Mushumo Wavazivisi voUmambo
Kutsungirira Kunotungamirira Kuchikomborero chaMwari muMalawi
JOSEFA akanga ari mubatiri waJehovha akatendeka. (VaHebheru 11:22) Akanga ariwo murume wokutsungirira kwakatanhamara. Kunyange zvazvo akatengeswa nevakoma vake pachake, akatengeswa muuranda kaviri, uye gare gare akakandirwa mutorongo areverwa nhema, Josefa haana kuora mwoyo. Panzvimbo pezvo, akatsungirira makore echitambudzo nenzira yokushivirira, achimirira chikomborero chaJehovha nenzira yokuzvininipisa.—Genesi 37:23-28, 36; 39:11-20.
Nenzira yakafanana nhasi, Zvapupu zvaJehovha muMalawi zvakamirira chikomborero chaMwari nenzira yokushivirira. Kwamakore 26, izvi Zvapupu zvechiKristu zvakatsungirira zvirambidzo zvehurumende, chishoro chakakomba, uye utsinye hwakawanda. Asi kutsungirira kwazvo kwakaunza mugumisiro wakanaka!
Apo chitambudzo chakatanga muMalawi mukupera kwa1967, makanga mune vaparidzi voUmambo vanenge 18 000. Fungidzira mufaro weZvapupu zvacho pazvakaziva kuti gore rebasa ra1997 rakavamba nechiverengero chitsva chavaparidzi 38 393—vakawanda nekanopfuura kakapetwa kaviri kupfuura pakuvamba kwechirambidzo chacho! Uyezve, vakapinda Kokorodzano Dzoruwa 13 dze“Nhume Dzorugare rwaMwari” dzakaitwa muMalawi vakapfuura 117 000. Zvechokwadi, Jehovha akakomborera kutenda kwavo nokutsungirira.
Muenzaniso wechikomborero ichi chiitiko chomukomana aiva nemakore 14 okukura anonzi Machaka. Apo Machaka akabvuma chikarakadzo chokufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, vabereki vake vakatsamwa zvikuru. Vakati: “Kana uchida kuva Chapupu, unofanira kubva pamusha.” Zvisinei, kutyisidzira uku hakuna kumuodza mwoyo kuti arege kupfuudzira fundo yake. Somugumisiro, vabereki vaMachaka vakamutorera mbatya dzake dzose. Hama dzakamutengera dzimwe. Vabereki vaMachaka pavakaziva nezvazvo, vakamuudza kuti: “Kana Zvapupu zvichizokutsigira, unofanira kubva ndokuenda kunogara nazvo.” Pashure pokurangarira nhau yacho nokungwarira, Machaka akabva pamba, uye imwe mhuri yeZvapupu yomuungano yomunzvimbomo yakamugamuchira.
Vabereki vaMachaka vakashatiriswa kwazvo zvokuti vakasarudza kubva munharaunda yacho kuitira kuti vadzivise kuonana kwose neZvapupu. Machaka, chokwadika, akarwadziwa neizvi, asi akawana nyaradzo huru apo hama dzakakurukura naye Pisarema 27:10, iro rinoti: “Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.”
Pashure penguva yakati, vabereki vaMachaka vakapfavisa chimiro chavo, uye iye akasarudza kudzokera kumba. Sezviri pachena kutsunga kwomwanakomana wavo kubatira Jehovha kwakavaorora zvikuru nemhaka yokuti ivowo vakada fundo yeBhaibheri neZvapupu zvaJehovha! Vakapindawo mazuva ose matatu eKokorodzano Yoruwa ye“Nhume Dzorugare rwaMwari”, pashure payo vakasundwa kutaura kuti: “Zvechokwadi, iri isangano raMwari.”
Hungu, chishoro chingava chinorwadza zvikuru, asi nhume dzakavimbika dzaMwari hadziregi. Dzinopfuurira nokushinga, dzichiziva kuti “kutambudzika kunouyisa kutsungirira; kutsungirira kunouyisa kuidzwa.” (VaRoma 5:3, 4) Zvapupu zvaJehovha muMalawi zvinogona kupupurira zvakarurama kuti kutsungirira kunotungamirira kuzvikomborero zvaMwari.