Mufaro Wakadini Kugara Patafura yaJehovha!
Yakataurwa naErnst Wauer
Nhasi kuri nyore zvikuru kuti ndipinde misangano yeZvapupu zvaJehovha, kufunda Bhaibheri, uye kuparidzira mashoko akanaka oUmambo. Zvisinei, ikoko kwave kusati kwakadaro nguva dzose muno muGermany. Apo Adolf Hitler akanga ari mudzvinyiriri, kuvambira muna 1933 kusvikira kuna 1945, kutora rutivi mumibato yakadaro yechiKristu kwakabatanidza kupinza mungozi upenyu hwomunhu.
GORE rapamberi pokutonga kwaHitler, apo ndaiva namakore 30 okukura, ndakatanga kusangana neZvapupu zvaJehovha muDresden. Muna January 1935, ndakazvitsaurira ndimene kuna Jehovha ndokutaura chishuvo changu chokubhapatidzwa. Basa redu rakanga ratorambidzwa muna 1933, naizvozvo ndakabvunzwa, kuti: “Unoziva here chinoreva chisarudzo chako? Uri kuisa mhuri yako, utano, basa, rusununguko, uye kunyange upenyu hwako mungozi!”
“Ndakaverenga ndyiko, uye ndinodisa kuita kuda kwaMwari nokukufira,” ndakapindura kudaro.
Kunyange pamberi porubhapatidzo rwangu, ndakanga ndatanga kuparidzira paimba neimba. Parimwe suo, ndakasangana nomutungamiriri wepwere akapfeka yunifomu weSS (Blackshirts/Elite Guard vaHitler), uyo akadanidzira, kuti: “Hauzivi here kuti ikoku kunorambidzwa? Ndichadana mapurisa!”
“Pfuurira. Ndiri kungotaura bedzi pamusoro peBhaibheri, uye hakuna mutemo unorambidza ikoko,” ndakapindura kudaro nenzira yakaterama. Ipapo ndakaenda kusuo rinotevera uye ndakakurumidza kunzi pindai nomurume ane ushamwari. Hapana chinhu chakaitika kwandiri.
Nokukurumidza ndakaronzeswa kutarisira boka refundo reZvapupu zvinovambira pavashanu kusvikira kuvanomwe avo vaisangana vhiki nevhiki. Taifunda zvinyorwa zveNharireyomurindi zvakanga zvaverevedzwa zvichipinda muGermany zvichibva kunyika dziri pedyo. Naizvozvo, pasinei zvapo nerambidzo, taigara nguva dzose pa“tafura yaJehovha” kuti tisimbiswe mumudzimu.—1 VaKorinte 10:21.
Kutambura Miedzo
Muna 1936, J. F. Rutherford, purezidhendi weWatch Tower Society, akashanyira gungano muLucerne, Switzerland, uye akakoka hama dzakanga dzine nzvimbo dzetarisiro youbati ushe hwaMwari muGermany kuti dzivepo. Sezvo mapasipoti edzakawanda dzehama akanga abvutwa uye chiverengero chakati chehama chakanga chichisanorindwa namapurisa, vashomanene bedzi vakagona kupinda. Hama yaitarisira basa muDresden yakandikumbira kuimirira muLucerne.
“Asi handisi muduku zvikuru naasina ruzivo rwokuzviwanira here?” ndakabvunza kudaro.
“Chinokosha zvino,” iye akandivimbisa kudaro, “kuva akatendeka. Ndicho chinhu chikuru.”
Nokukurumidza pashure pokudzokera ndichibva kuLucerne, ndakasungwa uye kamwe kamwe ndakabviswa kumudzimai wangu, Eva, uye vana vedu vaduku vaviri. Ndichienda kudzimbahwe ramapurisa muDresden, ndakaedza zvakaoma zvikuru kuyeuka rugwaro rwokunditungamirira. Zvirevo 3:5, 6 yakauya kundangariro: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” Kuyeuka rugwaro urwu kwakandisimbisa nokuda kwebvunzurudzo yokutanga. Pashure ndakapfigirwa muchitokisi chakamanikana, uye kwenguva yakati ndakava nokunzwa kwokupererwa nezano kwokusiiwa. Asi munyengetero wakasimba kuna Jehovha wakandizadza norugare.
Dare rakanditongera kutorongo kwemwedzi 27. Ndakachengetwa ndiri mandaigara ndiri ndoga kwegore rimwe kutorongo muBautzen. Pane imwe nguva, mutongi anotonga akarega basa—iye akanga achitsiva mumwe munhuwo zvake—akazarura suo rechitokisi changu ndokutaura nenzira yokunzwira tsitsi, kuti: “Ndinoziva kuti hausati uchibvumirwa kurava chinhu chipi nechipi, asi zvimwe unoda chimwe chinhu chokuzorodza ndangariro yako kuti urege kufunga pamusoro pomugariro wako.” Naikoko iye akapfuudza nenzira yechivande kwandiri magazini emhuri ekare mashomanene ndokuti: “Ndichaatora usiku.”
Zvomenemene ndakanga ndisingadi chinhu chipi nechipi ‘chokuzorodza ndangariro yangu kuti irege kufunga pamusoro pomugariro wangu.’ Ndiri mandaigara ndiri ndoga, ndakayeuka magwaro eBhaibheri nomusoro ndokutanga mharidzo ndokudzikurukura zvinonzwika. Asi ndakanzvera magazini acho kuti ndione kana aiva naMagwaro api naapi—uye ndakawana anoverengeka! Rumwe rwakanga rwuri VaFiripi 1:6, urwo runorava murutivi, kuti: “Ndichiziva . . . kuti iye wakatanga basa rakanaka mukati menyu, ucharipedzisa.” Ndakaonga Jehovha nokuda kweiyi kurudziro.
Gare gare ndakachinjirwa kumusasa wechibharo. Ipapo, muchirimo cha 1939, apo kupfigirwa kwangu kwakanga kwodokuguma, mutarisiri womusasa akabvunza kana mirangariro yangu yakanga yachinja. “Ndinoronga kuramba ndakavimbika kukutenda kwangu” ndiyo yakanga iri mhinduro yangu. Iye ipapo akandizivisa kuti ndaizochinjirwa kumusasa wechibharo weSachsenhausen.
Ikoko ndakapa zvipfeko zvangu zvomunhu oga, ndakageza neshawa, ndakaveurwa vhudzi romuviri wose, uye ndakapiwa zvipfeko zvetorongo. Ipapo ndakaiswa pasi peshawa zvakare, nguva ino ndakapfeka zvizere—muitiro uyo SS yaiti “rubhapatidzo.” Pashure ndakamanikidzirwa kumira panze, ndatota chose chose, kutozosvikira madekwana.
Mumisasa Zvapupu zvaJehovha zvaiitirwa utsinye chaihwo neSS. Panhambo dzakawanda taifanira kumira panhandare yokufora kwamaawa airatidzika kuva asingagumi. Pane dzimwe nguva mumwe wedu aigomera, kuti: “Kwaisazova kwakaisvonaka here kuva nezvokudya zvakanaka chaizvoizvo?” Mumwe aipindura, kuti: “Rega kuisa ndangariro yako pazvinhu zvakadaro. Ingofunga zvako kuti rukudzo rwakadini kutsigira zita raJehovha noUmambo hwake.” Uye mumwe munhuwo zvake aiwedzera, kuti: “Jehovha achatisimbisa!” Neiyi nzira takakurudzirana. Pane dzimwe nguva kungogutsurwa chete kwoushamwari kwomusoro kwakanga kwakakwana kuti: “Ndinoda kuva akavimbika; iwe idawo!”
Zvokudya Zvomudzimu Mumusasa
Vakati kuti vaitungamirira mukudyisa hama mumudzimu, uye ndakasarudzwa kuvabatsira. Bhaibheri rakakora raLuther ndiro bedzi taiva naro. Kuva naro, chokwadika, kwakanga kuchirambidzwa. Naizvozvo iyi pfuma yaivanzwa, uye muboka rimwe nerimwe rezvitokisi hama imwe bedzi yakasarudzwa yaigona kuriwana kwenguva pfupi. Apo rakanga riri dzoro rangu, ndaipinda pasi pomubhedha ndine tochi ndokurava kwamaminiti anenge 15. Ndaidzidza nomusoro magwaro ayo ndaigona gare gare kukurukura nehama muboka redu rechitokisi. Nokudaro, paradzirwo yezvokudya zvomudzimu yakarongwa kusvikira patambanuko yakati.
Hama dzose dzaikurudzirwa kukumbira Jehovha mumunyengetero nokuda kwezvimwe zvokudya zvomudzimu, uye iye ainzwa zvikumbiro zvedu. Munguva yechando ya 1939/40 hama yakanga ichangobva kupinzwa mutorongo yakakwanisa kuverevedza zvinyorwa zvitsva zvishomanene zveNharireyomurindi mumusasa mukati megumbo rayo romuti. Ikoku kwakaratidzika kuva nenji, sezvo vanhu vose vainzverwa nokungwarira.
Aya magazini, nokuda kwezvikonzero zvechengeteko, aiitwa kuti awanike kuhama dzakasarudzwa kwezuva rimwe panguva. Pane imwe nguva, apo garaji rakanga richivakwa, ndakavhukumara mugomba ndokurava apo imwe hama yakaramba yakarinda kunze. Pane imwe nhambo ndakaisa Nharireyomurindi pamadya angu mukati me“awa [yedu] yokusona” (mumadekwana taigara muzvivako zvedu tichigadzira magirovhosi nezvimwe zvinhu), apo hama dzaigara parutivi rumwe norumwe savarindiri. Apo murindiri weSS akasvika, ndakabvisa Nharireyomurindi nokukurumidza. Kubatwa kungadai kwakareva upenyu hwangu!
Jehovha akatibetsera munzira inoshamisa kuisa muyeuko mifungo inosimbisa yaiva munyaya. Kungoneta chete kazhinji kazhinji kwaindiita kuti ndirare zvikuru usiku. Asi pausiku hwapashure pokunge ndarava Nharireyomurindi, ndaimuka kanoverengeka ndokuyeuka mifungo zvakajeka zvikuru. Hama dzakasarudzwa dzaiva mumamwe mapoka ezvitokisi dzaiva nezvinoitika zvakafanana. Nokudaro Jehovha airodza yeuko yedu kuti tigogona kuparadzira zvokudya zvomudzimu. Taiita ikoku kupfurikidza nokusvika hama imwe neimwe somunhu oga ndokuisimbisa.
Kutendeka Kusvikira Parufu
Pana September 15, 1939, boka redu rebasa raifanira kufora richidzokera kumusasa nokukurumidza zvikuru kupfuura nguva dzose. Chii chakanga chiri nhambo yacho? August Dickmann, imwe yehama dzedu duku, aizourawa pachena. VaNazi vaiva nechivimbo chokuti ikoku kwaizopwisa chiverengero chikuru cheZvapupu kuramba kutenda kwazvo. Pashure pokuuraya, vamwe vasungwa vose vakaendeswa. Asi isu Zvapupu zvaJehovha takatinhwa tichidzoka nokuenda panhandare yokufora, takabanhwa nokurohwa nemiti kutozosvikira tisisachagonizve kufamba. Takarairwa kusaina ziviso yokuramba kutenda kwedu; tikasadaro, taizopfurwawo.
Pakasvika zuva raitevera, hakuna munhu akanga asaina. Kutaura idi, musungwa mutsva, uyo akanga asaina pakusvika, zvino akaramba siginicha yake. Iye akada zvake kufa nehama dzake panzvimbo pokubva mumusasa somutengesi. Mumwedzi yakatevera, takarangwa nebasa rakaoma, kubatwa zvisina kufanira kunopfuurira, uye kunyimwa zvokudya. Vanopfuura zana vehama dzedu vakafa mukati menguva yechando yakakomba ya 1939/40. Ivo vakachengeta perero yavo kuna Jehovha noUmambo hwake kusvikira pamugumo pamene.
Ipapo Jehovha akagovera sununguko yakati. Hama dzakawanda dzakaendeswa kudzimwe nzvimbo kuzoshanda mumisasa yakanga ichangobva kutangwa, uko dzakagamuchira zvokudya zvakawanda. Uyezve, kushusha kwakati dererei. Muchirimo cha 1940, ndakatamisirwa kumusasa wechibharo weNeuengamme.
Gadziriro Dzomudzimu muNeuengamme
Apo ndakasvika, kwakanga kune boka reZvapupu 20, risina Bhaibheri kana kuti zvimwe zvinyorwa. Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti agondibetsera kushandisa zvinhu zvandakanga ndadzidza muSachsenhausen kusimbisa hama muNeuengamme. Senhano yokutanga, ndakayeuka magwaro ndokuasarudza samagwaro ezuva nezuva. Ipapo gadziriro dzakaitwa dzemisangano umo ndaigona kutsanangura mifungo inobva munyaya dzeNharireyomurindi dzandakanga ndarava muSachsenhausen. Apo hama itsva dzaisvika, dzaishuma zvinhu izvo dzakanga dzadzidza muNhariredzomurindi dzemisi ichangobva kupfuura.
Pakasvika 1943 chiverengero cheZvapupu zvaJehovha muNeuengamme chakanga chakwira kusvika ku 70. Zvapupu zvaJehovha zvakasvika pakuva zvinodiwa kuita basa kunze kwomusasa, zvakadai sokuchenesa pashure pokudenha kwomumhepo. Somuuyo, taikwanisa kupinza maBhaibheri, makopi eNharireyomurindi, uye mamwe amabhuku eSosaiti namabhurocha pachivande mumusasa. Taigamuchirawo mapasuro nepositi, aiva namabhuku okuwedzera pamwe chete newaini tsvuku nechingwa chisina kuviriswa zveChirangaridzo chegore negore. Jehovha sezviri pachena aipofumadza avo vainzvera pasuro dzacho.
Sezvatakanga takapararira pakati pezvivako zvavarwi zvakasiana-siana, takaumba mapoka manomwe eFundo yeNharireyomurindi, rimwe nerimwe rine muitisi nomutsivi. Makopi eNharireyomurindi aiitwa pachivande muhofisi yomutarisiri mumusasa, umo ndakashanda kwechinguvana. Naizvozvo, boka rimwe nerimwe refundo raigamuchira chinenge zvacho chinyorwa chimwe chakakwana chefundo yavo yevhiki nevhiki. Hakuna musangano mumwe wakaregwa. Mukuwedzera, mangwanani mamwe namamwe panhandare yokufora, mapoka aiwana kopi yorugwaro rwezuva nezuva, kubatanidza tsinhiro dzinotorwa muNharireyomurindi.
Apo bedzi maSS aiva nezororo, naizvozvo taikwanisa kuva nekokorodzano yehafu yezuva nokukurukura nzira yokuparidzira nayo mumusasa. Takakamuranisa musasa kuva ndima ndokuedza nenzira ine nhevedzano kusvika vasungwa na“mashoko akanaka oumambo.” (Mateo 24:14, NW) Sezvo vasungwa vaibva kunyika dzakasiana-siana, takaita makadhi echipupuriro emitauro yakasiana-siana ayo aitsanangura basa redu noUmambo. Taiparidzira nokushingaira kwazvo zvokuti vasungwa vezvamatongerwe enyika vainyunyuta, kuti: “Kwose kwaunoenda, zvose zvaunonzwa kutaura pamusoro paJehovha!” Mushumo webasa romumunda womubato wedu wakatosvika kunyange kuhofisi yebazu muBern, Switzerland.
Zvose zvakafamba zvakanaka kutozosvikira Gestapo yaita nzvero yemisasa yose yechibharo muna 1944. Nzvimbo yedu yokuchengetera mabhuku muNeuengamme haina kuwanwa, asi zvinhu zvishomanene zvakawanwa zvina Karl Schwarzer neni. Kwamazuva matatu takabvunzurudzwa nokurohwa. Apo muedzo wacho wakaguma, tose tiri vaviri takanga tafukidzwa namavanga. Zvisinei, nebetsero yaJehovha, takapukunyuka.
Zvikomborero Zvomudzimu Zvakawanda
Ndakasunungurwa namauto oMubatanidzwa muna May 1945. Zuva rapashure pokusunungurwa, ndakavamba kufamba pamwe chete neboka duku rehama navanhu vanofarira. Taneta, takagara pasi patsime mumusha wokutanga watakasvika ndokunwa mvura. Ndanzwa ndazorodzwa, ndakaenda paimba neimba Bhaibheri riri pasi poruoko rwangu. Mumwe mukadzi muduku akaororwa chose nokuziva kuti isu Zvapupu zvaJehovha takanga tava tiri mumisasa yechibharo nokuda kwokutenda kwedu. Iye akanyangarika ndokupinda mukichini yake, achidzokera nomukaka usina kukora namasamujisi zveboka redu.
Pashure pezvo, tichakapfeka zvipfeko zvedu zvomumusasa, takazivisa shoko roUmambo mumusha iwoyo wose. Mumwe mugari womumusha akatikoka nokuda kwezvokudya zvakawanda. Iye akatipa zvinhu zvatakanga tashaya kwamakore. Chiono chinorwedzesa mate zvakadini! Bva, hatina kungodya chete zvokudya zvacho. Takanyengetera ndokudya nomutoo wakaterama, wetsika dzakanaka. Ikoku kwakaorora vaoni zvikuru kwazvo zvokuti apo takavamba musangano pashure, vakateerera hurukuro yeBhaibheri. Mumwe mukadzi akagamuchira shoko racho uye nhasi ihanzvadzi yedu yomudzimu.
Takapfuurira kufamba ndokuwana tarisiro yaJehovha munzira dzinoshamisa. Kwave kuri kunzwa kwakaisvonaka zvakadini kupfuurira kufarikanya, zvino murusununguko, zvokudya zvose zvomudzimu zvinobudiswa nesangano raJehovha nokuzvigoverana navamwe! Mumakore akatevera, chivimbo chedu chakakwana muna Jehovha chakatuswa chatuswazve.
Kuvambira muna 1945 kusvikira kuna 1950, ndakava neropafadzo yokubatira muBheteri yeMagdeburg uye ipapo, kutozosvikira muna 1955, muhofisi yeWatch Tower Society muBerlin. Pashure, ndakabatira somutariri anofambira kutozosvikira 1963, apo mudzimai wangu, Hilde, akazivisa kuti akanga achikarira mwana. (Eva, mudzimai wangu wokutanga, akanga afa mukati mokuchengetedzwa kwangu, uye ndakaroora zvakare muna 1958.) Mwanasikana wedu gare gare akava Chapupu chinoshingaira.
Zvakadiniko nezvavana vomuroorano yangu yokutanga? Nenzira isingafadzi, mwanakomana wangu haana kuratidza fariro muzvokwadi. Asi mwanasikana wangu Gisela akadaro, uye iye akapinda chikoro chavafundisi cheGilead muna 1953. Iye zvino anobatira, pamwe chete nomurume wake, paimwe yeHoro dzeGungano muGermany. Nebetsero yaJehovha, ndakakwanisa kugara mubasa roupiona hwenguva dzose chifo cha 1963 nokubatira uko betsero yakanga ichidikanwa, kutanga muFrankfurt uye ipapo muTübingen.
Kusvikira kuzuva rino ndinopfuurira kufarikanya gadziriro dzose dzinoitwa nesangano raJehovha nokuda kwemhuri yake yokutenda. (1 Timotio 3:15) Mazuva ano, kuri nyore kwazvo kuwana zvokudya zvomudzimu, asi tinozvionga nguva dzose here? Ndine chivimbo chokuti Jehovha ane zvikomborero zvakawanda zvakachengeterwa avo vanovimba naye, vanoramba vakavimbika, uye vanodya patafura yake.
[Mufananidzo uri papeji 26, 27]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
MUSASA WECHIBHARO WESACHSENHAUSEN
A. Dzimba dzeSS
B. Ruvazhe rwokushevedzerwa mazita
C. Chivako chechitokisi
D. Kuparadzaniswa
E. Chiteshi chokubvisira inda
F. Nzvimbo yokuuraira
G. Nzvimbo yegasi
[Mufananidzo waErnst naHilde Wauer uri papeji 25]