RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/05 p. 5
  • Purogiramu Yemhuri—Kudzidza Semhuri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yemhuri—Kudzidza Semhuri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Garai Muchidzidza Shoko raMwari Semhuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Fundo Yemhuri Inounza Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kushandira Pamwe Kunoita Mitezo Yemhuri Kuti Iite Nomazvo—Mukufunda Bhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Fundo Inotusa
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 5/05 p. 5

Purogiramu Yemhuri—Kudzidza Semhuri

1 Kuda Jehovha ndicho chipo chikuru zvikuru chaungapa vana vako somubereki wechiKristu. Nguva inokosha ingaitwa izvi ndepaya paunenge “ugere mumba mako” muchidzidza Bhaibheri semhuri vhiki nevhiki. (Dheut. 6:5-7) Ungave wakaroorana nomunhu anonamata, uchigara mumhuri ine vanhu vane zvitendero zvakasiyana, kana kuti uri mubereki ari oga, unogona kubatsira vana vako kuti vaswedere pedyo newe uye naJehovha nokudzidza semhuri nguva dzose.

2 Kutanga: Danho rokutanga nderokuva netsika yokudzidza semhuri. Kana musina chokwadi chokuti modzidza riini, madii kukurukura izvi semhuri? (Zvir. 15:22) Kana muine vana vaduku, mungasarudza kudzidza kwenguva pfupi nguva dzinoverengeka muvhiki yacho yose. Onai zvinoshanda kumhuri yenyu. Rongai nguva chaiyo yokudzidza papurogiramu yemhuri yenyu, uye itevedzerei.

3 Chii chamungadzidza? Vamwe vanogadzirira chidzidzo chichaitwa paChidzidzo Chebhuku chinotevera kana kuti Chidzidzo cheNharireyomurindi. Vamwe vanodzidza nyaya dzakanyanyogadzirirwa vechiduku. Baba vomumwe mukomana muduku nomusikana vakati: “Chimwe chinhu chinoita kuti kudzidza kwedu kuve chinhu chikuru mukati mevhiki kuvana vedu ndechokuti tinotamba mitambo yomuBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Kubatsirwa zvikuru uye kunzwisisa zvinovapo zvinokosha chaizvo kudarika kuti taita ndima dzakawanda zvakadini.”

4 Dzidzai Vhiki Yoga Yoga: Chidzidzo chemhuri chinofanira kuitwa nguva dzose uye vose vari mumhuri vanofanira kuchitarisira vachifara. Munogona kuchinja zuva nenguva kana mamiriro ezvinhu asingatarisirwi amuka. Pangavawo nenguva dzamungachinja nyaya yokudzidza maererano nezvinenge zvichidiwa. Asi kuchinja kunenge kwaitwa hakufaniri kuita kuti musiye kwenguva refu purogiramu yokudzidza semhuri yakarongwa. Mune imwe mhuri, mwanasikana wacho anoti: “Kana nguva yokuti tidzidze ichifanira kuchinjwa, nguva dzose Baba vanoisa nguva itsva padhoo refiriji, kuitira kuti tose tizive kuti tichadzidza nguvai.” Kuedza kwakadaro kunoongwa kuti kudzidza semhuri kurambe kuchifambira mberi! Sezvamunoramba muchirera vana venyu “mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha,” munoratidza kuti munovada uye munoda Baba vedu vokudenga.—VaEf. 6:4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe