Epafrasi—“Mushumiri Wakatendeka waKristu”
NDIANI akavamba ungano dzeChikristu muKorinte, Efeso, uye Firipi? Zvichida ungasazengurira kupindura kuti: ‘Pauro, “muapostora wavahedheni.”’ (VaRoma 11:13) Ungava wakarurama.
Zvisinei hazvo, ndiani akatanga ungano muKorose, Hirapori, uye Raodhikia? Kunyange zvazvo tisingagoni kuva nechokwadi, angava akanga ari murume anonzi Epafrasi. Zvisinei, zvichida ungada kuziva chimwezve chinhu pamusoro pouyu muevhangeri, sezvo achinzi “mushumiri wakatendeka waKristu.”—VaKorose 1:7.
Muevhangeri weMupata weLycus
Zita rokuti Epafrasi kudimurirwa kwaEpafrodhito. Asi Epafrasi haafaniri kuvhiringidzwa naEpafrodhito wekuFiripi. Epafrasi aibva kuKorose, imwe yenzvimbo nhatu dzeungano dzeChikristu mumupata weRwizi rwaLycus, muAsia Minor. Korose rakanga riri makiromita 18 chete kubva kuRaodhikia uye makiromita 19 kubva Hirapori, munharaunda yakare yeFrigia.
Bhaibheri haritauri zvakajeka masvikire akaita mashoko akanaka eUmambo hwaMwari muFrigia. Zvisinei, vaFrigia vakanga vari muJerusarema pazuva rePentekosta muna 33 C.E., zvichida vamwe vavo vachibva kuKorose. (Mabasa 2:1, 5, 10) Mukati meushumiri hwaPauro hweEfeso (munenge muna 52-55 C.E.), uchapupu hwakapiwa munharaunda iyoyo hwakanga hwakasimba kwazvo uye huchibudirira zvokuti havasi vaEfeso bedzi asi “vose vakanga vagere paAsia vakanzwa shoko raShe, vaJudha navaGiriki.” (Mabasa 19:10) Kungaratidzika kuti Pauro akanga asati aparidza mashoko akanaka muMupata wose weLycus, sezvo vakawanda vakava Vakristu munharaunda iyoyo vakanga vasina kumbomuona.—VaKorose 2:1.
Maererano naPauro, uyo akadzidzisa vaKorose pamusoro pe“nyasha dzaMwari muzvokwadi” akanga ari Epafrasi. Idi rokuti Pauro anodana uyu mushandi biyake kuti “mushumiri wakatendeka waKristu nokuda kwenyu” rinoratidza kuti Epafrasi akanga ari muevhangeri anoshingaira munharaunda yacho.—VaKorose 1:6, 7.
Vose vari vaviri muapostora Pauro nomuevhangeri Epafrasi vakanga vachiitira hanya zvikuru garikano yemudzimu yevatendi biyavo muMupata weLycus. Se“muapostora wavahedheni,” Pauro anofanira kuva akafara kugamuchira mashoko efambiro mberi yavo. Akanga asiri mumwe kunze kwaEpafrasi uyo Pauro akanzwa naye pamusoro pemugariro wemudzimu wevaKorose.—VaKorose 1:4, 8.
Mushumo waEpafrasi
VaKorose vakasangana nezvinetso zvakakomba zvakakwana kukurudzira Epafrasi kuita rwendo rurefu kuRoma nedonzo rakananga rokukurukura idzi nhau naPauro. Mushumo une udzame wakaitwa naEpafrasi sezviri pachena ndiwo wakasunda Pauro kunyora tsamba mbiri kuhama idzodzo nezvisizvo dzakanga dzisingazivikanwi naye. Imwe yakanga iri tsamba kuvaKorose. Imwe tsamba yacho, iyo sezviri pachena isina kuchengetwa, yakatumirwa kuvaRaodhikia. (VaKorose 4:16) Kune mufungo kurangarira kuti zvakanga zviri mutsamba idzodzo zvakanga zviine chinangwa chokupindura zvinodikanwa zveVakristu ivavo sezvakaonwa naEpafrasi. Ndizvinodikanwai zvaakaona? Uye izvozvi zvinotiudzei pamusoro peunhu hwake?
Tsamba yekuvaKorose inoratidzika kuva inoratidzira kuti Epafrasi akanga achinetseka kuti Vakristu muKorose vakanga vapinzwa mungozi neuzivi hwechihedheni hwaibatanidza kuzvinyima, kushandisa midzimu, uye kudavira mashura kwekunamata zvidhori. Uyezve, dzidziso yeChijudha yekurega zvokudya uye kuchengetwa kwemazuva akati zvingava zvakapesvedzera mimwe mitezo yeungano yacho.—VaKorose 2:4, 8, 16, 20-23.
Idi rokuti Pauro anonyora pamusoro peidzi nhau rinotiratidza kuti Epafrasi aisvinurira nokungwarira sei zvinodikanwa zveVakristu biyake. Akaratidza kuitira hanya kwerudo garikano yavo yemudzimu, achiziva ngozi dzemhoteredzo yavaigara. Epafrasi akatsvaka zano raPauro, uye ikoku kunoratidzira kuti akanga achizvininipisa. Zvimwe akanzwa kudikanwa kwekugamuchira zano kumumwe munhu akanga ane ruzivo rwekuzviwanira rukuru. Muchiitiko chipi nechipi, Epafrasi akaita nokuchenjera.—Zvirevo 15:22.
Murume Aikoshesa Munyengetero
Mumhedziso yetsamba yaakatumira kuVakristu veKorose, Pauro anoti: “Epafrasi, mumwe wokwenyu, muranda waKristu Jesu, unokukwazisai, achirwa nguva dzose pakunyengetera nokuda kwenyu, kuti mumire makakwana, muchiziva kwazvo kuda kwose kwaMwari. Nokuti ndinomupupurira, kuti unotambudzika zvikuru nokuda kwenyu, naveRaodhikia, naveHirapori.”—VaKorose 4:12, 13.
Hungu, kunyange apo akanga ari “musungwa pamwe chete” naPauro muRoma, Epafrasi akanga achifunga pamusoro pehama dzake dzinodiwa muKorose, Raodhikia, uye Hirapori uye aidzinyengeterera. (Firemoni 23) Chaizvoizvo, ‘akatambura’ nokuda kwavo mumunyengetero. Maererano nenyanzvi D. Edmond Hiebert, shoko rechiGiriki rinoshandiswa pano rinoratidzira “mubato unoda simba uye unodhura,” chimwe chinhu chakafanana no“kutambudzika” kwendangariro kwakava naJesu sezvo ainyengetera mubindu reGetsemani. (Ruka 22:44) Epafrasi aishuva zvepachokwadi kuti hama dzake nehanzvadzi dzomudzimu dziwane dzikamo noukuru hwakazara zveChikristu. Hama inorangarira zvomudzimu yakadaro inofanira kuve yakanga iri chikomborero chakadini kuungano!
Sezvo Epafrasi akanzi “muranda pamwe chete nesu, unodikanwa” hapagoni kuva nemubvunzo kuti aizviita amene anodiwa neVakristu biyake. (VaKorose 1:7) Apo mamirire ezvinhu anobvumira, mitezo yose yeungano inofanira kuzvipa norusununguko noushamwari uye rudo. Somuenzaniso, ngwariro inogona kupiwa kubatsira vanorwara, vakura, kana kuti vamwe vane zvinodikanwa chaizvo. Kungava nemabasa akasiyana-siyana ekutarisira muungano, kana kuti kungava kunobvira kupa mipiro kumabasa ekuvaka eubati ushe hwaMwari.
Kunyengeterera vamwe, sezvakaita Epafrasi, chimiro chebasa rinoyera iro vose vanogona kuita. Minyengetero yakadaro ingabatanidza kutaura kwekuitira hanya vanamati vaJehovha vanofanira kutarisana nengozi dzakasiyana-siyana kana kuti zvinetso zvomudzimu kana kuti zvomuviri. Kupfurikidza nokuzvishandisa nesimba muiyi nzira, tinogona kuva saEpafrasi. Mumwe nomumwe wedu anogona kuva neropafadzo nemufaro zvekubvumikisa kuva “muranda pamwe chete nesu, unodikanwa” mumhuri yevabatiri vakatendeka vaJehovha.