RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 6/1 pp. 14-19
  • Kuonga “Zvipo Zviri Varume”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuonga “Zvipo Zviri Varume”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Tiri Vashandi Pamwe Chete Nemi’
  • Kubatsira Vose Kuti Vashumire Vachifara
  • ‘Teerera uye Zviise Pasi’
  • ‘Muvakudze Zvikuru Kwazvo’
  • “Zvipo Zviri Varume” Kuti Zvitarisire Makwai aJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Remekedzai “Vaya Vari Kushanda Nesimba Pakati Penyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Teererai Avo Vanotungamirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • “Mukudze Vakadai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 6/1 pp. 14-19

Kuonga “Zvipo Zviri Varume”

“Muzive avo vanobata pakati penyu . . . muvakudze zvikuru norudo, nokuda kwebasa ravo.”—1 VATESARONIKA 5:12, 13.

1. Maererano naMabasa 20:35, kupa kune simba rei? Enzanisira.

“KUPA kune mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Ungayeuka here nguva yawakapedzisira kuona kuti mashoko iwayo aJesu ndeechokwadi? Zvimwe chakanga chiri chipo chawakapa mumwe munhu waunonyatsoda. Wakanga wanyatsochisarudza, nokuti waida kuti chive chimwe chinhu chaizokosheswa newaunoda. Kutaridzika kwomufaro pachiso chewaunoda—zvakafadza mwoyo wako sei! Kana kune vavariro yakafanira, kupa kuratidzwa kworudo, uye kuratidza rudo kune simba rokutiunzira mufaro.

2, 3. (a) Nei zvinganzi hapana anofara kupfuura Jehovha, uye gadziriro ye“zvipo zviri varume” ingagona sei kufadza mwoyo wake? (b) Chii chataisazoda kuita nechipo chinobva kuna Mwari?

2 Saka, ndiani anofara kupfuura Jehovha, Mupi we“zvipo zvose zvakanaka”? (Jakobho 1:17; 1 Timotio 1:11) Chipo chose chaanopa chinokonzerwa norudo. (1 Johane 4:8) Izvozvo ndizvo zvakaita chipo chakapiwa ungano naMwari achishandisa Kristu—“zvipo zviri varume.” (VaEfeso 4:8) Gadziriro yekuva nevakuru kuti vatarisire boka kuratidzwa kworudo rukuru rwaMwari nokuda kwavanhu vake. Varume ava vanosarudzwa nokungwarira—vanofanira kusvitsa zvinodiwa muMagwaro. (1 Timotio 3:1-7; Tito 1:5-9) Vanoziva kuti vanofanira ku“bat[a] boka nounyoro,” nokuti ndipo panozowana makwai chikonzero chokuonga vafudzi vane rudo vakadaro. (Mabasa 20:29, NW; Pisarema 100:3) Jehovha paanoona kuti makwai ake ane mwoyo yakazadzwa nokuonga kwakadaro, chokwadi mwoyo wake pachake unofanira kufara!—Zvirevo 27:11.

3 Chokwadi hatingadi kurerutsa kukosha kwechipo chinobva kuna Mwari; uyewo hatidi kuva vasingaongi zvipo zvake. Mibvunzo miviri inobva yamuka: Vakuru vanofanira kuona sei basa ravo muungano? Uye boka rose ringaratidza sei kuti rinoonga “zvipo zviri varume”?

‘Tiri Vashandi Pamwe Chete Nemi’

4, 5. (a) Pauro anofananidza ungano nechii, uye chikonzero nei uyu uri mufananidzo wakakodzera? (b) Mufananidzo waPauro unoratidza chii kana totaura nezvenzira yatinofanira kuonana nokubatana nayo?

4 Jehovha akapa “zvipo zviri varume” simba rakati muungano. Chokwadi, vakuru havadi kushandisa simba ravo zvisina kufanira, asi vanoziva kuti zviri nyore chaizvo kuti vadaro sevanhu vasina kukwana. Saka, vanofanira kuzviona sei pakati peboka rose? Funga mufananidzo wakashandiswa naPauro. Apedza kukurukura chikonzero nei “zvipo zviri varume zvichipiwa, Pauro akanyora kuti: “[Ngatikurei, NW] maari pazvose, iye Kristu, Musoro; muviri wose wakasonganiswa zvakanaka maari nokubatanidzwa nenhengo dzose dzinosimbisa, mutezo mumwe nomumwe uchibata nechiyero chawo, kuti muviri ukuriswe pakuvakwa kwawo murudo.” (VaEfeso 4:15, 16) Saka Pauro anofananidza ungano, kubatanidza vakuru nemimwe mitezo, nemuviri womunhu. Nei uyu uri mufananidzo wakakodzera?

5 Muviri womunhu wakaumbwa nemitezo yakawanda yakasiyana-siyana asi unongova nomusoro mumwe chete. Zvisinei, hapana chiri mumuviri—nyange tsandanyama, mudzira, tsinga—chisingabatsiri. Mutezo woga woga unokosha uye unobatsira nechimwe chinhu chinoita kuti muviri wose uve noutano uye wakanaka. Zvakangofanana, ungano inoumbwa nemitezo yakawanda yakasiyana-siyana, asi mutezo woga woga—ungava muduku kana kuti wakura, wakasimba kana kuti unorwara—ungabatsira nechimwe chinhu chinoita kuti ungano yose ive noutano hwomudzimu uye inake. (1 VaKorinte 12:14-26) Hapana anofanira kunzwa kuti haakoshi. Kune rimwe divi, hapana anofanira kunzwa achipfuura vamwe, nokuti isu tose—vafudzi nemakwai zvakafanana—tiri vomuviri, uye panongova nomusoro mumwe, Kristu. Saka Pauro anoratidza mufananidzo wakanaka worudo, kuva nehanya, uye ruremekedzo zvatinofanira kuitirana. Kuziva izvi kunobatsira vakuru kuva nemaonero okuzvininipisa, ari pakati nepakati ebasa ravo muungano.

6. Nyange zvazvo aiva nesimba rokuva muapostora, Pauro akaratidza sei kuzvininipisa?

6 “Zvipo zviri varume” izvi hazvitsvaki kudzora upenyu kana kutenda kwevavanonamata navo. Pauro, nyange zvazvo aiva nesimba rokuva muapostora, akaudza vaKorinte nokuzvininipisa kuti: “Kwete kuti tiri vanatenzi vokutenda kwenyu, asi tiri vashandi pamwe nemi kuti mufare, nokuti makamira nokutenda kwenyu.”—2 VaKorinte 1:24, NW. (2 VaKorinte 1:24) Pauro akanga asingadi kudzora kutenda nemararamire ehama dzake. Chaizvoizvo, haana kuona chikonzero chokuita kudaro, nokuti akaratidza chivimbo chokuti vakanga vachitova varume nevakadzi vakatendeka vakanga vari musangano raJehovha nokuti vaida kuita zvakanga zvakanaka. Saka, achizvitaura iye newaaifamba naye Timotio, Pauro chaizvoizvo, akanga achiti: ‘Ibasa redu kuti tishande nemi kuti tinamate Mwari tichifara.’ (2 VaKorinte 1:1) Kuzvininipisa kwakadini!

7. Vakuru vanozvininipisa vanoziva chii nezvebasa ravo muungano, uye chivimbo chipi chavanacho muvavanoshanda navo?

7 “Zvipo zviri varume” nhasi zvine basa rakafanana. ‘Vashandi pamwe nesu kuti tifare.’ Vakuru vanozvininipisa vanoziva kuti havazirivo vanofanira kusarudza kuti vamwe vanokwanisa kuita zvakawanda sei mukushumira Mwari. Vanoziva kuti nepo vangakurudzira vamwe kukudza kana kuti kuvandudza ushumiri hwavo, kushumira Mwari kunofanira kubva pamwoyo. (Enzanisa na2 VaKorinte 9:7.) Vane chivimbo chokuti kana vavanoshanda navo vachifara, vachaita zvose zvavanogona. Saka vanoshuva zvinobva pamwoyo kuti vabatsire hama dzavo kuti dzi“shumir[e] Jehovha nomufaro.”—Pisarema 100:2.

Kubatsira Vose Kuti Vashumire Vachifara

8. Ndedzipi dzimwe nzira idzo vakuru vangabatsira nadzo hama dzavo kuti dzishumire Jehovha dzichifara?

8 Vakuru, mungabatsira sei hama dzenyu kuti dzishumire dzichifara? Mungakurudzira nomuenzaniso. (1 Petro 5:3) Kushingaira kwenyu nomufaro muushumiri ngazvioneke, uye vamwe vangakurudzirwa kuti vatevedzere muenzaniso wenyu. Rumbidzai vamwe pane zvavanoedza kuita nomwoyo wose. (VaEfeso 4:29) Kurumbidza kwoushamwari uye kwechokwadi kunobatsira vamwe kuti vanzwe kuti vanobatsira uye vanodiwa. Kunokurudzira makwai kuti ade kuita zvaanogona kuti ashumire Mwari. Dzivisai kuenzanisa kusingafadzi. (VaGaratia 6:4) Kuenzanisa kwakadaro kunotoodza mwoyo panzvimbo pokuita kuti vamwe vavandudze. Uyezve, makwai aJehovha vanhu—vane mamiriro ezvinhu nemano zvakasiyana. Kufanana naPauro, ratidzai kuti munovimba nehama dzenyu. Rudo “runotenda zvose,” saka tinoita zvakanaka kutenda kuti hama dzedu dzinoda Mwari uye dzinoda kumufadza. (1 VaKorinte 13:7) Pamuno‘kudza vamwe,’ munobudisa zvakanakisisa mavari. (VaRoma 12:10) Ivai nechokwadi chokuti makwai paanokurudzirwa nokuzorodzwa, akawanda achaita zvose zvaanogona pakushumira Mwari, uye achafara mubasa iroro.—Mateo 11:28-30.

9. Mukuru woga woga anofanira kuona sei vamwe vakuru zvinova zvichamubatsira kushanda nomufaro?

9 Kuzviona so‘mushandi pamwe nevamwe’ uchizvininipisa kuchakubatsira kuti ushumire une mufaro uye kuti uonge zvipo zvine vamwe vako vakuru zvakasiyana nezvako. Mukuru oga oga ane zvipo zvake oga nemano zvaanogona kushandisa kuti ungano ibatsirwe. (1 Petro 4:10) Mumwe angava ane chipo chokudzidzisa. Mumwe angava munhu anoronga zvinobudirira. Nepo mumwe angava ari nyore kutaura naye kupfuura vamwe nemhaka youshamwari hwake netsiye nyoro. Chokwadi ndechokuti, hapana mukuru ane zvipo zvose zvakafanana. Kuva nechipo chakati—ngatitii, chipo chokudzidzisa—kunoita kuti mukuru apfuure mumwe here? Kana! (1 VaKorinte 4:7) Asiwo, hapana chikonzero chokuva neshanje nechipo chine mumwe kana kunzwa kuti haukwanisi apo mano omumwe mukuru anomuita kuti arumbidzwe nevamwe. Yeuka, iwe pachako une zvipo izvo Jehovha anoona mauri. Uye anogona kukubatsira kuti uvandudze zvipo izvozvo ndokuzvishandisa kuti hama dzako dzibatsirwe.—VaFiripi 4:13.

‘Teerera uye Zviise Pasi’

10. Nei zvakangokodzera kuti tionge “zvipo zviri varume”?

10 Patinogamuchira chipo, zvakangofanira kuti tionge. “Ivai nokuonga,” inodaro VaKorose 3:15. Naizvozvo, zvakadini ne“zvipo zviri varume,” chipo chinokosha chatakapiwa naJehovha? Chokwadi, tinonyanya kutenda Jehovha, Mupi Wezvipo asinganyimi. Asi zvakadini ne“zvipo zviri varume” zvacho? Tingaratidza sei kuti tinozvionga?

11. (a) Tingaratidza sei kuonga kwedu “zvipo zviri varume”? (b) Kutaura kwokuti “teererai” uye “zviise[i] pasi” kunoreva chii?

11 Tinogona kuratidza kuonga kwedu “zvipo zviri varume” nokukurumidza kuteerera zano nezvisarudzo zvavo zvakavakirwa muBhaibheri. Bhaibheri rinotipa zano iri: “Teererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanorinda mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingaiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu.” (VaHebheru 13:17) Cherekedza kuti hatifaniri ku“teerera” chete asiwo ku“zviis[a] pasi” pevari kutungamirira. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “zviis[e] pasi” chaizvoizvo rinoreva kuti “bvumai.” Achitsinhira pakutaura kwokuti “teererai” na“muzviise pasi,” nyanzvi yeBhaibheri R. C. H. Lenski anoti: “Munhu anoteerera paanobvumirana nezvaanoudzwa kuita, paanonyengetedzwa nezvekururama uye nokubatsira kwacho; munhu anobvuma . . . kana anga ane pfungwa yakasiyana.” Patinonzwisisa ndokubvumirana nenhungamiro yevari kutungamirira, kuteerera kungaitika nyore nyore. Asi zvakadini kana tisinganzwisisi chikonzero chechimwe chisarudzo?

12. Nei tichifanira kuzviisa pasi, kana kubvuma, nyange patinenge tisinganyatsonzwisisi chikonzero chechimwe chisarudzo?

12 Apa ndipo patingafanira kuzviisa pasi, kana kuti kubvuma. Nemhaka yei? Chimwe chikonzero ndechekuti tinofanira kuvimba kuti ava varume vakakwanisa mumudzimu vanotifarira zvikuru. Pashure pezvose, vanonyatsoziva kuti vanofanira kuzvidavirira kuna Jehovha pamusoro pemakwai avakanzi vatarisire. (Jakobho 3:1) Uyezve, tinoita zvakanaka kuyeuka kuti tingasaziva chokwadi chose chakavanzika chakavaita kuti vaite chisarudzo vachiziva zvinobatanidzwa.—Zvirevo 18:13.

13. Chii chingatibatsira kuzviisa pasi kana totaura nezvezvisarudzo zvevakuru zvedare?

13 Zvakadini nokuzviisa pasi kana totaura nezvezvisarudzo zvedare? Ehe, izvi zvingasava nyore, kunyanya kana chisarudzo chikaitwa chokudzinga mumwe munhu watinoda—hama kana shamwari yepedyo. Pano zvakare, zvakanakisisa kuti tizviise pasi pokutonga kwe“zvipo zviri varume.” Vari munzvimbo yokusava nokwavakarerekera kupfuura zvatingava takaita isu, uye vangaziva zvakawanda. Hama idzi kazhinji dzinorwadziwa nezvisarudzo izvi; mutoro mukuru kuti va‘tongere Jehovha.’ (2 Makoronike 19:6) Vanoedza kwazvo kuti vave nengoni, nokuti vanoziva kuti Mwari ano“farira kukanganwira.” (Pisarema 86:5) Asi vanofanirawo kuchengeta ungano yakachena, uye Bhaibheri rinorayira kuti vadzinge vatadzi vasingapfidzi. (1 VaKorinte 5:11-13) Muzviitiko zvakawanda mutadzi wacho pachake anobvuma chisarudzo chacho. Chirango chacho chingava icho chaicho chaangada kuti apengenuke. Kana isu, vanomuda, tichizviisa pasi kana totaura nezvechisarudzo chacho, nokuita kudaro tingava tichimuita kuti abatsirwe nechirango chacho.—VaHebheru 12:11.

‘Muvakudze Zvikuru Kwazvo’

14, 15. (a) Maererano na1 VaTesaronika 5:12, 13, nei vakuru vachifanira kukudzwa nesu? (b) Neiko zvinganzi vakuru vari ‘kushanda nesimba pakati pedu’?

14 Tingaratidzawo kuonga kwedu “zvipo zviri varume” nokuvakudza. Achinyorera ungano yaiva kuTesaronika, Pauro akakurudzira mitezo yayo kuti: “Muremekedze avo vari kushanda nesimba pakati penyu vachikutungamirirai munaShe uye vachikurayirai; uye . . . muvakudze zvikuru kwazvo murudo nemhaka yebasa ravo.” (1 VaTesaronika 5:12, 13, NW) “Kushanda nesimba”—izvozvo hazvirondedzeri vakuru vakazvipira vanozvipa nenzira isina udyire nokuda kwedu here? Funga, kwechinguva, nezvemutoro unorema unotakurwa nehama idzi dzinodiwa.

15 Muzviitiko zvakawanda varume vane mhuri vanofanira kushanda kunyika kuitira kuti vagovere mhuri dzavo. (1 Timotio 5:8) Kana mukuru wacho ane vana, vaduku ava vanoda nguva nokutarisirwa nababa vavo. Angafanira kuvabatsira basa ravo rokuchikoro, pamwe nokuronga imwe nguva yokuti vapedze simba ravo rouduku vachiita nhandaro yakanaka. (Muparidzi 3:1, 4) Zvinonyanyokosha, anotarisira zvinodiwa zvomudzimu zvemhuri yake, achiitisa fundo yemhuri nguva dzose, achishanda navo mubasa romumunda, nokuenda navo kumisangano yechiKristu. (Dheuteronomio 6:4-7; VaEfeso 6:4) Ngatisakanganwe kuti kuwedzera kune mabasa aya ayo vakawanda vedu tinoitawo, vakuru vane mamwe mabasa: kugadzirira hurukuro dzemisangano, kuita kushanya kwokufudza, kutarisira kubudirira kweungano mumudzimu uye, pazvinenge zvichidiwa, kubata nhau dzokutonga. Vamwe vanoita rimwe basa rokuwedzera rine chokuita nemagungano edunhu, kokorodzano dzeruwa, kuvakwa kweHoro dzoUmambo, uye Matare Okubata Nechipatara. Chokwadi, hama idzi dziri “kushanda nesimba”!

16. Tsanangura nzira dzatinogona kukudza nadzo vakuru.

16 Tingavakudza sei? Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei!” (Zvirevo 15:23; 25:11) Saka mashoko okuonga kwechokwadi nokukurudzira anogona kuvaratidza kuti hatirerutsi kushanda kwavo nesimba. Uyezve, tinofanira kuva vanonzwisisa pane zvatinovatarisira kuti vaite. Tinofanirawo kunzwa takasununguka kutaura navo kuti vatibatsire. Pangava nenguva apo ‘mwoyo wedu unorwadziwa kwazvo’ uye tichida kukurudzirwa neMagwaro, kutungamirirwa, kana zano kubva kune avo va“noziva kudzidzisa” Shoko raMwari. (Pisarema 55:4; 1 Timotio 3:2) Panguva iyoyowo, tinofanira kuyeuka kuti pane nguva yakati bedzi yatingapiwa nomukuru, nokuti haangaregeredzi zvinodiwa nemhuri yake kana zvevamwe vari muungano. Kana tine “ngoni” nehama idzi dzinoshanda nesimba, hatifaniri kuratidza kusanzwisisa nokutarisira zvakawanda kwavari. (1 Petro 3:8) Asi, ngationgei chero nguva nokubatsira zvavanogona kutipa.—VaFiripi 4:5.

17, 18. Zvinhu zvipi zvinoregwa nevadzimai vakawanda vane varume vari vakuru, uye tingaratidza sei kuti hatirerutsi idzi hanzvadzi dzakatendeka?

17 Zvakadini nevadzimai vevakuru? Havafaniriwo kukudzwa nesu here? Pashure pezvose, vari kugovana nguva yevarume vavo neungano. Izvi kazhinji zvinoda kuti varege zvimwe zvinhu. Apo nepapo, vakuru vanofanira kupedza nguva dzemanheru vachitarisira nhau dzeungano pavangadai zvimwe vachipedza nguva yakawanda nemhuri dzavo. Muungano dzakawanda vadzimai vakatendeka vechiKristu vari kurega zvimwe zvinhu nokuzvidira kuitira kuti varume vavo vagone kutarisira makwai aJehovha.—Enzanisa na2 VaKorinte 12:15.

18 Tingaratidza sei kuti hatirerutsi idzi hanzvadzi dzakatendeka dzechiKristu? Chokwadi nokusaratidza kusanzwisisa nokutarisira zvakawanda kuvarume vavo. Asi ngatisakanganwewo simba remashoko mashomanene okuonga. Zvirevo 16:24 inoti: “Mashoko, anofadza, akaita somusvi wouchi, zvinotapira kumweya zvichiporesa mapfupa.” Funga nezvechimwe chakaitika. Pashure pomumwe musangano wechiKristu, vamwe vakaroorana vakaenda kune mumwe mukuru ndokukumbira kutaura naye nezvemwanakomana wavo akanga achiyaruka. Murume wacho paaitaura nevakaroorana vacho, mudzimai wake akamirira achishivirira. Pashure paizvozvo, mai vacho vakaenda kune mudzimai womukuru wacho ndokuti: “Ndinoda kukutendai nokuda kwenguva yapedzwa nomurume wenyu achibatsira mhuri yangu.” Mashoko iwayo mashoma, anofadza okuonga chokwadi akafadza mwoyo womudzimai womukuru iyeye.

19. (a) Vakuru, seboka, vari kuita nokutendeka zvinhu zvipi zvavakarongerwa? (b) Tose zvedu tinofanira kutsunga kuitei?

19 Gadziriro yekuva nevakuru kuti vatarisire makwai chimwe che‘zvipo zvakanaka’ zvaJehovha. (Jakobho 1:17) Aiwa, varume ava havana kukwana; kufanana nesu tose, vanokanganisa. (1 Madzimambo 8:46) Asi, seboka, vakuru vari muungano pasi pose vari kuita nokutendeka zvavakarongerwa naJehovha—ndiko kuti, kururamisa, kuvaka, kubatanidza, uye kudzivirira boka. Mukuru oga oga ngaasarudze kuramba achitarisira makwai aJehovha nounyoro, nokudaro achizviratidza kuti chipo, kana kuti chikomborero, kuhama dzake. Uye tose zvedu ngatitsungei kuratidza kuonga “zvipo zviri varume” nokuva vanoteerera nokuzviisa pasi pavo uye nokuvakudza nokuda kwekushanda kwavo nesimba. Tinogona kuva vanoonga sei kuti Jehovha akapa norudo varume avo, chaizvoizvo, vanoti kumakwai ake: ‘Ibasa redu kukubatsirai kuti mushumire Mwari muchifara’!

Ungapindura Sei?

◻ Nei ungano ingaenzaniswa zvakakodzera nomuviri?

◻ Vakuru vangabatsira sei hama dzavo kushumira Jehovha dzichifara?

◻ Nei tisingafaniri chete kuteerera asiwo kuzviisa pasi pevanotungamirira?

◻ Tingaratidza kuti tinokudza vakuru munzira dzipi?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Vakuru, vanorumbidza vamwe nokuda kwezvavanoedza kuita nomwoyo wose

[Mufananidzo uri papeji 17]

Nomuenzaniso wavo wokushingaira muushumiri, vakuru vangabatsira mitezo yemhuri nevamwe kuti vashumire vachifara

[Mifananidzo iri papeji 18]

Tinoonga vakuru vedu vanoshanda nesimba!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe