Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Takafadzwa nefundo yedu yomufananidzo waJesu wamakwai nembudzi. Tichirangarira nzwisiso itsva inopiwa mu“Nharireyomurindi” yaOctober 15, 1995, tichiri kugona kutaura kuti Zvapupu zvaJehovha nhasi zviri kugoverana mubasa rokuparadzanisa here?
Hungu. Nenzira inonzwisisika, vakawanda vakashamisika pamusoro paizvozvi nemhaka yokuti Mateo 25:31, 32 inoti: “Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, uchagara pachigaro chake choushe chinobwinya; namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; uchavaraura somufudzi unoraura makwai nembudzi.” Nharireyomurindi yaOctober 15, 1995, yakaratidza chikonzero nei idzi ndima dzichishanda pashure pokunge dambudziko guru ravamba. Jesu achasvika mumbiri yake ane ngirozi dzake uye achagara pachigaro chake chokutonga. Ipapo, achaparadzanisa vanhu. Mupfungwai? Achaita zvisarudzo zvakavakirwa pane izvo vanhu vakaita kana kuti vasina kuita nguva iyoyo isati yakwana.
Tinogona kuenzanisa izvozvi nokutanga kwomuitiro wapamutemo unogadzirira nhau yedare. Ufakazi hunoumbwa mukati menhambo yakatambanudzwa dare risati ratonga uye risati rapa mutongo. Ufakazi pamusoro pokuti vanhu vanorarama zvino vachabvumikisa kuva makwai kana kuti mbudzi hwave huchiwanda kwenguva yakareba. Uye huchiri kuwedzerwa. Asi apo Jesu anogara pachigaro chake, nhau yacho ichava yapera. Achava agadzirira kuita rutongeso. Vanhu vachaparadzaniswa kungava kukuparadzwa kusingaperi kana kuti upenyu husingaperi.
Zvisinei, idi rokuti kuparadzaniswa kwavanhu kuenda kuupenyu kana kuti kurufu kunodudzwa pana Mateo 25:32 hakusati kwaitika harirevi kuti hapana kuparadzanisa, kana kuti kukamuranisa, kunoitwa izvozvo zvisati zvaitika. Bhaibheri, muna Mateo ganhuro 13, rinodudza rimwe basa rokuparadzanisa rinoitika pakuvamba. Nenzira inofadza, bhuku raVakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi, mapeji 179-80, rinotaura izvozvi pasi pomusoro unoti “Kuparadzaniswa Kwavanhu”.a Bhuku racho rinoti: “Kune zvimwewo zvinoitika zvine revo izvo Jesu akabatanidza nomutoo wakatanhamara nemhedziso yetsika yezvinhu. Chimwe chaizvozvi ndiko kuparadzaniswa kwa‘vanakomana voumambo’ na‘vanakomana vowakaipa.’ Jesu akataura nezvaikoku mumuenzaniso wake pamsoro pomunda wegorosi uyo muvengi akakusha masora.”
Bhuku racho rakanga richinongedzera kumufananidzo waJesu unoratidzwa pana Mateo 13:24-30 ndokutsanangurwa mundima 36-43. Cherekedza mundima 38 kuti mbeu dzakaisvonaka dzegorosi dzinomirira vanakomana voUmambo, asi mashawi anomirira vanakomana vowakaipa. Ndima 39 ne40 dzinoratidza kuti pa‘kuguma kwetsika ino yezvinhu’—mukati menguva yatiri kurarama zvino—masora ari kuunganidzwa. Anoparadzaniswa uye pakupedzisira anopiswa, kuparadzwa.
Mufananidzo unotaura nezvevaKristu vakasarira (avo mumufananidzo wamakwai nembudzi vanonzi hama dzaJesu). Zvisinei, mufungo wacho wakajeka wokuti kuparadzanisa kunokosha kunoitika munguva yedu, vakazodzwa vachiparadzaniswa neavo vanotaura kuva vaKristu asi vanozvibvumikisa kuva “vanakomana vowakaipa.”
Jesu akagovera mimwe mienzaniso yavanhu vachikamuraniswa, kana kuti kuparadzaniswa. Yeuka kuti akati nezvenzira yakapamhamha inoenda kuruparadziko: “Vanopinda na[y]o vazhinji.” (Mateo 7:13) Iyoyo yakanga isiri tsinhiro chete pamusoro pomugumisiro wokupedzisira. Yakanga iri tsinhiro pamusoro pebasa rinopfuurira, sezvakuri chokwadi zvino nezvevashomanene vanowana nzira yakamanikana inotungamirira kuupenyu. Yeukawo, kuti apo akatuma vaapostora, Jesu akataura kuti vaizowana vamwe vaiva vakafanira. Vamwe vaizova vasina kufanirwa, uye vaapostora vaifanira kuzunza guruva patsoka dzavo “chive chapupu” kuvanhu vakadaro. (Ruka 9:5) Hachisi chokwadi here kuti chimwe chinhu chakafanana chinoitika sezvo vaKristu vanopfuudzira ushumiri hwavo pachena nhasi? Vamwe vanogamuchira zvakanaka, nepo vamwe vanoramba shoko raMwari ratinounza.
Nyaya dziri muNharireyomurindi dzinobata nemakwai nembudzi dzakati: “Nepo kutonga sokunorondedzerwa mumufananidzo kuri mune ramangwana, kunyange zvino chimwe chinhu chinokosha chiri kuitika. Isu vaKristu tinobatikana mubasa rinoponesa upenyu rokuzivisa shoko rinoparira kuparadzaniswa kwavanhu. (Mateo 10:32-39).” Muchikamu ichocho muna Mateo ganhuro 10, tinorava kuti Jesu akataura kuti kumutevera kwaizova chikonzero chokuparadzanisa—baba nomwanakomana, mwanasikana namai.
Pakupedzisira, hama dzaKristu dzakazodzwa nomudzimu dzakapfuudzira kuparidzwa kwomunyika yose kweshoko roUmambo. Sezvo vanhu vanorinzwa ndokugamuchira nenzira inofadza kana kuti isingafadzi, vari kuzvizivisa. Isu vanhu hatigoni, uye hatifaniri, kuti, ‘Uyu munhu igwai; uyo imbudzi,’ mupfungwa inoratidzwa muna Mateo ganhuro 25. Zvisinei, kuratidzira kwedu vanhu kumashoko akanaka kunovabvumira kuratidza pavamire—zvavari uye nzira yavanogamuchira nayo hama dzaJesu. Nokudaro, kufanana noufakazi hunowedzera hwenhau yedare, kukamukana pakati paavo vanotsigira hama dzaJesu naavo vanoramba kudzitsigira kuri kuva pachena. (Maraki 3:18) Seizvo Nharireyomurindi yakaratidza, Jesu achakurumidza kugara pachigaro chake ndokutaura mutongo, vanhu vachiparadzaniswa mupfungwa yokupedzisira kuupenyu kana kuti kuparadzwa.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa muna 1983 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.