RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 11/1 pp. 8-13
  • VaKristu Nenyika Yorudzi Rwomunhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaKristu Nenyika Yorudzi Rwomunhu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muenzaniso waJesu
  • Maonere Aiita Pauro Vanhu “Vari Kunze”
  • Kubatsira Vatendi Vaisava vaJudha
  • Kuparidza Pakati pe“Vasingatendi”
  • Kuedza Kuponesa “Vanhu Vose” Nhasi
  • VaKristu Vokutanga Munyika Yaitaura chiGiriki
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Ita Zvinhu Zvose Nokuda Kwamashoko Akanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Shanduro yeBhaibheri Yakachinja Nyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Fambira Mberi Pakunamata Nokutevedzera Muenzaniso waPauro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 11/1 pp. 8-13

VaKristu Nenyika Yorudzi Rwomunhu

“Fambai nokuchenjera kuna vari kunze.”—VAKOROSE 4:5.

1. Jesu akatii pamusoro pavateveri vake nenyika?

MUMUNYENGETERO kuna Baba vake vokudenga, Jesu akati nezvevateveri vake: “Nyika [ya]kavavenga, nokuti havazi venyika, seni ndisi wenyika.” Ipapo akawedzera kuti: “Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete pane wakaipa.” (Johane 17:14, 15) VaKristu vakanga vasingafaniri kuparadzaniswa nenyika panyama—somuenzaniso, kupfurikidza nokugara voga mudzimba dzinogara mamongi. Panzvimbo pezvo, Kristu akava“tuma panyika” kuti vave zvapupu zvake “kusvikira kumugumo wenyika.” (Johane 17:18; Mabasa 1:8) Zvisinei, akakumbira Mwari kuti avatarisire nemhaka yokuti Satani, “muchinda wenyika ino,” aizoita kuti vavengwe nemhaka yezita raKristu.—Johane 12:31; Mateo 24:9.

2. (a) Bhaibheri rinoshandisa sei shoko rokuti “nyika”? (b) Chimiroi chendangariro chakadzikama icho Jehovha anoratidza kunyika?

2 MuBhaibheri shoko rokuti “nyika” (chiGiriki, koʹsmos) rinowanzoratidzira nzanga yavanhu isina kururama, iyo “igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19) Nemhaka yokuti vaKristu vanoteerera mipimo yaJehovha uye vanoteererawo murayiro wokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika, pane dzimwe nguva ukama hwakaoma hwakavapo pakati pavo nenyika. (2 Timotio 3:12; 1 Johane 3:1, 13) Zvisinei, koʹsmos rinoshandiswawo muMagwaro kutaura nezvemhuri yomunhu yose zvayo. Achitaura nezvenyika mupfungwa iyi, Jesu akati: “Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira mwanakomana wake panyika, kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.” (Johane 3:16, 17; 2 VaKorinte 5:19; 1 Johane 4:14) Naizvozvo, nepo achivenga zvinhu zvetsika yaSatani yakaipa, Jehovha akaratidza kuda kwake rudzi rwomunhu kupfurikidza nokutuma Mwanakomana wake pasi pano kuti aponese vose vano“tendeuk[a].” (2 Petro 3:9; Zvirevo 6:16-19) Chimiro chendangariro chakadzikama chaJehovha kunyika chinofanira kutungamirira vanamati vake.

Muenzaniso waJesu

3, 4. (a) Jesu akava nenzvimboi kana toreva nezvekutonga? (b) Jesu akarangarira sei nyika yorudzi rwomunhu?

3 Chinguvana asati afa, Jesu akaudza Pontio Pirato kuti: “Ushe hwangu hahuzi hwenyika ino.” (Johane 18:36) Mutsinhirano nemashoko iwaya, Jesu akanga amboramba kuti Satani amupe chiremera cheumambo hwenyika, uye akanga akaramba kubvumira vaJudha kumuita mambo. (Ruka 4:5-8; Johane 6:14, 15) Bva, Jesu akaratidza kuda zvikuru nyika yorudzi rwomunhu. Muenzaniso weizvozvo wakashumwa nomuapostora Mateo achiti: “Akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, varashwa, samakwai asina mufudzi.” Norudo, akaparidzira vanhu mumataundi avo nemisha. Akavadzidzisa ndokuporesa urwere hwavo. (Mateo 9:36) Aizivawo zvinodikanwa zvokunyama zvaavo vakauya kuzodzidza kwaari. Tinorava kuti: “Jesu wakadanira vadzidzi vake kwaari, akati: Ndine tsitsi navanhu vazhinji ava, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya; handidi kuvaendisa vane nzara, zvimwe vangaziya panzira.” (Mateo 15:32) Kuitira hanya kune rudo zvakadini!

4 VaJudha vaifungira vaSamaria zvakaipa zvikuru, asi Jesu akataura nguva refu nemumwe mukadzi weSamaria ndokupedza mazuva maviri achipa uchapupu hwakakwana mune rimwe guta reSamaria. (Johane 4:5-42) Kunyange zvazvo Mwari akamutuma “kumakwai akarashika eimba yavaIsraeri,” Jesu panhambo nenhambo akaita chimwe chinhu apo vamwe vaisava vaJudha vairatidzira kutenda. (Mateo 8:5-13; 15:21-28) Hongu, Jesu akaratidzira kuti zvinobvira kusava “[w]enyika” uye panguva imwe cheteyo kuda nyika yorudzi rwomunhu, vanhu. Isu tinoratidza tsitsi nenzira yakafanana kuvanhu vatinogara navo, vatinoshanda navo, kana kuti vatinotenga navo here? Tinoitira hanya garikano yavo here—kwete bedzi zvinoshayikwa zvavo zvomudzimu asiwo zvimwe zvinodikanwa kana tichikwanisa kubatsira? Jesu akadaro, uye kupfurikidza nokuita kudaro, akazarura nzira yokudzidzisa nayo vanhu pamusoro poUmambo. Chokwadi, hatigoni kuita zvishamiso chaizvoizvo sezvakaita Jesu. Asi chiito chemutsa, chinowanzoita sokunge chinoita zvishamiso mukupedza kufungira zvakaipa.

Maonere Aiita Pauro Vanhu “Vari Kunze”

5, 6. Muapostora Pauro akabata sei navaJudha “vari kunze”?

5 Mutsamba dzake dzinoverengeka, muapostora Pauro anonongedzera kuvanhu “vari kunze,” kureva vaisava vaKristu, vangava vaJudha kana kuti Vemamwe Marudzi. (1 VaKorinte 5:12; 1 VaTesaronika 4:12; 1 Timotio 3:7) Akabata sei navakadaro? ‘Akava zvinhu zvose kuvanhu vamarudzi ose, kuti aponese vamwe.’ (1 VaKorinte 9:20-22) Paaisvika muguta, aiwanzotanga kunoparidzira vaJudha vakanga vava kugara imomo. Aisvika sei? Nokungwarira uye nokuremekedza aipa ufakazi hunopwisa hweBhaibheri hwokuti Mesiya akanga auya, akanga afa rufu rwechibayiro, uye akanga amutswa.—Mabasa 13:5, 14-16, 43; 17:1-3, 10.

6 Neiyi nzira Pauro akavaka kuziva Mutemo kwavaJudha navaporofita kuitira kuti avadzidzise nezvaMesiya noUmambo hwaMwari. Uye akabudirira kupwisa vamwe. (Mabasa 14:1; 17:4) Pasinei zvapo nokushora kwevamwe vatungamiriri vechiJudha, Pauro akaratidza kuda vamwe vaJudha apo akanyora kuti: “Hama dzangu, kuda kwomwoyo wangu nokukumbira kwangu kuna Mwari pamusoro pavo [vaJudha] ndiko, kuti vaponeswe. Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi havaiti nokuziva.”—VaRoma 10:1, 2.

Kubatsira Vatendi Vaisava vaJudha

7. Vapuroserite vakawanda vakagamuchira sei mashoko akanaka akaparidzwa naPauro?

7 Vapuroserite vanhu vaisava vaJudha avo vakanga vadzingiswa savaJudha. Sezviri pachena, kwaiva navaJudha vaiva vapuroserite muRoma, Siria, Antiokia, Etiopia, uye muAntiokia yePisidhia—zvirokwazvo, muDiaspora yechiJudha yose. (Mabasa 2:8-10; 6:5; 8:27; 13:14, 43; enzanisa naMateo 23:15, NW.) Kusafanana navatongi vakawanda vechiJudha, vapuroserite sezvingabvira vaisazvikudza, uye vaisagona kuzvirumbidza nokudada vachiti vaiva vazukuru vaAbhrahama. (Mateo 3:9; Johane 8:33) Panzvimbo pezvo, vakanga varamba vamwari vechiHedheni uye vakanga vatendeukira kuna Jehovha nokuzvininipisa, vachimuziva nemimwe mitemo yake. Uye vakagamuchira tariro yavaJudha yaMesiya aizouya. Sezvo vakanga varatidza kuda kuchinja mukutsvaka kwavo chokwadi, vazhinji vavo vakanga vakagadzirira kuita chinjo dzakawanda ndokuteerera kuparidza kwomuapostora Pauro. (Mabasa 13:42, 43) Apo mupuroserite akanga ambonamata vamwari vechiHedheni aitendeukira kuchiKristu, aishongedzerwa zvakakwana kuti apupurire Vemamwe Marudzi vakanga vachiri kunamata vamwari ivavo.

8, 9. (a) Kunze kwavapuroserite, rimwei boka reVemamwe Marudzi rakakwezvwa kurudzidziso rwechiJudha? (b) Vaitya Mwari vakawanda vakanga vasina kudzingiswa vakagamuchira sei mashoko akanaka?

8 Kunze kwevapuroserite vakadzingiswa, vamwe vaisava vaJudha vakakwezvwa norudzidziso rwechiJudha. Wokutanga kuva muKristu waivava aiva Konerio uyo, kunyange zvazvo aisava mupuroserite, aiva “munhu wainamata nowaitya Mwari.” (Mabasa 10:2) Mubhuku rake rokutsinhira bhuku raMabasa, Purofesa F. F. Bruce akanyora kuti: “Vemamwe Marudzi vakadaro vanowanzonzi ‘vanotya Mwari’; nepo risiri shoko rakanyorwa, ndiro rinofanira kushandiswa. Vemamwe Marudzi akawanda emazuva iwayo, nepo vakanga vasina kugadzirira kuva vanonyatsotendeukira kuchiJudha (kudikanwa kwokudzingiswa kuchiva ndiko kwaikanganisa varume), vaikwezvwa nedzidziso iri nyore yokuti kuna Mwari mumwe yekunamata kwechiJudha kwemusinagoge uye nemipimo yetsika yemararamire echiJudha. Vamwe vavo vaienda kusinagoge ndokuva vanoziva minyengetero nezvidzidzo zvemagwaro, zvavainzwa zvichiraviwa mushanduro yechiGiriki.”

9 Muapostora Pauro akasangana nevaitya Mwari vakawanda paaiparidza mumasinagoge muAsia Minor neGreece. MuAntiokia yePisidhia akataura kune avo vaiva musinagoge achiti “varume vaIsraeri, nemi munotya Mwari.” (Mabasa 13:16, 26) Ruka anonyora kuti pashure pokunge Pauro aparidza maSabata matatu musinagoge raiva muTesaronika, “vamwe vavo [vaJudha] vakatendiswa [kuva vaKristu], vakatevera Pauro naSirasi, navazhinji vavaGiriki, vainamata Mwari, navakadzi vaikudzwa vazhinji.” (Mabasa 17:4) Sezvingabvira, vamwe vevaGiriki vacho vaiva vanhu vaitya Mwari vakanga vasina kudzingiswa. Kune ufakazi hwokuti Vemamwe Marudzi vakadaro vakawanda vakazvibatanidza nenzanga dzechiJudha.

Kuparidza Pakati pe“Vasingatendi”

10. Pauro akaparidzira sei Vemamwe Marudzi avo vakanga vasingazivi Magwaro, uye nemugumisiroi?

10 MuMagwaro echiGiriki echiKristu, shoko rokuti “vasingatendi” rinogona kunongedzera kuvanhuwo zvavo vari kunze kweungano yechiKristu. Kazhinji kazhinji rinonongedzera kuvahedheni. (VaRoma 15:31; 1 VaKorinte 14:22, 23; 2 VaKorinte 4:4; 6:14) MuAtene vatendi vakawanda vakadzidziswa uzivi hwechiGiriki pavakanga vasingatombozivi Magwaro. Izvi zvakaodza mwoyo Pauro pakuvapupurira here? Aiwa. Zvisinei, akachinja mutoo wake. Akapa pfungwa dzeBhaibheri nounyanzvi asinganokore mashoko zvakananga muMagwaro echiHebheru, ayo akanga asingazivikanwi kuvagari vemuAtene. Nenzira youngwaru akaratidza kufanana kwakaita chokwadi cheBhaibheri nemimwe mifungo yaitaurwa nevananyanduri vekare vechiStoiko. Uye akaparidza pfungwa yaMwari mumwe wechokwadi worudzi rwose rwomunhu, Mwari achatonga mukururama kupfurikidza nomunhu akafa ndokumutswa. Nokudaro Pauro nokungwarira akaparidza pamusoro paKristu kuvaAtene. Mugumisiro wacho? Nepo ruzhinji rwakamunyomba zvakananga kana kuti rwakanga rwusina chokwadi, “vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo paiva naDionisio, muAreopago, nomukadzi wainzi Dhamari, navamwe pamwe chete navo.”—Mabasa 17:18, 21-34.

11. Korinte raiva guta rorudzii, uye ndeupi waiva mugumisiro womubato waPauro imomo?

11 MuKorinte maiva nevaJudha vakawanda, naizvozvo Pauro akavamba ushumiri hwake imomo kupfurikidza nokuparidza musinagoge. Asi apo vaJudha vakashora, Pauro akaenda kuvanhu Vemamwe Marudzi. (Mabasa 18:1-6) Uye vaiva vakazowanda! Korinte raiva guta rezvokutengeserana raiva navanhu vakabatikana, vaibva kunzvimbo dzakasiyana-siyana, raizivikanwa munyika yechiGiriki nechiRoma nokuda kwounzenza hwaro. Zvirokwazvo, “kuita muKorinte” kwaireva kuita unzenza. Bva, Kristu akaoneka kuna Pauro pashure pokunge vaJudha varamba kuparidza kwake ndokuti: “Usatya hako, asi taura . . . , nokuti ndine vanhu vazhinji muguta rino.” (Mabasa 18:9, 10) Zvechokwadiwo, Pauro akavamba ungano muKorinte, kunyange zvazvo mimwe yemitezo yayo yakanga yamborarama mararamire echi“Korinte.”—1 VaKorinte 6:9-11.

Kuedza Kuponesa “Vanhu Vose” Nhasi

12, 13. (a) Nharaunda yedu nhasi yakafanana sei neiya yomuzuva raPauro? (b) Tinoratidza chimiroi chendangariro mundima umo marudzidziso echiKristudhomu ave akagadzwa kana kuti umo vakawanda vakaodzwa mwoyo nemarudzidziso makuru?

12 Nhasi, kufanana nomuzana ramakore rokutanga, “nyasha dzaMwari [dzisina kufanirwa] . . . dzinovigira vanhu vose kuponeswa.” (TiroTito 2:11) Ndima yokuparidza mashoko akanaka yakakura kuti ifukidze makondinendi ose nezvitsuwa zvizhinjisa zvegungwa. Uye, kufanana nomuzuva raPauro, “vanhu vose” zvirokwazvo vari kusanganwa navo. Somuenzaniso, vamwe vedu tinoparidza munyika umo machechi echiKristudhomu ave akatangwa kwemazana akawanda amakore. Kufanana navaJudha muzana ramakore rokutanga, mitezo yawo ingave yakasungwa zvakasimba namagamuchidzanwa orudzidziso. Zvisinei, tinofara kutsvaka avo vane mwoyo wakanaka ndokuvaka zivo yeBhaibheri ipi neipi yavanayo. Hativadukupisi kana kuti kuvazvidza kunyange zvazvo vatungamiriri vavo vorudzidziso pane dzimwe nguva vachitishora nokutitambudza. Panzvimbo pezvo, tinoziva kuti vamwe pakati pavo “vanoshingairira Mwari” kunyange zvazvo vasina zivo yakarurama. Kufanana naJesu naPauro, tinoratidza kuda vanhu kwechokwadi, uye tine chishuvo chakasimba chokuti vaponeswe.—VaRoma 10:2.

13 Patinenge tichiparidza, vakawanda vedu tinosangana navanhu vakaodzwa mwoyo nemarudzidziso makuru. Zvisinei, vangave vachiri vanhu vanotya Mwari, vachidavira Mwari kusvikira kumwero wakati uye vachiedza kurarama upenyu hwakarurama. Muchizvarwa chino chakamonyana uye chinowedzera kusanamata Mwari, hatifaniri here kufara kusangana navanhu vanodavira Mwari? Uye hatidi here kuvaendesa kuchimiro chokunamata chisiri chounyengeri nenhema?—VaFiripi 2:15.

14, 15. Ndima huru yakava sei inowanika nokuda kwokuparidza mashoko akanaka?

14 Mumufananidzo wake weutava, Jesu akafanotaura kuti kwaizova nendima huru yebasa rokuparidza. (Mateo 13:47-49) Ichitsanangura mufananidzo uyu, Nharireyomurindi yaJune 15, 1992, yakati papeji 20: “Mumazana amakore mitezo yechiKristudhomu yakaita basa guru mukushandura, kunyora, uye kuparadzira Shoko raMwari. Machechi gare gare akaumba kana kuti kutsigira masangano eBhaibheri, ayo akashandurira Bhaibheri mumitauro yenyika dziri kure. Akatumirawo vafundisi vanorapa navadzidzisi, avo vane vanhu vakatendeukira kuchiKristu nemhaka yokuti vaipiwa zvokudya. Ikoku kwakaunganidza zviverengero zvikuru zvehove dzisina kufanira, idzo dzakanga dzisina tendero yaMwari. Asi zvisinei kwakaratidzira mamiriyoni avasiri vaKristu kuBhaibheri nokuchimiro chechiKristu, kunyange zvazvo chakashatiswa.”

15 Kutendeutsa kwechiKristudhomu kwave kuchishanda zvikuru muSouth America, Africa, uye zvimwe zvitsuwa zvegungwa. Muzuva redu, vanyoro vakawanda vakawanwa munzvimbo idzi, uye tinogona kupfuurira kuita zvakanaka zvakawanda kana tine chimiro chendangariro chakanaka, chokuda vanhu vanozvininipisa vakadaro, sechakanga china Pauro kuvapuroserite vakatendeukira kuchiJudha. Pakati paavo vanoda kubatsirwa nesu panewo mamiriyoni avanhu vanganzi “vanoyemura” Zvapupu zvaJehovha. Nguva dzose vanofara kutiona tichivashanyira. Vamwe vakafunda Bhaibheri nesu uye vakapinda misangano yedu, zvikurukuru Chirangaridzo chegore negore chorufu rwaKristu. Vakadaro havaratidziri ndima huru yokuparidza mashoko akanaka oUmambo here?

16, 17. (a) Marudzii avanhu atinosvika namashoko akanaka? (b) Tinotevedzera sei Pauro mukuparidza kumarudzi avanhu akasiyana-siyana?

16 Uyezve, zvakadini naavo vanobva kutsika dzisiri dzechiKristudhomu—tingasangana navo mumisha yavo kana kuti vakatamira kunyika dzokuMadokero? Uye zvakadini namamiriyoni akawanda akaramba rudzidziso zvachose, achiramba kuti Mwari ariko kana kuti haazivikanwi? Uyezve, zvakadini naavo vanoteerera ruzivo rwazvino uno nokushingaira kworudzidziso kana kuti ruzivo rwakakurumbira rwunobudiswa mumabhuku akawanda anonzi ndeekuzvibatsira nawo anowanwa mumashopu amabhuku? Vanhu vakadaro vanofanira kufuratirwa, vachirangarirwa savasingabviri kudzikinura here? Kwete kana tikatevedzera muapostora Pauro.

17 Paaiparidzira muAtene, Pauro haana kupinda mumusungo wokuitirana nharo kwouzivi navateereri vake. Zvisinei, akashandisa kurangarira kwavanhu vaaibata navo, achiparidza chokwadi cheBhaibheri nenzira yakajeka, younyanzvi. Nenzira yakafanana, hatifaniri kuva nyanzvi mune zvorudzidziso kana kuti uzivi hwevanhu vatinoparidzira. Zvisinei, tinochinja mutoo wedu kuitira kuti kupupura kwedu kushande, nokudaro tichiva “zvose kuvanhu vose.” (1 VaKorinte 9:22) Achinyorera vaKristu vaiva muKorose, Pauro akati: “Fambai nokuchenjera kuna vari kunze, muchingwarira nguva yenyu. Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunomufanira.”—VaKorose 4:5, 6.

18. Tine basai, uye hatifaniri kumbokanganwei?

18 Kufanana naJesu nomuapostora Pauro, ngatiratidzei rudo kuvanhu vamarudzi ose. Zvikurukuru, ngatizvishandisei kugoverana navamwe mashoko akanaka oUmambo. Kune rimwe divi, ngatisambokanganwei kuti Jesu akati nezvevateveri vake: “Havazi venyika.” (Johane 17:16) Zvazvinoreva kwatiri zvichakurukurwazve munyaya inotevera.

Hwirudzuro

◻ Rondedzera maonere anoita Jesu nyika.

◻ Muapostora Pauro akaparidzira sei vaJudha nevapuroserite?

◻ Pauro akasvika sei vaitya Mwari nevaisatenda?

◻ Tinogona sei kuva “zvose kuvanhu vose” mumubato wedu wokuparidza?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kupfurikidza nokuitira vavakidzani vavo mabasa omutsa, vaKristu vanowanzokwanisa kukurira kufungira zvakaipa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe