Kukwezva—Rumbidzo Kumunhu Kana Kuti Mbiri Kuna Mwari Here?
“MUTONGI anofanira kupfuura vanhu vaanotonga kwete bedzi mupfungwa yokuva nani chaizvoizvo kupfuura zvavari, asi kuti anofanirawo kuvapesvedzera nenzira yakati,” akanyora kudaro Xenophon, mutungamiriri wehondo akakurumbira wokuGreece. Nhasi, vakawanda vangadana “kupesvedzera” kwakadaro kuti kukwezva.
Havasi vatongi vose vavanhu vanokwezva, chokwadika. Asi avo vanodaro vanoshandisa mano avo kunyandura kuzvipira uye kushandisa vanhuwo zvavo nokuda kwokubetserwa kwavo. Zvichida muenzaniso wemunguva pfupi yapfuura unozivikanwa zvakaipa zvikurusa wakanga ari Adolf Hitler. “[Muna 1933] kuruzhinji rwevaGermany Hitler akanga ane—kana kuti aizokurumidza kuva— nomurangariro womutungamiriri anokwezva zvechokwadi,” anonyora kudaro William L. Shirer mubhuku rake rinonzi The Rise and Fall of the Third Reich. “Vaifanira kumutevera vasingasimudzi musoro, sokunge kuti aitonga noumwari, kwemakore gumi namaviri ane masimba masimba aitevera.”
Nhau yorudzidziso yakazarawo nevatungamiriri vorudzidziso vanokwezva avo vakakurudzira vanhu kuti vazvipire kwavari asi vakaunza ngwavaira pavateveri vavo. “Ngwarirai kuti munhu asakutsausai,” Jesu akanyevera kudaro, “nokuti vanhu vakawanda vachauya muzita rangu vachiti ‘Ndini Kristu’, uye vachatsausa vakawanda.” (Mateo 24:4, 5, Phillips) VaKristu venhema vanokwezva havana kungooneka bedzi muzana ramakore rokutanga. Mukati mema1970, Jim Jones akazvizivisa sa“mesiya weTembere Yavanhu.” Akarondedzerwa se“munhu wechechi anokwezva” ane “simba rinoshamisa pamusoro pavanhu,” uye muna 1978 akakurudzira kumwe kwokuzviuraya kukuru zvikurusa munhau.a
Sezviri pachena, kukwezva kunogona kuva chipo chine ngozi. Zvisinei, Bhaibheri rinotaura nezverudzi rwakasiyana rwechipo, kana kuti zvipo, zvinobva kuna Mwari, zvinowanika kuna vose kuti vose vabetserwe. Shoko rechiGiriki nokuda kwechipo ichi ndikhaʹri·sma, uye rinooneka ka17 muBhaibheri. Imwe nyanzvi yokuGreece inorirondedzera se‘chipo chapachena uye chisingafanirwi, chimwe chinhu chinopiwa munhu asina kuchishandira uye asina kuchikodzera, chimwe chinhu chinobva munyasha dzaMwari uye chaisambogona kuwanwa kana kuti kuitwa nenhamburiko yomunhu pachake.’
Naizvozvo mumurangariro weMagwaro, khaʹri·sma chipo chinogamuchirwa, nemhaka yomutsa waMwari usina kufanirwa. Ndezvipi zvimwe zvezvipo izvi izvo Mwari akatipa nomutsa? Uye tingagona sei kuzvishandisa kuti timurumbidze? Ngatirangarirei zvitatu zveizvi zvipo zvenyasha.
Upenyu Husingaperi
Chipo chikurusa kupfuura zvose nenzira isina mubvunzo chipo choupenyu husingaperi. Pauro akanyorera ungano yeRoma kuti: “Mubayiro wezvivi ndirwo rufu; asi chipo [khaʹri·sma] chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu, Ishe wedu.” (VaRoma 6:23) Zvinokosha kucherekedza kuti “mubayiro” (rufu) ndechimwe chinhu chatakawana kunyange zvazvo tisingadi, kupfurikidza nokutadza kwedu. Pane rumwe rutivi, upenyu husingaperi hunoitwa kuti huwanike naMwari ndechimwe chinhu chisingambofanirwi zvachose chatisingambogoni kuwana nokunaka kwedu pachedu.
Chipo choupenyu husingaperi chinofanira kukosheswa ndokugoveranwa. Tinogona kubetsera vanhu kuziva Jehovha, kumubatira uye nokudaro kupiwa chipo choupenyu husingaperi. Zvakazarurwa 22:17 inoti: “Mweya nomwenga vanoti: Uya! Naiye unonzwa ngaati: Uya! Une nyota ngaauye. Unoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.”
Tinogona sei kutungamirira vamwe kuiyi mvura inopa upenyu? Zvikurukuru kupfurikidza nokushandisa Bhaibheri zvakanaka muushumiri hwedu. Ichokwadi kuti mune mamwe mativi enyika, vanhu havawanzorava kana kuti kufunga nezvezvinhu zvomudzimu; kunyange zvakadaro, nguva dzose pane mikana yoku‘mutsa nzeve’ yomumwe munhu. (Isaya 50:4) Munhau iyi, tinogona kuva nechivimbo musimba rinosunda reBhaibheri, “nokuti shoko raMwari ibenyu, rine simba.” (VaHebheru 4:12) Hungava uchenjeri hunoshanda hweBhaibheri, nyaradzo netariro zvarinogovera, kana kuti kutsanangura kwaro donzo roupenyu, Shoko raMwari rinogona kubata mwoyo ndokufambisa vanhu panzira inoenda kuupenyu.—2 Timotio 3:16, 17.
Mukuwedzera, mabhuku akavakirwa paBhaibheri anogona kutibetsera kuti “Uya!” Muporofita Isaya akafanotaura kuti mukati menguva ino yerima romudzimu, ‘Jehovha aizopenya’ pavanhu vake. (Isaya 60:2) Zvinyorwa zveWatch Tower Society zvinoratidzira ichi chikomborero chinobva kuna Jehovha, uye makore ose zvinotungamirira zviuru zvavanhu kuna Jehovha, Manyuko enzwisiso yomudzimu. Mumapeji azvo ose utanhamari hahupiwi vanhu. Sokutsanangura kunoita sumo yeNharireyomurindi, “chinangwa cheNharireyomurindi ndechokurumbidza Jehovha Mwari saChangamire Ishe wechisiko chapose pose. . . . Inokurudzira kutenda muna Mambo waMwari anotonga zvino, Jesu Kristu, ane ropa rakadeurwa rinozarurira rudzi rwomunhu nzira yokuwana nayo upenyu husingagumi.”
Mumwe mushumiri wenguva yakazara wechiKristu, uyo kwemakore akawanda akabudirira zvinooneka muushumiri hwake, anotsinhira pamusoro pokukosha kweNharireyomurindi neMukai! mukubetsera vanhu kuswedera pedyo naMwari achiti: “Apo vadzidzi vangu veBhaibheri vanotanga kurava ndokufarikanya Nharireyomurindi neMukai!, vanokurumidza kufambira mberi. Ndinoona magazini acho seyamuro inokosha zvikuru mukubetsera vanhu kusvika pakuziva Jehovha.”
Ropafadzo Dzebasa
Timotio akanga ari mudzidzi wechiKristu uyo akapiwa chimwe chipo chaifanirwa nengwariro chaiyo. Muapostora Pauro akamuudza kuti: “Usarega kuchengeta chipiwa [khaʹri·sma] chiri mauri, chawakapiwa nokuporofita, nokuiswa maoko avakuru.” (1 Timotio 4:14) Chipo ichi chakanga chiri chii? Chaibatanidza kugadzwa kwaTimotio somutariri anofambira, ropafadzo yebasa yaaifanira kutarisira nokutendeka. Muchikamu chimwe chetecho, Pauro akarayira Timotio kuti: “Shingaira pakurava, napakurayira, napakudzidzisa. Uzvichengete iwe nedzidziso yako. Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa.”—1 Timotio 4:13, 16.
Vakuru nhasi vanofanirawo kuda ropafadzo dzavo dzebasa. Sokuonesa kunoita Pauro, imwe nzira yavanogona nayo kuita izvi iri kupfurikidza noku‘ngwarira kudzidzisa kwavo.’ Panzvimbo pokutevedzera vatungamiriri venyika vanokwezva, vanonangidzira ngwariro kuna Mwari, kwete kwavari pachavo. Jesu, Muenzaniso wavo, akanga ari mudzidzisi akatanhamara uyo pasina mubvunzo akanga ane unhu hwaikwezva, asi nokuzvininipisa akapa Baba vake mbiri. “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu, asi ndokwowakandituma,” akazivisa kudaro.—Johane 5:41; 7:16.
Jesu akapa mbiri Baba vake vokudenga kupfurikidza nokushandisa Shoko raMwari sechiremera chokudzidzisa kwake. (Mateo 19:4-6; 22:31, 32, 37-40) Nenzira yakafanana Pauro akasimbisa kudikanwa kwokuti vatariri va‘batisise shoko rakatendeka muunyanzvi hwavo hwokudzidzisa.’ (Tito 1:9) Kupfurikidza nokuvakira hurukuro dzavo zvakasimba paMagwaro, vakuru, chaizvoizvo, vachava vachitaura sezvakaita Jesu kuti: “Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu.”—Johane 14:10.
Vakuru vanogona sei ku‘batisisa shoko rakatendeka’? Kupfurikidza nokuvakira hurukuro dzavo nemigove yemisangano paShoko raMwari, vachitsanangura nokusimbisa magwaro avanoshandisa. Mienzaniso inoshamisa kana kuti zviitiko zvinonakidza, zvikurukuru kana zvikanyanyiswa, zvingatsausa vateereri paShoko raMwari ndokukwevera ngwariro kumano okutaura omukurukuri pachake. Ndima dzeBhaibheri, pane rumwe rutivi, ndidzo dzichasvika mwoyo ndokusunda vateereri. (Pisarema 19:7-9; 119:40; enzanisa naRuka 24:32.) Hurukuro dzakadaro dzinoisa ngwariro shoma kuvanhu ndokupa mbiri yakawanda kuna Mwari.
Imwe nzira iyo vakuru vanogona nayo kuva vadzidzisi vanobudirira ndeyokudzidza kune vamwe. Sezvo Pauro akabetsera Timotio, naizvozvo mukuru anogona kubetsera mumwe. “Simbi inorodza simbi. Saizvozvo munhu unorodza chiso cheshamwari yake.” (Zvirevo 27:17; VaFiripi 2:3) Vakuru vanobetserwa nokugoverana mifungo nezvikarakadzo. Mumwe mukuru akagadzwa nguva pfupi yapfuura akatsanangura kuti: “Mumwe mukuru ane ruzivo rwokuzviwanira akawana nguva yokundiratidza kuti anogadzirira sei hurukuro yavose. Mukugadzirira kwake, aibatanidza mibvunzo inonyandura mufungo, mifananidzo, mienzaniso, kana kuti zviitiko zvipfupi, pamwe chete nezvikamu zveMagwaro zvaakanga anzvera nokungwarira. Ndakadzidza kwaari nzira yokuwedzera nayo zvakasiyana-siyana kuhurukuro dzangu kuitira kuti ndidzivise kukurukura kusinganakidzi, kunofinha.”
Tose zvedu tinofarikanya maropafadzo ebasa, tingava tiri vakuru, vabatiri vanoshumira, kana kuti mapiyona, tinofanira kukoshesa chipo chedu. Chinguvana asati afa, Pauro akayeuchidza Timotio ‘kukuchidzira somoto chipo [khaʹri·sma] chaMwari chakanga chiri maari,’ icho kuna Timotio chaibatanidza chimwe chipo chaicho chomudzimu. (2 Timotio 1:6) Mumisha yavaIsraeri, kazhinji kazhinji moto yaingova mazimbe anopfuta moto. Zvaibvira ku‘akuchidzira’ kuti abudise mirazvo nekudziya kukuru. Nokudaro tinokurudzirwa kushandisa mwoyo wedu nesimba mumigove yedu, tichikuchidzira somoto chipo chipi kana chipi chatakapiwa.
Zvipo Zvomudzimu Zvinofanira Kugoveranwa
Kuda kwaPauro hama dzake dzaiva muRoma kwakamusunda kunyora kuti: “Ndinoda zvikuru kukuonai, kuti ndikupei chimwe chipo chomweya, [khaʹri·sma] kuti musimbiswe. Ndokuti ini ndinyaradzwe pamwe chete nemi pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu.” (VaRoma 1:11, 12) Pauro akarangarira mano edu okusimbisa kutenda kwavamwe kupfurikidza nokutaura kwedu navo sechipo chomudzimu. Kuchinjana zvipo zvomudzimu zvakadaro kwaizoguma nokutsigira kutenda uye kukurudzirana.
Uye zvirokwazvo izvi zvinodikanwa. Mutsika ino yakaipa yatinorarama mairi, tose tinotarisana nefunganyo munzira yakati kuti. Kukurudzirana kwenguva dzose, zvisinei, kunogona kutibetsera kutsungirira. Pfungwa yokuchinjana—zvose zviri zviviri kupa nokugamuchira—inokosha pakuchengeta simba romudzimu. Chokwadi, tose tinoda kukurudzirwa panguva nenguva, asi tose tinogona kuvakanawo.
Kana tikasvinurira kucherekedza vatinotenda navo vakaora mwoyo, tinga‘kwanisa kunyaradza vaya vari murudzi rwupi norwupi rwedambudziko nenyaradzo iyo isu pachedu tinonyaradzwa nayo naMwari.’ (2 VaKorinte 1:3-5) Shoko rechiGiriki renyaradzo (pa·raʹkle·sis) rinoreva chaizvoizvo kuti “kudanira kurutivi rwako.” Kana, pazvinodikanwa, tiri parutivi kuti tibetsere hama yedu kana kuti hanzvadzi, pasina mubvunzo isu pachedu tichagamuchira tsigiro yakafanana yorudo patinenge tichishayiwa.—Muparidzi 4:9, 10; enzanisa naMabasa 9:36-41.
Shanyo dzokufudza dzavakuru dzinobetserawo zvikuru. Kunyange zvazvo pane nhambo apo kushanya kunoitwa kuti vape zano raMagwaro panhau inoda ngwariro, shanyo dzakawanda zvikurusa dzokufudza inhambo dzekurudziro, ‘kunyaradza mwoyo.’ (VaKorose 2:2) Apo vatariri vanoita shanyo dzinosimbisa kutenda dzakadaro, chaizvoizvo vari kupa chipo chomudzimu. Kufanana naPauro, vachawana ichi chimiro chechienzi chokupa chichiunza mubayiro, uye vacha“da” hama dzavo.—VaRoma 1:11.
Izvi zvakanga zviri zvechokwadi kumumwe mukuru womuSpain, uyo anorondedzera chiitiko chinotevera: Ricardo, mukomana ane makore 11 okukura, airatidzika seairatidza fariro shomanene mumisangano neungano. Naizvozvo ndakakumbira vabereki vaRicardo kuti vandibvumire kushanyira mwanakomana wavo, zvavakabvuma nokudisa. Vaigara mumakomo inenge awa yokutyaira kubva kumba kwangu. Sezviri pachena Ricardo akafadzwa nokuona kumufarira kwandakaita, uye akadavidza pakarepo. Akakurumidza kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa uye mutezo unoshingaira weungano. Kunyara kwake kwakatsiviwa nounhu hunofadza zvikuru nehwoushamwari. Vanoverengeka muungano vakabvunza kuti: ‘Chii chakaitika kuna Ricardo?’ Vakaita sevamuona kokutanga. Ndichirangarira shanyo yokufudza iyoyo yakakosha, ndinonzwa kuti ndakawana kwete bedzi Ricardo. Paanopinda muHoro yoUmambo, chiso chake chinonyevenuka, uye anouya achimhanya kuzondikwazisa. Zvave zvichifadza kuona kufambira mberi kwake kwomudzimu.”
Pasina mubvunzo, shanyo dzokufudza, dzakadai seiyi, dzinokomborerwa zvikuru. Shanyo dzakadaro dzinowirirana nechikumbiro chaJesu chokuti: “Chengeta makwai angu.” (Johane 21:16) Chokwadika, vakuru havasi ivo bedzi vanogona kupa zvipo zvomudzimu zvakadaro. Vanhu vose vari muungano vanogona kunyandurirana kurudo namabasa akaisvonaka. (VaHebheru 10:23, 24) Kungofanana navakwiri vari kukwira gomo vakabatanidzwa pamwe chete, naizvozvo takabatanidzwa pamwe chete nezvisungo zvomudzimu. Nenzira isingadzivisiki, zvatinoita nokutaura zvinotapura vamwe. Kutaura kwokujinyura kana kuti kutsoropodza kwehasha zvinogona kunetesa zvisungo zvinotibatanidza. (VaEfeso 4:29; Jakobho 3:8) Pane rumwe rutivi, mashoko akanyatsosarudzwa okukurudzira uye betsero yorudo zvinogona kubetsera hama dzedu kukurira zvinetso zvadzo. Nenzira iyi tichava tichigoverana zvipo zvomudzimu zvoukoshi hunogara.—Zvirevo 12:25.
Kuratidzira Mbiri yaMwari Zvakazara
Zvakajeka kuti muKristu wose ane mwero wokukwezva. Takapiwa tariro inokosha youpenyu husingaperi. Tinewo zvipo zvomudzimu zvatinogona kugoverana navamwe. Uye tinogona kuvavarira kukurudzira kana kuti kusundira vamwe kuzvinangwa zvakarurama. Vamwe vane zvipo zvakawedzerwa muchimiro cheropafadzo dzebasa. Zvipo zvose izvi ufakazi hwomutsa waMwari usakafanirwa. Uye sezvo chipo chipi nechipi chatingava nacho chiri chinhu chatakagamuchira kuna Mwari, zvirokwazvo hatina chikonzero chokudada.—1 VaKorinte 4:7.
SavaKristu, tinoita zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Ndichashandisa mwero upi noupi wokukwezva kuti ndiunze mbiri kuna Jehovha, Mupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana” here? (Jakobho 1:17) Ndichatevedzera Jesu ndokushumira vamwe maererano nemano angu nemamiriro ezvinhu here?’
Muapostora Pauro anogumisa mutoro wedu munhau iyi: “Mumwe nomumwe sezvaakapiwa chipo [khaʹri·sma] chenyasha, shumiranai nacho savatariri vakanaka venyasha zhinji dzaMwari. Kana munhu achitaura, ngaataure saanenge ari mashoko aMwari; kana munhu achishumira, ngazviitwe senesimba raanopiwa naMwari; kuti Mwari akudzwe pazvose naJesu Kristu.”—1 Petro 4:10, 11.
[Mashoko Omuzasi]
a Hwerengedzo yavanhu 913 vakafa, kubatanidza Jim Jones pachake.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 23]
Corbis-Bettmann
UPI/Corbis-Bettmann