RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 10/1 pp. 21-25
  • Ndinoonga Nguva Refu Youpenyu Mubasa raJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinoonga Nguva Refu Youpenyu Mubasa raJehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndakapesvedzerwa Nemirangariro Yorudzidziso
  • Kutsigira Kwangu Chokwadi cheBhaibheri
  • Basa paBheteri
  • Kuva Nechivimbo Mutariro yoUmambo
  • Mubato Mukati meHondo Yenyika II
  • Mubato Wakamutsidzirwa Pashure peHondo
  • Kuita Zvandinogona
  • Kuchengeta Kutenda Kusvikira Kumugumo
  • Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ungada Kubatsira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Upenyu Hwangu Musangano Rinotungamirirwa Nomudzimu raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Upenyu Hwakapfuma Mubasa raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 10/1 pp. 21-25

Ndinoonga Nguva Refu Youpenyu Mubasa raJehovha

YAKATAURWA NAOTTILIE MYDLAND

Mukupera kwezana ramakore rechi19, zvikepe zvaive zvakamiswa zvakaita mutsetse muchiteshi chezvikepe cheKopervik kumadokero kweNorway. Mumazuva iwayo vanhu nemabhiza vaidhonza zvikochikari mumigwagwa. Vanhu vaishandisa marambi eparafini nokuda kwechiedza, uye dzimba dzemapuranga dzakapendwa kuitwa chena dzaidziiswa nehuni nemarasha. Ndakaberekerwa ikoko muna June 1898, ndiri wechipiri pavana vashanu.

MUNA 1905, Baba vakanga vasingashandi, naizvozvo vakaenda kuUnited States. Vakadzoka makore matatu gare gare nesutukesi yaive yakazara nezvipo zvaifadza vana nemachira aAmai nezvimwe zvinhu. Asi zvinhu zvavo zvaikosha zvikurusa zvaiva mavhoriyamu aCharles Taze Russell aiva nomusoro waiti Studies in the Scriptures.

Baba vakatanga kuudza shamwari nehama zvinhu zvavaidzidza mumabhuku iwaya. Pamisangano yomunzvimbomo muchechi, vaishandisa Bhaibheri kuratidza kuti hakuna hero inopisa. (Muparidzi 9:5, 10) Muna 1909, gore pashure pokunge Baba vadzoka vachibva kuUnited States, Hama Russell vakashanyira Norway ndokupa hurukuro muBergen neKristiania, pari zvino inonzi Oslo. Baba vakaenda kuBergen kundomuteerera.

Vanhu vakawanda zvikurusa vakapomera Baba kutsigira dzidziso dzenhema. Ndakavanzwira tsitsi ndokuvabatsira kuendesa maturakiti eBhaibheri kuvavakidzani. Muna 1912, ndakaendesa rimwe turakiti raitaura nezvehero kumwanasikana wemumwe mufundisi. Akatuka inini naBaba. Ndakakatyamadzwa kuti mwanasikana womufundisi aigona kushandisa mutauro unonyadzisira wakadaro!

Vamwe Vadzidzi veBhaibheri, sekuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha, vaiwanzotishanyira muKopervik, kubatanidza Theodor Simonsen, mukurukuri aiva nounyanzvi. Ndaikokera vanhu kuhurukuro dzaaipa mumusha wedu. Asati apa hurukuro yake airidza mutengeranwa ndokuimba, uye pashure pehurukuro yake aiimba rwiyo rwokugumisa. Taimuremekedza zvikuru.

Mumwe aishanyira musha wedu aiva Anna Anderson, mucolporteur, kana kuti mushumiri wenguva yakazara. Aifamba mutaundi netaundi muNorway yose, zvikurukuru nebhasikoro, achigovera vanhu mabhuku eBhaibheri. Akanga ambova nechinzvimbo muSalvation Army uye aiziva vamwe vakuru vakuru veSalvation Army muKopervik. Vakamubvumidza kupa hurukuro yeBhaibheri muimba yavo yekusangana, uye ndakakoka vanhu kuuya kuzomunzwa.

Mumwe mucolporteur aitishanyira muKopervik aiva Karl Gunberg. Uyu murume akadzikama, akanyarara, asi aitaura zvainakidza, akabatirawo kwechinguva somushanduri pahofisi yebazu muOslo. Makore akawanda gare gare takashanda pamwe chete ikoko.

Ndakapesvedzerwa Nemirangariro Yorudzidziso

Panguva iyoyo vanhu vazhinjisa vakanga vasina bedzi kutenda kwakasimba muna Mwari neBhaibheri asiwo vaivawo nezvitendero zvakasimba, zvakadai sehero yomoto noUtatu. Naizvozvo zvakakonzera kupesana kukuru apo Vadzidzi veBhaibheri vakadzidzisa kuti dzidziso idzi dzaisatsinhirana neBhaibheri. Ndakapesvedzerwa nekupomera kwakasimba kwevavakidzani vedu kwokuti Baba vaiva mupanduki. Pane imwe nguva ndakatombovati: “Zvamunodzidzisa hazvisi chokwadi. Kupanduka chaiko!”

“Huya pano, Ottilie,” vakandikurudzira, “uye ona zvinotaura Bhaibheri.” Ipapo vakandiravira Magwaro. Somugumisiro, chivimbo changu mavari nezvavaidzidzisa chakakura. Vakandikurudzira kurava Studies in the Scriptures, naizvozvo mukati mezhizha ra1914, ndaiwanzogara mune chimwe chikomo chaiva kune rimwe divi retaundi.

Muna August 1914 vanhu vakaungana kunze kwechivako chomunzvimbomo chepepanhau vachirava pamusoro pokuvamba kweHondo Yenyika I. Baba vakauya ndokuona zvakanga zvichiitika. “Ndinotenda Mwari!” vakashevedzera kudaro. Vachiona kuvamba kwehondo vakacherekedza kuzadzikwa kwouporofita hweBhaibheri hwavakanga vave vachiparidza. (Mateo 24:7) Vadzidzi veBhaibheri vazhinji panguva iyoyo vaidavira kuti nokukurumidza vaizoendeswa kudenga. Apo izvozvi zvisina kuitika, vamwe vakaodzwa mwoyo.

Kutsigira Kwangu Chokwadi cheBhaibheri

Muna 1915, pazera ramakore 17, ndakapedza chikoro ndokutanga kushanda kunyika mune imwe hofisi. Ipapo ndakavamba kurava Nharireyomurindi nguva dzose. Asi misangano haina kuitwa muKopervik kutozosvikira muna 1918. Pakutanga, kwaiva nevashanu vedu vaipinda. Tairava zvinyorwa zveWatch Tower Society, zvakadai seStudies in the Scriptures, uye taikurukura mashoko acho kupfurikidza nemibvunzo nemhinduro. Kunyange zvazvo Amai vairumbidza Vadzidzi veBhaibheri kune vamwe, havana kumbova mumwe wedu.

Muhofisi yandaishandira, kuvambira muna 1918, ndakarovedzana naAnton Saltnes, uyo wandakakwanisa kubatsira kuva Mudzidzi weBhaibheri. Panguva ino ndaiva muparidzi wenguva dzose uye ndakabhabhatidzwa pane rimwe gungano muBergen muna 1921.

Muna May 1925 kwaiva negungano reScandinavia yose muÖrebro, Sweden. Vanopfuura 500 vaivapo, kusanganisira Joseph F. Rutherford, purezidhendi weWatch Tower Society. Vanenge 30 vedu takabva kuOslo nechitima mune rimwe tiroko rataiva takachengeterwa.

Zvakaziviswa pagungano iri kuti imwe Hofisi yokuChamhembe yeEurope yaizotangwa muCopenhagen, Denmark, kuti itarisire basa rokuparidza muScandinavia yose nenyika dzeBaltic. William Dey anobva kuScotland akagoverwa kuti atarisire basa rokuparidza. Aidiwa zvikuru, uye nokukurumidza akasvika pakuzivikanwa saBig Scotsman. Pakuvamba Hama Dey vaisaziva mutauro upi noupi weScandinavia, naizvozvo vaigara kumashure mukati memisangano nemagungano ndokutarisira vana kuitira kuti vabereki vavo vagoteererese zvaitaurwa pachikuva.

Nharireyomurindi yaMarch 1, 1925, yakakurukura Zvakazarurwa ganhuro 12 ndokutsanangura kuti ganhuro iri rine chokuita nokuberekwa kwoUmambo hwaMwari mudenga uye kuti uku kuberekwa kwakaitika mudenga muna 1914. Ndakazviwana zvakaoma kunzwisisa, naizvozvo ndakarava ndaravazve nyaya yacho. Pandakazoinzwisisa pakupedzisira, ndakafara zvikuru.

Apo kunzwisisa kwedu mimwe misoro yeBhaibheri kwakagadziriswa, vamwe vakagumburwa uye vakabva muvanhu vaMwari. Asi apo kugadziridza kwakadaro kwakanga kwakaoma kunzwisisa, nguva dzose ndairava mashoko acho zvakare kuitira kuti ndinzwisise kurangarira kwacho. Kana ndisati ndanzwisisa kutsanangura kutsva, ndinomirira kujekeserwa. Nguva nenguva ndakaropafadzwa nokushivirira kwakadaro.

Basa paBheteri

Kwemakore akati ndakashanda somuiti wemabhuku eakaunzi, munyori, uye munzveri weakaunzi dzeruwa. Muna 1928 munhu akanga achiita basa reakaunzi reSosaiti akarwara uye aifanira kubva paBheteri. Sezvo ndakanga ndamboshanda basa rakadaro, ndakakumbirwa kumutsiva. Ndakavamba basa reBheteri muna June 1928. Kamwe chete, Hama Dey vakatishanyira ndokunzvera akaunzi dzangu. Mhuri yedu yeBheteri yakatungamirirawo mubasa rokuparidza pachena muOslo, panguva iyoyo tichiva neungano imwe.

Vamwe vedu takabatsira mubatiri wekutumira mabhuku paBheteri, Hama Sakshammer, nekurongedza nokutumira The Golden Age (pari zvino inonzi Mukai!). Hama Simonsen naHama Gunberg vaiva pakati paavo vakabatsira. Takava nenguva yakanaka, tichiwanzoimba nziyo sezvataishanda.

Kuva Nechivimbo Mutariro yoUmambo

Muna 1935 takasvika pakunzwisisa kuti “boka guru” raisava boka rechipiri rokudenga. Takaziva kuti panzvimbo pezvo raimirira boka rinopukunyuka dambudziko guru uye rine mukana wokurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano. (Zvakazarurwa 7:9-14) Neuku kunzwisisa kutsva, vamwe vakanga vadya zviratidzo zveChirangaridzo vakaziva kuti vaiva netariro yapasi, uye vakarega kudya.

Kunyange zvazvo ndisina kumbova nemibvunzo pamusoro petariro yangu yokudenga, ndaiwanzorangarira kuti, ‘Nei Mwari achida inini?’ Ndainzwa ndisina kufanirwa neropafadzo huru yakadaro. Somukadzi muduku, anonyara, ndakazviwana zvakaoma kuzvifunga samambo ndichitonga pamwe chete naKristu mudenga. (2 Timotio 2:11, 12; Zvakazarurwa 5:10) Zvisinei, ndaifungisisa mashoko omuapostora Pauro okuti “havazi vazhinji vane simba” vakadanwa, asi “Mwari wakatsaura zvinhu zvisina simba zvenyika, kuti anyadzise izvo zvine simba.”—1 VaKorinte 1:26, 27.

Mubato Mukati meHondo Yenyika II

Pana April 9, 1940, Norway yakavhozhokerwa nemauto eGermany, uye nokukurumidza vakanga vava kudzora nyika. Somugumisiro wenhamo dzakakonzerwa nehondo, vazhinji vakava vanogamuchira shoko roUmambo. Kubvira muna October 1940 kusvikira kuna June 1941, takagovera mabhuku namabhukwana anopfuura 272 000. Izvozvo zvinoreva kuti mumwe nomumwe weZvapupu zvinopfuura 470 zvaiva muNorway panguva iyoyo akagovera, paavhareji, mabhuku anopfuura zvikuru 570 nemabhukwana mukati memwedzi mipfumbamwe iyoyo!

Pana July 8, 1941, Gestapo yakashanyira vatariri vose vanofambira ndokuvaudza kuti kana basa rokuparidza rikasaregwa vaizoendeswa kumisasa yevasungwa. Mapurisa mashanu eGermany akauya kuBheteri ndokutora zvinhu zvakawanda zveWatch Tower Society. Mhuri yeBheteri yakatorwa ndokunobvunzurudzwa, asi hakuna nomumwe wedu akaiswa mutorongo. Pakupedzisira, pana July 21, 1941, chivako cheSosaiti, Inkognitogaten 28 B, chakatorwa, uye basa redu rokuparidza rakarambidzwa. Ndakadzokera kuKopervik ndokuwana basa rokunyika rokuzvitsigira naro.

Panguva yacho, Baba vakanga vachibatira sapiyona. Rimwe zuva vaNazi vakauya ndokunzvera imba yaBaba. Vakatora mabhuku avo ose, kubatanidza maBhaibheri avo nemakonikodhenzi eBhaibheri. Takagamuchira zvokudya zvomudzimu zvishomanene mukati menguva iyi. Kuti tirambe takasimba mumudzimu, takafunda tafundazve mabhuku ekare, akadai saGovernment, uye takapfuurira kuparidza.

Nenzira inosuruvarisa, munzvimbo zhinji hama zhinji dzakapesana. Vamwe vaitaura kuti tinofanira kuparidza pachena ndokuenda paimba neimba nepo vamwe vairangarira kuti tinofanira kushanda pachivande zvikuru, tichionana navanhu nedzimwe nzira. Nokudaro hama dzaiva nemukurumbira, idzo kare dzakanga dzabatira pamwe zvakanaka zvikuru uye dzataida zvikuru kwazvo, dzaisataudzana. Kukamuka kwacho kwakaita kuti ndirwadziwe pamwoyo zvikuru kupfuura zvakaita chimwe chiitiko chipi nechipi muupenyu hwangu seChapupu.

Mubato Wakamutsidzirwa Pashure peHondo

Pashure pehondo, muzhizha ra1945, Hama Dey vakashanyira Norway ndokuita misangano muOslo, Skien, uye Bergen. Vakakumbira hama kuti dziyanane ndokukumbira vose vaishuva kudaro kusimuka. Vose vakasimuka! Kupesana kwacho kwakapedzwa zvachose muna December 1945, pashure pokushanya kwaNathan H. Knorr, aiva purezidhendi weWatch Tower Society panguva yacho.

Munguvayi, pana July 17, 1945, ndakagamuchira teregiramu yakabva kumubatiri webazu, Hama Enok Öman, ichiti: ‘Munogona kudzoka kuBheteri rini?’ Vamwe vakataura kuti ndaifanira kugara pamusha ndokutarisira baba vangu, vakanga vava namakore anopfuura 70. Asi Baba vakandikurudzira kumutsidzira basa reBheteri, zvinova ndizvo zvandakaita. Muna 1946, Marvin F. Anderson, imwe hama yaibva kuUnited States, yakava mutariri wedu webazu, uye basa rokuparidza rakarongwa zvakare.

Mukati memazororo ezhizha ndaidzokera kuKopervik kundoona mhuri yangu. Hanzvadzi dzangu mbiri nevanun’una vangu vaviri havana kuva Zvapupu, asi nguva dzose vaiva noushamwari kuna Baba nokwandiri. Mumwe wehanzvadzi dzangu akava mutungamiriri pachiteshi chengarava uye mutungamiriri wevatyairi vengarava, uye muduku wacho aiva mudzidzisi. Kunyange zvazvo ndaiva murombo, Baba vaivaudza kuti: “Ottilie mupfumi kupfuura imimi.” Uye chaiva chokwadi! Zvavakanga vawana zvaisagona kuenzaniswa neupfumi hwokumudzimu hwandakanga ndichifarikanya! Baba vakafa pazera ramakore 78 muna 1951. Amai vakanga vafa muna 1928.

Chinhu chinokosha muupenyu hwangu kwaiva kupinda kokorodzano yamarudzi akawanda yevanhu vaJehovha muNew York City muna 1953. Gore iroro munda wenyika wakava nevaparidzi vanopfuura 500 000, uye vanopfuura 165 000 vakapinda kokorodzano yacho! Kokorodzano ya1953 isati yasvika, ndakashanda kwevhiki paBheteri yeBrooklyn, dzimbahwe resangano raJehovha pasi pano.

Kuita Zvandinogona

Mumakore mashomanene apfuura kuona kwangu kwakaderera nemhaka yekusashanda zvakanaka kwamaziso. Ndichiri kukwanisa kurava mabhii makuru nemagirazi akasimba negirazi rinokudza mabhii. Uye hanzvadzi dzechiKristu dzinondishanyira ndokundiravira kaviri pavhiki, chiri chinhu chandinoonga zvikuru.

Mubato wangu wokuparidza wakaganhurirwawo. Mukati mezhizha, hanzvadzi dzechiKristu dzakafamba neni ndiri pawiricheya yangu kuti tindoparidza. Nguva dzose ndinotumira magazini nemabhurocha kuzvikoro zviri muKopervik, zvakadai sekukireshi kwandaiva mudzidzi makore anenge 100 apfuura. Ndinofara kuti ndichiri kukwanisa kuva muparidzi wenguva dzose.

Sezvineiwo mokudyira neHoro yoUmambo zviri pauriri humwe chete nekamuri rangu paBheteri, iyo kubvira muna 1983 yave iri paYtre Enebakk kunze kweOslo. Naizvozvo ndinokwanisa kuenda kundonamata mangwanani, kuzvokudya, uye kumisangano yedu newiricheya. Uye ndinofara kuti ndichiri kuenda kukokorodzano namagungano. Ndinofarikanya kusangana neshamwari dzandave ndichiziva kwamakore akawanda, pamwe chete nehama nehanzvadzi itsva nevana vakanaka vakawanda.

Kuchengeta Kutenda Kusvikira Kumugumo

Chikomborero kukomboredzwa nevanhu vanoshingaira, vanofadza, uye vomudzimu pano paBheteri. Pandakatanga basa rangu repaBheteri, mhuri yose yaiva yakaumbwa neavo vaiva netariro yokudenga. (VaFiripi 3:14) Parizvino munhu wose ari paBheteri kunze kwangu anotarira mberi kuti agorarama pasi nokusingaperi.

Chokwadi, taikarira kuti Jehovha angadai akaita chiito kare. Bva, ndinofara nokuona boka guru richiramba richikura zvikuru. Ndakaona wedzero dzakakura zvakadini! Pandakapinda muushumiri kekutanga, kwaiva nevaparidzi 5 000 munyika yose. Zvino kwave nevanopfuura 5 400 000! Zvirokwazvo, ndakaona “muduku [achi]va chiuru, wakadukupa [achi]va rudzi rune simba.” (Isaya 60:22) Tinofanira kuramba tichikarira Jehovha, seizvo muporofita Habhakuki akanyora: “Kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo.”—Habhakuki 2:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe