RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 1/15 pp. 8-13
  • “Tinofamba Nokutenda, Hatifambi Nokuona”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Tinofamba Nokutenda, Hatifambi Nokuona”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Noa Akaita Nokutenda Kwakasimba
  • Kutenda kwaAbrahama
  • Kutenda Kwakasunda Mosesi
  • “Simbisai Mwoyo Yenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Abrahamu Aiva Ani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Jehovha Akamuti “Shamwari Yangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Mwari Anoidza Kutenda kwaAbrahama
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 1/15 pp. 8-13

“Tinofamba Nokutenda, Hatifambi Nokuona”

“Tinofamba nokutenda, hatifambi nokuona.”—2 VAKORINTE 5:7.

1. Chii chinorehwa noku“famba nokutenda”?

NGUVA yose yatinonyengetera mutsinhirano nenhungamiro dzinoratidzwa muShoko raMwari, tinoratidzira kuti tine kutenda kwakati. Patinovamba kupupura kune vamwe pamusoro poUmambo hwaMwari, izviwo zvinoratidza kutenda. Uye patinotsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha, tiri kupa ufakazi hwokuti tinoshuva ku‘famba nokutenda,’ ndiko kuti, kuronda mararamire anodzorwa nokutenda.—2 VaKorinte 5:7; VaKorose 1:9, 10.

2. Nei kutora rutivi mumibato yeungano kusiri hako ufakazi hwokuti munhu ane kutenda?

2 Zvirokwazvo kana tichizorarama nomutoo wakadaro, tinoda kutenda kwakasimba. (VaHebheru 11:1, 6) Vanhu vakawanda vanokwezverwa kuZvapupu zvaJehovha nemhaka yemipimo yakakwirira yetsika norudo zvavanoona pakati peZvapupu. Ikoko kutanga kwakaisvonaka, asi hazvirevi kuti vanhu vakadaro vane kutenda. Vamwe vangava nemukwanyina weroorano kana kuti mubereki akasimba mukutenda, uye vangagoverana muimwe yemibato inoitwa nouyo wavanoda. Kuva nepesvedzero yakadaro mumusha womunhu zvirokwazvo chikomborero, asi ikokuwo hakutsivi kuda Mwari kwomunhu oga uye kutenda kwomunhu oga.—Ruka 10:27, 28.

3. (a) Kuti tive nokutenda kwakasimba, tinofanira kupwiswa nezvechii somunhu oga pamusoro peBhaibheri? (b) Nei vamwe vanhu vachipwiswa nezvokufuridzirwa kweBhaibheri nokudisa kupfuura zvinoita vamwe?

3 Avo vanofamba nokutenda zvirokwazvo vanopwiswa zvizere kuti Bhaibheri iShoko raMwari. Pane ufakazi hwakawanda hwokuti Magwaro Matsvene, zvirokwazvo “akafuridzirwa naMwari.”a (2 Timotio 3:16) Ufakazi uhu hunofanira kunzverwa hwakawanda sei munhu asati apwiswa? Izvozvo zvingatsamira pamamiriro ezvinhu ake akare. Zvinogutsa mumwe munhu zvizere zvingasakurudzira mumwe. Mune zvimwe zviitiko, kunyange zvazvo munhu akaratidzwa ufakazi hwakawanda husingarambiki, angangorambazve mugumisiro wahunonongedzera kwahuri. Nei? Nemhaka yezvishuvo zvakavanzwa mukati-kati momwoyo wake. (Jeremia 17:9) Nokudaro, kunyange zvazvo munhu angataura kuti anofarira chinangwa chaMwari, mwoyo wake ungashuva kutenderwa nenyika. Angasada kurega mararamire anopesana nemipimo yeBhaibheri. Zvisinei, kana munhu upi noupi ane nzara yechokwadi zvirokwazvo, kana asingazvifuriri, uye kana achizvininipisa, pashure penguva yakati achaziva kuti Bhaibheri iShoko raMwari.

4. Chii chinodikanwa kumunhu kuti ave nokutenda?

4 Kazhinji kazhinji mumwedzi mishomanene chete, vanhu vari kubetserwa kufunda Bhaibheri vanoonga kuti vakatoona ufakazi hunopfuura hwakakwana hwokuti iShoko raMwari. Kana izvi zvichivasunda kuzarura mwoyo yavo kuti varayiridzwe naJehovha, ipapo mifungo yavo yomukati-kati, zvishuvo zvavo, uye zvinovasunda zvichaumbwa zvishoma nezvishoma nezvavanodzidza. (Pisarema 143:10) VaRoma 10:10 inotaura kuti munhu anotenda “nomwoyo.” Kutenda kwakadaro kunoratidza manzwire chaiwoiwo anoita munhu wacho, uye kucharatidzirwa mumararamire ake.

Noa Akaita Nokutenda Kwakasimba

5, 6. Kutenda kwaNoa kwakanga kwakavakirwa pachii?

5 Noa akanga ari mumwe akanga ane kutenda kwakasimba. (VaHebheru 11:7.) Akanga ane chikonzeroi nokuda kwako? Noa aiva neshoko raMwari, kwete rakanyorwa, asi rakataurwa kwaari. Genesi 6:13 inoti: “Mwari wakati kuna Noa: Kupera kwavanhu vose kwasvika pamberi pangu, nokuti vakazadza nyika nokumanikidzana.” Jehovha akarayira Noa kuti avake areka ndokugovera mashoko pamusoro pokuvakwa kwayo. Ipapo Mwari akawedzera kuti: “Ini ndinouyisa panyika mvura zhinji, kuti iparadze zvipenyu zvose, zvine mweya woupenyu, pasi pedenga; zvose zviri panyika zvichafa.”—Genesi 6:14-17.

6 Mvura yakanga yambovapo here izvi zvisati zvaitika? Bhaibheri haritauri. Genesi 2:5 inoti: “Jehovha wakanga asati anisa mvura.” Asi aya ndiwo mataurire akaita Mosesi zvinhu, uyo akararama mazana amakore gare gare, mukukurukura kwete zuva raNoa asi nguva refu risati raitika. Sezvinoratidzwa pana Genesi 7:4, Jehovha akanongedzera kumvura paaitaura naNoa, uye sezviri pachena Noa akanzwisisa zvaaireva. Bva, kutenda kwaNoa kwakanga kusiri mune zvaaigona kuona. Muapostora Pauro akanyora kuti Noa aka“nyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa.” Mwari akaudza Noa kuti Iye aizounza “boporodzi remvura,” kana kuti “gungwa rokudenga,” pamusoro papasi, sokutaura kunoita mashoko omuzasi ari muNew World Translation pana Genesi 6:17. Kusvikira panguva iyoyo, chinhu chakadaro chakanga chisati chamboitika. Asi chisiko chose chaionekwa naNoa chakaita sokuratidzirwa kuri pachena kwokuti Mwari aigona zvirokwazvo kuunza boporodzi rakadaro rinoparadza. Asundwa nokutenda, Noa akavaka areka.

7. (a) Noa akanga asingadi chii kuti aite zvaakanga arayirwa naMwari? (b) Tinobetserwa sei nokurangarira kutenda kwaNoa, uye kutenda kwedu kunogona sei kuva chikomborero kuvamwe?

7 Mwari akanga asina kupa Noa musi weapo Boporodzi raizovamba. Asi Noa haana kushandisa ichocho sechikonzero chokuva nomurangariro wokuti regai ndimire ndione, achiisa kuvaka areka nokuparidza munzvimbo yechipiri muupenyu hwake. Pachine nguva yakawanda, Mwari akaudza Noa nguva yokupinda muareka. Munguvayi, “Noa akaita saizvozvo; sezvaakarayirwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.” (Genesi 6:22) Noa akafamba nokutenda, kwete nokuona. Tinoonga sei kuti akadaro! Nemhaka yokutenda kwake, tiri vapenyu nhasi. Isuwo, kutenda kwatinoratidza kunogona kuva netapuro huru paizvo nguva yemberi inazvo kwete bedzi nokuda kwedu asiwo nokuda kwavana vedu uye nokuda kwavamwe vanhu vakatipota.

Kutenda kwaAbrahama

8, 9. (a) Abrahama akavakira kutenda kwake pachii? (b) Jehovha ‘akazviratidza’ kuna Abrahama munzirai?

8 Rangarira mumwe muenzaniso—uya waAbrahama. (VaHebheru 11:8-10.) Abrahama akavakira kutenda kwake pachii? Mhoteredzo dzaakakurira madziri muUri yavaKardhea dzakanga dziri dzokunamata zvidhori uye dzokudisa pfuma. Asi dzimwe pesvedzero dzakaumba murangariro waAbrahama. Pasina mubvunzo aigona kusonganirana nomwanakomana waNoa Shemi, ane upenyu hwaipfuura hwake namakore 150. Abrahama akapwiswa kuti Jehovha ndiye “Mwari woKudenga-denga, muridzi wokudenga napasi.”—Genesi 14:22.

9 Chimwezve chinhu chakava nepesvedzero huru pana Abrahama. Jehovha “wakazviratidza kuna . . . Abrahama, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani, akati kwavari: Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza.” (Mabasa 7:2, 3) Jehovha ‘akazviratidza’ kuna Abrahama munzirai? Abrahama haana kuona Mwari zvakananga. (Eksodho 33:20) Zvisinei, zvinobvira kuti Jehovha akazviratidza kuna Abrahama muchiroto, nokuratidzwa kwembiri kwechienzi, kana kuti kupfurikidza nenhume yaiva ngirozi, kana kuti mumiriri. (Enzanisa naGenesi 18:1-3; 28:10-15; Revhitiko 9:4, 6, 23, 24.) Upi kana kupi ungava mutoo uyo Jehovha akaoneka nawo kuna Abrahama, murume akatendeka iyeye akanga ane chivimbo chokuti Mwari akanga ari kuisa ropafadzo inokosha pamberi pake. Abrahama akaita nokutenda.

10. Jehovha akasimbisa sei kutenda kwaAbrahama?

10 Kutenda kwaAbrahama hakuna kutsamira pakuva kwake nemashoko pamusoro penyika iyo Mwari akanga achimutungamirira kwairi. Hakuna kutsamira pakuziva kwake kuti aizopiwa nyika iyoyo rini. Aiva nokutenda nemhaka yokuti aiziva Jehovha saMwari Wamasimba Ose. (Eksodho 6:3) Jehovha akaudza Abrahama kuti aizova navana, asi pane dzimwe nguva Abrahama aishamisika kuti izvozvo zvaizodaro sei. Akanga ari kukwegura. (Genesi 15:3, 4) Jehovha akasimbisa kutenda kwaAbrahama kupfurikidza nokumuudza kuti atarire nyeredzi agodziverenga kana aigona. “Ndizvo zvichaita vana vako,” Mwari akadaro. Abrahama akaororwa zvikuru. Zvakanga zviri pachena kuti Musiki wemitumbi yokudenga iyoyo inotyisa aigona kuita zvaakanga avimbisa. Abrahama “akatenda Jehovha.” (Genesi 15:5, 6) Abrahama haana kutenda nemhaka bedzi yokuti akada zvaakanga ari kunzwa; akanga ane kutenda kwakasimba.

11. (a) Sezvaakanga ava kuda kusvika makore 100 ezera, Abrahama akaita sei kuchipikirwa chaMwari chokuti Sara akanga akwegura aizobereka mwanakomana? (b) Abrahama akanangana nomuedzo waibatanidza kuenda nomwanakomana wake kuGomo reMoria kunomupa sechibayiro nokutenda kworudzii?

11 Apo Abrahama akanga ava kuda kusvika makore 100 ezera uye mudzimai wake, Sara, ava pedyo nezera ramakore 90, Jehovha akataura zvakare chipikirwa chake chokuti Abrahama aizova nomwanakomana uye kuti Sara aizova mai. Abrahama nenzira chaiyoiyo akarangarira mamiriro avo ezvinhu. “Akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari, achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, wakanga ane simba rokuchiitawo.” (VaRoma 4:19-21) Abrahama aiziva kuti chipikirwa chaMwari chakanga chisingagoni kukundikana. Gare gare, nemhaka yokutenda kwake, Abrahama akateerera Mwari paakamuudza kuti aende nemwanakomana wake Isaka kunyika yeMoria ndokumupa sechibayiro. (Genesi 22:1-12) Abrahama akanga ane chivimbo chakazara chokuti Mwari akanga aparira nenzira yenenji kuti mwanakomana aberekwe aigonawo kumudzosera kuupenyu kuitira kuti agozadzika zvimwe zvipikirwa izvo Iye akanga aita zvaiva nechokuita naye.—VaHebheru 11:17-19.

12. Abrahama akapfuurira kufamba nokutenda kwenguva yakareba sei, uye mubayiroi wakamumirira iye nemitezo yemhuri yake iyo yakaratidzira kutenda kwakasimba?

12 Abrahama akaratidza kuti aidzorwa nokutenda kwete bedzi mumamiriro ezvinhu akati asi muupenyu hwake hwose. Muupenyu hwake hwose Abrahama haana kugamuchira kuna Mwari chikamu chipi nechipi cheNyika Yakapikirwa senhaka. (Mabasa 7:5) Bva, Abrahama haana kuneta ndokudzokera kuUri yavaKardhea. Kwamakore 100, kusvika chaizvo pakufa kwake, aigara mumatende munyika iyo Mwari akanga amutungamirira kwairi. (Genesi 25:7) Pamusoro pake nomudzimai wake Sara, mwanakomana wavo Isaka, uye muzukuru wavo Jakobho, VaHebheru 11:16 inoti: “Mwari haane nyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo, nokuti wakavagadzirira guta.” Hungu, Jehovha ane nzvimbo yavo munzvimbo yapasi yoUmambo hwake hwaMesiya.

13. Ndivanaani pakati pevabatiri vaJehovha nhasi vanopa ufakazi hwokuva nokutenda kwakafanana nokwaAbrahama?

13 Pane avo vari pakati pavabatiri vaJehovha nhasi vakafanana naAbrahama. Vakafamba nokutenda kwamakore akawanda. Musimba rinopiwa naMwari, vakakurira mhinganidzo dzakafanana namakomo. (Mateo 17:20) Havasi kuzununguka mukutenda nemhaka yokuti havazivi kuti ndirini chaizvo apo Mwari achavapa nhaka yaakavimbisa. Vanoziva kuti shoko raJehovha harigoni kukundikana, uye vanozvirangarira seropafadzo inokosha kuverengwa pakati peZvapupu zvake. Ndiwo manzwire aunoita here?

Kutenda Kwakasunda Mosesi

14. Hwaro hwokutenda kwaMosesi hwakaiswa sei?

14 Mumwe muenzaniso wokutenda ndiMosesi. Chii chakanga chiri hwaro hwokutenda kwake? Hwakaiswa paucheche. Kunyange zvazvo mwanasikana waFarao akawana Mosesi mutswanda yetsanga muRwizi rwaNire ndokumutora somwanakomana wake, mai vaMosesi pachavo vechiHebheru, Jokebhedhi, vakarera mukomana wacho ndokumutarisira mukati mamakore ake apakuvamba. Sezviri pachena Jokebhedhi akamudzidzisa zvakanaka, achiroverera kuda Jehovha nokunzwisisa zvipikirwa Zvake kuna Abrahama. Gare gare, somutezo wemhuri yaFarao, Mosesi “akadzidziswa uchenjeri hwose hwavaEgipita.” (Mabasa 7:20-22; Eksodho 2:1-10; 6:20; VaHebheru 11:23) Zvisinei, pasinei zvapo nenzvimbo yakakwirira yaMosesi, mwoyo wake wakanga una vanhu vaMwari vaiva muuranda.

15. Kuzvizivisa navanhu vaJehovha kwakarevei nokuda kwaMosesi?

15 Mugore rake rechi40, Mosesi akauraya muEgipita kuitira kuti anunure muIsraeri akanga ari kubatwa zvisina kururama. Chiitiko ichi chakaratidza nzira iyo Mosesi airangarira nayo vanhu vaMwari. Zvirokwazvo, “nokutenda Mosesi, akura, wakaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao.” Panzvimbo pokuomerera pa“kufarira zvivi nguva duku” somutezo weimba yamambo weEgipita, akanga asundwa nokutenda kuti azvizivise navanhu vaMwari vaibatwa zvisina kufanira.—VaHebheru 11:24, 25; Mabasa 7:23-25.

16. (a) Jehovha akapa Mosesi basai, uye Mwari akamubetsera sei? (b) Mukuita basa rake, Mosesi akaratidza sei kutenda?

16 Mosesi akanga achidisa kuita chiito kuti asunungure vanhu vake, asi nguva yaMwari yokuvanunura yakanga isati yasvika. Mosesi aifanira kutiza achibva muEgipita. Jehovha haana kurayira Mosesi kuti adzokere kuEgipita kunotungamirira vaIsraeri kuti vabude munyika iyoyo kupfurikidza nengirozi kusvikira makore 40 gare gare. (Eksodho 3:2-10) Mosesi akaita sei? Haana kuratidza kusava nechokwadi pamusoro pokukwanisa kwaJehovha kununura Israeri, asi akanzwa asingakwanisi basa iro Mwari akaisa pamberi pake. Nenzira yorudo, Jehovha akagovera kurudziro yaidikanwa naMosesi. (Numeri 20:7-12) Kutenda kwaMosesi kwakava kwakasimba. Akadzokera kuEgipita ndokunyevera anyeverazve Farao zvakananga nezvematambudziko aizouya paEgipita nokuda kwokukundikana kwomutongi iyeye kurega vaIsraeri vachienda kunonamata Jehovha. Mosesi akanga asina simba romunhu oga rokuparira matambudziko iwayo. Akafamba nokutenda, kwete nokuona. Aitenda Jehovha neshoko rake. Farao akatyisidzira Mosesi. Asi Mosesi akatsungirira. “Nokutenda wakabva Egipita, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti wakatsungirira somunhu unoona iye usingaonekwi.” (VaHebheru 11:27) Mosesi akanga asina kukwana. Aikanganisa. (Eksodho 3:11-4:17) Pashure pokutumwa naMwari, zvisinei, mararamiro ake ose aidzorwa nokutenda.

17. Kufamba nokutenda kwakaguma nechii nokuda kwaNoa, Abrahama, uye Mosesi, kunyange zvazvo vasina kuzorarama kuti vaone nyika itsva yaMwari?

17 Kutenda kwako ngakuve kwakafanana nouko kwaNoa, Abrahama, uye Mosesi. Ichokwadi kuti havana kuona nyika itsva yaMwari muzuva ravo. (VaHebheru 11:39) Yakanga isati yava nguva yakagadzwa yaMwari; pakanga pane mamwe mativi echinangwa chake akanga achiri kuda kuitwa. Bva, kutenda kwavo shoko raMwari hakuna kuzununguka, uye mazita avo ari mubhuku raMwari roupenyu.

18. Nokuda kwaavo vakadanirwa kuupenyu hwokudenga, nei zvave zviri madikanwa kufamba nokutenda?

18 “Mwari wakanga atigadzirira chimwe chinhu chinopfuura nokunaka,” akanyora kudaro muapostora Pauro. Ndiko kuti, Mwari akafanoona chimwe chinhu chiri nani nokuda kwaavo, kufanana naPauro, vakadanirwa kuupenyu hwokudenga naKristu. (VaHebheru 11:40) Ivava ndivo avo Pauro akanga achirangarira zvikurukuru paakanyora mashoko akanyorwa pana 2 VaKorinte 5:7: “Tinofamba nokutenda, hatifambi nokuona.” Izvozvo pazvakanyorwa, hapana nomumwe wavo akanga awana mubayiro wavo wokudenga. Vakanga vasingagoni kuuona nameso avo enyama, asi kuutenda kwavo kwakanga kwakasimba. Kristu akanga amutswa muvakafa, zvibereko zvokutanga zvaavo vaizokomborerwa nokumutsirwa kuupenyu hwokudenga. Uye zvapupu zvinopfuura 500 zvakanga zvamuona asati akwira kudenga. (1 VaKorinte 15:3-8) Vakanga vane chikonzero chakakwana chokudzora upenyu hwavo hwose nokutenda ikoko. Isuwo tine zvikonzero zvakanaka zvokufamba nokutenda.

19. Sezvinoratidzwa pana VaHebheru 1:1, 2, Mwari akataura nesu kupfurikidza naani?

19 Nhasi, Jehovha haasi kutaura kuvanhu vake kupfurikidza nengirozi, sezvaakaita kuna Mosesi pagwenzi raipfuta moto. Mwari akataura kupfurikidza noMwanakomana wake. (VaHebheru 1:1, 2) Zvakataurwa naMwari kupfurikidza naye, Akaita kuti zvinyorwe muBhaibheri, iro rakashandurirwa mumitauro yavanhu munyika yose.

20. Mamiriro edu ezvinhu akanaka zvikuru sei kupfuura ayo aNoa, Abrahama, uye Mosesi?

20 Tine zvakawanda zvikuru kupfuura izvo Noa, Abrahama, uye Mosesi vakanga vanazvo. Tine Shoko raMwari rakakwana—zvakawanda zvacho zvakatozadzikwa. Nemhaka yezvose zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pevarume navakadzi vakava zvapupu zvakatendeka zvaJehovha pasinei zvapo nemiedzo yorudzi rwose, VaHebheru 12:1 inokurudzira kuti: “Ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa.” Kutenda kwedu hachisi chimwe chinhu chokurerutsa. “Zvivi zvinongotinamatira” kusava nokutenda. Kurwisa kwakasimba kunodikanwa kana tichizoramba tichi“famba nokutenda.”

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

Ndeipi Iri Tsinhiro Yako?

◻ Chii chinobatanidzwa muku“famba nokutenda”?

◻ Tinogona sei kubetserwa nenzira iyo Noa akaratidza nayo kutenda?

◻ Nzira iyo Abrahama akaratidza nayo kutenda inotibetsera sei?

◻ Nei Bhaibheri richinongedzera kuna Mosesi somuenzaniso wokutenda?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Abrahama akafamba nokutenda

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mosesi naAroni vakaratidzira kutenda pavakanga vari pamberi paFarao

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe