RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/96 p. 1
  • Iva Wemweya Wose!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Wemweya Wose!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anokoshesa Basa Rako Rinoitwa Nomwoyo Wose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kushumira Jehovha Nemweya Wese
    ‘Imbira Jehovha Uchifara’
  • Kushumira Jehovha Nomweya Wose
    Imbirai Jehovha
  • Unogona Kuparidza Zvisina Kurongwa!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 5/96 p. 1

Iva Wemweya Wose!

1 Tine zvikonzero zvizhinji zvokuva vanoonga Jehovha. Izvozvi zvinobatanidza zvinhu zvaakaita munguva yakapfuura, zvaari kuita zvino, uye zvaachigere kutiitira munguva yemberi. Kuonga kwedu kunofanira kutisunda kuitei? Rimwe pisarema raDhavhidhi rinopindura, kuti: “Ndicharumbidza Jehovha nguva dzose; rumbidzo yake ichagara mumuromo mangu.”—Pis. 34:1.

2 Bhaibheri rinoratidza nenzira yakajeka kuti tinorayirwa kuparidza. Iri ibasa ratinoita “nomweya wose sokuna Jehovha.” (VaK. 3:23, NW) Tichaita zvakawanda sei muushumiri kana tiri vemweya wose zvirokwazvo? Apo tinorangarira rudo rwaJehovha nokuda kwedu, zvirokwazvo mwoyo yedu inofanira kutisunda kuva negoverano yokushingaira mukuudza vamwe pamusoro pake nezvinangwa zvake zvinokosha! Tinosundwa kuita zvatinogona.

3 Kwaizova kune mufungo kukarira kuti munhu ari wemweya wose anoda kuita kuti ngwariro yake irambe yakanangidzirwa pabasa rinoyera. Wezvamapisarema, uyo sezviri pachena akarangarira nenzira iyoyo, akazivisa, kuti: “Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva.” (Pis. 119:164) Avo vanogoverana mirangariro yewezvamapisarema vanotsvaka kushandisa mikana yokurumbidza Jehovha. Kana mamirire avo ezvinhu achibvumidza, vanobatira nokushingaira kusvikira kutambanuko inobvira.

4 Takapoteredzwa Nemikana Yokurumbidza Jehovha: Hatifaniri kumira kusvikira tava kugoverana mubasa repasuo nesuo kuti tiparidze mashoko akanaka. Vokubasa biyedu, vokuchikoro biyedu, hama dzokunyama, uye vazivikanwi vose vanofanira kunzwa shoko roUmambo. Apo tinenge tichifamba, tinogona kutanga kurukurirano dzingatungamirira kukupa uchapupu kuvashandi vepahotera, vashandi vepaimba yavose yokudyira, vashandi vepachiteshi chepeturo, kana kuti vachairi vetekisi. Apo tinenge tiri pamusha, tingapupura kuvavakidzani kana kuti vanhu vanosvitsa zvinhu. Kana tiri muchipatara, kune vakoti, vanachiremba, uye vamwe varwere vatinogona kuparidzira nenzira isina kurongwa.

5 Kupupura Kusina Kurongwa Kunowana Migumisiro: Zvapupu zviviri zvakanga zvichifamba mupaka rimwe zuva ndokutanga kurukurirano nomumwe murume muduku akanga achifamba nemwana wake. Pakupedzisira iye nomudzimai wake vakagamuchira zvokwadi. Murume muduku wacho gare gare akazivisa kuti nguva pfupi bedzi asati atanga kusangana neZvapupu zviviri, akanga anyengetera kuna Mwari, achikumbira kuti, ‘Kana muriko, ndapota itai kuti ndikuzivei.’ Anorangarira kusangana kwacho mupaka kuva mhinduro yaJehovha yomunyengetero wake.

6 Avo vari vemweya wose muchishuvo chavo chokubetsera vamwe mumudzimu vanowana mufaro mukuru. Vanoziva kuti basa rakadaro, “nemwoyo wakakwana,” rinofadza Jehovha.—1 Mako. 28:9, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe