Fundo Yemhuri Inounza Mufaro
“Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa nepfuma yose inokosha inofadza,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 24:4) Izvi zvinhu zvinokosha haisi pfuma yokunyama chete asi zvinobatanidza rudo rwechokwadi, kutya Mwari, uye kutenda kwakasimba. Mavara akadaro zvirokwazvo anoumba upenyu hwemhuri hunofadza. (Zvirevo 15:16, 17; 1 Petro 1:7) Kuti tive nawo, zvisinei, tinofanira kupinza zivo yaMwari mumhuri dzedu.
MUSORO wemhuri une mutoro wokuroverera iyi zivo mumitezo yemhuri. (Dheuteronomio 6:6, 7; VaEfeso 5:25, 26; 6:4) Imwe yenzira yakanakisisa yokuita izvi ndeyokupfurikidza nefundo yemhuri yenguva dzose. Iyoyi inogona kuva inofadza sei nokuda kwevanotora rutivi apo fundo inoitiswa nenzira inorayiridza neinofadza! Ngatirangarirei, ipapoka, zvimwe zvinokosha zvokuitisa fundo yemhuri inobudirira.a
Fundo yemhuri inoshanda zvikurusa painenge iri yenguva dzose. Kana zvikatsamira pamukana kana kuti panenge pawanikwa kanguva, sezvinobvira haizovi yenguva dzose mumamiriro ezvinhu akanakisisa. Naizvozvo unofanira ku‘tenga nguva’ yokufunda. (VaEfeso 5:15-17) Kusarudza nguva yenguva dzose yakanakira vose kunogona kuva denho. “Takanga tine chinetso chokuita kuti fundo yedu yemhuri ive yenguva dzose,” unobvuma kudaro mumwe musoro wemhuri. “Takaedza nguva dzakasiyana kutozosvikira tawana nguva gare gare mumanheru iyo yakatiitira. Zvino fundo yedu yemhuri yava yenguva dzose.”
Mangova chete nenguva yakafanira, ngwarirai kuti musabvumira zvinotsausa kuvhiringidza fundo yacho. “Kana vaenzi vakauya tichifunda,” anoyeuka kudaro Maria,b zvino ava namakore 33, “Baba vaivakumbira kuti vatimirire kusvikira fundo yapera. Uye kana ruri runhare, vaingoudza munhu wacho kuti vaizomuridzira gare gare.”
Zvisinei, izvi hazvirevi kuti hapafaniri kubvumirwa kuchinjika. Zvinhu zvinoda kukurumidzirwa uye zviitiko zvisingakarirwi zvingamuka, uye kungava madikanwa kurega kana kuti kusundira mberi fundo nguva nenguva. (Muparidzi 9:11) Asi ngwarira kusabvumira chipi nechipi cheizvi kudzongonyedza muitiro wako.—VaFiripi 3:16.
Fundo inofanira kutora nguva yakareba sei? Robert, uyo akabudirira kurera mwanasikana nomwanakomana, anoti: “Fundo dzedu kazhinji kazhinji dzaiita awa imwe. Apo vana vaiva vaduku, takaedza kubata fariro yavo mukati meawa yacho kupfurikidza nokurangarira zvinhu zvakasiyana-siyana, zvakadai sendima shomanene dzaiva munyaya yefundo yomuNharireyomurindi, zvikamu zvakasarudzwa muBhaibheri, uye zvikamu zvezvimwe zvinyorwa.” Maria anoyeuka kuti: “Apo vakoma vangu vaviri neni taiva vaduku zvikuru, fundo yedu yaiva anenge maminiti 20 kaviri kana kuti katatu pavhiki. Sezvataikura, fundo yedu yemhuri yevhiki nevhiki yakasvika awa imwe kana kuti kupfuura.”
Tinofanira Kufundei?
Kurangarira mubvunzo uyu apo munhu wose anenge aripo nokuda kwefundo kungaguma nokukangaidzika uye kurasikirwa nenguva inokosha yefundo. Kana zvikadaro, vana vangasakarira chimwe chinhu chakananga uye vangakurumidza kurasikirwa nefariro. Naizvozvo sarudza pachine nguva mberi chimwe chezvinyorwa zveSosaiti chokurangarira.
“Muranda wakatendeka, wakangwara” akagovera zvinyorwa zvakawanda zvokusarudza. (Mateo 24:45-47) Zvichida munogona kushandisa bhuku risati rafundwa nemhuri. Uye mufaro wakadini kurangarira zvikamu zvakasarudzwa muInsight on the Scriptures kana aya mavhoriyamu achiwanika mumutauro wenyu! Somuenzaniso, mungagona kuhwirudzura nyaya iri pamusoro peChirayiro chaShe mukati memavhiki anotangira Chirangaridzo. Mhuri dzakawanda dzinofarikanya kugadzirira Fundo yeNharireyomurindi yevhiki yacho. Asi nyaya dzechipiri dziri muNharireyomurindi dzinogoverawo mashoko akaisvonaka okufunda. Musoro wemhuri, unoziva zvinodikanwa zvomudzimu zvemhuri yacho, ndiwo unofanira kusarudza kuti ndezvipi zvinyorwa zvinofanira kufundwa.
“Nguva dzose taifunda chinyorwa chaisarudzwa pachine nguva mberi,” anoyeuka kudaro Maria. “Asi apo mubvunzo waimuka kana kuti mamiriro ezvinhu aimuka kuchikoro, ipapo taitendeukira kumashoko akafanira.” Nhau chaidzo, dzakadai sezvinetso izvo pwere dzinotarisana nazvo kuchikoro, kushamwaridzana kwavane mitezo yakasiyana, mitambo yapashure pechikoro, uye zvichingodaro, zvinomuka. Izvozvi pazvinoitika, sarudza nyaya kana kuti zvinyorwa zvinobata nechinetso chiripo. Kana ukaona mashoko ari muchinyorwa chazvino uno cheNharireyomurindi kana kuti Mukai! aungada kufukidza nemhuri pakarepo, usazengurira kuronga izvozvo. Chokwadika, ungada kuzivisa mitezo yemhuri nezvechinjo yacho pachine nguva mberi. Asi iva nechokwadi chokudzokera kumashoko akarongwa kana chinodikanwa chacho changotarisirwa.
Chengeta Mamiriro Ezvinhu Akaterama
Kudzidza kunoitwa zvakanakisisa mumamiriro ezvinhu ane rugare. (Jakobho 3:18) Naizvozvo sakurira mamiriro ezvinhu anozorodza, bva anoremekedza. Mumwe musoro wemhuri muUnited States unoti: “Tingava tichifundira muimba yokutandarira kana kuti pavharanda, tinoedza kugara pedyo napedyo panzvimbo pokugara kure nakure muimba huru. Kwatiri, izvozvi zvinoumba murangariro woushamwari.” Uye Maria anoyeuka nomufaro mukuru kuti: “Vakoma vangu neni taibvumirwa kusarudza mataizoitira fundo yevhiki iyoyo. Izvi zvakatiita kuti tisununguke.” Rangarira kuti chiedza chakafanira, kuronga kugara zvakanaka, uye mhoteredzo dzinofadza uye dzakarongeka zvose zvinowedzera kuterama. Kuva nezvinwiwa nokuda kwemhuri pashure pefundo kunobetserawo kuita kuti manheru acho afadze.
Dzimwe mhuri dzinotosarudza kubatanidza dzimwe mhuri mufundo yadzo pane dzimwe nhambo, dzichiwedzera fariro pamwe chete nemhatsa yetsinhiro. Apo vatsva muchokwadi vanokumbirwa kuti vagoverane mune iyi gadziriro, vanogona kubetserwa nokuona musoro wemhuri une ruzivo rwokuzviwanira uchiitisa fundo yemhuri.
Itai Kuti Bhaibheri Rinakidze
Itai kuti nhambo dzokufunda dzinakidze vana, uye vachadzikarira nokudisa. Unogona kuita izvi kupfurikidza nokukurudzira vana vaduku kudhirowa mifananidzo yezviono zveBhaibheri. Pazvinenge zvakafanira, itai kuti vana vatambe mitambo yeBhaibheri. Nevana hazvisi madikanwa kuomerera kumutoo wemibvunzo nemhinduro. Kurava uye kutaura nhau pamusoro pevanhu vomuBhaibheri inzira inofadza yokuroverera nheyo dzaMwari. Robert, adudzwa pakuvamba, anoyeuka kuti: “Pane dzimwe nguva tairava zvikamu zveBhaibheri, tichichinjana, tichirava mativi akasiyana-siyana e‘manzwi’ ataiva tagoverwa.” Vana vanogona kukumbirwa kusarudza munhu wavanoda kutamba rutivi rwake mukurava kwacho.
Kushandisa mamepu namachati kuchabetsera vana vakura kuisa muchiono nharaunda nemativi enyika uko zviitiko zviri kukurukurwa zvakaitika. Nenzira yakajeka, nokufungidzira zvishoma, fundo yemhuri inogona kunakidza uye kuva yakasiyana-siyana. Uye vana vachapanga Shoko raMwari.—1 Petro 2:2, 3.
Betsera Munhu Wose Kuti Atore Rutivi
Kuti vana vafarikanye fundo, vanofanirawo kunzwa kuti vari kubatanidzwa. Kuita kuti vana vamazera akasiyana vatore rutivi, zvisinei, kunogona kuva denho. Asi imwe nheyo yeBhaibheri inoti: “Uri mukuru, ngaabate nokushingaira.” (VaRoma 12:8) Kuva ane mbavarira kunobetsera, nokuti mbavarira inotapukira.
Ronald anobatanidza mwanasikana wake ane makore mashanu, Dina, kupfurikidza nokuita kuti arave misoro miduku mumashoko anenge achifundwa uye kumukumbira kuti atsinhire pamusoro pemifananidzo. Sezvo Chirangaridzo chorufu rwaKristu chaiswedera pedyo gore rapera, akanangidzira ngwariro pamifananidzo inokosha iri mubhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama.c Anoti: “Izvi zvakamubetsera kunzwisisa kukosha kwechiitiko chacho.”
Nemwanasikana wake ane makore gumi, Misha, Ronald anoti wedzerei. “Misha akafambira mberi kusvikira kupfundo rokuti aigona kunzwisisa kwete chete kuti mifananidzo chii asi revo yainopa,” anodaro Ronald. “Naizvozvo pakurangarira bhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!,d takapa ngwariro kurevo yemifananidzo yacho, uye izvozvi zvakamubetsera.”
Sezvo vana vanoyaruka, vakumbire kushandisa mashoko ari kurangarirwa. Apo mibvunzo inomuka mukati mefundo, govera mativi okunzvera. Robert akaita kudaro apo mwana wake ane makore 12, Paul, akabvunza pamusoro pekirabhu yokuchikoro yakanga ichangobva kutangwa yaibatanidza mutambo weDungeons and Dragons. Paul navamwe vomumhuri yacho vakanzvera mashoko vachishandisa Watchtower Publications Index, uye vakaahwirudzura pafundo yavo yemhuri. “Somugumisiro,” anodaro Robert, “Paul akakurumidza kunzwisisa kuti mutambo wacho wakanga usina kunaka kuvaKristu.”
Robert akagoverwawo kunzvera pane dzimwe nguva. Mudzimai wake, Nancy, anoyeuka kuti: “Patakanzvera nezvevaapostora vaJesu, mumwe nomumwe wedu akagoverwa muapostora mumwe vhiki iri yose. Zvaifadza sei kuona vana vachitaura nenzira yembavarira mushumo wavo wefundo yemhuri!” Kuzvinzverera uye kugoverana mashoko acho nemhuri yacho kunobetsera vana ‘kukura naJehovha.’—1 Samueri 2:20, 21.
Kubvunza mibvunzo—mibvunzo yemirangariro pamwe chete neinonyandura mufungo—ndeimwewo nzira yakaisvonaka yokuita kuti vana vabatanidzwe. Mudzidzisi Mukuru, Jesu, akabvunza mibvunzo yemirangariro, yakadai sokuti, “Unofungeiko?” (Mateo 17:25) “Apo upi noupi wedu aiva nomubvunzo, vabereki vedu havana kutongotipindura zvakananga,” anoyeuka kudaro Maria. “Nguva dzose vaibvunza mibvunzo inonyandura mufungo, zvichitibetsera kurangarira pamusoro penhau yacho.”
Kurukurai—Musashatirisa!
Mufaro wefundo yemhuri unowedzerwa kana vose varipo vakakurukura mirangariro yavo nemifungo vasingatyi kusekwa. Asi “kurukurirano yakanaka mukati mefundo yemhuri inobvira kana mikoto yekurukurirano yakazaruka padzimwe nguva,” vanodaro vamwe baba. “Hamugoni kunyepedzera kuti munayo kwenhambo yefundo chete.” Kana zvichibvira, dzivisai tsinhiro dzisina mufungo dzinorwadza, dzakadai sokuti, ‘Ndizvo chete here? Ndanga ndichifunga kuti chimwe chinhu chakakosha’; ‘Hazvina mufungo izvo’; ‘Tingakarirei kwauri? Unongova zvako mwana.’ (Zvirevo 12:18) Iva ane mutsa netsitsi kuvana vako. (Pisarema 103:13; Maraki 3:17) Vafarire, uye vatsigire sezvavanoedza kushandisa zvavari kudzidza.
Mhoteredzo yefundo yemhuri inofanira kuva inoita kuti ndangariro yomwana igamuchire murayiridzo. “Paunotanga kururamisa vana,” anotsanangura kudaro mumwe mubereki akabudirira wevana vana, “vachafunga kuti hauna mutsa.” Mumamiriro ezvinhu akadaro, zvimwe mashoko acho haazopindi. Naizvozvo dzivisa kuita kuti marusando efundo ave okutsiura nokuranga. Kana zvichidikanwa, zvishandise gare gare uye somunhu mumwe nomumwe.
Nhamburiko Yacho Yakakodzera
Kuvaka mhuri yakapfuma mumudzimu kunoda nguva nenhamburiko. Asi wezvamapisarema anotaura kuti: “Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha; chibereko chechizvaro ndiwo mubayiro waanopa.” (Pisarema 127:3) Uye vabereki vakaronzeswa mutoro woku“rer[a vana] pakuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Naizvozvo tanga unyanzvi hwokuitisa fundo yemhuri inobudirira uye inofarirwa. Ita unani hwako kuti ugovere “mukaka womweya, usina kushatiswa,” kuitira kuti vana vako vago“kur[a] nawo, [va]goponeswa.”—1 Petro 2:2; Johane 17:3.
[Mashoko Omuzasi]
a Kunyange zvazvo zvikarakadzo zvakawanda zvinopiwa munyaya ino zvichishanda kuti zvibetsere vana mufundo yemhuri, mirangariro yacho inoshandawo kufundo yemhuri pasina vana.
b Mamwe mazita akachinjwa.
c Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
d Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.