womuchato maererano nokudavira mashura kwavo. Idi nderekuti, vaKristu vanogona kuroorana mumwedzi upi noupi.

Apo hurukuro yomuchato inorongwa pashure pemuchato wekwamudzviti, kungava kuchenjera kusava nenhambo yamazuva mazhinji pakati pezviitiko zvacho zviviri. Kana vaviri vacho vangada kuva nehurukuro yomuchato muHoro yoUmambo, vanofanira kusvika vakuru veungano pachine nguva zvikuru kuti vakumbire kushandiswa kwehoro. Vakuru vomunzvimbomo vachasimbisa kuti gadziriro dzemutambo wacho dzichavasiya nehana dzakachena. Nguva inofanira kutsaurwa kuitira kuti kusave nebonderano nemubato upi noupi weungano. Hama inosarudzwa kupa hurukuro yomuchato ichafanosangana nechikomba nemwenga vanokarirwa kuti ipe zano rinobetsera uye kuti ive nechokwadi chokuti hakuna mhinganidzo dzetsika kana kuti dzapamutemo kuroorano yacho uye kuti anobvumirana nezvirongwa zvokuungana kupi nokupi kwokutandara kuchatevera. Hurukuro yomuchato inofanira kuva yakareba hafu yeawa ndokupiwa nomutoo unokudzwa, ichisimbisa rutivi rwokumudzimu. Hurukuro yomuchato zvirokwazvo inokosha zvikuru kupfuura mabiko api naapi angatevera.

Muchato wechiKristu mukana wakanaka wokuratidza nawo kuti hatisi “venyika.” (Johane 17:14; Jakobho 1:27) Kurongeka kwedu kunofanira kutanhamara. Ikoku kungareva kuti tingava panguva panzvimbo pokuita kuti vanhu vamirire, sezvinobvira tichidzongonyedza mibato yeungano. Ichochi chimwe chinhu chokuti mwenga uzive zvikuru, sezvo hama dzokunyama dzingamukurudzira kunonoka—sokuti zviwedzere ukoshi hwake. Kupfurikidza nokuchengeta nguva hanzvadzi yechiKristu yakakura mumudzimu inogona kuratidza kuti mavara okumudzimu, akadai ekuzvininipisa nekurangarira, anokosha kwaari! Uyewo, apo anotora mifananidzo anokokwa kuzotora mifananidzo yechiitiko chacho, kurongeka kunokosha. Tinoita zvakanaka kuita kuti anotora mifananidzo auye akapfeka bhachi, tayi, uye tirauzi rakanaka uye kuti haadzongonyedze hurukuro apo anotora mifananidzo. Hakuna mifananidzo inofanira kutorwa mukati memunyengetero. Kurongeka kwedu kuchakudza Jehovha ndokupa uchapupu hwakaisvonaka. Hakuna kudikanwa kwokuedza kuwirirana netsika dzomunzanga idzo dzingadzikatidza revo chaiyoiyo yechiitiko chacho.

Mabiko haasi chinodikanwa chemuchato unobudirira, asi hakuna chinorambidza chomuMagwaro nhambo yakadaro inofadza. Zvisinei, kuungana kwakadaro kwavaKristu vechokwadi kunofanira kuva kwakasiyana nemabiko ekunyika anoratidzirwa nokunyanyisa, kunwisa, kudyisa, nziyo dzoupengo, kutamba kunonyandura, uye kunyange kurwa. Bhaibheri rinoronga “mabira” nemabasa enyama. (VaGaratia 5:21) Kuri nyore zvikuru kuva neudzori hwakarurama apo kunenge kusiri kuungana kukuru zvikuru. Hakuna kudikanwa kwokumisa tende kugutsa tsika dzinozivikanwa. Kana vamwe vakasarudza kushandisa tende nokuda kwezvikonzero zvenzvimbo kana kuti mamiriro okunze, iyoyi inhau yomunhu oga.

Ruzivo rwokuzviwanira rwakaratidza kuti nzira yakanaka yokuganhurira nayo nhamba yavaenzi iri kupfurikidza nokushandisa kokero dzakananga dzakanyorwa. Kuchenjera zvikuru kukoka vanhu vamwe navamwe panzvimbo peungano dzose, uye savaKristu vakarongeka, tinofanira kuremekedza ganhuriro dzakadaro. Kokero dzakanyorwa dzinotibetserawo kudzivisa kunyadziswa kwokuva nemunhu akadzingwa pamabiko acho, nokuti izvozvo zvikaitika, hama zhinji nehanzvadzi dzingasarudza kubva. (1 VaKorinte 5:9-11) Kana vakwanyina vakakoka hama dzokunyama dzisingatendi kana kuti vazivikanwi, ivava pasina mubvunzo vachava vakaganhurirwa munhamba, vachipa ukoshi hukuru “kuna veimba yokutenda.” (VaGaratia 6:10) Vamwe vakasarudza kukoka vazivikanwi vokunyika kana kuti hama dzokunyama dzisingatendi kuhurukuro yomuchato panzvimbo pemabiko. Nei? Eya, kwave kune zviitiko apo hama dzokunyama dzakasakisa mamiriro ezvinhu anonyadzisa zvikuru zvokuti hama zhinji nehanzvadzi dzakanzwa kuti dzaisagona kuramba dziripo. Vamwe vakwanyina vakaronga kuva nedhinha duku nemitezo yemhuri yapedyo neshamwari dzechiKristu.

Maererano naJohane 2:8, 9, zvinoshanda kusarudza “mukuru womutambo.” Chikomba chichada kusarudza muKristu anovimbwa uyo achava nechokwadi chokuti kurongeka nemipimo yakakwirira zvinochengetwa. Kana shamwari dzikaunza zvipo, izvozvi zvinofanira kuitwa pasina “kuzvikudza kwoupenyu.” (1 Johane 2:16) Nziyo dzinogona kufarikanywa dzisina kushatiswa nemashoko anomutsa mubvunzo, ruzha rwakanyanyisa, kana kuti mutinhimira woupengo. Vazhinji vakakuwana kwakanakisisa kuita kuti mukuru ateerere pachine nguva nziyo dzicharidzwa. Kutamba kungaunza misungo, sezvo kutamba kuzhinji kwechinyakare kuchibva mukutamba kworuzvaro uye kunotanhamarisa kugutsa muviri kusina kukodzera. “Nguva yekeke newaini” pane dzimwe nguva yakava chiratidzo kuvanhu venyika kuti vasadzoreke. Kutaura idi, vakwanyina vazhinji vechiKristu vakasarudza kusava nezvinodhaka zvipi nezvipi pamabiko omuchato, nokudaro vachidzivisa zvinetso.

Sezvo tichida kukudza Jehovha, tichadzivisa kuratidzirwa kwokuzvikudza kuti tikwezve ngwariro yokunyanyisa. Kunyange zvinyorwa zvekunyika zvakataura mukurwisana nechimiro chendangariro chinozivikanwa chokunyanyisa. Kungava kusachenjera sei kuti vakwanyina vapinde muchikwereti nemhaka yemuchato wokunyanyisa uye ipapo kutambura kurasikirwa kwemakore kuitira kuti vabhadhare ndyiko dzezuva iroro rimwe! Chokwadika, chipfeko chipi nechipi chinopfekwa pachiitiko chacho chinofanira kuva nemwero uye chakafanorongwa, chichikodzera munhu anotaura kuva anoremekedza Mwari. (1 Timotio 2:9, 10) Nyaya inoti “Michato yechiKristu Inofanira Kuratidzira Kuva Nomufungo” (Nharireyomurindi yechiNgezi yaJanuary 15, 1969) yakatsinhira zvinofadza pamusoro pemupfekero:

“Muchato womunhu inhambo chaiyo, naizvozvo ngwariro inowanzopihwa kukuratidzika kuva anofara naanokwezva. Nepo izvozvo hazvirevi kuti mumwe munhu anofanira kupfeka rudzi rwakati rwerenda kana kuti sutu. Munhu anoita zvakanaka kurangarira zvitaira zvemunzvimbomo, ndyiko nezvaanofarira somunhu oga. . . . Kungava kune mufungo here, kunyange zvakadaro, kutenga rokwe rinodhura zvokuti vanozvipinza muzvikwereti kana kuti vamwe? . . . Vamwe varikuroorwa vakafarikanya kushandisa renda reshamwari inodiwa kana kuti hama yokunyama. Vamwe vakagutsikana zvikuru nokugadzira zvipfeko zvavo vamene, sezvinobvira munzira iyoyo vachikwanisa kuva nehembe inogona kushandisa pane zvimwe zviitiko mune remangwana. Uye kwakakodzera zvakakwana kuti varoorani vachate vakapfeka zvipfeko zvavo zvenguva dzose zvakanaka zvikuru . . . Vamwe vangakwanisa kuva nemuchato wemaoresa vangashuva somunhu oga kuva ne‘muchato wakadzikama’ nemhaka yekuoma kwenguva.”

Nenzira yakafanana, boka ravachati (shamwari dzechikomba neshamwari dzechikadzi dzemwenga) haridikanirwi kuva rakakura. Ivowo havangadi kukwezva ngwariro isina kufanira kwavari vamene kupfurikidza nokupfeka kwavo nezviito. Nepo munhu akadzingwa angabvumirwa kupinda hurukuro paHoro yoUmambo, Nharireyomurindi yaOctober 15, 1984, yakati: “Kungava kusina kukodzera kuva muboka romuchato navanhu vakadzingwa kana kuti mararamiro anonyadzisa anorwisana zvikuru kwazvo nenheyo dzeBhaibheri.”

Kunyange zvazvo Jesu akapinda muchato, hatigoni kufungidzira kuti aizobvumira tsika inozivikanwa yekuva nemudungwe wemotokari dzichitenderera muguta neruzha rukuru; mapurisa akatobhadharisa faindi vatyairi nokuda kwokuridza mabhero mumudungwe wemuchato. (Ona Mateo 22:21.) Muna ikoku kwose, panzvimbo pokutevedzera kuratidzira kana kuti zviito zvevanhu vemarudzi, vaKristu vanoratidzira uchenjeri hune mwero.—Zvirevo 11:2.

Asi zvakadini nokupinda michato yevavakidzani, vashandi biyedu vokunyika, kana kuti hama dzokunyama dzokure nevazivikanwi? MuKristu mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira pana ikoku. Zvakanaka kurangarira kuti nguva yedu inokosha, sezvo tichida nguva yeushumiri hwedu, fundo yomunhu oga, uye zvimwe zvirondwa zvemhuri nezveungano. (VaEfeso 5:15, 16) Pakupera kwevhiki, tine misangano nebasa redu romumunda zvatisingadi kurasikirwa nazvo. (VaHebheru 10:24, 25) Nguva yemichato mizhinji inobonderana nemagungano kana kuti nhamburiko chaidzo dzebasa dzakabatanidzwa neChirairo chaShe. Hatifaniri kuzvibvumidza kutsauswa pakuita nhamburiko dzimwe chetedzo chaidzo idzo hama dzedu kupota nyika dziri kuita kuti dzipinde Chirairo chaShe. Tisati tasvika pakuziva chokwadi, taipedzera nguva zhinji nevanhu vokunyika, zvichida mumamiriro ezvinhu aisakudza Mwari. (1 Petro 4:3, 4) Zvino zvinokosha zvedu zvasiyana. Nguva dzose kunobvira kushuvira vakwanyina vokunyika kupfurikidza nokutumira kadhi kana kuti kushanya kwenguva pfupi pane rimwe zuva. Vamwe vakashandisa nhambo dzakadaro kupa uchapupu, vachigoverana magwaro akati anokodzera vachangobva kuchata.

Muchato une mativi omudzimu anokunda nzira dzokunyika zvirokwazvo uchakudza Jehovha. Kupfurikidza nokuva nechokwadi chokuti vanoramba vakaparadzana nenyika nokudavira mashura kwayo nokunyanyisa, kupfurikidza nokuiita kuti isadzongonyedze mibato yenguva dzose yeubati ushe hwaMwari, uye kupfurikidza nokuratidzira kuva nemwero panzvimbo pokuratidzira, vaKristu vachafarikanya nhambo yacho. Uyezve, vachakwanisa kutarira shure kuchiitiko chacho nehana yakanaka neyeuko dzinoshuviwa. Nokuratidzirwa kweuchenjeri nomufungo, michato yedu yose yechiKristu ngaipe uchapupu kuvacherekedzi vane mwoyo yakatendeseka.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

VaKristu havangotevedzeri tsika iri yose yomunzvimbomo yemuchato

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe