RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 7/1 p. 26
  • Kusununguka Mupesvedzero Yamadhimoni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusununguka Mupesvedzero Yamadhimoni
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Handisati Ndambodiwa Zvakadai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 7/1 p. 26

Mushumo Wavazivisi Voumambo

Kusununguka Mupesvedzero Yamadhimoni

MUITIRO wokudavira midzimu wanguve uchidzora upenyu hwemamiriyoni avanhu. Asi zvinobvira kusununguka! Ndizvo zvakaitika kune vakawanda vaiva muguta rakare reEfeso. Maererano nenhoroondo yeBhaibheri, “vazhinji vaiita un’anga, vakaunganidza bhuku dzavo, vakadzipisa pamberi pavose . . . Naizvozvo shoko raShe rikakura nesimba, rikakunda.”—Mabasa 19:19, 20.

Ungano yechiKristu nhasi iri kukura nenzira yakafanana. Sezvakanga zvakaita muEfeso, pakati paavo vari kuva vatendi pane avo vaichimboita miitiro youdhimoni. Chakaitika chinotevera chinobva kuZimbabwe chinoratidzira ikoku.

Gogo (Ambuya) Mthupha vakanga vachizivikanwa zvikuru nokuda kwemasimba avo okudavira midzimu. Vanhu vaiuya vachibva kure kwakadai sokuZambia, Botswana, uye South Africa kuti vavarape nemishonga yavo yomusango. Gogo Mthupha vaidzidzisawo vamwe kuva n’anga. Uye pane dzimwe nguva vaitsinga!

Mamwe mangwanani eSvondo Gogo Mthupha vakashanyirwa neZvapupu zvaJehovha zvakanga zviri muushumiri hwapaimba neimba. Vakafarira chose kurukurirano nazvo pamusoro pechipikirwa cheBhaibheri chenyika itsva yokururama, nyika isina pesvedzero dzose dzakaipa. Vakagamuchira bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano uye vakabvuma kuva nefundo yeBhaibheri yapamusha.a Pashure pefundo nhatu bedzi, vakatanga kupinda misangano.

Kupfurikidza nefundo yavo yeBhaibheri, Gogo Mthupha vakadzidza kuti masimba avo chaiwo aibva kuzvisikwa zvomudzimu zvakaipa izvo zvakanga zvapandukira uchangamire hwaJehovha. (2 Petro 2:4; Judhasi 6) Vakadzidzawo kuti aya madhimoni akatsunga kuchinja munhu wose waanogona kuti abve kuna Jehovha uye pakunamata kwakachena. Sezvo chaivararamisa chaitsamira pakuteterera izvi zvisikwa zvomudzimu zvakaipa, vaizoitei?

Gogo Mthupha vakaratidza chishuvo chokuda kurega mazango avo ose nezvinhu zvomudzimu. Izvozvi zvaibatanidza ngundu ne“nyanga dzenzombe dzaitaura,” zvavaishandisa mukuporesa kwavo kwoun’anga. Gogo Mthupha vakanga vachida kusiya zvinhu zvose zvakadaro kuitira kuti vagobatira Mwari mupenyu wechokwadi bedzi, Jehovha.

Dzimwe hama dzavo, kunyange zvakadaro, dzakaramba nemhaka yokuti vakanga vachidzitsigira mune zvemari. Dzakavakumbira kuti vavape zvinhu zvacho, pamwe chete nemasimba avo kuitira kuti dzigogona kupfuurira kuwana mhindu. Gogo Mthupha vakaramba.

Vachibetserwa neungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha, vakaunganidza mabhegi matatu makuru ezvokushandisa zvokudavira midzimu ndokuzvipisa zvose. Sezvo marimi omwoto aiparadza zvokushandisa zvavo zvokunamata madhimoni, Gogo Mthupha vakadanidzira vachiti: “Tarirai! Nyanga iya, haigoni kuzvinunura.”

Pashure penguva yakati, Gogo Mthupha vakaratidzira tsauriro yavo nenzira yomufaro kuna Jehovha kupfurikidza norubhabhatidzo rwomumvura. Vanorarama sei zvino? Kupfurikidza nokutengesa miriwo. Hungu, kupfurikidza nesimba reShoko raMwari, munhu anogona kusunungurwa mukunamata madhimoni. Gogo Mthupha vanoti: “Handisati ndambonzwa ndakasununguka zvakadai.”

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe