Mwari Ndiye Utiziro Hwangu Nesimba
YAKATAURWA NACHARLOTTE MÜLLER
“Makore ako mapfumbamwe mukudzora kwaHitler anokosha,” akadaro mutongi weChikomonisiti. “Chaizvoizvo wakanga usingadi hondo, asi zvino unorwisana nebasa redu rorugare!”
Akanga achinongedzera kukuiswa kwangu mutorongo kwapakuvamba navaNazi uye kugutsa ruzhinji muGerman Democratic Republic. Handina kutaura pakutanga asi ipapo ndakapindura kuti: “Mukristu haaparapatikiri rugare rwechokwadi munzira imwe cheteyo sezvinoita vamwe vanhu. Ndinongoedza zvangu kutevera murayiro weBhaibheri wokuda Mwari nomuvakidzani wangu. Shoko raMwari rinondibetsera kuchengeta rugare mushoko nomuchiito.”
Pazuva iroro, September 4, 1951, Vakomonisiti vakanditongera makore manomwe mutorongo—mashoma negore rimwe pane izvo hurumende yeNazi yakanga yaita.
Apo isu Zvapupu zvaJehovha takanga tichitambudzwa navaNational Socialist uye naVakomonisiti, ndakawana nyaradzo muPisarema 46:1: “Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri uri pedyo pedyo panguva dzokumanikidzwa.” Jehovha oga akandipa simba rokutsungirira, uye sezvo ndakaita Shoko rake rangu ndimene zvikuru, ndakava akasimba zvikuru.
Kusimbiswa Nokuda Kwenguva Yemberi
Ndakaberekwa muna 1912 muGotha-Siebleben muThuringia, Germany. Kunyange zvazvo vabereki vangu vakanga vari vaPurotesitendi, baba vangu vakanga vachitsvaka chokwadi cheBhaibheri uye hurumende yakarurama. Apo vabereki vangu vakaona “Photo-Drama of Creation,” vakafadzwa.a Baba vakanga vawana zvavakanga vachitsvaka—Umambo hwaMwari.
Baba naMai, pamwe chete nesu vana vatanhatu, takabva muchechi yacho pana March 2, 1923. Takanga tichigara muChemnitz muSaxony, uye imomo takasonganirana neVadzidzi veBhaibheri. (Vatatu vevakoma vangu nehanzvadzi vakava Zvapupu zvaJehovha.)
Pamisangano yeVadzidzi veBhaibheri, Magwaro nezvokwadi dzinokosha zvakarovererwa pandiri, uye izvozvi zvakazadza mwoyo wangu muduku nomufarwa. Kutanga pakanga pane murayiridzo uyo isu pwere dzeChikristu, vaipfuura 50 vedu, taipiwa neSvondo, uye uyo hanzvadzi yangu Käthe neni takagamuchira kwenguva yakati. Boka redu raibatanidza Konrad Franke muduku, uyo akaronga kufamba ndokurovedza kuimba nesu. Gare gare, kubva muna 1955 kusvika kuna 1969, Hama Franke vakabatira somutariri webazu reWatch Tower muGermany.
Ma1920 akanga ari makore ane nyongano, padzimwe nguva kunyange pakati pavanhu vaMwari. Vamwe, vasichagamuchiri Nharireyomurindi se“zvokudya nenguva yakafanira,” vakanga vachirwisana nomubato wokuparidza paimba neimba. (Mateo 24:45) Ikoku kwakatungamirira kukuramba kutenda. Asi zvakanga zviri izvi “zvokudya” zvimene zvakatipa simba rataida zvikuru kwazvo panguva iyoyo. Somuenzaniso, pakanga pane nyaya dzomuNharireyomurindi dzaiti “Vakakomborerwa Vasingatyi” (1919) uye “Ndiani Achakudza Jehovha?” (1926) Ndaida kukudza Jehovha kupfurikidza nomubato woushingi, naizvozvo ndakaparadzira mabhuku aHama Rutherford akawanda namabhukwana.
Muna March 1933, ndakabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Mugore rimwe chetero, basa redu rokuparidza evhangeri rakarambidzwa muGermany. Pakubhabhatidzwa, Zvakazarurwa 2:10 yakagoverwa sezano nokuda kwenguva yemberi: “Usatya izvo zvauchatambudzika nazvo. Tarira, Dhiyabhorosi wodokuisa vamwe venyu mutorongo, kuti muidzwe; muchatambudzika mazuva ane gumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona youpenyu.” Ndakafungisisa iyi ndima, ndisingapanikiri kuti miedzo yakaoma yakanga yakandimirira. Ikoku kwakabvumikisa kuva kwechokwadi.
Nemhaka yokuti takaramba tisingatori rutivi mune zvematongerwe enyika, vanoverengeka vavavakidzani vedu vakatinyumwira. Pashure pesarudzo yezvematongerwe enyika, nhume dzevarwi veNazi dzaiva neyunifomu dzakadanidzira dziri pamberi pemba yedu kuti, “Vatengesi vanogara pano!” Nyaya yaiti “Usavatya,” yakaoneka muchinyorwa cheNharireyomurindi yechiGerman muna December 1933, yakanga iri yekurudziro chaiyo kwandiri. Ndaida kuramba ndiri Chapupu chakatendeka chaJehovha kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma zvikurusa.
Mhinduro Yomuvengi—Torongo
Kwakanga kuchibvira kubudisa Nharireyomurindi pachivande muChemnitz kutozosvikira mumatsutso a1935. Pashure paikoko muchina unodhinda wakanga uchishandiswa wakanga uchifanira kuendeswa kuBeierfeld muOre Mountains, uko wakashandiswa kubudisazve mabhuku kutozosvikira muna August 1936. Käthe neni takaparadzira makopi kuhama aiva nemakero ayo Baba vakatipa. Chinhu chiri chose chakafamba zvakanaka kwenguva yakati. Asi ipapo Gestapo yakasanondiongorora, uye muna August 1936 vakandisunga mumusha mangu ndokundiisa mutorongo, umo ndakamirira kutongwa.
Muna February 1937, hama 25 nehanzvadzi 2—ini ndichibatanidzwa—takamira pamberi pedare chairo muSaxony. Kwakataurwa kuti sangano reZvapupu zvaJehovha rakanga richipandukira. Hama dziya dzakanga dzabudisazve Nharireyomurindi dzakatongerwa makore mashanu mutorongo. Ndakatongerwa makore maviri.
Panzvimbo pokusunungurwa pashure pokunge ndapedza mutongo wangu, ndakasungwa neGestapo. Ndakanga ndichifanira kusaina ziviso yaitaura kuti ndakanga ndisingazovizve anoshingaira seChapupu chaJehovha. Ndakaramba zvakasimba, apo mukuru mukuru akatsamwa, akasimuka nokukurumidza, uye akapa rugwaro rwokuti ndiiswe mutorongo. Rugwaro rwacho rwunoratidzirwa mumufananidzo. Pasina kubvumirwa kuona vabereki vangu, ndakakurumidza kuendeswa kumumwe musasa wavasungwa muduku wavakadzi paLichtenburg parwizi rwaElbe. Nokukurumidza pashure pacho ndakasangana naKäthe. Akanga ave ari mumusasa wavasungwa paMoringen chibviro chaDecember 1936, asi apo musasa wavasungwa iwoyo wakavharwa, iye, pamwe chete nedzimwe hanzvadzi dzakawanda, vakauya kuLichtenburg. Baba vangu vakanga variwo mutorongo, uye handina kuvaona zvakare kutozosvikira muna 1945.
PaLichtenburg
Handina kubvumidzwa kukumbanira zvimwe Zvapupu zvechikadzi pakarepo, sezvazvakanga zviri kurangwa nokuda kwechimwe chinhu. Muimwe yehoro dzacho, ndakacherekedza mapoka maviri avasungwa—vakadzi avo kazhinji kazhinji vaigara pamatafura uye Zvapupu zvaifanira kugara zuva rose pazvituru uye zvaisapiwa chokudya.b
Ndakagamuchira nokudisa mugove webasa upi noupi, ndichikarira kusangana naKäthe nenzira yakati. Uye izvozvo ndizvo chaizvoizvo zvakaitika. Akanga achienda kubasa navamwe vasungwa vaviri apo takasangana. Ndafara zvikuru, ndakamumbundira zvikuru. Asi muchengeti wechikadzi akatimhan’arira pakarepo. Takabvunzwa, uye kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, takachengetwa takaparadzana namaune. Ikoko kwakanga kwakaoma zvikuru.
Zvimwe zviitiko zviviri paLichtenburg hazvikanganwiki. Pane imwe nhambo vasungwa vose vakanga vachifanira kuungana muvazhe kuti vateerere imwe yehurukuro dzaHitler dzezvematongerwe enyika muredhiyo. Isu Zvapupu zvaJehovha takaramba, sezvo mitambo yokuvimbika kunyika yakanga ichibatanidzwa. Naizvozvo vachengeti vakativhurira hosipaipi dzemvura inodzima moto, vachitidira nemvura ine simba yaibva mupombi uye vachititandanisa isu vakadzi vasingagoni kuzvidzivirira kubva pauriri hwechina kusvikira kuvazhe. Ikoko takanga tichifanira kumira, tanyorova.
Pane imwe nhambo ini, pamwe chete naGertrud Oehme naGertel Bürlen, takarayirwa kuti tishongedze dzimbahwe romukuru nemwenje, sezvo zuva rokuzvarwa kwaHitler rakanga riri kusvika. Takaramba, tichiziva unyanzvi hwaSatani hwokuedza kutipinza mukuputsa kutenda kwedu kupfurikidza nokubvumirana pane zvisina kufanira muzvinhu zviduku. Sechirango, mumwe nomumwe wedu hanzvadzi duku akanga achifanira kupedzera mavhiki matatu anotevera ari oga muchitokisi chiduku, chine rima. Asi Jehovha akaramba ari pedyo nesu uye, kunyange munzvimbo inotyisa yakadaro, akazvibvumikisa kuva utiziro.
MuRavensbrück
Muna May 1939 vasungwa vaiva paLichtenburg vakatamisirwa kumusasa wavasungwa wokuRavensbrück. Ikoko ndakagoverwa kunowachwa zvinhu, pamwe chete nedzimwe hanzvadzi dzaiva Zvapupu dzinoverengeka. Nokukurumidza pashure pokutanga kwehondo, takanga tichifanira kunotora mureza weswastika, zvatakaramba kuita. Somugumisiro, vaviri vedu, Mielchen Ernst neni, takaiswa mumudhadhadha wokurangira. Ichocho chakanga chiri chimwe chezvimiro zvakakomba zvikurusa zvechirango uye chakareva kuti takanga tichifanira kuita basa rakaoma zuva riri rose, kunyange paSvondo, api kana api angava mamiriro ekunze. Kazhinji kazhinji, mutongo wakakurisa wakanga uri mwedzi mitatu, asi takagaramo kwegore rimwe. Pasina betsero yaJehovha, ndingadai ndisina kutongopukunyuka.
Muna 1942, mamiriro ezvinhu nokuda kwedu vasungwa akati rerukei zvishoma, uye ndakagoverwa kuti ndishande somuchengeti wemba nokuda kwemhuri yeSS yakanga isiri kure nekamba. Mhuri yacho yaindibvumira mwero wakati worusununguko. Somuenzaniso, kamwe apo ndakanga ndichifamba navana, ndakasangana naJosef Rehwald naGottfried Mehlhorn, vasungwa vaviri vaiva nemapurple triangle, vandakakwanisa kutsinhana navo mashoko akati ekurudziro.c
Makore Akaoma Apashure Pehondo
Apo muna 1945 mauto akabatanidzwa akaswedera pedyo, mhuri yandaishandira yakatiza, uye ndakanga ndichifanira kuenda navo. Pamwe chete nedzimwe mhuri dzeSS, vakaumba boka guru raifamba richienda kumavirazuva.
Mazuva mashomanene okupedzisira ehondo akanga ari okuvhiringidzika uye akazadzwa nengozi. Pakupedzisira, takasangana navamwe varwi vokuAmerica avo vakandibvumira kunyoresa mutaundi raitevera somunhu akasununguka. Ndivanaani vandakasangana navo ikoko? Josef Rehwald naGottfried Mehlhorn. Vakanga vaziva kuti Zvapupu zvose zvakabva mumusasa wavasungwa muSachsenhausen zvakanga zvasvika Schwerin pashure pokufamba kunourayisa kune ngozi. Naizvozvo vatatu vedu takatanga kuenda kutaundi iroro, iro rakanga riri kure neanenge makiromita 75. Wakanga uri mufaro wakadini muSchwerin kusangana nehama dzose idzodzo dzakatendeka, vapukunyuki vemisasa yavasungwa, kubatanidza Konrad Franke.
Pakasvika December 1945 mamiriro ezvinhu munyika macho akanga anaka kusvika kumwero wokuti ndaikwanisa kufamba nechitima. Naizvozvo ndakanga ndichienda kumusha! Zvisinei, rwendo rwacho rwaibatanidza nguva yaipedzwa takarara padenga retiroko uye takamira munofambwa namo. MuChemnitz, ndakatanga kufamba kubva pachiteshi chechitima kusvikira kunzvimbo uko takanga tagara semhuri. Asi mumugwagwa apo mauto eNazi akanga amira pakuvamba ndokudanidzira kuti, “Vatengesi vanogara pano!” hapana kana imba imwe yakanga yapukunyuka. Nzvimbo yose yokugara yakanga yaparadzwa chose chose. Kukunyaradzwa kwangu, kunyange zvakadaro, ndakawana Mai, Baba, Käthe, uye hanzvadzi dzangu navanin’ina vachiri vapenyu.
Mamiriro ezvinhu ezvemari muGermany yapashure pehondo akanga akaipa kwazvo. Kunyange zvakadaro, ungano dzavanhu vaMwari dzakavamba kuwedzera muGermany mose. Watch Tower Society yakaita nhamburiko iri yose mukuedza kutishongedza nokuda kwomubato wokuparidza. Basa paBheteri muMagdeburg, iyo vaNazi vakanga vavhara, rakatangwazve. Muchirimo cha1946, ndakakokwa kushanda ikoko uye ndakagoverwa kukicheni.
Kurambidzwa Zvakare uye Kuva Mutorongo
Magdeburg iri murutivi rwuya rweGermany urwo rwakasvika pakudzorwa naVakomonisiti. Vakarambidza basa redu pana August 31, 1950, uye vakavhara Bheteri yeMagdeburg. Nokudaro basa rangu paBheteri rakaguma, iro rakanga rave riri nguva yerovedzo inokosha. Ndakadzokera kuChemnitz, ndakatsunga kunyange mukudzora kwaVakomonisiti kuramba ndakabatisisa chokwadi uye kuzivisa Umambo hwaMwari setariro bedzi yorudzi rwomunhu rwunotambudzwa.
Muna April 1951, ndakaenda neimwe hama kuBerlin kunotora makopi eNharireyomurindi. Apo takadzoka, takashamiswa nokuwana chiteshi chechitima muChemnitz chakapoteredzwa nemapurisa akapfeka hembewo zvadzo. Vakanga vachitikarira sezviri pachena, uye takasungwa pakarepo.
Pakusvika mutorongo ndisati ndatongwa, ndakanga ndakatakura magwaro aibvumikisa kuti ndakanga ndapinzwa mutorongo kwamakore anoverengeka navaNazi. Somugumisiro, vachengeti vakandiremekedza. Mumwe wavakuru vevachengeti wechikadzi akati: “Imi Zvapupu zvaJehovha hamusi matsotsi; hamusati muri vomutorongo.”
Imwe nguva akapinda muchitokisi mangu, umo ndakanga ndiri nedzimwe hanzvadzi mbiri, uye pachivande akaisa chimwe chinhu pasi pomumwe wemibhedha. Chakanga chiri chii? Bhaibheri rake amene, raakaita kuti tive naro. Pane imwe nhambo, akashanyira vabereki vangu kumusha, sezvo vakanga vasingagari kure netorongo. Akawana makopi eNharireyomurindi nezvokudya, akazviviga zvose, uye akaverevedzera chinhu chiri chose muchitokisi mangu.
Pane chimwe chinhuzve chandinoda kuyeuka. Pane dzimwe nguva pamangwanani eSvondo, taiimba nziyo dzedu dzoubati ushe hwaMwari zvainzwika kwazvo zvokuti vamwe vasungwa vaiomberera rwiyo rwumwe norwumwe nomufarwa.
Simba Nebetsero Zvinobva Kuna Jehovha
Mukati mokutonga kwedare pana September 4, 1951, mutongi akaita tsinhiro yadudzwa pakuvamba kwenyaya ino. Ndakabatira mutongo wangu womutorongo muWaldheim, ipapo muHalle, uye pakupedzisira muHoheneck. Chiitiko chimwe kana kuti zviviri zvipfupi zvicharatidza kuti Mwari akanga ari utiziro sei uye simba kwatiri Zvapupu zvaJehovha uye nzira iyo Shoko rake rakatisimbisa nayo.
Kutorongo kuWaldheim, hanzvadzi dzose dzaiva Zvapupu dzaiungana pamwe chete nguva dzose muhoro imwe, zvokuti takakwanisa kuva nemisangano yeChikristu. Penzura nepepa zvakanga zvisingabvumirwi, asi dzimwe hanzvadzi dzakawana micheka ndokukwanisa kuita mureza muduku wakanga une rugwaro rwegore rwa1953, urwo rwakanga rwuri: “Namatai Jehovha makapfeka nguo tsvene.”—Pisarema 29:2, American Standard Version.
Mumwe wavachengeti vechikadzi akatiwanikidza ndokutimhan’arira pasina kunonoka. Mukuru wetorongo akauya ndokuudza vaviri vedu hanzvadzi kuti vasimudze mureza wacho. “Ndiani akauita?” akarayira kudaro. “Unorevei?”
Imwe yehanzvadzi yakanga ichida kureurura kuti ine mhaka, asi takakurumidza kuzevezerana, tichibvuma kuti mutoro unofanira kugoveranwa nesu tose. Naizvozvo takapindura kuti: “Takauita kuti tisimbise kutenda kwedu.” Mureza wacho wakatorwa, uye takanyimwa zvokudya sechirango. Asi mukati mekurukurirano yose, hanzvadzi dzacho dzakausimudza kuti tigogona kuroverera mundangariro medu rugwaro rwunokurudzira.
Apo torongo yavakadzi muWaldheim yakavharwa, isu hanzvadzi takatamisirwa kuHalle. Kuno taibvumirwa kugamuchira mapasuru, uye chii chakasonwa kuva masiripasi ayo baba vangu vakanditumira? Nyaya dzeNharireyomurindi! Ndichiri kugona kuyeuka idzo dzaiva nomusoro waiti “Rudo Rwechokwadi Rwunoshanda” uye “Nhema Dzinotungamirira Kukurasikirwa Noupenyu.” Idzi nedzimwe nyaya dzakanga dziri zvokudya zvakaisvonaka, uye apo takadzipfuudzira pachivande kune mumwe nomumwe, mumwe nomumwe aizviitira zvinonyorwa.
Mukati mokudenhwa, mumwe wavachengeti akawana zvinyorwa zvangu zvomunhu oga zvakavigwa mumatiresi yangu yetsanga. Gare gare, akandidana nokuda kwokubvunzurudza uye akataura kuti chaizvoizvo akanga achida kuziva revo yenyaya yaiti “Kariro Dzavatyi vaJehovha Nokuda kwa1955.” Iye, Mukomonisiti, akanga ave achiitira hanya zvikuru kufa kwomutungamiriri wake, Stalin, muna 1953, uye nguva yemberi yairatidzika kuva isina kujeka. Kana tirisu, nguva yemberi yaizounza kunaka kwakati mumagariro edu mutorongo, asi ndakanga ndisati ndava kuziva nezvaikoko. Ndakatsanangura nenzira ine chivimbo kuti kariro dzeZvapupu zvaJehovha dzakanga dzakanakisisa. Nei? Ndakanokora mashoko musoro worugwaro rwenyaya yacho, Pisarema 112:7: “Haasati achizotya mashoko ezvakaipa: mwoyo wake wakasimba, uchivimba naJehovha.”—AS.
Jehovha Anoramba Ari Utiziro Hwangu Nesimba
Pashure pokurwara kwakakomba, ndakakurumidza kusunungurwa mutorongo nemakore maviri, muna March 1957. Vakuru vakuru veEast Germany vakaisa zvakare dzvinyiriro pandiri nemhaka yemibato yangu mubasa raJehovha. Nokudaro, pana May 6, 1957, ndakashandisa mukana wokutizira kuWest Berlin, uye kubva ikoko ndakaenda kuWest Germany.
Akanga ari makore anoverengeka ndisati ndanaya muutano hwangu hwomuviri. Asi kusvikira kuzuva rino ndichine chishuvo chikuru chomudzimu uye ndinokarira kopi itsva imwe neimwe yeNharireyomurindi. Nguva nenguva, ndinozvinzvera. Ndichiri kurangarira zvomudzimu here? Ndakasakurira mavara akaisvonaka here? Vara rakaedzwa rokutenda kwangu chisakiso chokurumbidza ndokukudza Jehovha here? Ivavariro yangu kufadza Mwari muzvinhu zvose, kuitira kuti agoramba ari utiziro hwangu nesimba nokusingaperi.
[Mashoko Omuzasi]
a “Photo-Drama” yakanga ine masiraidhi nemifananidzo inofamba uye, kutanga muna 1914, yakaratidzwa zvakafara navamiriri veWatch Tower Bible and Tract Society.
b Magazini inonzi Trost (Consolation), yaibudiswa neWatch Tower Society muBern, Switzerland, pana May 1, 1940, peji 10, yakashuma kuti pane imwe nhambo Zvapupu zvaJehovha zvechikadzi muLichtenburg hazvina kugamuchira zvokudya zvamasikati kwamazuva 14 nemhaka yokuti zvakaramba kuita chiratidzo chokuremekedza apo nziyo dzeNazi dzairidzwa. Makanga mune Zvapupu zvaJehovha 300 imomo.
c Mushumo pamusoro paJosef Rehwald wakabuda muMukai! yaFebruary 8, 1993, mapeji 20-3.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Hofisi yeSS paRavensbrück
[Kwazvakatorwa]
Pamusoro: Stiftung Brandenburgische Gedenkstätten
[Mufananidzo uri papeji 26]
Rugwaro rwangu rwokubuda kuti ndinoshanda kunze kwomusasa