Apo Chivi Chinenge Chisisikozve
“TINOBEKERWA muchivi here?” Mubvunzo iwoyo wakanetsa mumwe mudzidzi ane dhigirii womuUnited States nokukurumidza pashure pokunge atanga kufunda Bhaibheri. Nemhaka yokuti akakura ari muHindu, pfungwa yechivi chakagarwa nhaka yakanga iri itsva kwaari. Asi kana chivi chichigarwa nhaka zvirokwazvo, akarangarira kudaro, kuramba kana kuti kufuratira kuvapo kwacho kungava kusingabatsiri. Munhu angagona sei kuwana mhinduro yemubvunzo iwoyu?
Kana chivi chichigarwa nhaka, chinofanira kunge chine pachakatangira. Munhu wokutanga akasikwa akaipa here, zvokuti akapfuuridzira mavara akaipa kuvana vake? Kana kuti mhosho yacho yakazovapo gare gare here? Chivi chakambonyatsovamba rini? Pane rumwe rutivi, kana chivi chiri bedzi chokunze, uipi kana kuti nheyo, tinogona here kuzombokarira kusununguka machiri?
Maererano nechitendero chechiHindu, kutambura nouipi zvakasikwa pamwe chete nechisiko. “Kutambura [kana kuti uipi],” inodaro imwe nyanzvi yechiHindu, “kufanana nekuzvimba kwakakomba, kunongofamba bedzi kubva pane imwe nzvimbo kuchienda pane imwe asi hakugoni kubviswa zvachose.” Uipi zvirokwazvo hwave huri rutivi rwenyika yerudzi rwomunhu munhau yose yakanyorwa. Kana kwakatanga vanhu vasati vanyora zvinyorwa zvavo zvenhau, mhinduro dzinovimbika pamusoro pokuvamba kwahwo dzinofanira kubva kumanyuko anopfuura munhu. Mhinduro dzinofanira kubva kuna Mwari.—Pisarema 36:9.
Munhu—Akasikwa Asina Chivi
Rondedzero dzokusikwa kwomunhu dziri muVedas ndedzokufananidzira, anobvuma kudaro muzivi wechiHindu Nikhilananda. Nenzira yakafanana, marudzidziso mazhinjisa okuMabvazuva anotsanangura bedzi chisiko achiita zvokufungidzira. Bva, kune zvikonzero zvose zviri zviviri zvokurangarira nezvesayenzi zvokudavira nhoroondo yeBhaibheri yokusikwa kwomunhu wokutanga.a Ganhuro raro rokutanga chairo rinoti: “Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.”—Genesi 1:27.
Zvinorevei kusikwa mu“mufananidzo waMwari”? Zvinongoreva chete kuti: Munhu akasikwa akafanana naMwari, ane mavara aMwari—akadai seruramisiro, uchenjeri, uye rudo—ayo akamusiyanisa nemhuka. (Enzanisa naVaKorose 3:9, 10.) Mavara iwaya akamupa mano okusarudza kuita zvakanaka kana kuti zvakaipa, zvichimuita munhu anozvisarudzira. Munhu wokutanga akanga asina chivi, asina uipi kana kuti kutambura muupenyu hwake, paakasikwa.
Jehovha Mwari akapa munhu, Adhama, murayiro wokuti: “Ungadya hako miti yose yomunda; asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.” (Genesi 2:16, 17) Kupfurikidza nokusarudza kuteerera, Adhama nomudzimai wake, Evha, vaigona kuunza rumbidzo norukudzo kuMusiki wavo ndokuramba vasina chivi. Pane rumwe rutivi, chiito chokusateerera chaizoratidzira kuti kukundikana kwavo kusvitsa mipimo yaMwari yakakwana uye kwaizovaita vasina kukwana—vane chivi.
Adhama naEvha havana kusikwa vari vanhu voumwari. Zvisinei, vaiva namavara akati oumwari nemano okuita zvisarudzo zvetsika. Sezvo vaiva zvisikwa zvaMwari, vakanga vasina chivi, kana kuti vakanga vakakwana. (Genesi 1:31; Dheuteronomio 32:4) Kusikwa kwavo hakuna kudzongonyedza tsinhirano yaivapo pakati paMwari nechisiko chose kwamakore kutozosvikira vavapo. Naizvozvo, ipapo, chivi chakavamba sei?
Kuvamba Kwechivi
Chivi chakaitika pakutanga munzvimbo yemidzimu. Pasi nemunhu zvisati zvasikwa, Mwari akanga asika zvimwe zvisikwa zvomudzimu zvakachenjera—ngirozi. (Jobho 1:6; 2:1; 38:4-7; VaKorose 1:15-17) Imwe yengirozi idzodzi yakazvikudza zvikuru ndokufunga nezvekunaka kwayo neuchenjeri. (Enzanisa naEzekieri 28:13-15.) Kubva mumurayiro waMwari kuna Adhama naEvha wokuti vabereke vana, ngirozi iyi yaigona kuona kuti nokukurumidza pasi rose raizozadzwa navanhu vakarurama, vose vachinamata Mwari. (Genesi 1:27, 28) Ichi chisikwa chomudzimu chakashuva kunamatwa icho. (Mateo 4:9, 10) Kuva nechishuvo ichochi kwakachiita kuti chiite zvisina kururama.—Jakobho 1:14, 15.
Ichitaura naEvha kupfurikidza nenyoka, ngirozi inopandukira yakataura kuti kupfurikidza nokurambidza kudyiwa kwemuchero wemuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa, Mwari akanga achimunyima zivo yaaifanira kuva nayo. (Genesi 3:1-5) Kutaura kudaro kwaive nhema dzokuvenga—chiito chechivi. Kupfurikidza nokutaura nhema iyoyi, ngirozi yacho yakazviita mutadzi. Somugumisiro, akavamba kunzi Dhiyabhorosi, mucheri, uye Satani, mushori waMwari.—Zvakazarurwa 12:9.
Kutaura kwaSatani kwokunyengera kwakava netapuro yakakomba pana Evha. Achivimba nemashoko eMuedzi, akazvibvumira kunyengerwa uye kudya mumwe muchero wemuti wakarambidzwa. Murume wake, Adhama, akamukumbanira mukudya muchero, uye kupfurikidza nokuita kudaro vose vari vaviri vakava vatadzi. (Genesi 3:6; 1 Timotio 2:14) Nenzira yakajeka, kupfurikidza nokusarudza kusateerera Mwari, vabereki vedu vokutanga vakakundikana kuva vakakwana ndokuva vatadzi.
Zvakadini nevana vaAdhama naEvha? Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza.” (VaRoma 5:12) Mutemo wokugara nhaka pakubereka wakanga uchitoshanda. Adhama aisagona kupfuuridzira kuvana vake zvaakanga asina. (Jobho 14:4) Vasisina kukwana, varoorani vokutanga vakanga vava vatadzi apo vana vavo vakanambwa. Somugumisiro, tose zvedu—pasina anosara—takagara nhaka chivi. (Pisarema 51:5; VaRoma 3:23) Uyewo, chivi chakabereka uipi nokutambura. Uyezve, nemhaka yacho, tose tinokwegura ndokufa, “nokuti mubayiro wezvivi ndirwo rufu.”—VaRoma 6:23.
Hana ‘Inopa Mhosva’ Kana Kuti ‘Inopembedza’
Rangarirawo tapuro yechivi pamaitire evanhu vaviri vokutanga. Vakavanza miviri yavo ndokuedza kuzvivanza pana Mwari. (Genesi 3:7, 8) Chivi nokudaro chakavaita kuti vanzwe vaine mhaka, vachifunganya, uye vaine nyadzi. Rudzi rwomunhu nhasi runoziva zvikuru aya manzwire.
Ndiani asina kutambura manzwire okusagadzikana nemhaka yekusabatsira munhu ari kutambudzika kana kuti asina kunzwa akagadzikana nokuda kwokutaura mashoko anga asingafaniri kutaurwa? (Jakobho 4:17) Nei tine mirangariro yakadaro yokutambudzika? Muapostora Pauro anotsanangura kuti ‘mutemo wakanyorerwa mumwoyo yedu.’ Kutoti hana dzedu dzava dzakaoma, kuputswa kupi nokupi kwomutemo iwoyo kunobudisa kunetseka kwomukati. Naizvozvo inzwi rehana rinoti‘pa mhosva’ kana kuti kuti‘pembedza.’ (VaRoma 2:15; 1 Timotio 4:2; Tito 1:15) Tingave tichizviziva kana kuti kwete, tine pfungwa yomukati yezvakashata, yechivi!
Pauro aiziva zvikuru kuita kwake chivi. “Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri,” akabvuma kudaro. “Ndinofarira murayiro waMwari nomunhu womukati; asi ndinoona mumwe murayiro pamitezo yangu, unorwa nomurayiro womurangariro wangu, unonditapira kumurayiro wezvivi uri pamitezo yangu.” Naizvozvo Pauro akabvunza kuti: “Ndianiko uchandisunungura pamuviri worufu urwu?”—VaRoma 7:21-24.
Kusunungurwa Muchivi—Sei?
“Kusunungurwa, mugamuchidzanwa rechiHindu,” inodaro imwe nyanzvi, “kusunungurwa pakuberekwa nokufa kunodzokororwa.” Semhinduro, chiBuddha nenzira yakafanana chinonongedzera kuNirvana—mumiriro wezvinhu wokukanganwa zvinhu chaizvoizvo zvekunze. Zvachisina kunzwisisa pfungwa yechivi chakagarwa nhaka, chiHindu chinopikira bedzi kupukunyuka pakuvapo.
Pane rumwe rutivi, kusunungura kweBhaibheri kunoguma nekubviswa chaiko kwemumiriro wezvinhu wechivi. Pashure pokubvunza maponeserwe aanogona kuitwa muchivi, muapostora Pauro anopfuurira kupindura kuti: “Mwari ngaaongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu.” (VaRoma 7:25) Hungu, kuponeswa kunobva kuna Mwari kupfurikidza naJesu Kristu.
Maererano neEvhangeri yaMateo, “Mwanakomana womunhu,” Jesu Kristu, akauya kuzo“pa upenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.” (Mateo 20:28) Sezvakanyorwa pana 1 Timotio 2:6, NW, Pauro akanyora kuti Jesu “wakazvipa sorudzikinuro runowirirana nokuda kwavose.” Shoko rokuti “rudzikinuro” rinoreva kubhadhara mutengo wekununurwa kwenhapwa. Idi rokuti rudzikinuro runowirirana rinosimbisa simba rezvinodiwa mukudzikamisa zvikero zveruramisiro. Asi rufu rwomunhu mumwe rwaizonzi “rudzikinuro runowirirana nokuda kwavose,” sei?
Adhama akatengesa rudzi rwose rwomunhu, kubatanidza isu, muchivi norufu. Mutengo wacho, kana kuti chirango, chaakabhadhara chaiva upenyu hwake hwomunhu hwakakwana. Kuti ichochi chipedzwe, humwe upenyu hwomunhu hwakakwana—rudzikinuro rwunowirirana—hwaifanira kubhadharwa. (Eksodho 21:23; Dheuteronomio 19:21; VaRoma 5:18, 19) Sezvo kusina munhu asina kukwana aigona kugovera rudzikinuro irworwu, Mwari, muuchenjeri hwake husingagumi, akazarura nzira yokubuda muidzi nhamo. (Pisarema 49:6, 7) Akatamisa upenyu hwakakwana hweMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kubva kumatenga mudumbu remhandara pasi pano, achimuita kuti aberekwe somunhu akakwana.—Ruka 1:30-38; Johane 3:16-18.
Kuitira kuti aite basa rokudzikinura rudzi rwomunhu, Jesu aifanira kuchengeta chinyorwa chakarurama nguva yose yaakanga ari pasi pano. Izvozvi akazviita. Ipapo akafa rufu rwechibayiro. Neiyi nzira Jesu akava nechokwadi chokuti ukoshi hweupenyu hwake hwomunhu hwakakwana—hwake amene—hwaizowanika kuti hubhadhare sorudzikinuro nokuda kwokununura rudzi rwomunhu.—2 VaKorinte 5:14; 1 Petro 1:18, 19.
Izvo Chibayiro Chorudzikinuro Chinogona Kutiitira
Chibayiro chorudzikinuro chaJesu chinogona kutibetsera zvino chaiye. Kupfurikidza nokushandisa kutenda machiri, tinogona kufarikanya kumira kwakachena pamberi paMwari uye tinogona kuva pasi peitiro hanya yaJehovha yorudo. (Mabasa 10:43; VaRoma 3:21-24) Panzvimbo pokukurirwa nezvivi zvatingave takaita, tinogona kutsvaka kanganwiro inobva kuna Mwari takasununguka pahwaro hwerudzikinuro.—Isaya 1:18; VaEfeso 1:7; 1 Johane 2:1, 2.
Mumazuva ari mberi, rudzikinuro ruchabvirisa kuporeswa kwakakwana kwemumiriro wezvinhu werudzi rwomunhu wokurwara unokonzerwa nechivi. Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinorondedzera “rwizi rwemvura youpenyu” ruchibva pachigaro choumambo chaMwari. Mumahombekombe erwizi mune miti yemichero yakawanda ine mashizha “okuporesa ndudzi.” (Zvakazarurwa 22:1, 2) Nenzira yokufananidzira, Bhaibheri pano rinotaura pamusoro pegadziriro yoMusiki inoshamisa yokusunungura rudzi rwomunhu pachivi norufu nokusingaperi pahwaro hwechibayiro chaJesu chorudzikinuro.
Zviono zvouporofita zvebhuku raZvakazarurwa zvichakurumidza kuzadzikwa. (Zvakazarurwa 22:6, 7) Ipapo vanhu vose vane mwoyo yakarurama vachava vakakwana, vachi“sunungurw[a]wo pauranda hwokuora.” (VaRoma 8:20, 21) Izvozvi hazvifaniri here kutisunda kudzidza zvizhinji pamusoro paJehovha Mwari neMwanakomana wake akavimbika, Jesu Kristu, uyo akava rudzikinuro?—Johane 17:3.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Adhama akaunzira rudzi rwomunhu chivi norufu
[Mufananidzo uri papeji 7]
Chibayiro chorudzikinuro chaJesu chinounza rusununguko pachivi norufu